
Miti Sora Nemhuka Zvinorapa Natural Home Remedies🔥
January 20, 2025 at 11:38 AM
Harare chokwadi ndagara ndine munyama nayo..rimwe gore mumwe mudhara aigara panext door pedu akashaika..semunhu akangozvarirwa muHarare akabva anzi anovigirwa muHarare makare.Mukuwasha wake mukuru murume wefist born yake aigara kuBulawayo akabva atenga bhokisi raatezvara kwaakuuya naro...ukuwo mumwe mukuwasha wekwaMutare kwaakutengawo bhokisi ndokuuya naro ndobva paita mabhokisi mairi pamunhu one. Hama dzemufi dzakatanga kubvunzana kuti toita sei nerimwe bhokisi zvikanzi nemumwe muzukuru wacho imo muroad muno pane mumwe mudhara Ari kurwara akatodzoswa kuchipatara madii kumbovanzwa kuti havangadi bhokisi here..zvikanzi nehama dzacho ehe ipfungwa yakanaka chiendai naSinyoro vanogona kunyatsotsanangura..ndakamboda kuramba zvikanzi zvinoyera kuramba kutumwa panhamo. Takabva taenda nemuzukuru uya nedzimwe hama mbiri ..tasvika pamba paya vakabva vatoti batawo maoko..ini ndobva ndazobvunza kuti vakadiiko varwere zvikanzi nemudzimai wacho zvakaoma kani Sinyoro..baba vaane svondo mbiri kana kumuka..zvikanzi ne muzukuru uya achindikwenya nekazevezeve saka bhokisi vanotorida...Mai vaya vapedza kutsanangura ndakabva ndatanga nyaya yangu..ndikati Mhai muchitiona tauya kudai kunhamo kwatabva uku vakuwasha vakatenga mabhokisi maviri saka vanga vatituma kwamuri kuti vanogona kukupai rimwe bhokisi kwete kukutengeserai..asi...handina kuzopedza kutaura ndakwakukirwa nemurwere ainzi aane svondo mbiri asingamuki achindirova chematsenganzungu ndichiti kwakadaro ngondo ngondo..akabva auya achida kundipedzisa ndikati pano ndikaita zvekutamba bhokisi riya raizova rangu ndikati chitsoka ndibereke🏃🏃🏃🏃ndakadzingirirwa nemurwere uya ..kubva ipapo haana kuzomborwara futi..asi mudzimai wacho akazouya kwandiri achinditenda hanzi Sinyoro makarapa murume wangu!
https://whatsapp.com/channel/0029VaN0La5B4hdNWhNabm03