Avon by Fungai STORIES BY SABZ SHAMISO MAI 4 🇿🇼
Avon by Fungai STORIES BY SABZ SHAMISO MAI 4 🇿🇼
January 25, 2025 at 06:21 PM
🔥🌸 *MATTERS OF MY LIFE🦸‍♀* 🔥🔥🔥🔥🔥🔥🔥🔥🔥🔥🔥🔥🔥🔥🔥🔥🔥🔥 *A Collaboration written by* *Sabz aka Shamiso* 💋 📲0772110988 And *Enn Medic aka Mai Kuu*💞 📲 0773979100 🔥🔥🔥🔥🔥🔥🔥🔥🔥🔥🔥🔥🔥🔥🔥🔥🔥🔥 *Based on a true story* *Chapter 17* *Yolanda* Takaenda kuHoliday mushe mushe although ndakatombonetsana na Gerald achiti aida kuendawo mheno kuti akaudza Yemu here but they were on one side. Ndakazviramba it was my family time ne my siblings and you never know zvaizogona kupinda munzeve dzaDaddy ndikaona moto zvangu. It would show a lot of disrespect imagine munhu anozofunga kuti ndaitoita musikanzwa Ndichingodzoka Tete vakabva vandideedza kumba kwavo. Ndakaenda. Vakanditambira nemufaro tikakwazisana zvedu. Tete " Mainini ndini ndakudeedzai... Ndakasara ndikanetsana na Baba venyu ndikatozoenda kwaBamnini venyu neku Domboshava saka. Vana Sekuru kuDomboshava ndovakazotaura navo vakanzwisisa saka vakati vari kuuya muna January imomo kuti vazoona mukomana wako ne vabereki vacho" Me " Aaah Tete zvakamboitika kwaani kuti baba vangu vaite meeting yekuonana na vabereki vaGerald ndisati ndaroorwa" Tete " Ndochirungu mwanangu" Me " Aiwa Tete zvichimboitirwei izvozvo Tete havazi vanyanya here aah.... Tete " Takatombotaura na Sekuru na Mbuya Chitate vakati tisiye vaite dai takada kupikisa hauparoorwe Yolanda nekuti baba vako vanga vakutaura zvimwe ipapo kuti vakuda muchienda kuAmerica kupera kwegore rinouya. Me " Saka havasi kuda kuti ndiroorwe here Her " Ndofunga kudaro but unotoda kumira cause pakatoipa. Ndoona zvangu sekunge vanewo mamwe maexpectations but handisi kuona chakaipa pana Gerald ne mhuri yavo. Vachanozoonawo zvavo vasangana ne vabereki vake. Ndichada kuzophonera Bamnini kuti vatigadzirire day nevabereki racho Me " Hooo " Ende futi zvakaoma chokwadi handina hangu kuzotaura zvakawanda ndakangoti ndozonzwa kwavari Tete. Ndakaenda kumba ndiri stressed ne issue yacho hameno kuti Gerald aizozvitora sei ipapo akasanditi daddy vako vakakwana here hameno... *Gerald* I spent my holiday ku Victoria Falls zvangu ko ndanga ndaitwa shut out na Yola... Munoziva mwana ndaimuda zvangu but she was just too principled zvaibhohwa ndovana Mai Mary vekuRoma chaiko kuita chigogodza kune nun ungati haadi kuroorwa ipapo.... I really wondered what our marriage would be like chokwadi.... Vana Mhamha na Daddy vanga vakunetsa kuti ko how far date. I tried calling Tete several times but vanga vachingoti hatisati tanzwa from America kuti vari kuti chii... haa it was a process. Mhamha vakambosvika pakuti maybe havasi kuda kuti ndiroore mwana wavo. But I had no vendetta na Baba vake plus I was a gentleman ane good income wani... Maybe vanga vane umwe vavaida kuti aroore mwana wavo hameno... Ndakasvika pakudzoka kuHarare pasina kana response. I was just bored I really had nothing to do ndakazobatana nemuface wangu ainzi Ishmael akauya kuflat kwangu for a weekend tikambofara tichigotcha. Him " Ko zvawaiti December unenge wakanda pakitchen wani?? Me " Haa maone wangu hapana chiri kufamba kuside remusikana Him " Ko indava Me " Hanty I told you the dad is in America ndovarikunzi vakamirirwa kuti vataure date Him " Ko date rinoda kukwira ndege futi here kuti ritaurwe Me " Kkkk hameno am suspecting kuti havasi kuda nemwana wavo Him " Hazvishande manje ko iro babie rako ngariise pressure ka Me " Shaa Yolanda unomuziva she is a hard nut to crack haana pressure zvachose... Him " Haa manje ungamirire izvozvo mubhurugwa marembera umu wotomboita zvetu mainini makamirira ma American deals Kkkk Takaseka zvedu Me " Unondiziva wani am faithful to one partner izvi zvekuita musanganiswa unopedzisira wazoroora wausingade. But shaa pane anonzi Yemu ka mainini manje ikaka ka sister ka Yolanda mwana ane character iri bhoo zvekuti dai iriyo character ya Yola haa tingadai takutogara uya... Him " Ko Tora ka mudiki wacho iyeye Me " Yooo hazvibude haa kana not kushoora but ndakada Yola plus kachi kadiki 17 years this year Him " Hauzive manje vadiki ivavo ndotunoita manje even pakupakura sadza ne muriwo kanokupa yese kachiri active We laughed. My mind raced kuma video aya a mainini Yemu... Him " Unongotiratidzawo pamwe ndito tore zvangu" Me " Aiwa siyana ne mwana " Him " Ibva ndiri kurevesa ndotokanda paKitchen faster" We laughed zvedu. Takazopinda mune dzimwe nyaya. Ndanga ndasarirwa ne one week kuti ndichienda kubasa. Day rakadzoka vana Yola ndakatoudzwa na Yemu kuti they are back. I tried calling Yola but anga asiri kubatika zvamuchose. When I tried phone ya Yemu ndichida kutaura naye akanzi aenda kwaTete vake. Ndakangofunga kuti maybe zvaita ndikati regai ndigonzwa. Ndakazogara ndikaona mainini vari online ndikati regai ndibvunze kuti Yola adzoka here 📤 Ndeipi 📩 Mushe maswera sei 📤 online 24/7 he isn't giving you any rest 📩 ani wacho 📤 Mr lover boy Evans 📩 Kkkk hayaaa hapachisina nyaya paye 📤 Ngatimbomira kunyeperana... 📩🤐 📤 iyo tichaitaura hedu cause ndiri kuona kuti hausi kuda kuregedza zvinhu zvichakunetsa mangwana. Ko babie rangu radzoka here 📩 Haasati uyo... 📤 hoo ok 📩 Bamkuru!! 📤 Talk to me 📩 Ndokumbirawo kushandisa your flat 📤 🙄🙄🙄 aaah 📩 🙈 Me and Patie want a weekend away so taida kuuya kwenyu cause ndokune freedom 📤 Yemu muchiitei muflat mangu nana Evan's 📩 aaah No bamkuru its strictly a girls thing pliz!!! 📤Let me call you. Ndakabva ndamuphonera ndaida kunzwa kuti zvimbori zviii chaizvo.. 📞📞📞 Me : Talk to me chaizvo manje Her : Tafunga kumboita ka crazy weekend out Friday to Sunday chete tiri 2 Bamkuru Me : Ummmm how do I know kuti munenge mungori 2 chete ko madii kuitira kumba kwenyu Her : Its ok kana zvisingaite Me : Aiwa handina kudaro shamwari. Ok fine zvinoita if it's only you and Patie but pindura kuti why usingade kuitira kumba Her : Hakuna freedom kani plus we need space... Me: Ok fine munouya that means ndinofanirwa kubuda hanty Her: Yes please one more favour Me : What now Her : Can you convince Yola please pretty please Ndakaseka zvangu Yemurai zvimwe zvinhu sooka zvakaoma. Anofunga kuti Yola is a easy mountain to climb nhai... Me : Kkkk unomuziva Yolanda Chitate Her : I know but I will talk to her muripo then motsigira chete chete... how about I make her see you for a movie That was a clever idea nhai Me : Thats clever now you are talking bhoo so toita rinhi Her : Tomorrow night. Me : That's my babie mwaaa love you tooo much Yola oooh sorry Yemu kani She giggled... Takaronga for tomorrow night starting with Dinner anga andigonera cause Yola aisatangika kana. I was very happy. Ndichingopedza na Mainini Yemu phone yakabva yapinda from tete va Yola. Ndakafarira answer yangu ye date 📞📞📞 Me : Tete makadini Her : Hello Bamnini tinosimba makadiniwo Me : Tinofara Tete... Her : Zvinokudzwa. Umm hameno Bamnini ndakataura na Tezvara venyu zvekare vakati vari kuuya kuma mid January Me : Hooo saka ndopatiri kupihwa date here Her : Yaa ndinotarisira kudaro but vanyanyofambira kuti vaite meet your parents nemi Ndakavhunduka munonzwa. Meet my parents... Me : Hooo Her : Ehe Bamnini hameno munozviona sei Me : Ummm ndiri mwana ndotozivisa vakuru... vanoda kuti tivaonere kumba kwavo here Her : Aiwa vari kutoda zvekuuya ikoko kumba kwevabereki venyu Me : Hooo aah ok ndokuzivisai kana ndanzwa Tete Her : Thank you Bamnini mokasikawo Me : Ehoyi Yaaa kuroora kwacho anga atori maone zve. Zvakaoma. I hadn't heard yangu of such but pamwe chirungu hameno.... Handina kuda kuphoner direct kunana Mhamha... I considered it sensitive kwakupotera kuna Kule vangu. I told him nyaya ya Tete vaYola 📞📞 Kule : Hezvo ummmm pakaipa Me : Hameno Kule ndimi munhu mukuru mosvitsa kune vakuru Kule : Hayaa inga vanozvinzwa baba ava kukwirira ndege izvozvo. My friend wotogadzirira the 10thaz usd and above otherwise hameno hako Me : Ndatone stress kutaura kudai Kule : Ukande number dza Tete vako ndigotaura navo tionesane. Me : Ok asi moita muchikasika mhinduro iri kudiwa Him : Ok ndokuudza... Haaa zvaBaba Yola zvakaoma hameno taizongonzwa kuti vabereki vangu vaizvigamuchira sei... We love you lots😘😘 End of Chapter 17
❤️ 😢 🙏 👍 😂 😮 40

Comments