NewsLink
February 15, 2025 at 08:47 AM
*Veruzhinji Vakabatana Nezuro Mukurangira Mushakabvu Morgan Tsvangirai*
https://whatsapp.com/channel/0029VaLeCqqFCCoeBnaiF743
*Saturday 15 February 2025*
*______________________________*
Vanhu vakawanda munyika vabakatana nezuro kurangarira mushakabvu Morgan Richard Tsvangirai gamba rekurwira kodzero dzevanhu vakashaya musi wa 14 Kukadzi 2018 kuSouth Africa mushure mekurwara nechirwere chegomarara.
VaTsvangirai vakavamba bato rinopikisa munyika reMovement for Democratic Change muna1999, mushure mekunge vatungamira sangano rinomirira vashandi, reZimbabwe Congress of Trade Unions vari munyori mukuru.
Muna 2008 VaTsvangirai vakakunda mushakabvu Robert Mugabe musarudzo yemutungamiri wenyika asi havana kuzosvitsa mavhoti aidiwa.
Vakazobuda musarudzo dzechipiri kana kuti ‘run-off” sezvo vatsigiri vavo vakawanda vakange vopondwa nevanofungidzirwa kuti vasori, mauto nevatsigiri veZanu-PF.
Izvi zvakazopa kuti paumbwe hurumende yemubatanizwa vachibva vave mutungamiri wehurumende.