
CYNTHIA SHONA NOVELS ๐ฟ๐ผ
February 16, 2025 at 01:22 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VadmmJj545urLscEqj2v
๐๐๐๐ฃ ๐๐ง๐ค๐ช๐ฅ
https://chat.whatsapp.com/LpOm9g3QLyGLXc3VYRnyPp
๐พ๐ค๐ข๐ข๐๐ฃ๐ฉ ๐๐ง๐ค๐ช๐ฅ
https://chat.whatsapp.com/JxhGl46Ji863w1Vq9O33a8
โจโค๏ธ๐๐ถ๐ด๐
๐ ๐๐น ๐๐ธ๐๐๐ธ๐
๐ท๐ด๐, ๐ฟ๐๐๐ธ ๐๐น ๐๐๐ท๐ด๐ โฅโจ
๐๐๐๐๐ ๐๐๐๐๐๐๐ ๐ผ๐๐ฟ ๐พ๐๐๐ผ๐๐๐ฟ
๐๐ฝ๐ผ๐๐๐โจโจ
+263 71 990 0864
๐๐ฟ๐๐๐๐ฟ ๐ฝ๐ ๐๐ผ๐๐พ๐
๐ผ๐๐ผ ~๐๐๐๐๐ผ๐๐~
๐๐ง๐๐ ๐๐ค๐ค๐ , ๐ ๐๐ฃ๐๐ก๐ฎ ๐จ๐๐๐ง๐
(๐ฟ๐ค ๐ฃ๐ค๐ฉ ๐๐ค๐ฅ๐ฎ ๐ค๐ง ๐๐๐๐ฉ)
*Chapter 13*
*ADIYESA*
Ndakaswera ndirimo muroom medu pasina Kikie achiti ndayidiwa kuti ndiuye ndidye. Ndakaramba ndakamutii ndichauya handisati ndane nzara. Iye ahana kumbomira akabva atoenda. Hakusi kuyema asi nzara ndaisatoinzwa zvechokwadi, appetite chaiyo ndanga ndisina. Hapanawo kana akambouya akandinyengerera kana ndakazobatwa nehope ndakamuka kwatosviba nzara ndiyo yaive yandikuvadza. Ndakasimuka ndichienda kunogeza ndaida kutanga ndageza ndozonotsvaga chekudya. Pandakapedza kugeza ndakubuda mubath hameno chakangonditi nditarise kudinning. Ndakaona malove birds akagarisana pamakumbo vachikisana. Ndakangobvisa maziso angu kwavari ndakatomhanya kuenda kuroom kwedu. Uko kwandakasvika ndazara nehasha hameno kuti dzaibva kupi and wekudziitira wacho ndaive ndisina. Zvigaba zvemafuta ekuzora ndizvo zvakapinda busy ndichongozvirovanisa nekuzvigwedebudza gwedebudza zvisina kana order. Kana nzara yandainzwa yakabva yapera ndakapinda muma blankets. Ndakamboita trya kurara asi hope ndaive ndakunzwa kuti handichina.
Zvisinei ndakazoenda paApp ndichida kuwana chinondivaraidza sezvo ndaibhoikana. Ndakatoona Lisa na Shekaina vari online apa vaive vagadzira group redu tiri three. Iro rataive takarongana kuti taizorigadzira nezuro. Ndakazotadziswa kuzviita nekuda kwezvanga zvaitika.
"Musikana iwewe unotijairira unoziva" imassage yaibva kuna Lisa akadaro mushure mekunge ndavamhoresa. Vakati vatanga vasikana kupopota havo.
"Sorry girls kubva nezuro pandakapedzisira kutaura nemi ipapaya. Ndakatanga kurwara ipapaya zvekuti ndakatadza kana kubata fon , ipapa pandabva kunogeza ndipo pandatonzwa zviri nani" ndakaona kuti kunyepa ndokwaitodiwa kozvanga zvichataurika here kuti ndakabviswa humhamdara obvious vaizoda kuziva kuti munhu wacho ndiyani. Vese vakatodyira panhema dzangu idzodzo vakatotanga kundisendera mawishies ekuti ndinzwewo zviri nani. Takazotaura kusvika late negirls rangu vakati mangwana vayiuya vachizondiona. Ndakatofara kuti ndaizowana vanonditandadza. Kikie kakazouya kuzorara kakatanga kunditaudza zvisina basa ndaingoterera sezvo ndaida kuvaraidzi, asi hatina kure kwatakasvika kaive katobatwa nehope.
Ndakazoenda kukitchen ndichida kunotsvaga chekudya. Ndakawana kune rice ndiro rairatidza kuti radyiwa husiku. Ndakazvipakurira hangu ndakaenda midinning ndimo mandaida kudyira ndichiona movie rangu. Ndakazvigarira ndakatanga kuzvidyira ndichiona Korean rangu iro rakatozondivaraidza husiku hwese. Ndakatozorara kwachena and handina kuenda kuroom kwedu asi ndakatorara pasofa ipapo. Zvekuti time dzakamuka vanhu ndipo pandakatozimukawo ndakatanga kubetserana basa nemusikana waDarrel uyo wandakazoziva zita kuti anonzi Tasha. Uyu Darrel akaswera asipo achinzi aenda kubasa. Takaswera pamba naTasha iye ayiratidza kuti arikuda zvekutaura neni, asi ini ndaisatoda nekuti ndaive ndakamumaka. Ndaisazviratidza hanfu ndaingonyepedzerawo kusekerera. Zvekuti time dzakasvika girls taito taura nyaya sevanhu vanozivana kana kuwirirana. Akamhoresana negirls ndakaita maintro asi ziso randakapihwa negirls handina kuziva kuti raiva rei chaizvo. Ndakangova ignore ndakaenderera mberi nema intro zvisinei Tasha akasimuka akaenda kuroom kwavo ndofunga aida kutipa space. Akabva apa vasikana mukana avo vakabva vatoti..
"Nhaiwe taneta hande kuroom kwenyu tinoda kumbozvbarara" ndakabva ndaziva kuti kune nyaya uku. Takangosimuka tichienda kuroom kwacho kwavaida uko kwandakasvika ndichirohwa nemunbunzo wakandishamisa. Takati tichigara pasi akabva angochivhura hake chidembo chandaiti ndakaviga pese apa.
"Koiwe tiudze zvee kuti ukuchigona sei chipare" ndakarivhura ziso kunge mubobo warohwa nerekeni.
"Chipare chipi nhai asikana" ndakadaro ndichinyepedzera kudzungaira hangu.
"Haaaa iwe tiri kuziva chokwadi chese kuti Darrel ahasi bamkuru vako asi murume wako. Tiri kuziva zvese usade kuti titaure zvakawanda iwewe" akadaro Shekaina achioneka kuti akazarirwa nehasha.
"Ndaimbokuti wakangwara asi ndakazoona kuti wakadzungaira iwewe" ndiLisah akadaro. Ndakanzwa kubatikana nemashoko ake ndakangodonhedza musidzo. Ndaiti zvimwe shamwari dzangu dzichandinzwisisawo asi kana ndivo vakatotanga kutondituka.
"Aiwa Lisa kana wakudaro wakukanganisa remember uyu ishamwari yedu kana takumudaro isusu kokuzoti vamwe nhaiwe. Usadaro hkol hazvina kurombonaka"
"Shekaina sorry hako asi chokwadi ndicho chandataura"
"Chimira ndikuudze uyu ahana kupusa. Ahana waakada kuudza situation yake nekuda kwevanhu vakaita semi vanongotanga nekujaja musina kunzwa story yake. Iwe kutuka kwauri kumuita uku l think uri kurwadziwa chete kuti the cool dude rawaigara uchirwarira is actually your best friend husband. Manje ahusaty warwadziwa uchazonyanyo rwadziwa waona Adiyesa ane nhumbu nxa kana kuti akudanana na Darrel. Ipapo lm sure uchazonotenga pain izz wonwa" yah unopererwa sure munhu wataiti akantararisa patiri tiri three nhasi ndiye ari kutaura bwada dzakadai. Dai pasina kuti ndaisave mumood yekuseka dai ndakamwachuka hangu nekuseka.
"iiiiii nhai askana Shekaina ndokwatoenda nyaya yacho here" akadaro Lisa.
"Sorry hako Lisa asi chokwadi ndicho chandataura"
"Ummmm zvakaoma horyt" akadaro Lisa.
"Hapana chakambooma apa askana. Zvichapfava hazvo kana zvakuda.. Adiyesa tiudze hako full story tinzwe usatedzere iyi mbiti iyi" akadaro Shekaina ini nekutya kutukwa sezvanga zvaitwa vamwe ndakataura nyaya yese kusvika patiri nhasi. Handina kana chandakasiya. Vakati vatanga havo vasikana kutuka ndotenda mwari uyu Tasha airidza speaker yemuroom mavo saka ahana zvaakanzwa. Ndakatozoita vekubata kuti vasaende kunodzinga Tasha. Vaive vakutoda zvekurwa asi ndakavavharira door.
"Amana makadaro munondirovesa na Darrell veduwe ndokumbirawo musiye zvamuri kuda kuita izvozvo" luck Shekaina akurumidza kunzwisisa hake ndiye akazosiyana nazvo. Kana nyaya yacho avana kuzoramba vachiitaura. Takazotanga kutaura dzimwe dzimwe nyaya hedu. Ndipo pakazitaurika chekuti Shekaina naBhelele vamurudo ndofunga mukomana akapihwa kiss akataura secret yedu. Vakazoraira havo vakaenda asi vakasiya vandidimbisa iniwo ndakatozosara ndakunzwa zviri nani.
Mazuva akafamba ini ndaive ndatojaira kuti ini na Darrell zvakaitika yaive mistake. Tasha aingovepo pamba vachitogara semukadzi nemurume. Rimwe zuva ini ndaive ndakatogara naKikie muroom medu malove birds ari mudinning achiona tv vakararirana pamakumbo. Ini ndaitozvionerawo True Beauty Korean rangu apa ndaitonzwa kuti ndaisada kana munhu anondivhiringa. Ndakanzwa kunge ndaidedzwa kudinning asi ndakaramba ndakaramba ndakanyarara hangu ndichifunga kuti ndiTasha. Aive nekakufarisa kana Darrell aripo aigona kungokudedzera kuti ndipo mvura kana kuti ndigadzirirewo something chekudya. Apa ini zvaindibhowa sei that's why ndakaramba ndakanyarara hangu, asi voice riya parakadzokorora kudedza ndakanzwa riri voice ramhama vamwene vangu. Ndakasimuka ndakatsvaga something chekumonera ndakaenda kwandaidedzwa ndine mufaro, asi mufaro wese wakapera ndaona vauya navatezvara vangu. Ndakashaya kuti vaiva vasvika nguvai asi tension yaiva mumba yakandiudza kuti pane zvanga zvataurika chete kana kuti vanhu vambopopotedzana. Ndakapinda ndakamhoresa vana mhama avo vasina kundidaira semadairiro avanosimboita everyday. Ndakangosiyana nazvo ndakagara hangu ndamirira kuti vanhu vataure asi ndakatoona kuti hapana kana aitomboda kutaura. Vanhu vaingova vakavhurirana maziso kunge vachadyanana.
"Mavasiya varicei vamwe kumba uku" ndakadaro ndichida kudzimura runyararo.
"Vanofara chose" vakapindura vatezvara vangu and mapinduriro avo akandiudza kuti hapana kumira mushe. Ndakada kusimuka kuti ndinovaitira something chekuti vadye. Pandakasimuka ndakabva ndanzi......
*End Of Chapter 13*
*Stay tuned*
โค๏ธ
๐
๐
๐ข
๐
๐ฎ
467