Radio Chiedza - Catholic Media Broadcasting
February 14, 2025 at 08:01 PM
*Mugovera 15 Kukadzi - February* *Chiverengo chokutanga:* _Mavambo 3,9-24_ _Inzwai chiverengo chinobva mubhuku raMavambo_ Adhamu apedza kudya muchero womuti, 9Mwari Tenzi akamudaidza achiti, “Uri kupiko?” 10Adhamu akati, “Ndanzwa kufamba kwamanga muchiita mubindu dikatya nokuti handina kusimira, ndokubva ndahwanda.” 11 Mwari akati, “Ndiani akakuudza kuti hauna kusimira? Wadyasu muti wandakati usadye?” 12 Adhamu akati, “Mukadzi wamakandipa kuti ndive naye, ndiye andipa muchero womuti iwoyo ndikadya.” 13 Mwari Tenzi akabvunza mukadzi achiti, “Chii chawaita ichochi?” Mukadzi akati, “Nyoka ndiyo yandifurira ndikabva ndadya.” 14Mwari Tenzi akataurira nyoka kuti, “Pamusana pezvawaita izvozvi; wapinda rushambwa pazvipfuwo zvose nemhuka dzose dzesango. Uchafamba nedumbu rako uchidya guruva upenyu hwako hwose. 15Ndichaisa ruvengo pakati pako nomukadzi, napakati pechizvarwa chake nechizvarwa chako, chizvarwa chake chichapwanya musoro wako, iwe ucharuma chitsitsinho chake.” 16Kumukadzi, Mwari akati, “Ndichaita kuti urwadziwe chaizvo paunenge wakatakura mimba napakusununguka vana. Uchagara wakapanga murume wako, iye ari wokukutonga.” 17Kuna Adhamu, Mwari akati, “Pamusana pokuti wateerera zvako mukadzi wako, ukadya muti wandakati usadye; nyika yapinda rushambwa pamusana pako, chokudya chako kuti uchiwanewo panyika, uchaita chokutamburira upenyu hwako hwose. 18 Nyika ichamera minzwa norukato. Iwe uchadya zvokudya zvomusango. 19 Chokudya chako chichava chedikita kudzamara wadzokera muvhu, nokuti wakabva kuivhu, uri vhu, uchadzokerazve kuivhu.” 20Adhamu akatumidza mudzimai wake zita rokuti Evha, nokuti ndivo amai vavanhu vose. 21 Mwari Tenzi akaitira Adhamu nomukadzi wake nguwo dzamatehwe ndokuvapfekedza. 22Mwari Tenzi akati, “Chionaika, munhu afanana nesu, ava kuziva zvakanaka nezvakaipa. Zvino angadaro akatanha michero yomuti woupenyu akadya akararama nokusingaperi.” 23Naizvozvo Mwari Tenzi akamudzinga mubindu reEdheni kuti andorima muvhu muya maakabva. 24Mwari akabva adzinga munhu, akaisa makerubhu kurutivi rwamabvazuva ebindu reEdheni, akaisawo bakatwa rainge murazvo womoto, raivheya kwose kwose kuchengetedza nzira yokumuti woupenyu. *Shoko raMwari.* *Rwiyo rwokutsinhira:* _Nziyo 90,2.3-4abc.5-6.12-13. (D - 1)_ *(D) - TENZI ndimi diziro redu kubva pazvizvarwa nezvizvarwa.* 2 Makomo asati aberekwa, musati masika nyika napasi pose. Muri Mwari narini narini, chingo nechingo. *(D) - TENZI ndimi diziro redu kubva pazvizvarwa nezvizvarwa.* 3Munopindura munhu kuva huruva, munongoti vanhu, “Dzokerai kune zvamakanga muri.” 4 Nokuti churu chamakore kwamuri chakangoita sazuro kana chapfuura, kana sakanguvana kokugaririra usiku. *(D) - TENZI ndimi diziro redu kubva pazvizvarwa nezvizvarwa.* 5 Munotsvaira vanhu, vakaita sechiroto, vakaita souswa hunosvibirira mangwanani. 6 Kumangwanani hunomuka hwakasvibirira, kumanheru hunouna hwosvava. *(D) - TENZI ndimi diziro redu kubva pazvizvarwa nezvizvarwa.* 12 Tidzidziseiwo kuverenga mazuva edu kuti tingwarire. 13Muchasvika kupiko nhai TENZI? Dzokai zvenyu muitire varanda venyu ngoni. *(D) - TENZI ndimi diziro redu kubva pazvizvarwa nezvizvarwa.* *Kupemberera Shoko Rakanaka:* _Mateu 4,4b_ *Areruya, Areruya* ‘Munhu haararami nechingwa choga asi neizwi rose rinobuda mumuromo maMwari.’ *Areruya* *Shoko Rakanaka:* _Mariko 8,1-10_ _Inzwai Shoko Rakanaka rakanyorwa naMariko_ Namazuva iwayo, gungano guru ravanhu parakaungana zvakare, uye vakanga vasisina chokudya, Jesu akadaidza vadzidzi vake akati kwavari, “Ndine urombo kwazvo negungano ravanhu iri, nokuti vanga vaneni kwamazuva matatu aya, zvino havachisina chokudya. Kana ndikavaendesa kumisha yavo vaine nzara vachaziya panzira nokuti vamwe vavo vabva kure.” Vadzidzi vake vakamupindura vachiti, “Pane angawane zvingwa mugwenga muno here zvingagutse vanhu ava?” Akavabvunza kuti, “Mune zvingwa zvingani?” Ivo vakati, “Zvinomwe.” Zvino akati vanhu ngava gare pasi. Akatora zvingwa zvinomwe zviya akatenda, ndokuzvimedura ozvipa vadzidzi vake kuti vape vanhu. Ivo ndokuzvipa kuvanhu. Uye vakanga vane tuhove tushoma. Akatukomborera akati, “Kunyange itwotwu tupihwe vanhu.” Vanhu vakadya vakaguta, vakazonhongerera zvimedu zvakasara, zvikazadza nhengwana nomwe. Pakanga paine zviuru zvinenge zvina zvavanhu. Akazoonekana navanhu, pakarepo ndokubva akwira mugwa navadzidzi vake, akaenda kudunhu reDharimanuta. *Shoko Rakanaka raTenzi.*
🙏 👍 3

Comments