
Miti Sora Nemhuka Zvinorapa Natural Home Remedies🔥
January 21, 2025 at 12:24 PM
*Dudziro yehope*
*Kurota uchirumwa nembwa*
zvinoreva kuti pane mhepo yakashata iri kukutevera...munyama.
Ungangogona kana kusungwa chaiko.
*Kurota uchifamba mumugwagwa Mukuru asi wogumburwa*
.Ungava Uri pabusiness asi panenge Paine chinoda kugadziriswa kuti business rako rifambe zvakanaka.
*Kurota nguva zjinji uchishanda kwawakamboshanda kare.*
Hauna kusiya basa nekuda asi kuti pane mhepo yakasimudzwa kuti usiye basa.
*Kurota zvigure*.
Ingozi kana kuti vanhu varishereketa...kune mhepo dziri kusimuka.
Chigure mucherechedzozve wemudzimu kune avo vanobva kunoitwa zvigure.
*Kurota uchirumwa nenyoka.*
Pane hushereketwa hwakatumirwa kana kuti huri kutumirwa kwauri..tsvaga rubatsiro nekukasika.
*Kurota uchibhururuka mumhepo vanhu vazhinji vachikuyemura*.
Pane mhepo dzakatarisana newe asi Uri kudzikunda mukati meraramo.
*Kurota uchitiva mumadhaka.*
Pane madzudzo aripo muhupenyu hwako.
Tsvaga rubatsiro
*Kurota uchifamba/uchimhanya mukati munyoka dzichikutandanisa*
....>>>pane miedzo yakatarisana newe.
*Kurota uchinaiwa zvakanyanya*>>>>
Pane mhepo dzakashata dziri kugezwa pauri
*Kurota uchibhururuka*
>>>>Pane zvauri kushuwira ,unogona kusimukira muhupenyu ukaenda pamusoro chaipo mukurarama kwako
*Kurota zvichaitika mangwana*>>>>unemudzimu,Uri munhu anoratidzwa..dare rako rakachena chose.
*Kurota uchiputa fodya.*
Uri munhu ane mudzimu.
*Kurota masoja achipfura vanhu*>>>
Unehondo dzawakatarisana nadzo mukati meraramo yako...mukati medzinza mune mhepo dzakashata dzinoita kuti dzimwe Hama dzisvike pakufa zvisina tsarukano
https://whatsapp.com/channel/0029VaN0La5B4hdNWhNabm03