CYNTHIA SHONA NOVELS ๐ฟ๐ผ
January 29, 2025 at 11:55 AM
https://whatsapp.com/channel/0029VadmmJj545urLscEqj2v
๐๐๐๐ฃ ๐๐ง๐ค๐ช๐ฅ
https://chat.whatsapp.com/LpOm9g3QLyGLXc3VYRnyPp
๐พ๐ค๐ข๐ข๐๐ฃ๐ฉ ๐๐ง๐ค๐ช๐ฅ
https://chat.whatsapp.com/JxhGl46Ji863w1Vq9O33a8
โจโค๏ธ๐๐ถ๐ด๐
๐ ๐๐น ๐๐ธ๐๐๐ธ๐
๐ท๐ด๐, ๐ฟ๐๐๐ธ ๐๐น ๐๐๐ท๐ด๐ โฅโจ
๐๐๐๐๐ ๐๐๐๐๐๐๐ ๐ผ๐๐ฟ ๐พ๐๐๐ผ๐๐๐ฟ
๐๐ฝ๐ผ๐๐๐โจโจ
+263 71 990 0864
๐๐ฟ๐๐๐๐ฟ ๐ฝ๐ ๐๐ผ๐๐พ๐
๐ผ๐๐ผ ~๐๐๐๐๐ผ๐๐~
๐๐ง๐๐ ๐๐ค๐ค๐ , ๐ ๐๐ฃ๐๐ก๐ฎ ๐จ๐๐๐ง๐
(๐ฟ๐ค ๐ฃ๐ค๐ฉ ๐๐ค๐ฅ๐ฎ ๐ค๐ง ๐๐๐๐ฉ)
*Chapter 7*
*ADIYESA*
Paakapedza kudaro akabva atotora macar keys ake nekutoenda. Ini ndakasara ndichizvikuvadza nekuchema.Ndakazvinyaradza ndega ndakanorara mumba maiva naKikie. Ndichimuona akarara hope dzehwumambo ndakatombodemba kuti dai ndanga ndirini hangu iye ndisina nhamo dzese idzi. Kuti nditi ndakarara ndinganyepe nekuda kwekuwandirwa nepfungwa. Hope dzakazoita zvekundiba kwaiutochena lucky racho yaive weekend Kikie aisaenda kuchikoro saka ndaisava nechekumhanyira ndaizomuka time dzandaida.
Ndakatozopatika zuva ratobuda ndakatarisa time ndakaona dziri past nine. Ndakabuda moroom medu ndichida kunonwa mvura. Ndakatidarika nemudining ndichienda ndakapati pekunwa mvura ndakanzwa kunge mandanga ndiri mapinda munhu. Uyo akasvika nekundibata kuseri kwehuro zviya zvekuita kunge akuda kundidzipa asi asina voice ndiro rakazoita kuti ndizive kuti ndiyani.
"Iwe hunuyi uyu waunondiitira. Shuwa ungadarike nemudining umu wakatadza kana kumhoresa mafriends angu" ini hapana zvandaive ndaona kana kunzwa nekuda kwekufunga. Semunhu aisada zvemashoko kwete kuti ndaisamagona asi kutya kurasa muromo. Ndakangotendeuka ndakamutarisa ndakamuti.....
"Mamukasei" ndakadaro ndakadzikamira zvisina dzungu mukuti.
"Boe enda unomhoresa vanhu uko ndoda munhu ane hunhu" semunhu anga angobuda muma gumbezi ndaive ndisina kana kumbotarisa kuti face yangu yakamira sei. Pandaive ndakuda kufamba kuenda kunomhoress vanhu vacho ndakamunzwa akuti..
"Iwe kwanira vanhu wazvinzwa ukuda kuenda kupi nembovha nemisodzi iri mumaziso iyoyi buda panze uyende unogeza uko" ndakangobuda ndakanyarara ndatovapakati pekugeza ndakanzwa panext pachinetsana vanhu ini nekuda zvinhu ndakatora bucket rangu ndakagara ndichinzwa nyaya dzemunext. Zvevaida kumhoreserwa mashamwari avo ndakambozviisa paside komusikana vebasa anomamikidzwa here kumhoresa vanhu. Ndakati ndakagara ndakanzwa mafoot steps ndakanangosimuka ndakamhanya mumba ndakanodarikira Darrel aiva akamira nechepaside pe fridge ndichienda mudining. Umo mandakasvika ndicbimhoresa vanhu vaivemo zvine respect vakatondidaira zvakanaka. Maive nevakomana vechidiki three zvema kore vanoita kunge vari kuma twenty six years koita two vaiva mazera ana Darrel. Pandakapedza kumhoresa ndakabuda mumba ndakadzokera mukitchen umo mandaida kunotanga kuita zvekusuka. Pandaimhoresa vanhu ndaitotya Risa mumba ndakaona makachena kana maplates andaive ndasiya nezuro wacho ndakaona musina kuratidza kuti shasha yanga yatsvaira zvese nekubvisa maplates kkkk. Ndakapinda ndakanonga pasink ndakaona musina maplates ndakangovhura imwe smile yekufarira kuti nhasi ndiri kumbozorora. Sure akandibetsera ndakamuka ndichinzwa nungo dzisingaite.
"Ndibikirewo tea time time ndichazokuudza wobika sadza muriwo usazvinetse hako tinawo kudhara" Akadaro achitobuda kuenda ini ndakasara ndakaisa mvura muboiler ndichitobika mazai acho akuti vanwise tea. Pandakapedza ndakaenda kudining ndichida kuvabvunza kuti vari kudyira mupi. Ndakapinda mudining umo mandaka svika ndichigara pasofa raisava nemunhu kozvinozoda here kutaura nevanhu wakamira. Pandaive ndakuda kutaura ziso rangu rakangorasikirawo kuna Darrel uyo aiva akanditarisa neziso riya rekuti ukudei. Ndakangobvisa maziso angu kwaari Ndakati.
"Muri kuda kunwira tea muno here kana kuti ndoisira kukitchen"
"Iwe Darrel ahuna kutipa maintro kaiwe. Manje tichaziva kuti ndiyani here" akadaro umwe wacho.
"Taura hako iwe Bhelele toziva sei kuti ndiyani" akadairwa neumwe wacho
"Tinopara mhosva kah takanyenga vakadzi vevanhu pano wakaswera watimamisa" akadaro ainzi Bhelele wacho vamwe vacho vakaseka. Ini ndakanhotarisa Darrel uyo ayiita kunge chidzemwete akagara achikwenyu ndebvu dzake achiseka akagara. Ini kana nechaayiseka ndaitochishayawo akazoti...
"Ndimainini vangu ava vakauya kuzombotamba chiramu nabamkuru. Kalittle sister kamai Kikie" akazonyapo maintro zvakanaka chero mazita evamwe vake ayo andisina kumbonzwa asi ini chekunzi mainini ndicho chakatopfumbira. Ndakazonovaisira tea mukitchen macho vakanwa tea ini ndichi cleaner muroom medu Kikie aiva amukawo achitotamba magame pafon yake. Pandakapedza kucleaner muroom medu ndakaenda ndakano cleaner mukitchen maiva mapedza kudyirwa.
Time dzandakapedza ndakaona team rakubuda hameno kwayiendwa. Ndakabva ndatoita futi nemudining imomo. Patime dzandaive ndapedza ndakugadzirira zvekuda kunogeza. Ndakanzwa fon yangu yapinda massage iyo yakabva kuna best vangu Lisa vachiti atori muroad kuuya. Handina kuda kumurambidza semunhu aiswera pamba ega ndakatoona kuti ndinowana vanonditadza. Akazofona achiti asvika ini naKikie taiva tatopedza kugeza tatomirira. Ndakabuda ndakanomutora ndakamuona auya na Shekaina uyo aiva shamwari yedu kubvira kudhara taitamba tiri three asi Shekaina paakapedza kunyora form six akabva ayenda kuIndia kunoita cosy yake yehwu doctor.
"hiiiii vekuIndia vakadzoka rinhi" ndakadaro ndichitovamhanyira"takafarirana kunge mapenzi tiri paroad. Zvekuti patakazonopinda mumba dzaingova noise chete. Ndakadarika navo ndichinogara navo muroom medu. Sezvo ndaidaziva kuti ava vakadzoka nguvai. Takagara muroom medu tichitaura nyaya tidya hedu KFC yandaive ndaunzirwa neve kuIndia.
Takati takagara kudaro takanzwa noise panze ndakaziva kuti kwadzokwa apa paitoita kunge pane vanhu vakati wandei nekuti paitonzwika mavoice echikadzi. Vamwe vangu ndakaona kuti vatori nemunbunzowo ndakavaudzawo kuti ndibamkuru nema friends avo vauya. Apa noise yacho yainzwika kuti iri panze. Vepanze vayiita zvepanze isu tichiita zvedu mumba imomo. Kikie ndiye akazondisimudza avhiti akunzwa nzara semunhu anga asina kudya nyama angodya tuma chips chete. Nyama aisaingona kuyidya nekuda kwekuti kaiva kakaora tuma zino twepa front. Ndakasimuka ndakanomugadzirira chekudya ndichibuda mukitchen ndakasangana naBhelele uyo airatidza kuti zvekutaura anozvida.
"Ichoo chimainini chedu. Makachena mainini" akadaro achitodarikira kuenda kukitchen hameno kuti ayinoita nezvei. Ini ndakangoseka ndichitofamba kuenda kuroom kwedu ndakati ndichifamba kufamba kudaro hameno chakangonditi simudza musoro sezvo ndaive ndakatarisa pasi. Ndakabva ndasanganidzana maziso naDarrel uyo akangoti achiona kuti ndakamutarisa akabva ati...
"Iwe huya kuno" ndakaramba ndichienda kwaanga ari akasvika achinditi.
"Patabuda wasara wakaenda kupi"
"Handina kwandamboenda ini" ndakadaro ndichitobva paanga akamira. Sezvo ndainzwa kuti ndiri kudedzwa ndakasvika ndakatanga kufeeder mwana chikafu tichitaura nyaya. Tichiudzana zvakaitika kubva patakapesana. Ini ndakavanyera nyaya yaSean ndichuudza maudziro andakambomuita. Munhu anonzi Bhelele unotoshaya kuti akasikwa sei chaizvo akangopinda kuroom mataiva akabata plate yenyama achiti...
"Yah mainini vedu ndauya nee.... Haaa amuite imimi mune sure kuti mungatadza kundiudzawo kuti makagara nemababe muno. Sure ndiri kuvhairirwa panze apo kuti ndini ndega ndisina munhu wangu. Vamwe vane vavo imi makavharira babe rangu mumo" akadaro ziso rake rakatarisa kuna Shekaina uku achutambidza plate yenyama. Vanhu vandaive navo mumba vaingoseka kana naKikie aitosekawo kunge aiziva zvaitaurwa zvacho. Vakatanga kupanana maintro vega vachiita zvemajokes avo
Ini ndaingozvikuvadza nekuseka. Ayida kubuda panze naShekaina asi akarambira mudenga akazonzi...
"Eeeeh bamkuru sezvo mati muri mega panze handei neni imi michindipa doro nenyama ini ndivhikikavhirai kuti musasekwe nevamwe venyu" akadaro Lisa akanzi naBhelele wacho.
"Deal" vakabva vatotorana vakaenda vese ini ndakasara naShekaina tichitoseka tichidya nyama. Uyu Kikie anga abuda panze akadzoka achinditi hanzi nababa vake ndichibika sadza. Ndakatoribika ndakarisiya richishinyira. Sezvo Shekaina anga akuda kuenda ndakabva ndatobuda naye ndichimuperekedza ndakaona vanhu vachinakidzwa. Taiti zvimwe Lisa patichamuudza kuti Shekaina akuenda achati akuda kuendawo. Zvino eeeeeh munhu wacho auitoratidza kuti wava mumusoro akatoramba kuenda.
Ndakatozomuperekedza ndirini naKikie. Pataiva muroad takaona mota yakasvika mirira mutsoka dzedu chaimo. Ndakatarisa mota yacho ndakarohwa nehana ndichiona iri mota ya.........
*End of Chapter 7*โจโค๏ธ
*Stay Tuned*โค๏ธโจ
โค๏ธ
๐
๐
๐
๐ฎ
๐ข
422