PERSEVERE JAY KAY NOVELS📘
PERSEVERE JAY KAY NOVELS📘
February 1, 2025 at 09:23 PM
💰💰💰💰💰💰💰💰💰💰💰 *DEADLY FORTUNE💎* *_written by: PERSEVERE JAY KAY_* 0778 931 588 _EDITED BY LISSTY_ https://whatsapp.com/channel/0029Vadg8wzCcW4uiPhj2T25 *_COMMENTS GROUP_* https://chat.whatsapp.com/CJC8E8Sf2ZMLF3maH3d5hp *_____________________________* *MIND ERRORS* *CHAPTER 50* *MALIQ* She cooked us a nice meal musi iwowo which l wasn't even expecting. Sevanhu vanenge vasati vaita settled enough munenge musina everything in the house yet but somehow she made it work and in the end ndakatanga kuita imagine how it could be if that could last. Lasting without drama rese iri, Machete, drugs or anything. Just her and me and maybe some kids n shit. Unenge wakuona all that stuff wakango tarisa munhu so wega. Hameno ma weird vibes anga achiri mumba tho. I mean not in a bad way as such but taiita kunge vanhu vadzokera paye pekuita kunge muchiri kunyarara or something like conversation was necessary talk even though we weren't talking that much. After the meal l called her over to the couch and l was expecting kuti aite nharo and stuff then l convince but she didnt. She was simply like mira ndipedze kusuka maplates aya and as soon as she was done she came ndokugara paside pangu. "Ndauya." "Ungabva wagara kuedge ikoko here nhanha. Huya apa padhuze apa. We gat a few things to talk about," ndakadaro and she came close enough. "If its about ealier, no need to worry about it. Ndangoitawo freak out but l need to start learning to accept it the way it is. You are into this and obviously ndoo zvamunoita to stay on top. I get it. It was so bad of me to judge and I'm sorry for that_" "Listen," ndakazodaro as l cut her sentence midway. "I appreciate all that you just said. I do. But l need you know something. And its important that you do. Getting into all this was a mistake that l wish l never did in the first place. Musi waunobatwa nemusikanzwa wekumbozvi tryer you never really consider all the down sounds of this like now l can't even be at peace with my thoughts at night. Now l can't even just walk randomly because l be scared there might be a plot on my life somewhere so something terrible might just happen to the people l care about. Trust me l think about all that now. I'm not enjoying all this. Not even a bit. And all l want right now is not more war. All l was as an end game is a normal life, me coming home daily back to you, our kid playing in the drive way or something, you working whatever dream job you want or being my house wife whatever you wanna do l don't care as long as you are with me. Thats my endgame. Thats the plan. And I'm trying to achieve that. Thats the reason I'm trying so hard right now and l promise you, I'll one day." After all that she didn't reply or say anything. She just laid her head on my chest gently, wrapped her arms around me and then laid there like that. Ndakangomuisawo ruoko and we laid there quietly until she drifted into sleep ndikazoita wekutakura ndichiendesa kubed for the night. The bed was comfy asf. *LORRAINE.* Kalife kekusarara kumba kwedu kanga kakutanga kundi feelisa like l was living in an adventure or something. It always felt different every morning and l woud take a few seconds to adjust. I slept like a baby zvekufa zvaicho ndokumuka like kuma past 8 chaiko and surprisingly, l was already alone in bed. Ndakatoshaya kuti Maliq anga amukirepi. I put on a shirt chete ndokubva ndafamba nema socks ndichienda ku lounge looking around and yep, there was no one. After ndashaya munhu mumba mese l went back to my phone ndokufona. Achingodaira handina kumbo nonoka. [Muripi?] [Wamuka sei?] [Ndamuka mushe. Just woke up now and l don't see you muripi?] [I'll be done soon l guess. Ndaenda kumba kwenyu.] [Mhaa?] [Ndaenda kumba kwenyu. I'm meeting up with your dad. Wish me luck. Havana kademo or anything here kumba kwenyu uko. Ndouraiwa hangu ini ndisati ndaona first born.] Aitoita hake majokes but ndandakatsamwa. Hameno kamwe kakusada kumushaya kandanga ndakutanga kudeveloper so kasiri safe. [Wandi siirei tadii taenda tese?] [Come on. You know the deal was that ndoenda ndega. Don't worry we will be done soon.] [Haiwawo. Unobhowa apa. Nhai.] Ndakadaro and ndanditori serious panguva yacho iyoyo no kidding. [Ndasiya mari mudrawer riya rakabatana ne headboard. Card ndatakura pane zvandandichida kuita. Eat something okay?] Ndakazongoti okay ndokukata and l sighed. I wanted to see him in the morning but l had missed the chance. Apa mari yanezuro ndandichiri nayo munhu oti asiya imwe mari. Meno zvekuti card rake atora ndaiwudzirwei kunge ndakamboisa cent imomo. Checking messages further l realised that ndanga ndambotsvagwa nethis school mate of mine telling me zvekuti ndigouya kuzotora maAttachment forms kuxull. Ndanga ndatozvi kanganwa ini zvese. So in the end ndakazongo geza ndokubuda and panze ndikasvika mota iripo. Yet l knew kuti ndoo mota yega yatanga tauya nayo BMW yanga yasara kubase the previous day. So l wondered kuti Maliq anga aenda nei. Tried to call again semunhu awana excuse yekufona but he didn't pick up this time. Ndakazongo siyana nazvo. *MALIQ* Panga pakato nyangara chikomana chichi turner kusvika pamba pababa Lorraine ndokusangana nemota yauncle vacho yakaparker ndokubva ndaziva kuti ma1 aye azotanga manje. Apa ndanga ndauya nedza Adam kuzorisker hupenyu zveipapo. Panga pasina choice ndoo zvazviripo. I had to face him topedza nyaya dzacho. Moms vaLoe ndoo vakatanga kundiona ndichisvika pamba paya. Apa muroad ndanga ndaita kadhiri kekuti nditsvagewo kacloba ka chino, shirt neka formal shoe kaisungwawo ma shoe lace even though yakazosvika yaane guruva hayo kughetto. Ndakazongoisawo ka jacket pamusoro cause zve tuck in izvi zvaitondi feelisa weird. "Mamuka sei mhamha?" Ndakadaro ndichisvika apa mutsvipa unenge wadzika zvino apa hausi kuziva kuti ukufana kuvamhoresa uchitii, or kuti ukufana kuombera here? Or kuti ukufana kudii. "Pinda hako, vakakumirira," thats all she said ndokubva vaenderera nekufambisa dzavaifambisa ini hana ndokubva yatanga kuchirova zveipapo. Kamwe kapfungwa kanenge kave kuti une dzungu wauchiuyepi. Apa mukati unenge uchingonzwa mabass zvekuto ratidza kuti vakomana varimo zveshuwa. I never knew kuti it was gonna that scarry until l got to that door. Muroad mese ndaizvisimbisa zvivindi ndokubva zvanditiza padoor ndikasara pamhene. I knocked ndokubva mamboita kasilence ndokuzonzi pinda ndokupinda maziso akanditarisa kunge they hadn't been expecting me at all. I greeted them ndri kudoor ikoko ndichi calculator number yema steps to the door. Just in case chii chii. "Hautaure urikudoor kunge mbavha zve chikomana. Nyatso swedera pedo apa," vakadaro baba vaLoe vachito looker kunge weapon fashioned against me havo. Ndakafamba sekunge pasi paipisa ndichienda kwandanga ndanzi ndiswedere kuya futi apa face unenge uchishandisa iya yemunhu asati ambonzwa chinonzi bonde. "Ndakazviona mhani inini kuti mupfanha uyu ane hutsotso huri paface yake", Uncle vaLoe vakabva vadaro. "Vanhu vako vawauya navo vari kupi? Ndakanzwa kuti ndimi makuita zvema gangs zvandakambokuudza kuti usaite." "Haa zvese nema drugs chaiwo arikutora mufanha uyu. Musanyeperwe nekupfeka pfeka twuhembe kuda kuti vhara meso unoti takapusa here chikomana? Hee?" Lorraine's dad added wanike inini ndangotarisa pasi paya. Kondaitii. Pakafambwa munhu kani ndichiri ndakango mira kudaro. "Mufana unoti uri next door yangu ndichikutora semwana, a responsible guy who will protect ma little sisters ake iwe uchivabvisa mabhurugwa hako??" Lorraine's dad said. "Usatarise pasi. Owe gara pa sturu iyi. Hant wauya kuzo taura? Ngatitaure tone." Ndakatambidzwa kasturu kadiki diki kevana chaiko. "Pindura! Shuwa ndoenda kubasa ndichitemba kuti haa mwana sikana ari safe iwe uchibvisa vana vemurain muno hembe? Takambonzwa twunyaya twako naMelisa tikakurambira ukati vakapusa rega ndi m*mire pandodyira ndivaratidze kuti ndopisa? Zvivindi zvako unozviwanepi iwe?" "Haa kumurambirei? Uyu? Handina kukuudzai here kuti ndine ma suspicions naye mufanha uyu mazuva aye? Circle raari kutambira racho mukariziva muno shokwa imi. Vanhu vari so bad zvekuti they are influencing him zvaasiri kutombo nzwisisa. Machete do you know how dangerous that guy is? Huh? Or scatter wawaitaura naye? Do you know that guy can snap his fingers and you disappear instantly zvausinga nzwisise? Hee?" Ndakafamba ndakango tega paka sturu kangu for like 30 minutes straight until the conversation somehow instantly shifted to, "Mwana wangu arikupi?" He asked. "Asara," ndakadaro nezwi rakazvininipa semunhu asinga zivi bonde chii chii. "Kana uchiti asara urikutiiko iwe? Wakutogara nemwana wangu wakaroora? Wakabvisa kana svosve zvaro?" Vakadaro vachipopota kuita kubuda rute. "Kwete sir?" Ndakadaro ndokubva vasimuka ndokudongorera pawindow. "Ka team kako karikupi?" "Ndauya ndega sir," ndakadaro and he had to double check. "Inga unezvivindi. Saka wauya kuzoitei? Urikudei panapa? Wasiya mwana wangu hameno mumwena wawakamuisa ndanzwa kuti waane nguva usiri kurara pamba pako apa. Uripi nemwana wangu urikumboziva kuti mwana wechikoro?" "Yes sir." "Ukati hazvina basa? Zvechikoro hazvina basa bisa bhurugwa chete?" "Kwete sir_" "What do you mean Kwete sir? Hee? What do you mean kwete sir? Hee? Hazvizizvo zvawakaita?" Vakadaro vachibhubha furo ndakabatwa collar nemaoko maviri ndichi zunguzwa ndikazo nunurwa nasekuru vacho calming the niqqa down. Ndakatoona kuti pano ndawanirwa chance pano yekupfuudzwa. "Chinzwa chikomana. Iwewe mwana uyu haungonzi watora sekunge watora huku pama grosa. Mwana iyeye arikufana kuenda kuchikoro. Nekupedza chikoro. Achada mafees. Achada panoti hembe. Achada panoti chikafu. Unoiwanepi mari yese iyoyo usina kana yekuzvi chengeta iwewe? Hee?" "Ndinoita nepandino gona napo sir", Vakazobatwa kepiri mushure mekunge ndadaro. "Aihwa musandibata mhani. Paanogona ndepapi? Huh? Papi paanogona? Mwana wangu anodya mastyles ebonde here? Hee?" Haa vaidya marasha wakangonyarara uchipfirwa. And nyaya yekuda kundi sungisa yairatidza kuti yanga yakataurwa more times than l thought. Like it was a really close alternative just in case that talk hadn't worked out. "Inzwa Maliq. Zvekumu chengeta izvo itori challeng yautori nayo yatozongopinda munyaya asi wamisser point. Haungo mitise mwana wevanhu wototora izvezvi wakutogara naye sewakabvisa. Kana uri serious then tsvaga mari." "Mari yei? Mwana wangu ndingato chengeta ndega kana kubvisa nhumbu yacho kwaitaurwa namai vacho kuya ndiri kutoona sekuri nani. Ndotorara dzehumambo ndichiti ndasiya mwana kupi? Kuna Maliq? Over my dead body. Mwana wangu ngaadzoke pano hake uyu tomusungisa zvopera. Handingambo sekereri matakanana akadai aya. Kana handisi kuita izvozvo. Mwana wangu is 2 years away from having a degree in Banking. Unei Maliq kunze kwemabhora? Unei?" "Mwana wenyu ndomuda sir," Vakabatwa futi ndikapotswa neremote control ndiri pakasturu paye. "Uyu ndomu gura gura uyu nababa vangu kudai l swear uyu ndomupikira jeri uyu!" He yelled apa kuti nditi kademo kakavhomorwa payi ndakazongoona vaanako ini, vachiita kupopota zveipapo. "Nhaiiwe Maliq? Une mari yekuroora Lorraine here iwe unotaura zvekumuda?" Uncle vacho vakavhunza. "Ndinotsvaga sekuru. Handizivi hangu kuti zvinofambiswa sei asi kuri kunzi iye abvuma ndingada hangu kuroora. Kuchikoro ndoendesa sezvavataura. Hembe nechikafu ndinoita then ndobva ndabvisa mari yacho yekuroora kana baba vachinge vatendera,_" Handina kuzopedza sekuru vatove busy kuzama kubata baba vaLorraine nekademo kavo futi vachizama kundi nanavira. "Uyu ndomuita ngavi uyu ndopika kudai ooo. Musandibata tsano musandibata. Ndiri serious ini arikutoita hake majokes mumba mangu???" "Ruregerero baba. Asi handina kunge ndaziva kuti muchafunga kuti ndiri kukutambisirai nguva yenyu. Pazvese zvandataura, ndirikuto revesa. Mandivhunza kuti ndavingei. Chandavinga chaicho imvumo yekuroora mwana wenyu Lorraine. Handingadi kuti amire chikoro, or kuchaya mapoto." Kuita mukwasha kwakangoomawo so. Unotanga kutaura shona yawakapedzisira kunzwa uchi verenga TAMBAOGA MWANANGU; nekungotya demo chete. *END OF CHAPTER 50💎* @kingvilla
❤️ 😂 👍 🙏 😮 😢 401

Comments