CYNTHIA SHONA NOVELS ๐Ÿ‡ฟ๐Ÿ‡ผ
CYNTHIA SHONA NOVELS ๐Ÿ‡ฟ๐Ÿ‡ผ
February 2, 2025 at 07:30 AM
https://whatsapp.com/channel/0029VadmmJj545urLscEqj2v ๐™ˆ๐™–๐™ž๐™ฃ ๐™œ๐™ง๐™ค๐™ช๐™ฅ https://chat.whatsapp.com/LpOm9g3QLyGLXc3VYRnyPp ๐˜พ๐™ค๐™ข๐™ข๐™š๐™ฃ๐™ฉ ๐™œ๐™ง๐™ค๐™ช๐™ฅ https://chat.whatsapp.com/JxhGl46Ji863w1Vq9O33a8 โœจโค๏ธ๐‘†๐ถ๐ด๐‘…๐‘† ๐‘‚๐น ๐‘Œ๐ธ๐‘†๐‘‡๐ธ๐‘…๐ท๐ด๐‘Œ, ๐ฟ๐‘‚๐‘‰๐ธ ๐‘‚๐น ๐‘‡๐‘‚๐ท๐ด๐‘Œ โ™ฅโœจ ๐™Ž๐™๐™Š๐™๐™” ๐™’๐™๐™„๐™๐™๐™€๐™‰ ๐˜ผ๐™‰๐˜ฟ ๐˜พ๐™๐™€๐˜ผ๐™๐™€๐˜ฟ ๐™ˆ๐˜ฝ๐˜ผ๐™‡๐™„๐™€โœจโœจ +263 71 990 0864 ๐™€๐˜ฟ๐™„๐™๐™€๐˜ฟ ๐˜ฝ๐™” ๐™Ž๐˜ผ๐™Ž๐˜พ๐™Š ๐˜ผ๐™†๐˜ผ ~๐™„๐™Ž๐™ƒ๐™ˆ๐˜ผ๐™€๐™‡~ ๐™๐™ง๐™š๐™š ๐™—๐™ค๐™ค๐™ , ๐™ ๐™ž๐™ฃ๐™™๐™ก๐™ฎ ๐™จ๐™๐™–๐™ง๐™š (๐˜ฟ๐™ค ๐™ฃ๐™ค๐™ฉ ๐™˜๐™ค๐™ฅ๐™ฎ ๐™ค๐™ง ๐™š๐™™๐™ž๐™ฉ) *Chapter 8* *ADIYESA* Pataiva muroad takaona mota yakasvika mirira mutsoka dzedu chaimo. Ndakatarisa mota yacho ndakarohwa nehana ndichiona iri mota yaDarrel. Ndakatotanga kuzvibvunza kuti anditevererei. Ndakazorohwa nehana ndafunga kuti ndine mwana wake asina juzi. Ipapo hana yakatozobika manhanga manje. Yakazodzikama pakadzikiswa window ndakaona ari Bhelele. Uyo akasvika achiti.. "Ninex hanzi dzokai kumba nemwana ahana juzi. Apa ukuenda kupi apa" akadaro akutaura naShekaina. "Wangu rega ndimhanye nemwana hona kwane kachando" "Horyt totaura pafon" akadaro achitondihaga. Ndakazosiya vakutaura ini ndakudzokera kumba. Uko kwandakasvika munhu wandaive ndakabereka arara hake. Apa ndaive ndisina kana kutakura towel kana zambia zvaro. Ndakati ndichipinda mumba ndichidarika nepaiva pana baba vacho ndakaona vachitarisa mwana wavo aiva kumusana kwangu vakatarisa neni neziso raitaura. Ndakatoziva kuti kutukwa ndiko kwandaitozoitwa manje and panga pasina chitsotsi. Ndakapinda ndichingomuradzika pabad baba vacho vakabva vasvika vachiita kupupa nehasha. Vakasvika vachiita kunge vachandidya. Vakasvika vakati..... "Unoda kundirwarisira mwana wangu here iwewe" vakadaro vachitomufugidza munhu wandanga ndafugidza kudhara. Ini ndayiita kunge ndichaseka ndiri kuma shure kwavo. Vakatendeuka vakanditarisa ini hana yangu yakabva yarova ndakutya kuti ndingarohwe semunhu anga awanikidzwa achiseka. Chandakangokwanisa kutaura kungoti... "Sorry hatina kure kwatasvika" ndaiti zvimwe munhu achataura asi ahana hake akaramba akangonditarisa asingataure kana. Akazofamba achibuda achienda ini ndakasara ndichizvambarara pabad ndichitaura naShekaina pafon. Achitondiudza kuti anga asvika kumba. Ndakatoshamisika achindiudza izvozvo nekuti kumba kwavo nekwedu kaive kachana chaiko kokuzoti uku plus transport yeko inoti netsei kuwana. Zvakandipa kuti ndimubvunze kuti afambasei akandiudza kuti aiva aperekedzwa naBhelele. Ndaida kubvunza more asi ndakazokanganiswa naDarrel akapinda mumba achindibvunza kuti..... "Maita plan dzipi pakudya" "Hapana tanga tisaty tabika" "Saka mukutoda kutobika here apa"mubvunzo wake mdakashaya kuti akuda kuti chii chaizvo. Ndakangoramba ndakanyarara ndichishaya kuti nditi kudii. " Kana Kesley amuka anouya kuzondidedza panze apa" "Horyt" ndakangodairawo hangu asi ndanga ndatova neconfusion kuti zvekubika nekudedzwa kwavo zvikusangana papi apa. Ini ndakatosara ndichitoita zvekuverenga novel hangu kusvika Kikie paakamuka. Apa time dzaive dzatoenda dzava kuma past seven, asi hazvina kundimisa kuposter mwana sekuudzwa kwandaive ndaita. Akaenda akadzoka vakadungamidzana nababa vacho. Avo vakasvika vachititi tichinje vaida kupinda nesu mutown. Ndakabva ndatoziva kwataida kuendwa nesu. Sevanhu vaiva vanzi gadzirirai takanyatsogadzirira zvekurevesa chaizvo. Ini nemwana wangu takapfeka macargo edu eblack netuma top twacho twe white takati masun hat ariko mazuvno aya zvaisava nebasa kuti kwaipisa asi isu taipfekera mucheno. Pamusoro takaisa tuma denim jacket kustoka tine maair forse ewhite. Hembe idzodzo ndaive ndakadzitenga day randakanotsvaga zvinhu zvemwana zvekuchikoro. Ndakazvitarisa paglass ndakaona ndega kuti ndaiva ndakachena. Zvekuti chero shasha paya kauya ichida kuti handei ndakaona yaramba yakatitarisa izvo zvakapa kaKikie kuti kabwibwinyike. Takabuda takaenda kutown takasiya vamwe vacho vachinwa doro ravo nekugocha. Vairatidza kuti pavaiva patengwa doro nenyama zvakawanda kwete zvishoma. Takaenda mutown uko kwatanopinzwa mupizza inn. Umo matakatengerwa tow mabox edu ma medium nema drinks edu. Zvezuva iri ndofunga kuti zvimwe shabhini yaive yakadzora mwando chete nekuti taka spoiliwa kana maice cream takatengerwa. Mapic taitorwa nefon yavo ini ndaitotyira kure asi ndaizongoerekana ndadhonzwa. Apa chiona kubuda kwayiita mapic acho. Takazodzokera kumba hedu asi takanakidzwa. Takati tichisvika pamba time dzatakaburuka ndakanzwa voice rayiita noise richiuya nekumashure kwedu richiti.... "Ichoo chininez chedu chopisa ichi... Haaa kutaura fair kah imi dakukuitai gulez vangu. Pamwedzi ichatevera kana makore achatevera. Umm asi gore kure ngatiti mwedzi kana mwaka tichange ndakutaura zvimwe mirai muone henyu" akadaro Bhelele achiratidza kuti waiva wakutonga mumusoro manje hwahwa. Akaenderera mberi nekuti.... "Mirai pamota yenyu iyi ndikutorei mapics semhuri" "Haaaa iwe muface iwe usajairire vanhu iwewe famba uyende uko. Hona babe rablaz man dyiro riri kuita nyama" "kkkkkkk haaa iwe unotamba nema babe emu ghetto iwe anenge ane nhomba nenyama. Saka anotoyiita party achitsiva kah" "Kkkkk zvese negomba" "Ummmm wakupinda personal muface iwewe, asi handina kukanganwa nyaya yangu. Ndipe fon yako ndiite zvandiri kuda kuita" "Ukuda kuyita sei nayo fon yangu" "Haaa iwe kutora mapics obvious" akadaro achitotora fon muhomwe ya Darrel. Takapinda busy kani mkomana achiita zvaanoda nesu. Nharo dzacho dzaayiita ipapo kah. Takazopinda mumba ini naKikie vamwe vakasara panze. Isu takaita inonzi food killy me chaiyo kana naLisa takamukanganwa. Takadya box rese tiri tow rimwe takanoisa mufridge. Sevanhu vaiva vaguta hatina kuzononoka kubatwa nehope. Zvezuva iroro takarara dzehwumambo chaidzo. Ndakatozomuka kuseni ndichida kucleaner rubbish dzaayiitwa panze asi ndakawana pakachena kana mumba maiva makachena. Pandakapinda mukitchen ndakaona mune mother vechikuru vayisuka. Avo vandakazoziva kuti vaive vadedzwa naDarell kuti vaite izvozvo. Ini ndakazongoita zvekuwacha hembe. Pandakapedza ndipo pandakazofunga zvefriend yangu. Iyo yandakazofonera akandiudza kuti akaendeswa kumba kwake zvekuti nani handina kuzomubvunza. Mazuva akafamba pamba tichigara zvakanaka. Darell ndaiva ndakusamijairira sezvandayiita and ndaisagara mumba maanenge ari. Ndanga ndakuita zvekuti iye akapinda mukitchen ini ndaibuda akapinda mudining ndichiona tv ndayi buda zvekare kuri kutya kuti anga taure zvimwe ndakarasa muromo. Kikie kuchikoro kwake ayienda. Rimwe zuva kuchikoro kwakanzi kukudiwa vaberiki baba vacho vakati vaive busy, inini ndiende. Ndakamboda kuramba asi ndakazofunga kuti rimwe zuva mwana akambobva kuchikoro akawuna pameso ndakamubvunza chikonzero akanditi... "Nhasi ndaswera ndichisekwa nevamwe kuchikoro. Vanga vachinditi handina mhama ndingori nadaddy chete" ini nedzungu ndakabva ndamuti "ndini mhama vako mwanangu and kubva nhasi ndini ndichaenda newe kuchikoro kwako pese pachanzi pachadiwa mubereki" ndakadaro ndichitorevesa hangu. Zuva rekuenda racho yaitova Friday. Ndakatomuka ndakagadzirira mwana zvese neni wacho samai vaida kuenda kumeeting yemwana. Ndakatopfekawo dress rangu refu rekuti chero mapush andaive ndakapfeka aisaoneka. Takaperekedzwa nababa vacho vakanotisiya pagate rechikoro. Meeting yakaitwa takadzokera kumba uko kwatakasvika tichidarikira kuenda kumba kwambuya Kikie. Vanga vava nenguva vachingochema chema kuti mouya rinhi. Takaendako takadzoka manheru tatodya kudya kwemanheru tese semhuri. BaKikie ndivo vakauya vakatitora uvaone pavanhu ungati murume musvinu anoda mhuri take. Ndakapa kutenda hangu kune vanhu vanogona kupretender. Pakuenda kumba ndakavhurirwa door reku front ndakamboda kuramba asi ndakazofunga kuti kumberi kwatiri kuenda ndogona kusvika ndakabhurwa. Ndakangopinda ndakanyarara mota yakarohwa takaenda kumba uko kwatakasvika neku........ *End of Chapter 8* *Stay Tuned*
โค๏ธ ๐Ÿ‘ ๐Ÿ™ ๐Ÿ˜‚ ๐Ÿ˜ข ๐Ÿ˜ฎ 451

Comments