Crimestop Zimbabwe

12.3K subscribers

Verified Channel
Crimestop Zimbabwe
February 5, 2025 at 05:54 PM
*Makadii crimestop.* *Ndiri mukomana ane 21years.Ndinokumbirawo Rubatsiro kune vose vanga ndibatsireiwo kuti ndidzokere kuchikoro.Ndichiwana mukana panguva ino, shungu dzangu ndedzekuti ndidzokere kuchikoro kunotanga fomu 3. Gore ra2019 na2020 raive rakaoma kwandiri nekuda kwekuti pachikoro Chandaipinda muHarare mafambiro eCovid 19 akakanganisa zvikuru chikoro changu negadziriro yema 'O' Level exams zvekuti pamwe pacho ndaisatoenda kuchikoro asi ndichifanira kuzonyora ma exams 2020 . Zvino ini baba vangu vachingova vendor handina kukwanisa kuendeswa kuma extra lessons kana kuwana mari yema private tutors angapedzisa neni ma syllabus so maexams angu akazouyawo zvawo asi ndisina gadziriro yakakwana zvekuti kunyora ndakanyora hangu asi ndakazongobuda ne 2 ma subjects ndokubva zvapera zvakadaro. Kuti ndichidzokera kuchikoro shungu ndaive nadzo asi Baba vangu vakanga vasisina mari yainyatsobuda muvending yavo zvekuti ndakazongogara pamba. Nyangwe iye zvino hapana chirikubuda kuvending yavo saka ndafunga zvekutsvaga Rubatsiro kune vose vanga ndibatsireiwo ndidzokerewo kuchikoro. Ndinonzwa shungu dzakanyanya ndichiona vamwe vandakadzidza navo VAKAKWANISA kuwana ma extra lessons ne private tutorship vakabudirira asi ini ndisina gwara rine mangwana akajeka. Ndinogaroti kana vezera rangu vakazvikwanisa ko ini ndinotadza nei. Ndaisava dofo kuchikoro asi ndakashaiwa zvinodikanwa kuti ndiyambuke. Ikezvino ndinoona vamwe vezera rangu kumaraini vasina zvekuita vachipinda muma drugs, mumutoriro nezvinovakuvadza zvekuti wega unonyatsoona kuti hapana ramangwana rakajeka apa.Ndiri nevanji mumhuri mangu anotarisira kuvawo chiyamuro zvese kumhuri yangu nenyika yatigere. Ndibatsireiwo hama dzangu kune vose vanga ndibatsireiwo kuti NDIDZOKERE kuchikoro nekuti moto weChido chekudzokera kuchikoro KUNOITA zvine pundutso uri kubvira mandiri. HAZVINEI kuti pashoma pakadii pamunenge mandibatsira napo,Cash, Ecocash kana dzimwe nzira dzamunokwanisa nadzo imi pachenyu zvakaita se innbucks kana mukuru.com. Zvose tinogamuchira nemweya wekutenda uye we progress. Zvakare chikoro chandirikutarisira kuenda chiri pedyo nemba yatinogara Chinoita $150 USA PER TERM ZVINOREVA KUTI MUNOGONA ZVAKARE KUNDIBHADHARIRA FEES DIRECT KUCHIKORO UYE MAKASUNUNGUKA KUUYA MUCHIONA HEADMASTER NEKUONA NEKUZIVA ZVOSE ZVAMUNGADE KUZIVA PAMUSORO PECHIKORO ICHI NDIRIPO KANA KUTI NDISIPO. NDINOKUPAI ADDRESS YECHIKORO. Kune vose vachandibatsira handisi kuzokunyadzisai uye makasununguka kutevedza progress yangu. Ndirikutsvagawo hupenyu neremangwana rakajeka. Baba vangu vapenyu Naizvozvo makasununguka kutsvagurudza ne zvangu muchipiwa ruzivo rwese rwamungade pamusoro pangu naBaba vangu padirect nhamba dzinoti.* *0787364416* *kana Mada kushandisa whatsapp munovabata panhamba dzinoti 0787384946* *Ndakasununguka zvakare kuti mundione nekundiziva kana Baba vangu chero nguva.Munekodzero yose yekuwana muchigutsikana zvose zvamungade pamusoro pangu. Hazvina dambudziko.Ndinokumbirisa vanhu vashe kuti mundibatsirewo neNyasha dzaMwari.Ndinotenda zvikuru kune avo vese vachabatsira.* *Crimestop Zimbabwe Channel:* https://whatsapp.com/channel/0029VadeNBoLdQehasUhzb0N *Crimestop Zimbabwe Group 1:* https://chat.whatsapp.com/Htl574ndNRk6d8mjKR8ofx *Crimestop Zimbabwe Group 2:* https://chat.whatsapp.com/CM8sKivhIOEED4bAlMP86p *Crimestop Zimbabwe Group 3:* https://chat.whatsapp.com/K5umVy4hnzJLSAwTttVKgL *Crimestop Zimbabwe Group 4:* https://chat.whatsapp.com/DXuahDO4cGsHZVinkPRCKK *Crimestop Zimbabwe Group 5:* https://chat.whatsapp.com/FIbj4wl9MRA9z3P6VJd7hv *Crimestop Zimbabwe Group 6:* https://chat.whatsapp.com/IRmLrMQ1w7kASspSTFUli0 *Crimestop Zimbabwe Group 7:* https://chat.whatsapp.com/GHdrpzr1iBg1s5xE4I8lht *_Crimestop admin:_* 0785947406
❤️ 😢 🙏 😮 12

Comments