
Avon by Fungai STORIES BY SABZ SHAMISO MAI 4 🇿🇼
January 20, 2025 at 07:42 PM
🔥🌸 *MATTERS OF MY LIFE🦸♀*
🔥🔥🔥🔥🔥🔥🔥🔥🔥🔥🔥🔥🔥🔥🔥🔥🔥🔥
*A Collaboration written by*
*Sabz aka Shamiso* 💋
📲0772110988
And
*Enn Medic aka Mai Kuu*💞
📲 0773979100
🔥🔥🔥🔥🔥🔥🔥🔥🔥🔥🔥🔥🔥🔥🔥🔥🔥🔥
*Based on a true story*
*Chapter 3*
*Yemurai🦸♀*
Ndakaperekedzwa kuchikoro naYolanda naGerald. I was very excited. Takasvika Yolanda akarongedza trunk yangu nekuwarira bed yangu. Muroom medu tairara tiri 4. Ndakawana 2 of my room mates vatouya. My friend Patie ndiye anga asati auya. Yolanda akazonditi tiende kunoona teacher vaizopota vachindibikira. Takaenda tikanovaona she was staying alone and she was single....
Yolanda"so Ms Khosa uyu ndiye Yemurai wacho."
Ms Khosa"aaa Yemurai ndinomuziva uyu. She was the second princess pamiss Hartzel competitions last year"
Yolanda "saka motionerawo mwana. Also see kuti she is well catered for. Mwana paari ipapa so help her. Sekutaura kwamakaita nadaddy kana paine chaari kuda muitirei. Uye kana paine zvapera let us know"
Ms khosa "dont worry. I will take good care of her"
Yolanda"thank you. Saka isusu takuenda. Iyi mari mosara muinayo in case pane chaangazoda"
Ms Khosa"thank you Yolanda mufambe mushe"
Takabuda ndokubva ndaperekedza Gerald naYolanda. She hugged me good bye and they left....
Ndakadzokera kuhostel. Ndakawana stil Patie asati auya. Ndakazvambarara zvangu pabed ndichitaura nemafriends angu andanga ndasiya kuharare. Ndakatanga nekublocker daddy ndandisingadi kuti vaone kuti ndakaenda nephone kuchikoro
Patie akazouya the following day on a tuesday kuchikoro. Akasvika palunch vanhu vachibva kudining hall. Kwanga kuine sadza and beans but ini ndaisazvida. Handina zvangu kuenda kwaMs Khosa because ndandichine maperishables kuhostel saka ndakanodya izvozvo nekunwa juice. I decided not to attend malessons emasikati because I wanted to catch up naPatience.
Pakarira sirene takanohwanda mubathroom. Takazobuda taona kuti kumahostel kwaane total silence vanhu vese vaenda kumaclassrooms
"So how are you. Yairi sei holiday"
Patie"low low shaa. Yairi sei yako"
"It was boring. Daddy vakaenda kuAmerica saka iii yaitobhowa"
Patie"manje nekuwirirana kwaunoita nadaddy vako how are you coping"
"Its difficult shaa but nditori nani, Yolanda was actually falling apart. Ndaitoonawo zvangu kuti ari kuzama kuzvisimbisa but ma1"
Patie"shame. Ko Simba aiuya here kumba kwenyu as he promised"
"Aiuya zvake but zvana Simba mablazer boy akatokutengera lunch inenge iri pie necascade. The other day I noticed kuti aitoda kudzokera kuglen norah kwavo netsoka anga asina mari yecombi kwakutozomupa"
Patie"dont compare yourself naSimba shaa. Background yake neyako zvakasiyana. Remember iwewe unowana zvese zvaunoda"
"Yaa ndizvoo hazvo ko iwewe naSam maiita sei paholiday"
Patie"kwedu kwakwakatooma nenyaya yekunzi verenga hee enda kulibrary hee mabook. But ndakazombobiridzira kumuona one sunday vanhu vaenda kuchurch"
"Koiwe wanga warovherei kuchurch nemunetsero wagogo vako"
"Ndakavati ndoda kuverenga. Hanti vanongonetsa nenyaya yekuda kuti ndiverenge here"
"Saka Sam ndiye akauya kumba kwenyu here"
Patie"Ehe zvedu takaswera tichifara akazobuda zvake kuenda time time. But takapotsa tabatwa"
"Kkkkkk zvenyu. Manje Simba ndiye anenge achitotya kutoita kunga ndiye musikana. Ini ndafunga kutsvaga working class"
Takanzwa mafootsteps mucorridor ndobva tanyarara kuti zii. Takazoona matron vakupfuura ndokubva vazopfuurazve kubuda. Hameno zvavaitarisa ndokubva vazobuda zvavo...
Takakurukura zvedu tichiita catch up. Patience anga akafirwa nemaparents ake achigara nagogo vake mai vababa. Gogo vacho vanga vaine farm. Ndovaimuendesa kuchikoro
Mazuva akafamba. Mostly ndaidya chikafu chaibikwa kwaMs Khosa. Tatine kalife kedu naPatie kakasina vazhinji pachikoro apa.
Tanga tave kusvika paday remiss hartzel competitions. Ini naPatie takaenda kwasenior teacher kunokumbira gate pass. Takati taida kunotsvaga bhutsu nezvimwewo. Vakamboda kuramba but eventually vakazotipa. Takabuda ndokukwira malifts kuenda kutown.
Takatenderera zvedu mutown. Kwaingovawo kuda kubuda muchikoro because ndiri seni zvese ndandatengerwa. Takanotenga pizza kupizza inn. Kwakubata mabox edu kunotsvaga malifts taida kuzodyira kuchikoro
Takazoona panga paine roadshow yebakers inn. Pandainzwa music yerhumba ichirira ndainzwa kuti makumbo angu haachagona. Akutoda zvekutamba. Ndakabatisa Patie box rangu kwakumhanya kunokwira muchimota. Ndakatamba. Handizive kuti Patie akabatisa ani mabox ndakazoona auyawo takutamba. Takatamba kuita kadash kudhasharara chaiko. Apa tanga takapfeka zvedu uniform. Takazopihwa mat-shirts nechingwa ndokubva taburuka.
Tichingoburuka ipapo mumwe mukomana akabva asvika pataive kwakutotanga kutaura nesu
Stranger "ende munotamba. Ndasvitswa kure nedance yenyu"
Patie"kuti kudaro here kkkk"
Stranger "so munodzidza paHartzel right? Ndaishuvira kuuya kuzokuonai"
"No thank you. Koiwe waisepi pizza yedu"
Patie"ndaibatisa mukomana wekubakers inn anga akamira apo. Rega ndinomutsvaga"
Akabva aenda sarei ndakamira na mr stranger vaye
Stranger "I am Evans and whats you name"
"Ndonzi Yemurai"
Evans"what a nice name. Saka uri form ani pahartzel"
"Ndiri form 4"
Evans"can i come mumwe musi kuzokuona""
Patie akadzoka akabata mapizza aya achiratidza kuti ari kumhanya
Patie"shaa ndaona deputy head paseri apo. Hande shamwari"
Evans"regai ndikuperekedzei"
Akasara zvake akutaura ega. Takabva ipapo tiri speed kudzokera kumalifts. Better takawana paine yanga yakutozara kwakukwira nekurova pasi
Takasvika tikambobvunzana kuti hatina kuonekwa here but takazosimbisana kuti zvimwe hatina. Takudya zvedu pizza yedu matron vakabva vapinda vachititsvaga
Matron "koimwi asikana mwanga muripi ndambofonerwa ndideputy kuti ndizwe kuti muri papi asi ndamushaya"
"Tatichiverenga kumagrounds uko"
Matron"kopizza mwadzionepi asikanemwi"
"Taunzirwa kubva kutown nesister yaPatie"
Matron"hmmmm apeno askana"
Takasara tichitoudzana kuti taonekwa. How come deputy vafonera matron kuti vatitsvage. Takazongosimbisana kuti tinovakumbira ruregerero
Mangwana takadaidzwa kwadeputy...
Deputy "vaskana mune shuwa here kutamba paroadshow makapfeka uniform yechikoro"
"Hatina kutamba taingoonawo chete"
Deputy "musade kunyeba munondiwedzera bp. Ndafonerwa ndichicollecta tsamba kupost office kuti huya uone vana vepachikoro pako vari kutamba. Ndasvika muri pakati"
Patie"tokumbirawo ruregerero sir"
Deputy "munotinyadzisirei kudaro askana."
"Takanganisa tokumbirawo kuregererwa"
Deputy "munotoenda kunodaidza vabereki venyu kana magurdians enyu. Ndapedza nemi. Ndoda kuona vabereki venyu mangwana"
"Tokumbirawo ruregerero hatichazozviiti futi sir." Takataura tichichema
Deputy"munoziva here kuti ndinokudzingai chikoro mukazonyora makubva kumba"
Patie"ndiregerereiwo sir. Ini ndiri nherera. Mbuya vangu vakazvinzwa vanofa nebp"
Deputy"wanga usingazive kuti uri nherera here usati waita misikanzwa nxaa. Apa mbuya vako ndinovaziva. Manje nhasi ndoda kukurovai sterek"
Takabatiswa table kwakurohwa kumagaro nemboma. Wainyatsonzwa kupinda kwemboma muskin. Takayuwira tichirohwa. Apa vakatirova 10 each
Takabuda imomo magaro asingagone kugara panhu pari hard. Ini ndakabva ndangonanga kwamadam Khosa. Ndakavati vataure namatron kuti ndiri kumba kwavo in case ndaizotsvaga
After 3days ndandakunzwa kuti zvaanani. Weekend yacho ndopapaine beauty contest then coming week racho totanga maexams.
On a friday maskati ndakanzi ndine visitor kucar park. Ndakaenda ndichifunga kuti ndi Yola. Ndakashamisika ndichiona ari Evans....
"Evans "
Evans"second princess uri sei"
"Ndiyani akuudza zita iroro"
Evans"hanti hauna kundiudza surname here. Saka pandati ndoda kuona Yemu ndabva ndanzi second princess here"
I rolled my eyes
"Saka uri sei"
Evans"ndibho. Makafamba mushe here that day. Makabva muchimhanya"
"Takafamba bho"
Evans'"i hope hamuna kurohwa"
"Haa hatina"
Ungazvitaure kumuchinda here izvozvo....
Evans"'so how is your friend"
"She is good"
Evans" heard kuti maexams are starting next week so i have come to wish you the best"
"'Thanks. Rega ndiende"
Evans "'ndakuigira pizza. Unfortunately i didnt know yaunoda saka ndazongotenga hawaian"
"Thanks shaa rega ndidzokere kuclass"
Evans"can i have your number ndakaona uine fone that day"
I gave him my number. Akavhura mumota make kwakubudisa 2 mabox epizza. Kwakunditambidza
Evans"the other one belongs to your friend. Whats her name"
"Patie"
Evans"say hi to her"
"Ok thanks bye"
Ndakafamba kuenda kuhostel. Ndakaudza sahwira wangu kuti blesser wekuroad show atiigira pizza. Takafara. We enjoyed our pizza...
Ndandakugadzirira big day rebeauty contest. This time ndandisingade kuita second
princess....
Lots of love😘😘
*End of chapter 3*
❤️
🙏
😂
👍
24