Avon by Fungai STORIES BY SABZ SHAMISO MAI 4 🇿🇼
Avon by Fungai STORIES BY SABZ SHAMISO MAI 4 🇿🇼
January 22, 2025 at 09:47 AM
🔥🌸 *MATTERS OF MY LIFE🦸‍♀* 🔥🔥🔥🔥🔥🔥🔥🔥🔥🔥🔥🔥🔥🔥🔥🔥🔥🔥 *A Collaboration written by* *Sabz aka Shamiso* 💋 📲0772110988 And *Enn Medic aka Mai Kuu*💞 📲 0773979100 🔥🔥🔥🔥🔥🔥🔥🔥🔥🔥🔥🔥🔥🔥🔥🔥🔥🔥 *Based on a true story* *Chapter 7* *Yolanda* Nhasi ndandichinoratidza tete vangu bambinini vavo. Ndandakambotaura navo pafon saka kwanga kwangosara kuti vachinoonana zviri official. Ndakageza kwakupfeka zvakanaka zvinondifita. Nekuda joy kwa Gerald handizive kuti taizodokerwa nezuva tiri kupi. Around 1pm Gerald akauya ndokubva tabuda zvedu kuenda kwatete. Kokwaimbove kure here taigara padhuze nepadhuze Gerry:hes hun Me:ndeip hun uri sei Gerry:ndiribho. You are looking stunning as usuall. Me:thanks love. You are also looking great especially nestyle yeshave yawaitwa Gerry:thanks. Are you ready tiende. Me:yaa i am we can go Ndakapinda mumota ndokuvhara door. Ndakaona munhu atora direction yekunanga nekuna bulawayo road ndikati regai ndibvunze Me:kotakuendepi hanti i told you kuti tete vanogara paline repaseri Gerry:tinodzoka just now babe Me:isu takamisa vanhu here Gerry: just allow me to do what i want to do. It wont take long Me:its fine then Takanobata bulawayo road ndobva aita seakuenda kukuwadzana. Akazonoturner pa N Richards kwakuparker. Takaburuka tikapinda musupermaket ndokubva apusher trolley. Akazadza trolley nemagroceries kwakubuda zvedu takananga kumota. Takapacker zvinhu zviya muboot kwakudzokera kumaraini. Takawana tete vakagara palawn kufront.... Tete:titambire titambire Me:muchitambirei ko tete Tete:vaenzi ka vatitsika. Mhororoi mhoroi. Ngatipinde zvedu mumba Takadungamidzana natete kupinda mumba. Takasvikoomberana kwakumboita nguva takanyaraiudzana Me:tete uyu anonzi Gerald Mavhu ndiyo shamwari yangu yandaikuudzai. Gerry ava ndotete vangu Gerry:aiwa tafara nekukuzivai tete Tete:nesuwo tafara kukuzivai bamnini. Maita zvakanaka mauya tikaonana. Zvekungobiridzira vanhu vari kunze uko hazvina kunaka Gerry:ichokwadi ndosaka tauya Tete:aiwa pano ndopamba. Kokubasa munoshanepi Gerry:ndinoshanda kuold mutual Tete:kovabereki variko here Gerry:vabereki vangu vanogara kuvictoria falls. Ndokwavanoitira business ravo Tete:ndisingazive zvangu semunhu atanga kukuonai nhasi asi nditenderei kubvunza kuti muri mukomana here or mune mhuri zvimwe mamumbori nayo asi pane zvakazoitika Me:kkkkk zvatete askana Gerry:ichokwadi zvinoda kuziikanwa. Ini muchindiona kudai tete ndichiri jaya Tete:ndinodaro nekuti pane vamwe vanosvika kutorana vasina kubudirana pachena. Asi zvamajekesa zvenyu hapana chakaipa. Gerry:ichokwadi tete Tete:saka kuuya kwenyu uku pati pane hurongwa here kana kuti kungoda kuti tigare tichizivana Gerry:tatiri kuronga kuti zvikafamba zvakanaka kupera kwedzi unouya ndibvise pashoma pandiinapo Tete:hurongwa hwakanaka chaizvo. Zvino Yola uyu anodawo kuti aende kunoonawo hama dzenyu bamnini. Anoda kuti anoonekera Gerry:ndosaka tauya kwamuri kuti mutiudzewo gwara rekufamba naro Tete:ndofunga munoziva kuti tezvara venyu vakaenda mhiri saka ndichada kuti ndivazivise uye kuti mugonoonazve vamwe kugoromonzi uko kune vamunoda kuti muone. Kozoti kwana sekuru kunoda kuti kuyendwe. Gerry: pari kunzwika tete Tete:ndisingazive kuti kuuya kwenyu uku muzukuru wangu achiri right here. Zvichida makumhanya kugadzirisa ndaa pane chashata Me:kkkk zvatete askana. All is well Tete:kana zvakadaro totenda Mwari. Saka kunoonekera kwaMavhu muri kuda kuyenda riini Me:ndandichida kuyenda kana tabva kunotora Yemu. Ndoda kuyenda naye Tete:ucharumurika here pamunin'ina wako iyeyu. Zvese unenge uchingoti naYemu Me:ndoda kuti aitewo achiona so that she learns kuti zvinofambiswa sei Tete:ichokwadi zvacho anoda kuti aonewo kuti zvinofambiswa sei odzidza Me:saka nxt week tiri kunotora Yemu anenge apedza kunyora tochienda kwaMavhu. Zvizhinji tinenge tichingocommunicator Tete vakasimuka kwakunotora madrink nemascones kwakutiisira. Ndakatozosimuka kuti ndivabatsire. Gerald akasimukawo kwakutanga kunotora grocery raive muboot achiisa mumba Tete:inga maita basa bamnini. Shuwa maita zvenyu. Mwari vadzorere pamatapudza Vairatidza kufara kani tete vangu. Takazopedza zvedu kwakuoneka. Takabva ipapo kwakuenda kumovie house. Takasvika kwakupinda kwakuona zvedu movie. Ndakatanga kubatwa naGerry zvekuti ndandakunzwa kuti ndatota Ndakatombotorwa ruoko rwangu kubatiswa pabhurugwa paGerry. Ndakavhunduka kwakuzodzikama. Gerry anga akungonetsera kuti anga akuti i cant wait. But ini chishuwo changu chachiri chekumirira day rehoney moon Pakapera movie takabuda kwakunopinda mumota. Hameno kuti anga achida kuti tiende kupi because direction yacho yaisiri yekumba Him:babe tomboenda kuflat 2mins ndozonokusiya kumba Me:kunei kuflat kwacho hona kwadoka Him:kungoti ndanonoka kuzvifunga ndaida kuwachirwa shirt yekupfeka mangwana Me:ndichauya ndichiiwacha kwakachena. Unombonopfeka imwe mangwana Him:its ok. Lets pass through Nandos titenge chikafu ndichinokusiya kumba Takaenda kunandos kwakutenga chikafu chedu. Takabuda kwakunanga kumba. Tasvika pagate akamisa mota. Ndakada kuvhura door kwakuona kuti it is locked Him: tiri kunotora mainini tuesday hanti Me:tuesday yacho ari kunyora na2 achipedza na4 saka mayb tikazongoenda wednesday morning Him:its ok saka toenda kuseni kwewednesday. Me:ok thank you ndakuenda Him:usati wapa daddy kiss here Me:come on. Hanti we kissed here kumovie Him:i want a good bye one now Me:eish Ndandatobaikana nekunyara. Ndakaisa maoko angu kuface. Ndakazonzwa ndakubviswa and he startef kissing me. After a while i pulled off Me:chivhura door ndibude tinoonekwa nanaLangton takadai Him:ngaatojaira ndaa mamanje ndinenge ndichikukisser vese vakatarisa pamberi pamufundisi. Apa Langton wacho ndiye anenge auya akakubata kunditambidza kuti ita zvako zvaunoda nehanzvadzi yangu mukwasha Me:kkkkkk iweweka Him:miraka uone zvandoda kukuita Me:kkkk haiwawo chivhura door ndibude Akazovhura door ndokubva ndabuda zvangu. Ndichingopinda mumba fon yangu yakabva yarira. It was tete 📞📞📞📞 Me:Hello Tete:maswera sei mainini. Me:taswera zvedu kana maswerawo. Tete:mafamba mushe here Me:ehe tafamba mushe tete Tete:zvakanaka. Aiwa bamnini ndavaona makanyurura mainini Me:kkkk zvatete askana Tete:chokwadi muvachengetedze. Type iya inowanikwa neatanga. Aiwa ndafara zvangu mandiunzira munhu musvinu. Ngatichinamatirai kuti zvese zvifambe zvakanaka mainini Me:ok tete maita basa Tete:ndafonera tete venyu vadiki Mai Shayna kuti vakuperekedzei kunoonekera. Zvamuri kuenda kure kuvic falls apa muchinorarako ndaona kuti zvinoda muende nemunhu mukuru Me:'its ok tete Tete:saka tinezenge tichibatana. Bye Me:ok tete bye Vaitonzwika pafon pese kuti vari kufara tete vangu kani Musi wechitatu takamukira kunotora Yemurai. Takawana ave ready nefriend tikabva tangovatora. Takanotenda miss khosa ndokuzobva zvedu. Yemu aitoyema zvake road yese Patakamira maRusape tichitsvaga chikafu akabva pane vanhu akanodairira fon yake kure mbichana. The way she was talking airatidza kuti ave neboyfriend chete. Ndaizomubvunza zvangu tatega. Ndandisingade kuti awire mwana waamai vangu Takasvika kumba Yemu naGerald vachitaura zvavo nyaya. Looks like vavakuclicker now. At least i was happy ndandisingade kuti vaite tension because he was going to play the fatherly role to Yemu Takanosonesa hembe dzekuti tiende takapfeka. KoYemu anga asina hembe yainyatsoita kuenda kuvanhu. Hembe dzake dzaingove matrouse nemashort.... Lots of love😘😘 *End of chapter 7*
❤️ 😂 🙏 👍 😮 47

Comments