CYNTHIA SHONA NOVELS ๐Ÿ‡ฟ๐Ÿ‡ผ
CYNTHIA SHONA NOVELS ๐Ÿ‡ฟ๐Ÿ‡ผ
February 10, 2025 at 07:37 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VadmmJj545urLscEqj2v ๐™ˆ๐™–๐™ž๐™ฃ ๐™œ๐™ง๐™ค๐™ช๐™ฅ https://chat.whatsapp.com/LpOm9g3QLyGLXc3VYRnyPp ๐˜พ๐™ค๐™ข๐™ข๐™š๐™ฃ๐™ฉ ๐™œ๐™ง๐™ค๐™ช๐™ฅ https://chat.whatsapp.com/JxhGl46Ji863w1Vq9O33a8 โœจโค๏ธ๐‘†๐ถ๐ด๐‘…๐‘† ๐‘‚๐น ๐‘Œ๐ธ๐‘†๐‘‡๐ธ๐‘…๐ท๐ด๐‘Œ, ๐ฟ๐‘‚๐‘‰๐ธ ๐‘‚๐น ๐‘‡๐‘‚๐ท๐ด๐‘Œ โ™ฅโœจ ๐™Ž๐™๐™Š๐™๐™” ๐™’๐™๐™„๐™๐™๐™€๐™‰ ๐˜ผ๐™‰๐˜ฟ ๐˜พ๐™๐™€๐˜ผ๐™๐™€๐˜ฟ ๐™ˆ๐˜ฝ๐˜ผ๐™‡๐™„๐™€โœจโœจ +263 71 990 0864 ๐™€๐˜ฟ๐™„๐™๐™€๐˜ฟ ๐˜ฝ๐™” ๐™Ž๐˜ผ๐™Ž๐˜พ๐™Š ๐˜ผ๐™†๐˜ผ ~๐™„๐™Ž๐™ƒ๐™ˆ๐˜ผ๐™€๐™‡~ ๐™๐™ง๐™š๐™š ๐™—๐™ค๐™ค๐™ , ๐™ ๐™ž๐™ฃ๐™™๐™ก๐™ฎ ๐™จ๐™๐™–๐™ง๐™š (๐˜ฟ๐™ค ๐™ฃ๐™ค๐™ฉ ๐™˜๐™ค๐™ฅ๐™ฎ ๐™ค๐™ง ๐™š๐™™๐™ž๐™ฉ) *Chapter 11* *ADIYESA* Ndakabhoikana paakamira achida kunditaudza hameno kuti chii chaayida kutaura ipapa. Ndakabhoikana akuti.... "Simuka uyende kuroom kwako shamwari," akadaro ndakaramba ndakamutarisa zviya zvekuti saka wanga uchindibatirei iwe uchiziva kuti uchazondisiya, asi munhu wacho wandaive ndakatarisana naye akabva atobvisa maziso ake kwandiri akutoita zvefon yake hake. Ndakaramba ndakagara hangu uku ndichimutukirira nechemumoyo hangu. "Nhai vatete asi zvandataura amuna kuzvinzwa kani. Endai kuroom kwenyu ndakuda kurara ini plus hanty mangwana mune rwendo garai marongedza hembe dzenyu nekuti mangwana kuseni handidi zvekuzomhanyisana nemunhu nekuda kwekusarongenga." ndakashaya kuti nyaya yake ikubva nekupi ichienda nekupi, kuti ndimubvunze ndakatya nekuda kwe serious yaive yava paface pake,asi ndofunga iye akazviona kuti ndine mubvunzo akabva ati.... " Asi unofungidzira kuti ini ndingarare netype yakaita sewe iyi Kanganwa hako iwe ahusitombori spec yangu wanzwa. Ini ndodanana netype yema babe anogeza kwete zvenyu izvi. Munoita kunge Kikie achangodzidzira kugeza plus a.....,"handina kumusiya achipedzisa kutaura zvaayida kutaura. Ndakabva ndangosimuka ndakakweva tunzondora twangu ndichibuda mumba make ndakaenda medu. Umo mandakasvika nduchizvibvunza kuti Darrel ainyatsoedza kuda kuita sei chaizvo. " Kundibata bata kwayive aita kureva kuti akundida here kana kuti kuda kungoshandiswawo hake." ndaifunga zvese izvi ndakagara hangu paka bad kangu. "Saka akandibatirei muviri wangu nekundikisa iye achiziva kuti andigone kugeza" ndaizvibvunza mubvunzo isina anopindura. Pakadaro misodzi ayiuye asi unoseka nekupererwa mufunge. Ndakazorara hangu asi hope dzakambonetsa kubata. Kuseni ndakamuka ndakaita basa rake rese semunhu ainzi akuda kubuda nhasi. Ndakazirangarira kuti ndanga ndisina kurongedza bag randaive ndanzi ndirongedze. Ndakarongedza hembe dzacho apa ndaisaziva kuti ndiri kurongedza dzema zuva mangani. Pandakapedza ndakabva ndatknogeza zvekuti iye paakamuka ndanga ndatopedza. Ndakabva ndatonzi nditore zvinhu zvangu tiende. Ndakatora ndakapinda mumota kuma shure sazuva ese. Mota yakarohwa pasina aitaura neumwe. Music chete ndiyo yaingonzwika. Ini moyo waida kuziva kuti tiri kuendepi asi wekubvunza wacho ndiye wandaive ndisina. Ndakazongoona mota yamira pamba pavo. Takaburuka takapinda tichifamba mota takasiya panzer pegate. Ini bag ndakatosiya pamwe ndaizoita dzungu pamwe ndinenge ndichida kuendeswa kumwe ini ndaburutsa bag hanty rwendo rwacho rwunoto kona here. Ndaifungira kuti zvimwe tiri kunotora mwana asi kana ndakatozoshamisika ndichinzi ndiri kusara pamba pavo iye achidzokera kubasa. Ndakatoziva kuti kwaive kuda kundiwachisa nekuda kwenyaya dzane zuro. Akabuda akaenda hake asina kana kundiraira ipapo ndipo pandakaona kuti aisava nebasa neni sekutaura kwake. Delroy ndiye akazodzoka nebag rangu. Mazuva akafamba ndiripo pamba peva bereki bake. Apa pai bhowa sei nekuda kwekuti vanhu vese vaibuda vachienda kumabasa. Ini ndaisara pamba naDelroy uyo aingoswera akazvivvharira door ari muroom make. Apa ayisa ndibvumira kubuda ndega pamba aito maker sure kuti kwese kwandaenda iye anenge aripo. Rimwe zuva ndakamuti.... "Iwe ahuna zvimwe zvekuita here pane kuswero tevedzana neni. Nguva yauri kuda kundiperekedza iyoyi dai watotsvaga zvimwe zvekuita zvinokupa uko" ndakamudaro mushure mekunge arambidza madriver ese epamba pavo kuti vandiendese mutown. Achiti ndiye aida kundiendesa, mhinduro yake ndiyo yakandigwejenura manje. Akanditi.. "Haaa gulez hapana chamuri kuziva imi. Dai muchiziva kuti deal randiri kuita izvozvi zvinondiwanisa mari refu dai manyarara henyu" akadaro mushure mekunge aita kunge achibuda chiropa nema papu nekuseka, asi ndakashaya kuti ayiedza kutii chaizvo nekuti handina musi wandakamboona achibuda kuenda some where. Pamba ndipo paingoswera aripo. Ndakazongosiyana nazvo ndakazoenda naye kutown kwacho. Apa uyu Darrel kana kumbofona hake kubva ayende ahana kumbofona. Munhu waayingo taura naye ndiKikie chete. Ini pama friends angu ese hapana wandainge ndakaudza nezvekuti ndakaroorwa. Shekaina ndiye akamboda kuita kunge ainyumwa nekuti akazombondibvunza zveday riya achiti.. "why Ashbel ainyanya kupopota pataibva kupart achiti uchandirovesa naDarrel asi uno Dana a nabamukuru vako here" "Asi une zvawakaudzwa naAshbel here," ipapo ndaida kuziva kuti ane full information here kana kuti akufungidzirawo hake, asi mapinduriro akaita akandiudza kuti hapana zvaayiziva. "Kana iwe Ashbel ahana zvaakandiudza uyu asi matauriro ayita day riya iwe nekudzikama kwawakaita paya kwakandisiya ndine mubvunzo that's why ndabvunza," akadaro ini ipapo ndipo pandakazowana kunyatsonyepa manje. "Haaa iwe hanty ndiri mumaoko avo here gaya kuti vabereki vangu vakanzwa kuti ndanonoka kusvika pamba. Ndasvika late apa ndakadhakwa apa iwe unonyatsoziva kuti avabvume zvese izvozvo. Anopihwa mhosva ndiyani apa hanty ndivo bamukuru vangu vachinzi vari kundisiya ndichiita zvisina basa." "Haaa chete kuti vabereki vako vanozonyanya kukuita kamwana chaiko iwe," "Hanty waona manje kana kuno kwandiri ndinotoitwa kunge kamwana futi" takazotaura hedu zvakawanda asi munhu wangu anga atobvuma manyepo. Zvekuti pakapera phone call yedu ndakambotora mafemo mbichana. Vamwe venyu ndoziva mune mubvunzo nekuda kwakuhwa angu, asi kana ndimi munoda ndiitewo sei. Makanzi batai munhu ari mu marriage mumobata inini here. Kunyepa kwese uko kuda kuti sezvo ndisingazive kuti marriage yangu yakamira papi chaipo. Unogona kungomuka wanzi packer udzokere kumba kwenyu. Mashamwari angu ndanozomaudza kuti chii manje. Saka kungogara vasingazive chokwadi kuri nani havo. Ndichazovaudza kana naDarrel takuwirirana zvakanaka. Rimwe zuva itori Sartday mukomana akangoerekana asvika asina kana kumbotaura. Apa akasvika achimhanya mhanya zvekuti mabag takarongedza tichimhanya. Patime yatairongedza iye ayiita zvekugeza paakangopedza takabva tangoraira nekuenda. Hapana chaive chachinja munhu wese aingozviitirawo zvake. Ini naKikie like always takanogara kumashure. Takati tapinda mutown mota yakamira hameno kuti yakamirirei asi tairatidza kuti takamirira someone nekuda kwema calls ayiitwa. Pakati papera chinguva takazonzwa window richinokwa reku side kwaDarrel. Akavhura akataura nemumhu wacho uyo watakazoziva kuti musikana wake mushure mekunge apinda mumota agara kumothers sit randakarambidzwa kugara. Apa iko kuzokisana pamberi pangu nemwana manje kusanyara kwavo nxa. Takangomhoresana imwe iya iya, iye ayiratidza kuti munhu anofara asi ini ndakatadza kumupindura mune zvakanaka nekuda kwekuti ndaiva ndatovarairwa naye. Jealous down musikana akanaka hake iyeye, skin ingati anogeza nemukaka. Haaa ndabvuma hangu kune vanhu vakanaka kunze uku. Regai ndakazoudzwa rough yechokwadi naDarrel. Akazodriver hake tichienda kumba asi ini road yese brain dzaingopishana. Takazosvika kumba hedu uko kwandakasvika ndichi.... *End of chapter 11* *Stay tuned* *Not edited fam muno editawo mega mava vanhu vakuru*๐Ÿ˜Š๐Ÿฅฑ
โค๏ธ ๐Ÿ‘ ๐Ÿ™ ๐Ÿ˜‚ ๐Ÿ˜ข ๐Ÿ˜ฎ 703

Comments