Cee Novels
                                
                            
                            
                    
                                
                                
                                January 24, 2025 at 06:18 AM
                               
                            
                        
                            https://chat.whatsapp.com/Ltd3O62Qu2M835PFAQSiNK pinda musati mazara
https://www.facebook.com/profile.php?id=100076401092068&mibextid=ZbWKwL like my FB page
https://whatsapp.com/channel/0029VaD9BEeBqbrIQBPS0P0y for previous chapters join my channel
Cee Novels Presents
*THE BLIND PRINCESS*
Story Written By Cee
   Aka
Mashumba ✍️✍️✍️
App📲0776171705
Chapter 12-13
*PRINCESS MOESHA*
" The following day ndakamuka ndisingade zvekuenda kumutambo moyo wangu waida kuenda kunotsvaga mukomana uye pamwe nhasi ndinomuwona chete zvekuenda kwakazara vanhu handisi kuda ini necondition yangu zvinobuda here handidi zvekunetsa Ruru? ,ko Ruru aendepiko kuseni kuno ndiri kuda kuti akurumidze kugeza timbobuda .
" Ndakapinda mubathroom ndikageza Ruru ndobva apindawo achifara."
Kufara kudaro kwakanaka here Ruru?
Ruru: kwakanakisa zvamunenge musati mapedza ndasiya vamwe venyu vakutopedza ,izvozvi King vanditi ndikupfekedze  dhirezi rako riye rakabva mhiri kwemakungwa.
Princess Moesha: Aàh handisi mumood yekuenda kumutambo ini .
Ruru:Aàh ini ndiri mumood yekuenda kumutambo ndiri kuda kuona musikana iyeye akaroorwa naKing Mbizi ndiri kungonzwa mbiri yekunaka kwake saka ndoda kunyatsozvionera nemaziso angu .
Princess Moesha: uum woda kuona chiiko nhai Ruru kunaka kwacho kunodyiwa here nhai ,zvauriwe unogaroti kunaka kwemunhu kuri mumwoyo handisi kuenda ini zvichireva kuti iwewe futi hausi kuenda anamudhara pavachabuda isu toteverawo kumashure tichiendawo kwedu.
Ruru: hii musadaro Princess ndiri kuda kuzvionera ndega kuti zvandinonzwa nevanhu ndizvo here uum mukadzi aita mbiri yekunaka iyeye anonzi akatsvuka kuti mbuu semurungu kana kuti semucoloured hameno bvudzi rake hanzi rakareba serenjuzu hanzi kana achifamba so munonyatsoona kuti haasi munhu ingirozi chaiyo yakabva kudenga .
Princess Moesha: hahaha zvaRuru ka ndaseka zvangu ini haana kunaka senjuzu here?..
Ruru:  " ndakaseka ndokuti," hameno pahu2 hwacho chakanyanya kunaka ipapo ndokunaka kwakaita Queen Mbizi vachangoburwa mazoti kudii .
Princess: ndakamboramba ndakanyarara ndokuzobvuma kuenda kumutambo nekuda kwaRuru aiita kufara .
" Chindipa dress 👗 rangu riye unyatsondigadzira kwacho handiti wandimanikidza kuenda here?
Ruru: uko kuri kuda kuendwa my Princess ndakadaro ndichitora dress rake repink ndobva ndamupfekedza ndapedza ndakabva ndamupoda akanyatsobuda kunaka .
" Waal ndapedza my Princess nhasi makanyatsobuda wena waal you looking beautiful waaal Prince David vakakuonai vanofenda makabuda kani.
Princess Moesha: hede kufenda chaiko here?
Ruru: "yes nhasi makanaka wena yooh ".
Princess Moesha: ungagoti kudii zvako dai ndaiwona ndazvionera ndega asi ndakachena ka ndakadaro ndichisimuka ndobva ndafamba nhanho mbiri ndikamira ndakabata chiuno changu.
Ruru: waaal makachena nekunaka zvese "
Princess Moesha: haiwawo kunakeiko kunaka kwemunhu kuri mumoyo .
Ruru : yes let's go my Princess ndofunga ndisu tatomirirwa.........ndakabuda ndakabata Princess Moesha ruwoko asi vaida zvekufamba newalking stick .
*PRINCESS MOANA*
" Mirabel zvaita here nhasi ndiri kuda  kunge ndakachena kupfuura vanhu vese ,make up yandaiswa yakandifita here?
Mirabel: Waal makachena masisi waal oh dhirezi renyu iro ma1 nhasi muchatenderedza boys dzese musoro dress renyu rakanyatsoshaper muviri wenyu mukati mune zvinhu zvenyu uum mabuda sisi vangu.
Moana: thnx baby sis ndandichida repink manje mudhara akandipa repurple dai riri papink ranyatsobuda apa madress edu akafanana .
Mirabel: yes akafanana chakangosiyana macolour chete hameno kuti sisi Moesha ravo rakaita sei ?
Moana: rega tigoona hatichiendei ndofunga ndisu tatomirirwa .
" Takatanga kufamba tichienda kumota tikaona Moesha asati auya takamumirira  kwenguva yakareba asi haana kuuya .
" Nhai amai ko mwana wenyu chiiko akutinonotsa"
Queen: musiye atore nguva yake ko tinomhanyirei zvedu zviri nani kunonoka pane kukurumidza kusvika.
Moana: ini ndiri kuda kuona panotangira mutambo wacho ndione musikana ari kupihwa mbiri yekunaka nevanhu kuti anganake zvekupfuura ini here?
Prince Morgan: ndakatarisa Moana ndobva ndaseka zvangu mwana wamai vangu aizvida hake kana tazogara ko iko kunaka kwacho kunodyiwa here?"
Mirabel: takatovarairwa ndakaona Moesha achiuya akabatwa ruoko naRuvimbo ndakamboita sendakanganisa kuona ndikapukuta maziso angu kwakutarisa zvekare ,ndakangokwenya Moana ndokuti hona zviri kubva uko".
Moana: ndakarohwa nehana ndakatarisa Moesha ndakaita sendiri  kurota ndakatarisa Moesha, colour yedress randaida ndiye aive akaripfeka ndakarwadziwa ndikatarisa amai ndokuti,";ko amai makapa Moesha dress rine colour yandinoda sei munoziva kuti pink is my favourite colour asi makapa dress rangu mwana wenyu bofu .
" Mazuvano machinja ndiri.......ndisati ndapedza kutaura amai vakandibata muromo ndobva vandipa sign yekuti ndinyarare ndakangonyarara asi ndairwadziwa nekuti Moesha akange akachena kutipfuura tese kunyangwe madhirezi edu akange akafanana.
Prince Morgan: " Waal that's my big sis daddy just look at our Moesha nhasi akanaka kuita ngirozi chaiyo ndogara ndichikuudzai kuti akanaka uyu honai munhu akaita bofu kana kuremara hazvireve kuti akashata.
King: Waal pandakatenga dhirezi iri ndaitoziva kuti Moesha anofitwa naro waal mai mwana wazviona zvandaitaura .
Queen: " yes ndazviona" ndakadaro ndichibhowekana Moesha paakasvika naRuvimbo takabva tapinda mumota kwakutoenda.......
*QUEEN MBIZI*
" Mum l'm very happy kuti mauya kumutambo ndiri kufara zvekuti King vanondida  hapana kana chinhu chimwe chete zvacho chandiri kushaya pano waal this is life kungotaura 1 word chete King vakutoita zvandinenge ndataura dhara riye rapengeswa nerudo amai."Ndiri kuda kuramba ndichingoripa rudo kusvikira akanganwa vana vake ."
" Ndakatarisa amai vangu ndikawona vasiri kana kuteerera zvandiri kutaura zvakandinetsa ndobva ndati ," amai ndiri kutaura nemi muri kufungeiko ndakadaro ndichivarova rova ndobva vaita zvekuvhunduka.
Mai Beauty: sorry watiiko mwanangu pfungwa dzangu dziri kure kure "
Queen: mukufungeiko amai vangu?
Mai Beauty: ndiri kutofunga iwe mwana wangu wakambozvifungawo here kuti murume wako akanzi afa nhasi hapana kana chinhu chimwe chete chaunowana.
Queen: muri kutiiiko amai ndinogoshaya sei ini ndirini mukadzi waMambo ,zvikanzi mambo vafa nhasi ndini ndinowana zvinhu zvakawanda."
Mai Beauty: Aàh zvauri mwana mudiki vana vemurume vako vakura ka ava remember murume wako akafa Prince David  ndivo vanopinda panyanga very soon vanenge vane mukadzi ko iwe unozoita sei pafunge.
Queen: Ndakasimuka ndikatanga kufamba famba ndichifunga zvaive zvataurwa namai vangu,"
" Asi amai vane point ipapo kana King vakanzi vafa ndinenge ndiri pama1 chaiwo asi ndine nhumbu ka ini."
" Ndakagara pamubhedha ndokuti," nhai amai saka ndoita sei manje .
Mai Beauty: don't worry my child siira zvese kwandiri ndichakuudza zvekuita kana nguva yacho yakwana l hope mwana wawakatakura mukomana .
Queen: l hope so "
Mai Beauty: chindipa dhirezi rawakatengerwa nemurume wako ndikupfekedze.
Queen: don't worry mum ndopfeka ndega pluz ndine mamaids akatomirira kuita basa iroro.
Mai Beauty: Waal ndogood life ka iyi mwana wangu.Kubva zvawaroorwa naKing nhamo yese yakabva yapera imba yatiri kuvakirwa naKing yakutopera unozodei pakadaro chikafu chinogara chakazara kumba zviye zvekudya munjonjo nemutakura zvakapera.
" Ndisuwo takunwa tea nerivha gore rino hama dzese dzaitidadira dzichatiwona kunyanya bamunini vako vaidada sei handikanganwe pakarwara baba vako iwewe vakatinyima mari yekurapisa murume wangu ndichiziva kuti mari vanayo zvino nhasi tafanana kana kuti isu tatove mberi hada takaropafadzwa kuita mukuwasha King .
"
Queen: amai mati madii mirai muone zvenyu this is just the beginning ndichakuitirai zvikuru zvinopfuura izvi .
Mamaids akazouya vakandipfekedza nekuisa make up .
Ndakaenda pamirror uum ndaive ndakabuda kani King vakabva vapinda amai ndokubudawo vachienda.
King: oh my Queen makachena kani ndakadaro ndichienda kwaive nemukadzi wangu ndobva ndati mamaids abude.
Queen: ndakachena Ka"
King: yes wakachena zvekuti dhuu ndakadaro ndichimukisser pamuromo chaipo ndobva ndazara lipstick.
Queen: kkkkkk my King ndosaka ndange ndichinzvengesa muromo mazara lipstick".
King: hazvina basa ndakadaro ndichimutsvoda zvakare ndokuti," tadiiko kungoita 1 round  chete this girl is going to kill me one day  ndakadaro nechemumoyo ndichidonhedzera Queen pamubhedha.
Queen: not now please honai ndachena ndotangana nekubvisa  hembe here?
King : ndokupfekedza don't worry hatingosimbisei mwana wedu mutambo usati watanga.
Queen: " uum kuroorwa nemadhara kwakaoma zvinoitawo here shuwa zviri kutaurwa nedhara iri aah ndakaneta ini,ndakakisa King ndikati not now daddy asi kana mutambo wapera ndoita zvese zvamuri kuda ndakadaro ndichisimuka ndobva ndazvivhara zip.
King : it's okay my Queen let's go"
Queen: Takabuda takananga kwaive nevamwe ndakati ndichisvika so vanhu vakatanga kuombera mawoko vachipururudza zvekuti neniwo ndakabva ndachinja step ndikatanga kufamba ndichizvida saQueen so."
Ndakasvikogara kuleft side kwa King paside pangu paive naPrince Archie ndakati ndichivatarisa so hana yangu yakatanga kurova zvaisati yamboita ndakazvi ignower ndikatarisa zvakare kwaive naKing ndikawona Prince David vakachena vakanyatsobuda kunaka kwese hana yangu yakatanga kurova zvakare zvekuti ndakange ndatove confused kuti sei hana yangu yarova kudaro pandatarisana naPrince Archie naPrince David .....
End Of Chapter
Drop your comments
1.Queen Beauty bho here apa?
2.Queen Rwodzi vanyatsochinja here ?
2. Vabereki idai vana venyu zvakafanana nekuti vana havafe vakafanana,mudumbu rimwe chete munobuda manurse,mateacher,maminister mabussinessman nembavha zvakare saka tisasarudze vana.
Let's discuss vasiri mugrp remacomments join our grp kucommenting grp kuri kubvira.....
Read,react share and then comment.
Vari kufambisa book hazviende mberi.
NB: munhu wese kuchannel kuitira kuti pandinobanwer unokwanisa kuwana book kuchannel
Cee Novels
Life Changing Stories 💞
[04/03/2024, 07:36] Cee B: https://whatsapp.com/channel/0029VaD9BEeBqbrIQBPS0P0y 
*FOLLOW OUR WHATSAPP CHANNEL MACHAPTERS ESE UNOAWANA KUSVIKA PATAVE*
https://chat.whatsapp.com/BX7xC3Z39aR17LqEGhApmc join my whatsapp grp
https://www.facebook.com/profile.php?id=100076401092068&mibextid=ZbWKwL like and follow my *FB* page this month tiri kuda more than 3 K likes and followers...
Cee Novels Presents
*THE BLIND PRINCESS*
Story Written By Cee
    Aka
Mashumba ✍️✍️✍️
App: 0776171705
Chapter 13
*KING MBIZI*
"Takasvika kwaive nevanhu tikagara pakati pevanakomana vangu vaviri umwe aive kuleft umwe kuright ndainyatsonzwa kufara mhuri yangu iri pamwechete tichifara  pakatanga kuimbwa pachifarwa .Vanhu vaitamba vachiridza mhururu nemheterwa ndakatarisa madam ndikaona vachidikitira ndokuti," asi uri kutsva here ? 
Queen : n......nnnn....yes my King don't worry pamwe idhirezi randakapfeka".
King: kana iri hembe rawakapfeka handei unochinja upfeke imwe hazvibatsire kuti upedze mutambo wese uchipiswa kuita kunge uri mugehena.
Queen: ndatove bho don't worry ndakadaro maid achindipukuta dikita nekundigadzirisa kumeso "
King: okay ma'am ndoda kuti unyatsofara pashaye kana chinhu chimwe chete chinokuvhiringidza nhasi izuva rako ndoda kuratidza nyika yese mukadzi wangu ,nhasi mufaro wangu wakapetwa kaviri ndiri kufarira zvakare mwanasikana wangu wawakatakura.
Queen: ssssh mukomana kwete musikana matanga my King".
King: ndakaseka ndokuti mwana mwana asi ukandizvarira mwana musikana ndingafare chaizvo nekuti vakomana ndine vaviri ndakudawo musikana.
Queen: in your dreams my King ini pano ndiri kuzozvara mwana mukomana ndakadaro nechemumoyo.
" Master of ceremony akabva auya akatanga kutaura .
MC: Mangwanani akanaka hama neshamwari anamai nanababa majaya nemhandara.Pane ari kuziva chatakaunganira pano here?
Crowd: ehe ehe tauya pano kuzowona mukadzi waMambo .
MC: yes ndizvozvo chaizvo nhasi pano tiri kupemberera mukadzi waMambo vedu King Mbizi nhasi tiri kufara chaizvo nekuti Mambo vedu vazviwanira shamwari yavo tese tinovaziva vasina mukadzi ,mukadzi wavo wekutanga akafa kare kare vana vavo vachiri vadiki .
" Vakagara kwemakore mazhinji vasingade zvekuroora vachizvichengetera vana vavo kusvika nhasi vakura kudai ."
Pandakanzwa kuti King varoora ndakatoshamiswa nazvo nekuti vanhu vemuno muKingdom takamboyedza kuti King Mbizi varoore asi vairamba vachiti havafe vakaroora asi nhasi pano tine mufaro mukuru nekuti tapihwa amai mhurururu nemuridzo ...
Vanhu vakatanga kufara vachiwombera maoko vamwe ndivo vairidza mhurururu nemheterwa .Nhasi ndiri kuda kuti mufare nekufarisisa muchidya nechinwa tichifarira amai vedu vachangoburwa chikafu chese chiripo kungosarudza chaunoda wodya uchipeemberera zuva ranhasi.
Ikozvino takusiira nguva kuna King tiri kuda kuti vasimuke naQueen varatidze nyika yese tsvarakadenga yavo.
King vakasimuka vakabata mukadzi wavo vanhu vakatanga kudeedzera vachitaura zvakasiyana siyana .Vakatanga kufamba vachiuya kumberi vanhu vachingoita noise chete .
King: ndakamira pamberi pevanhu ndakabatana maoko nemukadzi wangu vanhu vairatidza kufara zvikuru ndakamira kudaro ndakatanga kufunga my first wife zuva ratakaroorana tikaitirwa mutambo mukuru nababa vasati vafa ndakangoona misodzi yoerera ndokuti," nhasi ndiri kufara zvikuru Mwari andirangarirawo andipa umwe mukadzi akanaka anondida handina kumbozvifungira kuti after the death of my late wife ndichada umwe mukadzi zvakare asi zvinoita Musiki zvinoshamisa nhasi ndakamira pano netsvarakadenga yangu Queen Beauty Mbizi ndoda kumupromiser pamberi pechaunga chevanhu  nehama neshamwari dzangu kuti ndichakuda nemoyo wangu wese kusvikira pataradzaniswa nerufu ndakadaro ndichipfugama pamberi pake ndokubata ruwoko rwake rwerudyi ndobva ndamutsvoda paruoko ."
" Vanhu vakatanga kuridza mhururu vachiwombera maoko .Queen vakandisimudza ndokuti l love you too my husband l promise you today kuti ndichakuda nemoyo wangu wese ha... ha .....hapana umwe murume wandichada kunze kwenyu my King l love you today ,l will love you tomorrow kusvikira taparadzaniswa nerufu ndakadaro ndichikisser King padama vanhu vakatanga kuita mhere mhere neruzha vachifara.
MC: mhurururu nemheterwa King naQueen vachienda kunogara pasi ikozvino yanguva yekuti King naQueen vatambe vari vaviri kana vapedza kutamba tese tozotambawo.......pakaiswa marecords King naQueen vakatanga kutamba.
Vapedza kutamba vanhu vese vakazotanga kutambawo.
Moana: Waal Mirabel Queen Mbizi is very beautiful vanhu vaitaura chokwadi waaal just look at her she is very young and beautiful".
Mirabel: yes Moana zvavanotokwikwidzana newe nhaiwe.
Moana: " yaah asi pandiri havazosvike zvavo chavakangondikunda kutsvuka chete zvavanoita kunge murungu.
Mirabel: ungagoti kudiiko asi makanaka zvakafanana handisi kutoona akakunda mumwe pakati penyu muri vaviri waal waona here vanakomana vaMambo.
Moana: yes " fanika muhombe wacho uyu iiih akanaka wena .
Mirabel: ini handisi kuziva mukuru pakati pavo nekuti ndakapedzisira kuvaona kudhara tichiri vadiki .
Moana: akanyanya kunaka uyo ndiye mukuru Prince David ooh l think I'm inlove with him already.
Mirabel: asi unenge uri kutaura chokwadi ari kuright ndiPrince David ,iwe ita zvaPrince David vako ini ndiri kuda mudiki wacho waal tikaroorwa mumhuri imwe chete ndingafare.
Moana: " neniwo ndingafare kani,amai muri kuvaona vanonzi vakomana ka".
Queen Rwodzi: yes moita zvinoita ndakuda vakwasha tinofanira kudzokera kumba mataura nevakomana vaviri ava ndakadaro ndichizevezera .
King Rwodzi: Mai Moesha kwana zvawataura ndazvinzwa hapana anoroorwa kana Moesha asati aroorwa remember that.
Queen Rwodzi: zvekupenga izvo ndakadaro ndichitaurira mumoyo ndokuti kune vanasikana vangu ndichitaurira pasi musazvinetse imi itai zvandakuudzai chete taurai neboys idzi muchifara muchisekerera sekerera muonekwewo remember Prince David is the crowned Prince of this Kingdom saka anenge adiwa apa anenge apinda machena.
Moesha: ndaive ndakagara ndichitobhowekana ndichitofunga mukomana uye ,ndakatanga kuseka ndega ndichifunga kuti chero zita rake chairo handirizive handina kumbomubvunza kana ndichida kumutsvaga ndotangira papi.
Ruru: my Princess muri kusekerera mega mukufungeiko?
Moana: hede asi wakupenga nhaiwe Moesha uri kungoseka wega wakagara ipapo kwakanaka here ?
Mirabel: nhai zvako iwe munhu angangotanga kuseka ega sebenzi pamwe akupenga.
Moana: hahahah woti ibofu akatanga futi kupenga iiih zvinenge zvamu..........ndisati ndapedza kutaura King vakabva vatinyararidza.
Moesha: Ruru ndiperekedzewo kutoilet .
Ruru: it's okay my Princess lets go ndakatanga kufamba naPrincess Moesha tichienda kwaive nematoilets takapinda tikazodzokera vanhu vakutamba.Tichifamba kudaro takabva tadhumana naPrince David.
Ruru: sorry my Prince 🤴 ndandisina kukuonai nda......sssh don't apologize ndazviona kuti imistake vakadaro Prince vakatarisa Moesha.
Moesha: let's go Ruru ndoda kunogara pasi pfungwa dzangu hadzisi pano.
Prince David: ooh my God who is this girl akachena kudai ......ndichitaura kudaro musikana uye akatanga kufamba newalking stick achienda ndakasara ndiri confused Prince Archie vachibva vasvika pandaive.
Prince Archie: ndiyani wawakatarisa kudaro?
Prince David: there is something about that girl panda......ndisati ndapedza kutaura Prince  Archie vakabva vati," which girl" hee aripi musikana wacho hee my brother is in love woo aripi........ndakatarisa tarisa ndikaona musikana uye aenda.Ndakamutsvaga asi ndakamushaya nekuti paive nevanhu vakawandisa.
Moana: Mirabel hatisimukei timbotamba takaramba takagara pano hapana chinobuda hatisiyei momz namudhara vari 2  oh vari 3 naPrince Morgan .Prince Morgan vakaramba vakagara nanamhamha hameno zvavo .
Mirabel: chokwadi hatisimukei timbofamba famba tichiona nzvimbo.
Moana: takasimuka naMirabel tikatanga kutamba zvaiita vamwe .Tichitamba kudaro takabva tasangana naPrince David vana Prince Archie ndakavamhanyira ndikavambundira ndokuti," Prince David is that you "
Prince David: ndini asi ndakanganwa ku.......ndisati ndapedza kutaura musikana uye akabva ati ," asi wandikanganwa l'm Princess Moana.
" Hana yakarova ndakamutarisa ndokuti aah ndiwe Princess Moana wakura kudai ?"
Princess Moana: ndini zvangu wena ,ko Mirabel uchiri kumuziva here?
Prince David: no ndichiri kungoziva mazita ,how is Prince Morgan.
Princess Moana: ari bho"
Prince David: is he married?"
Princess Mirabel: no ndakadaro ndichitarisana naPrince Archie hana dzedu ndobva dzaroverana.
Prince Archie: pandakatarisana naMirabel hana yangu yakatanga kurova mwana aive akanaka zvake iyeye . Ameno kuti ndiyo love at first sight yacho here nekuti ndabva ndatomuda .Takaramba takatarisana Princess Moana ndokuti Prince David meet my  younger sister Princess Mirabel ndiye mwana wekumba kwedu , makorokoto mana amai ka.
Prince David: ndeedu tese"
" Kwakatanga kuridzwa music ndobva ndati kuna Moana " let's dance".Takatanga kutamba tiri vaviri Prince Archie vachitambawo naPrincess Mirabel.
Princess Mirabel: taingotamba takatarisana takanyarara kuti ziii asi maziso edu ndiwo aitaura zvakawanda.
Princess Moana: takatanga kutamba naPrince David hana yangu ichirova ,mumoyo ndainzwa kufara nekuti Prince David ndiye aizondiroora chete by fire 🔥 by force .Mum must hear this woo Prince David is mine and mine alone kana panga pane musikana anga akateya panaPrince David zvaendwa ndini ndichave mukadzi wacrowned Prince 🤴 the future Queen of this Kingdom.......
End Of Chapter
Drop your comments
Munhu wese kuchannel .
Read,react, share and comment
Cee Novels 
Life Changing Stories 💞
                        
                    
                    
                    
                    
                    
                                    
                                        
                                            ❤️
                                        
                                    
                                        
                                            🙏
                                        
                                    
                                        
                                            👍
                                        
                                    
                                        
                                            😂
                                        
                                    
                                        
                                            😢
                                        
                                    
                                        
                                            😮
                                        
                                    
                                        
                                            👆
                                        
                                    
                                        
                                            💕
                                        
                                    
                                        
                                            💚
                                        
                                    
                                        
                                            🔥
                                        
                                    
                                    
                                        299