NewsLink
February 15, 2025 at 10:29 AM
*Hwindi wekuMufakosi Anourayiwa Nemumwe Wake Vachirwira 20ZiG*
_
https://whatsapp.com/channel/0029VaLeCqqFCCoeBnaiF743
*____________________________*
Ichitaurwa nyaya nehama dzacho dzinoti, Mike aitamba naBison seshamwari yake vachiwirirana pabasa ravo rechihwindi rekusheedzera vanhu pamakombi anoenda kuMufakosi.
Mike neshamwari yake Bison vanonzi vakasimuka masikati vachiti vava kuenda kubasa, vasvika kubasa vanonzi vakashanda zvakanaka vakaita mari yavo, saka pavanenge vachiita mari iyi inenge ichiunganidzwa panzvimbo imwechete, kana vachinge vapedza kushanda vava kuenda kumba ndipo pavanozogovana mari yacho.
Zvirikunzi mari yavo vaishanda vari vatatu, wechitatu ndiye akazogovera vamwe ava mari iya, iye nyakugova wacho achibva atora $4.50, achibva apawo Mike $4.50, ndokuzopawo Bison $4.00.
Izvi havzina kufadza Bison, ndokubva atanga kunetsana naMike achiti ndini ndatanga kusvika pano ko iwe wazotora mari yakawanda sei.
Mike achiona izvi akabva atanga kufamba netsoka achitiza nemugwagwa achibva paFly Over atoona kuti mumwe wake ava kuda zve-violence.
Bison anonzi akazokwira imwe mota yemushikashika achitevera Mike, ndokubva amubata, anonzi akaudza mutyairi wemota kuti ndidzikise pano, achibva aburuka achinhonga mazitombo achibva atema mumwe wake mumusoro, musoro uchibva watsemuka, nyakutemwa achibva awira pasi ropa richiyerera ndokubva angofira ipapo.
Vaviri ava vanonzi vanga vachishandira paFly Over yepaMupedzanhamo.
Pakaitika chiitiko ichi, Bison anonzi akabva atiza, nanhasi haasati abatwa.
▶▷Video rekufa kwaHwindi uyu riri kuwanikwa muJolaz TV-FM WhatsApp group, kuchitiwo video rakazara riri kuwanikwa paYouTube link riri pazasi. Chimhedu chivhidhiyo rino chiri kuwanikwa paStatus zvakare.
😢
🙏
2