CYNTHIA SHONA NOVELS ๐Ÿ‡ฟ๐Ÿ‡ผ
CYNTHIA SHONA NOVELS ๐Ÿ‡ฟ๐Ÿ‡ผ
February 4, 2025 at 08:01 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VadmmJj545urLscEqj2v ๐™ˆ๐™–๐™ž๐™ฃ ๐™œ๐™ง๐™ค๐™ช๐™ฅ https://chat.whatsapp.com/LpOm9g3QLyGLXc3VYRnyPp ๐˜พ๐™ค๐™ข๐™ข๐™š๐™ฃ๐™ฉ ๐™œ๐™ง๐™ค๐™ช๐™ฅ https://chat.whatsapp.com/JxhGl46Ji863w1Vq9O33a8 โœจโค๏ธ๐‘†๐ถ๐ด๐‘…๐‘† ๐‘‚๐น ๐‘Œ๐ธ๐‘†๐‘‡๐ธ๐‘…๐ท๐ด๐‘Œ, ๐ฟ๐‘‚๐‘‰๐ธ ๐‘‚๐น ๐‘‡๐‘‚๐ท๐ด๐‘Œ โ™ฅโœจ ๐™Ž๐™๐™Š๐™๐™” ๐™’๐™๐™„๐™๐™๐™€๐™‰ ๐˜ผ๐™‰๐˜ฟ ๐˜พ๐™๐™€๐˜ผ๐™๐™€๐˜ฟ ๐™ˆ๐˜ฝ๐˜ผ๐™‡๐™„๐™€โœจโœจ +263 71 990 0864 ๐™€๐˜ฟ๐™„๐™๐™€๐˜ฟ ๐˜ฝ๐™” ๐™Ž๐˜ผ๐™Ž๐˜พ๐™Š ๐˜ผ๐™†๐˜ผ ~๐™„๐™Ž๐™ƒ๐™ˆ๐˜ผ๐™€๐™‡~ ๐™๐™ง๐™š๐™š ๐™—๐™ค๐™ค๐™ , ๐™ ๐™ž๐™ฃ๐™™๐™ก๐™ฎ ๐™จ๐™๐™–๐™ง๐™š (๐˜ฟ๐™ค ๐™ฃ๐™ค๐™ฉ ๐™˜๐™ค๐™ฅ๐™ฎ ๐™ค๐™ง ๐™š๐™™๐™ž๐™ฉ) *Chapter 9* *ADIYESA* Ndakangopinda ndakanyarara mota yakarohwa takaenda kumba uko kwatakasvika nekutonorara sevanhu vaiva vabva kwavanga vabva vadya. Ndisaty ndarara ndakabata fon yangu ndichida kuona kuti panga pane vanga vamnonditsvaga here. Ndakatarisa ndakaona pane mamassage kuna Lisa naShekaina. Ndakatanga kuvhura naShekaina uyo akandiudza shura. Ndakaona mune massage yaiva yakanzi.. _"Koiwe kusandiudza kuti asahwira vakadzingwa papart nabamkuru vako nekuda kwekuti anga aitira bamkuru maaction" _"Haaa iwe usanditaurire koanga akuzvifambisa sei? "munhu wacho aitova online takabva tatotanga kutaura achindiudza nyaya yacho achiti audzwa naBhelele. Ndakazoenda kuchat rake Lisa but ndaiva ndatobhoikana worse pandakazoona massage yake yaiva yakanzi... " - Adiyesa vasikana kondiitirewo plan kah kuna bamkuru vako shamwari. Unoziva kuti chii nezuro ndakaedza nepandinogona napo kuti vandionewo asi ivo kana kumbondionawo zvavo. Vaitotevedzane nekamwe kasikana kasina kana basa" kkkkkkkk ndakaseka hangu speed yacic Vachon. Ndakangomuti.... "Horyt ndichaita plan" ndakamudaro kuti zvindibve. Maida ndimutii kudii iye achichiva murume wangu. Iniwo kamweya ke jealous kanga katondibatawo. Ndakabva ndatodzima data nekuda kwekunhoikana. Ndakarara hang ndakamuka kuseni ndichigadzirirawo mwana zvekuti ayende kuchikoro. Ini ndakasarawo pamba ndakuitawo mabasa epamba. Darrel akazobuda kuenda kubasa uko kwaitaura kuti ari kunoita two ariko and aisa shandira muHarare aitonoshandira kubase riri pakati peChegutu neKadoma. Iro rinonzi Jason Ziyapapa Moyo. Ndakatofara kuti ndayisara ndichiita yandinoda pamba. Ndakasara pamba ndangova ndega ndochiswera ndega. Uyu Kikie anobuda makuseni odzoka kuma past five pm and kusavapo kwake kana kuvapo kwake zvaingova zvakafanana. Takagara pamba pachinakudza sezvo vanotonga vaive vasipo. Rimwe zuva itori weekend ndaitowacha pakauya Daisy achida kuti tiende kutown. Ini nekuda kwebusy ndakatadza kuenda ndakasara pamba akaenda naKikie. Masikati ndatopedza kuwacha zvese nekugeza ndatogara pasofa ndichiona tv hangu. Ndakanzwa mota panze hana yakamborova ndichiti zvimwe shasha yadzoka, asi yakazodzikama hayo mushure mekunge fon yangu yapinda call. Iyo yaibva kuna Shekaina. Uyo akangoti ndichidavira call yake akabva ati.... "Buda panze ndopandiri" handina kumbofunga kaviri ndakatobuda, asi ndayizvibvunza kuti mota ayiwana kupi. Ndakazosiyana nazvo mushure mekunge ndafunga kuti inogona iri yekumba kwacho. Ndakabuda panze apo pandakasvika ndichirohwa nehana ndichiona Bhelele ana Shekaina. Ndakangozviti handisi kuda kutaura zvakawanda aripo asi ndichabvunza sahwira wangu. "Munei mumba menyu mamanonoka kubuda nhai gulez is sorry mainini" akadaro achibata muromo wake zvebyz. Ndakaziva kuti shasha inoziva zvese asi iri kuda kundipusisa zvese nekundidenha. Ndakati handimbopindure nekuti Bhelele aitooneka kuti itype yemunhi uya anokuwachisa plus kudenha. Saka ndakatoona kuti chiguy kusiyana naye. Ndakangomusiya akadaro ndakatanga kutaura naShekaina. Uyo aitondiudza kuti ayida kuenda neni out apa achiendeswa naBhelele asi ayitya kuenda ega. Sezvo aisaziva pane brain dzemunhu. Vakomana vakadhakwa kah vanoku spoiler vapedza vokuudza kuti bhadhara mari yangu nemakumbo. Saka ndakatoona kuti ndingaregerere besty vangu regai ndiende, asi ndisati ndaenda ndakatanga ndataura naye panhau yetime apa. Takawirirana time dzedu zvakanaka. Ndakamuti" ndoda kudzoka before five" nekuti kikie na Daisy vaidzoka nasix. Ndakapinda mumba ndakachinjawo semunhu ayienda out l was dressed to kill. Takati tamu road kuendako Bhelele akabva ati.... "Nhai gulez manga maudza blaz vangu here kuti muri kubuda paden muchienda kumafaro apa makachena chena" akadaro akanditarisa nepaka glass kaya kekumberi hameno kanonzi chii ndakanganwa zita rako. Akaenderera mberi achit.... "Ini zvekuzopinda busy ndakudedzwa kuden kwedu uko ndakunzi bamunini huyai ndafa nekurohwa kuno handidi hangu plus kutambisirwa drink rangu nenyama yangu munhu akurutsa" "iiiiiii nhaiwe Ashbel (Bhelele) chiko?" "Serious babe chete iwe ahuzive munhu watiri kutaura nezvake vaudzei gulez" ndakabva ndafunga mambama andakapihwa day riya ndakaita mudumbu. Ndakamboda kuvati mirai ndiburuke ndidzikore kumba, asi ndakazofunga kuti hazviite kuti ndisiye besty vega. Ndakazongozviti hameno ikoko chauya chauya totangira ipapo hapana kusiri kufa. Ndakangoseka imwe yeiya asi kudaira handina hangu. Mota yakarohwa tiri kumafaro apa ndaive ndatakura chijuice bottle. Ndichiitira kuti chero ndakazonyimwa doro ndaizongoba ndichiisa muchigubhu chiya ndonwa vasingazvione. Ndizvo zvakandakatoita uyu Ashbel asinga zvione. Paakazozviona yanga yavo too late doro ranga rava mubrain. Apa fon yangu yakufonewa none stop ndakabva ndayidzima hangu ndisina kuona kuti ndiyani aifona. "Time dzedu dzaita manje chandei girls" akanzwikwa nani ini nabesty mweya wenzvimbo waiva wabata. Takangotarisana takaita aziva kwake aziva kwake takatiza. Ini ndakatiza ndakaenda just age sezvo pataive pane vaimbi vakasiyana siyana, asi vaisava vedu vembiri asi vanenge vaiva vemuma streets. Ndakakwira paya ndakatanga kutamba neumwe . Song payaive yakunakidza ndipo pandanzwa ndajimwa ndakaiswa pamafudzi ndakanokandwa mumota naAshbel. Akasiya andivharira akumhanya kunotora Shekaina. Uyo anga angoti Bhelele achivhura madoor iye achitobuda achitotiza. Ndaive ndisina kumbodhakwa zvekudaro hangu asi ndaida kungomuitisa chete. Akazodzoka nekamunhu kake tongoti kababe kake ako kaakazogadzika padhuze neni iye achienda kudrivers sit kwake. Road yese takafamba tichirukwa isu tichingoseka ndakazoita mudumbu mushure mekunge andiudza kuti.... "Handifambe nemi futi makadhakwa imimi... iwe ukuda kunondipinza busy nesister yako handity" ipapo ndiShekaina aitaurwa akaenderera mberi nekuti..... "Uyu akuda kunondipinza busy naDarrel uko. Afona twenty missed call usingadaire apa wasiya mwana ega futi" haaaa ipapo ndakaita mudumbu manje potse potse kuzviitira. Akaenderera mberi nekuti... "Manje ini handisi kupinzai mukati ndiri kunokusirai pagate mopedzerana ne munhu wenyu pagate ipapo ini ndaenda" ipapo ndipo pandanzwa twuweti tuchibuda. Ndakamboda kumuti nhaiwe wadii kungosiya wandipinza hako mumba nekuti wakandisiya panze ndinogona kurariswa panze nesoja Rita. Asi ndakazokurumidza kufunga plan yekunyepedzera kukorewa nedoro iyo ndiyo yaizondipinzisa mumba. Ndiri pakati pekufunga kudaro ndakanzwa akutaura pafon ne munhu wandakaziva kuti ndiDarrel achiti... "Shamwari huya utore munhu wako ndiri pakumhanya" akadaro asi zvakataurwa ne munhu wacho ndaisazvinzwa. Ndakazonzwa iye akuti.... "Haaaa wangu zvekurovana torovana umwe musi izvezvi ndine mhosva yandinayo ukuda kuti ndinorohwa natezvara here" ipapo mota yaive yamira ichiratidza kuti tasvika pamba. Ini hana yaive yakurova zvekuti chero zvaakataura handina kuzvinzwa ndakufunga zvri mukati mataive takupinda. Ndakazonzwa akuti.... "Tora munhu wako uyu shamwari ndakuda kuendesa uyu ndinozorora ahusi kuziva zvavandiita vanhu ivava ndaneta horyt" akadaro achiseka uku door richitovhurwa. Ndaiti zvimwe ndichaitwa rough asi kana ndakatosidzwa kunge mbudzi ndichiiswa pamafudzi. Munhu achitotanga kufamba achitopinda mugate. Takangoti tichipinda mumba ndakabva ndangodonhedzwa zvekuti ndakasvika ndichinorovera nemagar*. Nditi ndakanzwa butter ndinganyepe asi ndakamama horyt. Ndakanzwa akuti..... *End of chapter 9* *Stay Tuned* *Not edited guys mamistakes mogadzirasawo mega mava vanhu vakuru*๐Ÿ˜Š๐Ÿ™ƒ
โค๏ธ ๐Ÿ‘ ๐Ÿ˜‚ ๐Ÿ™ ๐Ÿ˜ข ๐Ÿ˜ฎ 543

Comments