Farmers Adverts
Farmers Adverts
February 16, 2025 at 12:32 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaZfq8PEVccG1wkteG0Z *TIP OF THE DAY* *Zvinhu zvinokonzera zvirwere kuhuku dzedu.* 1. Coccidiosis chitosi chekuita ropa chinokonzerwa neutsvina, bedding nyoro 2. Matosi machena Salmonella and E.coli zvinokonzerwa nekupa huku mvura inetsvina 3. Pasted vents kunamira matosi kumasure zvinokonzerwa nekutinhodza kana kupisisa nhiyo, too much temperature fluctuations 4. Ascites kuita mvura mudumbu kunokonzerwa nepoor ventilation management 5. Poor uniformity kusakura huku dzakaenzana kunokonzerwa nepoor spacing uye kuisa mafeeders and drinkers mashoma panumber yehuku 6. Kuremara makumbo kunokonzerwa nekusakwidzira zvekudyira nezvekunwira zvehuku kuti zvigare pachiyero chemusana wehuku nenguva 7. Kufa dzichidonha negotsi kunokonzerwa nekusatevedzera lighting programme if any, poor ventilation, poor spacing 8. Kuora pasi petsoka (pedo dermatitis) nemagokora (hock burn) kunokonzerwa nebedding nyoro 9. Heavy smell on bedding inokonzerwa nekugara bedding irinyoro 10. Kuora huku irimhemyu (clostridium perfringens) zvinokonzerwa nekusazorodza danga. 11. Yolk sack infection (kuora or nhiyo inonhuwa ichangobva kuhatchery) zvinokonzerwa neguvhu nyoro (unhealed navel) it's a hatchery issue that happens within the first 7 days , you need a proper postmoterm report from a qualified veterinarian to stop if. 12. Kutadza kufema huku ichirebesa mutsipa (brooder pneumonia aka aspergillosis) zvinokonzerwa nepoor ventilation and bedding management, hwema hwematosi manyoro (ammonia gas) hunokachidza 13. Kuvhara maziso nedzihwa (infectious coryza bacteria) zvinokonzerwa nekusanganisa mabroiler nemaroadrunner pamusha umwechete, roadrunners are carriers of coryza Dr Machingauta *Econutrivet Poultry Health* Care Call/Whatsapp 0777828898 0785398132
❤️ 👍 😢 3

Comments