Jolaz Shona News ๐Ÿ‡ฟ๐Ÿ‡ผ
Jolaz Shona News ๐Ÿ‡ฟ๐Ÿ‡ผ
February 6, 2025 at 11:00 AM
*ED Idambudziko Kumunhu Wese Ndokusaka Achitoshandisa Chisimba Kuti Apinde Pachigaro โ€“ Video Morgan Ngomichi Chaiman of MDC-T* JolazWshatsApp.group/๐Ÿ‡ฟ๐Ÿ‡ผ Thursday 06 February 2025 *______________________________* VaMorgan Ngomichi vari kubuda pajekerere vachikurudzira vanhu vose vomunyika kuti ngavabatane nevamwe kubvisa President Mnangagwa pachigaro, vachiataura vanoti, โ€œsemutungamiri weMDC-T Original yakasiiwa naVaTsvangirai ndauya pano kuti ndizopa mashoko kunyika yose padambudziko rapinda munyika reED2030. โ€œED Mnangagwa idambudziko guru munyika rakavapo kwenguva yakakura kubvira pakatorwa nyika ino kuma1980s achibatsirana naVaMugabe kuuraya nyika ino, nanhasi uno anongovapo achienderera mberi nekumonyorora nyika. โ€œNdokusaka akashandisa chisimba kutora chigaro chekutungamirira nyika, paakatora nyika taifunga kuti semunhu akatora nguva yakareba ari muhutongi hwaive hwakashata hwaVaMugabe akadzidza zvakawanda maringe nekutonga nyika zvakanaka. โ€œED akaita a very big mistake of touching what he was not supposed to touch, kuda kuwedzera temu yake apa asina zvaari kuita zvinobatika munyika, akatora chigaro ichi kubva mutemu yevaimbove mutungamiri wenyika VaMugabe ndokubva apiwa matemu ake maviri iyezvino ava kuda kuwedzera zvakare kuti aite matemu matatu zviri kunze kwemutemo. โ€œIsu sevanhu veMDC-T hatisi kuzombozotambira nonsense idzodzo, ED must go now,โ€ vanodaro VaMorgan Ngomichi vanova Chaiman weMDC-T vachitaura vakamiririra vatsigiri vavo kusanganisirawo nevamwewo vanhu vari kufarira kuti VaMnangagwa vabve pachigaro. โ–ถโ–ทVideo rino riri kuwanikwa muJolaz TV-FM WhatsApp group. Kana uchida kugara uchivhiringidzwa nemavhidhiyosi ezvematongerwo enyuika, taura naAdmin kuti uudzwe zvinoita kuti ukwane mugroup rakakosha iri. Kana wanga usati wamboravira group rakanzi Jolaz TV-FM unokurudzirwa kuti upinda mugroup iri kuitira kuti unzwe kutapira kwarinoita. https://jolaznews.wordpress.com/2025/02/06/ed-idambudziko-kumunhu-wese-ndokusaka-achitoshandisa-chisimba-kuti-apinde-pachigaro-video-morgan-ngomichi-chaiman-of-mdc-t// ๐‘ฑ๐’๐’Š๐’๐’‰๐’‚ ๐‘ฑ๐’๐’๐’‚๐’› ๐Ÿ“ป ๐‘ป๐‘ฝ-๐‘ญ๐‘ด ๐’–๐’Ž๐’ ๐’Ž๐’–๐’๐’๐’˜๐’‚๐’๐’Š๐’Œ๐’˜๐’‚ ๐’Ž๐’‚-๐’‚๐’–๐’…๐’Š๐’๐’” ๐’‚๐‘ฉ๐’‰๐’๐’›๐’‰๐’๐’๐’ˆ๐’๐’“๐’‚, ๐‘ป๐’Š๐’๐’…๐’†๐’“ ๐‘ณ๐’Š๐’—๐’† ๐‘บ๐’‰๐’๐’˜, ๐‘ซ๐‘ต๐‘จ, ๐‘ท๐’‚๐’Ž๐’˜๐’†๐’„๐’‰๐’†๐’•๐’† ๐‘ต๐’†๐’Ž๐’‚ ๐‘ฝ๐’Š๐’…๐’†๐’๐’” ๐‘ฌ๐’›๐’—๐’Š๐’“๐’Š๐’Œ๐’–๐’Š๐’•๐’Š๐’Œ๐’‚ ๐‘ฒ๐’–๐’Ž๐’‚ ๐‘ช๐’‰๐’–๐’“๐’„๐’‰๐’†๐’” https://api.whatsapp.com/send?phone=+263775934930&text=Pano%20ndipo%20paunowaniswa%20maAudios%20nema%20videos%20Typer%20kuti%20**%20kuti%20ugopinzwa%20mugroup%20iri.%20 ~*______________________________*~ ๐—–๐—น๐—ถ๐—ฐ๐—ธ ๐˜๐—ต๐—ถ๐˜€ ๐—น๐—ถ๐—ป๐—ธ ๐˜๐—ผ ๐—ณ๐—ผ๐—น๐—น๐—ผ๐˜„ ๐˜๐—ต๐—ฒ ๐—ช๐—ต๐—ฎ๐˜๐˜€๐—”๐—ฝ๐—ฝ ๐—ก๐—ฒ๐˜„๐˜€ ๐—–๐—ต๐—ฎ๐—ป๐—ป๐—ฒ๐—น ๐Ÿ“ฐ https://whatsapp.com/channel/0029VaiSLk76xCSXyPaq3g01
๐Ÿ˜ข 1

Comments