
Avon by Fungai STORIES BY SABZ SHAMISO MAI 4 🇿🇼
January 30, 2025 at 07:00 PM
🔥🌸 *MATTERS OF MY LIFE🦸♀*
🔥🔥🔥🔥🔥🔥🔥🔥🔥🔥🔥🔥🔥🔥🔥🔥🔥🔥
*A Collaboration written by*
*Sabz aka Shamiso* 💋
📲0772110988
And
*Enn Medic aka Mai Kuu*💞
📲 0773979100
🔥🔥🔥🔥🔥🔥🔥🔥🔥🔥🔥🔥🔥🔥🔥🔥🔥🔥
*Based on a true story*
*Chapter 28*
*Gerald*
Haa mwana anonzi Yemu aiziva zvaaita. Was still confused kuti anga akamborara nemurume here or ndini ndaive first but hey mwana aikurunga chiuno iyeye. Zvese zvaakandiitira ndItoshaya kuziva kuti akazvionepi... Ndaisafungira kuona manumber 11 but zvese zvanga zviri in order
On my way kunotenga mamorning after i kept wishing kuti dai Yemu ari iye zvake Yola. Yemu anga asina protocol yakanyanya. Deep down in my heart i loved Yola and i felt kuti i have betrayed her. At least Yemu wacho haana kuramba kumanwa and we all agreed kuti Yola should never know about this or else aitozoita heartbreak...
Manheru ndadzoka kumba kubva kunoperekedza Yemu i tried to rest but hope dzaitoramba kubata. Ndaifunga zvandanga ndaita naYemu ini. Apa kungoimaginer chete blambi yotomira. Ndakaenda paapp kuti ndimbomutextira. I could not see her status or propic. I tried to send her a message ichibva yaticker ka1 chete. So it means anga andiblocker here. I tried calling her. I wanted to apologise maybe anga anditsamwira. I think anga ablocker futi macalls angu because i failed to get through...
Kuseni i called Yola. Kwakuri kungoda kunzwa kuti haana zvaakaudzwa here since Yemu anga andiblocker but i was full of fear
📞📞
Yola:hello
Me:Mai Mavhu muri sei
Yola:ndeip love. Uri sei
Me:ndiribho. Kukufunga chete. Nhasi ndatotadza kurara
Yola:wadii kuuya kuzondiona
Me:iiii ndirohwe zvangu namudhara Chitate netsvimbo yake
Yola:come on haisi yekurova vanhu
Me:hmmm hoo. But wakaoma babe
Yola:chii futi
Me:kutadza kundiudzawo kuti daddy Chitate vakandipa how many marks out of 10. Obvious wakatoudzwa kuti arinaniwo or ndakungobvuma because unomuda
Yola:haa watanga. Vaingoda kuonana nemi chete just that. Papi pavaizoti hazviite when he knows kuti you mean the world to me
Me:hoo better kana zvakadaro. Ndiri kuita count down yemadays. Very soon ndokubata zvangu..
Yola:ndozvega zvaunongofunga hauna chimwe chaunofunga
Me:saka you are not even anxious or excited???
Yola:hmmmm watanga Gerald. I am but iwewe zvaunenge uchida ndozviziva ndokune pfungwa dzako chete ikoko
Me:manje mira uone zvandiri kuda kukuita. Uchachema zvako apa usingazode kundishaya futi
Yola"i will cross that bridge when i reach it kkkk"
Me:Rega ndimboita zvandiri kuita ndokubata time time. I love you
Yola:love you too
Ndakabva ndacutter fon. Phew panga pasina chataurika. I thot Yemu kundiblocker kwake pane zvaitika chete....
Mazuva akafamba. Grocery nehembe tanga takanyorerwa and mhamha vanga vati ndovari kutenga grocery rese nehembe.
Day before day remarooro daddy vakauya negrocery rese. Kwakauya sekuru hanzvadzi yamhamha necousin yadaddy. NaMartin aivepo futi. Pakagarwa dare manheru acho...
Sekuru:muzukuru ndiri kutenda kuti wakagadzirira. Ndofunga tezvara vako wakavaona and vakatokwirira ndege this program saka hakusi kunotaurwa two cents kwatiri kuenda uko
Daddy:i think issue iyoyo ndakatomboitaura kuti kwatiri kuenda uko kunoda kutoenda takasimba muhomwe
Sekuru:ndizvozvo chaizvo saka une marii
Me:ndisingazozive zvangu kuti inenge iri shoma here or iri average but ndandakachengeta 4000usd.
Bamnini:hmmm imari refu. Wakagona mwanangu
Daddy:ini ndauya ne 3500 yekuwedzerawo ipapo.
Sekuru:hapadiwewo kana mabond ekukumbira nawo ndiro here taigona kuchinja kana 30us
Me:hmmm dai tangoenda ari ma us. Vanogona kutsamwa vakatiramwa tisati tambopinda mumusha
Bamnnini:'iyaaa vakambodiiko vanhu ivavo
Sekuru:monozvionera taako.
Daddy:saka budisa mari yacho yauinayo iverengwe. Wobva waipa sekuru vagare nayo. Yangu yandauya nayo iyi
Mari yakaverengwa ikaita 7500usd. Hatina kuzonyanya kutandandara takabva taenda kunorara. Takanga taudzwa kuti program na11am. Ini hana yangu yairova kuti finally date razosvika apa ndaitya futi kuti tichagamuchirwa here...
*Yolanda*
Finally the day had come. The day that i had been waiting for. The day that i was praying for. Ndandichingoimba makatatendeka Jesu...
Ndakamukira kubatsira aunty basa rese. I wanted kuti zvese zvinge zviri on point. Vana gogo kudomboshava vanga vauya. Pamba pedu panga pakazara that saturday not only because i was getting married but vamwe vanga vatouya kuzoona daddy.
Mainini sarapavana vakauyawo necousin yavo. Vakwasha around 10 vakasvikira kwatete. Bamkuru vangu murume watete vekudomboshava ndiye anga ari munyai. Ndakavaserver marefreshments kwakuzobva takuenda kumba....
Program yakatanga ndiri panze. ndakazodaidzwa kupinda mumba. I was surprised kuona even vakwasha vakagara pamasofa. Ndakasvikopfugama...
Daddy"Yolanda vanhu ava vari kuti vari kutsvaga hukama pauri. Unovaziva here"
Me"hongu"
Daddy"right auya wamavinga pano abvuma. Ini pano handisi kutengesa mwana wangu. Zvamuri kumuona kudai she is ever smiling and she is God fearing. Chandiri kungoda kuti munochengeta that smile irambe iripo. Ndinombonzwa achitaura kuti handidi zvekubviswa pana Mwari saka please musazonomubvisawo pana Mwari. Zvimwe ndichataura kana mukwasha apinda. Torai paper iro munoticker zvamunokwanisa modzoka nemari yacho yamakwanisa"
Ndakashamisika kuti ndozvazvinoitwa here
Tete"'manje uyu wamadana haasati anhonga mari yekuti anovaziva vanhu ava"
Daddy"achanhonga kana vadzoka"
VekwaMavhu vese vakabva vasimuka kubuda panze
Tete"iri paper iri raida tanga tagara pasi tese semhuri tawirirana. Mari yamanyora apo yazonyanya. Shuwa rusambo mungabva macharger wo 1500 here. Rusambo rungakundwa nemafukidzadumbu here anzi 1800. Plus mombe idzo dai maitawo kana ma300 each "
Daddy"mari inoshandirwa tete kwete zvekuda kukama vanhu because mune mwana musikana. All i am concerned about is happiness yemwana wangu chete. Ndoda kusiya ndaona kuti she is a happy person otherwise ndine mari dzangu ini"
Tete"kokuzogarisa vakwasha pamasofa hamuna kuona kuti mavaomesera here."
Daddy"mune african mentallity. Akati mukwasha muranda ndiyani. Dai vatoda kuramba vachiita tunharo twavo ndaizviramwa ndikadzokera america vasina kuroora. Mune lucky rekuti handina kuenda naYola wacho kuAmerica. Ikoko maizongonzwa kuti aroorwa pasina kana cent rabviswa."
Hapana akazodaira futi. Vakwasha vakazodzoka. Vakaisa mari mundiro kwakubva ndiro yagadzikwa vachiombera
Daddy"muudzei atore mari yamamuchitaura"
Tete"Mainini hanzi nhongai mari muplate"
Ndakafamba ndakapfugama zvangu kwakuenda kunonhonga mari. Ndakatora 500usd. Plate yakadzorerwa kuvakwasha kuti vareplace mari yandanga ndatora. Vana tete vaingoridza zvavo mhururu
Daddy"mangodzoka mukasiya mari muplate hamuna kutaura kuti maperera papi uye makwanisa zvipi"
Bamkuru murume watete akatanga kuombera kwakuzotaura
Bamkuru"'zvese zvakanyorwa papaper zvabhadharwa kunze kwemombe yaamai yanzi inodiwa inotsika. Saka muplate mune 5500. Hembe dzatanga takanyorerwa tatenga dziri pano idzi uye grocery riri panze mumota"
Vaitaura zvavo vachiombera bamkuru vangu
Daddy"kokana mabhadhara zvese saka ndofunga pane pamarasika maths. Maworker zvakanaka here"
Bamkuru"ichokwadi taworker zvakanaka asi sevanhu vanga vauya vakagadzirira kudarika zvatazoona papaper tazongoona zvakakodzera kuti tiise imwe 1000 yekutenda kutigamuchira mumusha menyu"
Daddy"iyoyo torai zvenyu haisi neccessary. Langton tora 1000 umo uvadzorere uverenge kuti munosara marii"
Langton uya akaverenga kwakubva adzorera thaza riye.
Langton"'masara 4500"
Daddy"right. I think its sorted. Now daidzai mukwasha auye timuone"
Sekuru vaGerald vakabuda kwakunouya nemuzukuru wavo. Maintroductions akaitwa vanhu vakazivana. Mhururu dzaingorohwa....
Daddy"ndambotaura kuti zvimwe ndichataura kana mukwasha wacho apinda. Ndakugamuchirai tazivana. Iwe Gerald mwana wangu uyu haana chaanga achishaya pano. Zvino iwe wati aiwa vaChitate ini ndinogona kumuchengeta kudarika zvamunoita ndipei hoyo kuno. Uyo wandakupa uyo unomuchengeta kupfuura zvandanga ndichiita. Handidi kuzonzwa kuti anoshuwira kudya ice cream kana pizza zvayo. Ndakudzorera change kuti usazoti mazuva ekutanga ndandisina mari yanga yakapedzwa nekuroora. Handidi kuona aonda kana kuchinja skin. Kana akutadzira ndibeepe ndinofona back undiudze paakutadzira. Handidi kunzwa kuti warova mwana wangu. Ndisingazive kuti munoda kutorana nemuchato here"
Bamkuru"kuchata tinochata asi kwete iyezvino. Tatichikumbirawo kuenda nemukadzi tozonoronga muchato tatese"
Daddy"'zvakanaka hapana chakaipa"
Vanhu vakapihwa chikafu vakadya vachifara. Vana Gerald nababa vake vakatanga vaine kafear but vakapedzisira vakutokurukura zvakanaka nadaddy
Zvese zvakapera zvikanzi next weekend takuenda kunotamba huroora kuvictoria falls. I was relieved kuti zvapfuura.
Ndakatora Yemu kwakuenda naye paside....
Me"hona ini sisi vako ndaroorwa zvakanaka. Handisi kuti mhanyira kuroorwa but i will be glad ukazounganidzawo vanhu vese ava one day. Learn from me and Gerald. I am glad tiri kuenda tese and Gerald will play a fatherfigure to you above vana Langton naLiberty"
Yemu"i am happy for you sis"
Ndozvega zvaakataura. That day she was a bit reserved. Even kuwirirana kwavanomboita naGerald panga pasina. I guess she was respecting my inlaws nadaddy. At least maturity yanga yakuonekawo paari than zvaakanotiitira kuvic falls taenda kunoonekera....
Love you all
*End of chapter 28*
❤️
👍
😂
😮
🙏
😢
75