Cee Novels
January 24, 2025 at 05:18 PM
[05/03/2024, 22:27] Cee B: https://whatsapp.com/channel/0029VaD9BEeBqbrIQBPS0P0y
*FOLLOW OUR WHATSAPP CHANNEL MACHAPTERS ESE UNOAWANA KUSVIKA PATAVE*
https://chat.whatsapp.com/Ltd3O62Qu2M835PFAQSiNK pinda musati mazara
https://www.facebook.com/profile.php?id=100076401092068&mibextid=ZbWKwL like and follow my *FB* page this month tiri kuda more than 3 K likes and followers...
Cee Novels Presents
*THE BLIND PRINCESS*
Story Written By Cee
Aka
Mashumba ✍️✍️✍️
App: 0776171705
Chapter 14
*KING RWODZI*
" Nhasi kwafarwa kani mai mwana ndiyani aiziva kuti King Mbizi vachazoroorawo mukadzi akanaka kudaro pakafa first wife yavo vakataura kuti havafe vakaroora mumwe mukadzi pavaida kupihwa munin'ina wemukadzi wavo.
Queen: neni pandakazvinzwa kuti vakaroora ndakatoshamisikawo nekuti ndaivepowo panhamo vachibheja kuti havafe vakaroora futi kusvikira vafa.
King: asi vagona vanhu vese vari kufara nekuti vanga vanyanya kugara vega munhu waKing anongodawo Queen vari paside".
Queen: taurai zvenyu nhasi tafara kani,varipiko anaMoana takuda zvekuenda kumba.
King: Prince Morgan enda unodaidza hanzvadzi dzako tichienda kwadoka hatisi kumirira kuti mutambo upere....Prince Morgan vakuenda takabva tatoona Moana naMirabel vachiuya ndokuti good vanangu mauya good time tese takuenda kumba hapana ari kusara.
Moana: what?takutoenda why so soon tichiri kuda kumbojabula isu daddy endai zvenyu inini naMirabel tozotevera.
Mirabel: shuwa daddy tichiri kupemberera amwen.......ndisati ndapedza kutaura Moana akabva andikwenya akandipa sign yekuti ndinyarare.
Moana: please daddy tozotevera tiri 2 endai zvenyu.
King: ndatotaura so ndati tiri kuenda kumba tese hapana ari kusara ndakadaro ndichitofamba ndichienda.
Moana: amai taurai nababa vatitendere kusara pano pari kunakidza .
Mirabel: chokwadi amai endai munotaura nababa .
Queen: zvakwana vanangu handeyi kumba zvataurwa nababa venyu.
Moana: "Asi zvinobhowa amai zvekudzokera kumba mutambo usati wapera.
Queen: itai zviri kudiwa naBaba venyu ....
Mirabel: aah zvinobhowa apa ndandichida kuona futi Prince Archie ..... ndakadaro ndichitevera amai kumashure ndichingopopota.
Moesha: ndakafara daddy pavakati tichienda kumba ndakaita kupembera chaiko nekuti ndaitosvotwa zvangu chandaida kudzokera kumba ndoswera ndakarara kana ndichizviyimbira.
" Mupfungwa ndaingofunga mukomana uye hapana kana chakandinakidza zuva iroro .Tapinda mumota Moana naMirabel vakatanga kutaura vachifara asi ini ndaitoshamisika nazvo.Vaitaura vachifara chaizvo vanhu vese mumota vainge vangonyarara vachinzwa Moana naMirabel vachitaura.
"Uum zuva iroro ndakanzwiririra kani vana vanyamunhu vachitaurirana.
Moana: waaal baby sis wavaona sei Prince David?"
Mirabel: vakanaka asi havakunde Prince Archie oh Prince Archie is handsome handisati ndamboona mukomana akanaka kudaro.
Moana: Prince Archie vako vakanaka asi havapfuure Prince David waal pandaona Prince David hana yangu yarova wena zvaisati yamboita uyu anotondiroora chete.
Mirabel: haah kana wangu ndiye akanaka takatanga kuitisana nharo naMoana daddy ndobva vazotinyararidza.
Ruru:ndakaseka Moana naMirabel pavaiitisana nharo ,ndakatarisa Princess Moesha ndakaona vakanyarara kuti zii vachitaridza kuti pane zvavari kufunga ndakabva ndaziva nyaya yacho ndikaramba ndakanyarara ndaizotaura navo tasvika kumba."
" Takati tichisvika pamba umwe neumwe akaenda kuimba yake yekurara nekuti taive takaneta takaguta.Queen ne2 girls dzavo ndivo vakaenda kubedroom kwaMoana vari vatatu.
Ruru: my Princess muri kufungeiko nhai weduwe vamwe tiri kufara asi imi muri kutaridza kuti pfungwa dzenyu dziri kure ."
" Asi muchiri kufunga nezvemukomana uye here?
Princess Moesha: " yes handisi kuzozorora kusvikira ndamuwana ndiperekedzewo ka mangwana kunomutsvaga.
Ruru: ndakatura befu ndobva ndati," it's okay my Princess mukomana uye tichamutsvaga kusvikira tamuwana nekuti kubva zvatakamushaya handina kuzomboona kufara kwenyu my Princess ," l miss your smile hamuna kumbofitwa nekugara makatsamwa so asi zvisineyi mangwana ndinokuperekedzai l promise you kuti ndichakubatsirai kutsvaga mukomana uye kusvikira tamuwana ....
Queen Rwodzi: nhasi tambofara wena mavaona sei Queen vachangoburwa.
Moana: uuum Queen Beauty vakanaka wena my future mother in law .
Mirabel: aiwa King vakazvibatira babie musweet sixteen wavo .
Queen: l hope maita zvandakuudzai mavaona here vanakomana vaKing Mbizi.
Mirabel: yes amai Prince Archie vari kutaridza kundifarira wena tambotaura nekutamba tese zvakarongeka .
Queen; ko iwe Moana".
Moana: yaaah tambotaura zvedu asi handisati ndanyatsoona pandimire .Asi ndichatoita kuti zviite chete by fire 🔥 by force.
Mirabel: by fire by force!!!! Rudo harudi kumanikidzira kana asingakude musiye akadaro nekunaka kwako haushaye umwe Prince anokuda.
Moana: l know kuti handishaye asi l want Prince David at any cost .
Queen: Prince David atove wako mwanangu hapana mukomana ari normal anoramba tsvarakadenga yakaita sewe.
Moana: taurai zvenyu amai ko nyaya yaMoesha amai handidi kuti kana ndazodanana naPrince David ndakuda kuroorwa zvonzi hazviite nekuti Moesha haasati aroorwa .
Mirabel: hede ikozvino mudhara akaita zvekutamba ndinotizira ."
Moana: shuwa tosvikepiko takamirira tsikombi Moesha hahahaha taura zvako mwana wamai vangu zvikaramba this time tiri kutizira amai mosara nemwana wenyu mega pano.
Queen: hapana ari kuzotizira pano ingawani ndakakuudzai kare kuti siirayi zvese mumaoko angu musatye henyu gud nyt morara zvakanaka ndakadaro ndichitobuda kuenda kunorara ndokawana King varara.....
*PRINCE DAVID*
" There is something about that girl handisi kugona kunyatsotsanangura azoenda nepiko musikana uye ndamutsvaga asi ndamushaya kuti ndichazosanagana naye ? Uum l doubt nhasi pano panga pane vanhu vakawanda mafambiro aazoita handina kuanzwisisa is she blind or what ooh no ndinenge ndakutopenga chete nekufunga that girl .Chero ndikada kumutsvaga ndinotangira papiko ndakagara pamubhedha ndikabata shaya ndichifunga zano Archie ndobva apinda asi handina kana kumboona kuti aive apinda nguvai akatozoita zvekundirova mbama ndikavhunduka.
Prince Archie: muri kufungeiko mukoma wangu pfungwa dzenyu dziri kuratidza kuti dziri kure kure asi muri kufunga Moana ?
Prince David: Ndakasimuka pandaive ndigere ndokuti,"no"
Prince Archie: Aàh don't tell me kuti muri kufunga musikana uye wamambotaura akanyatsoita seiko akanaka kupfuura Moana here?
Prince David: yes ,no ,l don't know".
Prince Archie: what do you mean yes ,no ,l don't know pane kuti mufunge tsvarakadenga yenyu Princess Moana muri kufunga zvisina basa.Ini handisi kuziva kuti ndirwo rudo rwacho here kubva zvandatamba naMirabel ndiri kungomufunga nanhasi angori mupfungwa dzangu.
Prince David: my little brother is in love woo".
Prince Archie: l really like her she is gorgeous ".
Prince David: ndiri kuzviona zvangu".
Prince Archie: ndokumbirawo kuperekedzwa kwaKing Rwodzi ".
Prince David: what? Unopenga here iwe woda kuti tinoiteiko kwaKing Rwodzi.
Prince Archie: l want to see Princess Mirabel ,asi iwe hausi kuda kuonawo Moana here? Forget about that girl tiende kunoona vanasikana vaKing Mbizi pane kuti urambe uchifunga nezvemunhu wawakangoona nguva diki.Princess Moana is very beautiful l think she is the perfect woman for you.
Prince David: yes she is very beautiful but......ndisati ndapedza kutaura Prince Archie vakabva vati," but what brother forget about that girl unoziva kwaanogara here ?
" Mwari akupa nekukuratidza musikana chaiye akanaka iwe uri kufunga zvimwewo batisisa zvawapihwa nevadzimu vako nekuti mudzimu haupe kaviri.
Prince David: ndakatura befu ndokuti l think you are right mwana wamai vangu ameno kuti chii chiri kuitika pandiri .
Prince Archie: so mati tozoenda kunoona mababie edu rinhi?
Prince David: hameno iwe paunenge wangoti tiende.
Prince Archie: yeeh thnx bro l think mangwana chaiye .
Prince David: oh the love is in the air mangwana haaite wangu maybe toenda the day after tomorrow what's the hurry.
Prince Archie: ndakasenda ndokuti,"babie rinoenda ka asi hausi kuda kuonawo Princess Moana.
Prince David: ndokwayave nyaya yacho here tinoenda kuswera mangwana ,mangwana pane zvatiri kuda kumboita namudhara .
Prince Archie: horaiti ndazvinzwa toenda kuswera mangwana kwacho ndakadaro ndichitobuda kuenda kunorara ....
Prince David: " oh my little brother is in love woo ,ndakagara pasi ndikatanga kufunga Princess Moana ndakangoseka ndiri ndega ndokuti my brother is right Princess Moana vari bho she is nice and beautiful l think l also like her regai tione kuti tinosvitsana kupi .......ndakazorara late ndichifunga vasikana vaviri vandakange ndasangana navo....
End Of Chapter
Destiny???????
Who is destined to be with Prince David ?
Let's discuss Zviri kuda kuitika zvinobuda here apa...
@ Cee Novels 💞
[06/03/2024, 07:41] Cee B: https://whatsapp.com/channel/0029VaD9BEeBqbrIQBPS0P0y
*FOLLOW OUR WHATSAPP CHANNEL MACHAPTERS ESE UNOAWANA KUSVIKA PATAVE*
https://chat.whatsapp.com/BX7xC3Z39aR17LqEGhApmc join my whatsapp grp
https://www.facebook.com/profile.php?id=100076401092068&mibextid=ZbWKwL like and follow my *FB* page this month tiri kuda more than 3 K likes and followers...
Cee Novels Presents
*THE BLIND PRINCESS*
Story Written By Cee
Aka
Mashumba ✍️✍️✍️
App: 0776171705
Chapter 15
*PRINCESS MOESHA*
" Days passed ndichitsvaga mukomana uye asi handina kumuwana ndaienda everyday patakasangana naye asi paive pakaipa .Ndakaedza nepandinogona napo kumutsvaga asi zvakashaya basa ndakange ndatoneta asi handina kuita give up.
Ruru: my Princess tosvikepiko tichiita zvatiri kuita izvi handifunge kana tikamuona mazuva awandisa tichimutsvaga asi nanhasi hatisati tamuwana tadiiko kungosiyana nazvo kana Mwari akati muchasangana munosangana chete".
Princess Moesha: kuti kudaro here?
Ruru: yes my Princess kana Mwari akati muchasangana munotosangana chete pasina kana effort yamamboita .
Princess Moesha: yaaah ipapo une point hatichingoendei kekupedzisira zvanhasi chete kana yakamushayawo nhasi tosiyana nazvo .
Ruru: ndazvinzwa mamapedza kugadzirira here kuti tibude?.
Princess Moesha: yes " nhasi tiri kuda kuti tikurumidze kudzoka handiti iwe watopedza.
Ruru: ehe ndatopedza asi pane zvandiri kuda kumboita 2 minutes chete tisati taenda.
Princess Moesha: it's okay my dear ita zvauri kuda kuita ndinenge ndakakumirira ndiri muno.Ruru akabuda ndikasara ndakagara padressing table ndichipedzisa zvandaiita amai vakabva vapinda ndobva ndati," mamukasei amai?"
Queen: "silent" mwana uyu anotondibhowa ndosvikepiko ndichipretender n'anga iye hapana kana zvayakandiitira ndakadaro ndichitaurira mumoyo".
Princess Moesha: ndakatora walking stick yangu ndobva ndamira ndikati," amai ndimi here" ndati mamukaseiko ?
Queen: "ndamuka" ndakadaro ndichitaurira pasi ,ko zvawachena chena uri kuda kuendepiko makuseni ano everyday ndiri kukuona uchingobuda asi wava nemukomana here?
Princess Moesha: mukomana!!!! wandinowanepi zvangu ?
Queen: uri benzi remunhu saka kubuda kwese uku unenge uchiendepiko uchitadza kutsvaga mukomana anokuroora .Haah iwe ndofunga akakuroya akatofa kare kare ita zvinoita vanasikana vangu varoorwe this year vana vangu vakasaroorwa chete nekuda kwako unondiwona enough is enough ."Handizive kuti uchaita sei kuti Mirabel naMoana varoorwe .Dai watsvaga wo chero rombe zvaro rinokuroora chandakungoda kuti vanasikana vangu vaviri varoorwe ko amwe mapofu anoroorwa wo wani iwe ndiri kutoshaya kuti chii chaizvo kana kuri kushata uuum hameno handizive kuti uchataura nababa vako here kana kuti uchaitawo zvekutizira.Aah kkkkkk ndakaseka nhamo serugare ndokuti," chero kutizira kwacho hapana hapana nekuti mukomana wacho hauna.
Princess Moesha: amai vachitaura ndakazongoona misodzi ichierera mashoko ekutaura chaiwo ndakamashaya nguva iyoyo.
Queen: uri kutochema zvako kurumidza kunyarara kuti ziii zvatataura zvikangosvika kuna baba vako chete basopo .Kana tiri pamberi pababa vako tinowirirana handiti uri kundinzwa.
Princess Moesha: e ......e.....eh.......ehe amai ndakadaro ndichikakama matama akazara misodzi.
Queen: ndiri kukupa 3 months chete dzekuzvitsvagira mukomana isu tazvitadza ndakadaro ndichibuda kuenda....
Princess Moesha: ndakasara ndikachema zvikuru ndichifunga kuti amai vakanyatsondivengerei chaizvo kusaroorwa imhosva here ,mazuva apfuura vanga vachinja amai handisi kutoziva kuti chiiko chaitika kwavari nhasi .
Ruru: Ndakapinda mumba ndikaona Princess Moesha vachichema zvakandinetsa kuti vari kuchemei munhu wandangosiya achizvifarira asi ndiQueen vaita kuti acheme.Ndakaenda pamberi pavo ndokuti," zvaitaseiko Princess Moesha ndakusiyai muchifara wani asi ndiQueen .
Princess Moesha: ndakamboramba ndakanyarara ndokuzoti," no " siya zvakadaro hapana kwatichaenda nhasi.
Ruru: why ? asi pane zvataurwa naQueen here please tell me chiregai kuchema kani.
Princess Moesha: Ruru kuzondidaro ndakatanga kuchema ndafunga zvandakakura ndichiitwa naamai vangu .
Ruru: ndakarwadziwa ndichiona Princess vachichema ndakaenda pavaive ndokuti , don't cry my Princess everything is going to be alright ndiQueen chete vakuchemedzai ".Wipe your tears tibude tiende kwatange tichida kuenda.
Princess Moesha: life is not fair Ruru chandakatadza chiiko chinoita kuti amai vangu vabva vandivenga kudaro hee ndiudze kuita bofu kana kushata kwavanogara vachitaura imhosva yangu here? Asi ndakazonyanyawo kushata kwacho here hiii hiii hiiiii zviri nani kuti ndife zvangu amai vangu vafare pamwe vanasikana vavo vaviri vavanodisisa vanosara vachiroorwa kana ndikaf....... please don't say that akadaro Ruru achindimbundira akatanga kuchemawo.
Ruru: makasikwa nemufananidzo waMwari madiiko kutaura naKing nekuti handifare kana ndichikuonai makadai.
Princess Moesha: kutaura kuti kudiiko hee".zviri nani kuti ndife zvangu pamwe amai nevanin'ina vangu vangawane rugare , zvakaramba zvakadai ndozviuraya ndaneta Ruru Aàh l'm tired of this life .
Ruru:ndakatoona kuti ndikaita zvekutamba ndinoswera pamba naPrincess vachingochema.Ndakavapukuta misodzi ndokuti ," my Princess lets go ".
Princess Moesha: ingawani ndati handichada kuenda ndoda kuswera ndakazvirarira ndakadaro ndichida kubvisa bhutsu dzandaive ndapfeka Ruru achibva andibata ruoko akati ,nhasi tiri kuzobuda chete muchida musingade l know you are the Princess asi nhasi mombonditeererawo .Ndakamugadzirisa musoro nekumugadzirisa bhutsu ndobva tatobuda kuenda handina kumboteerera zvavakataura.Takatanga kufamba tichitenderera ndobva tazogara pasi .
Takagara kudaro Princess vakabva vatanga kuimba vachichema zvekuti ndakangopererwa .
*SONG*
*PANYIKA PANO PANOREMA MWARI
DAI MANDITORA NDAGARA NENI
PANYIKA PANO HAPANA ZORORO
PANE NHAMO NEMATAMBUDZIKO
DAI MANDITORA NDAGARA NENI*
*PANYIKA PANE KUVENGWA
PANYIKA PANE KUSUWA
DAI MANDITORA NDAGARA NENI*
*ZVAKANGOOMA KUVENGWA
NEMUNHU AKAKUZVARA
AAH MWARI WANGU
DAI MANDITORA NDAGARA NENI*
Ruru: ndaive ndangonyarara Princess vachiyimba vachichema.
Princess Moesha: ndichiyimba kudaro ndakazongonzwa pasvika munhu akasvikowira pamakumbo angu.
Stranger: my Princess why are you crying ,song yamuri kuyimba yandibaya moyo.
Princess Moesha: hana yakatanga kurova pakataura mukomana uye ndobva ndati," oh my God it's you " ndandichikutsvaga nguva yese iyi "
Stranger: oh mamundichitsvaga!!!! ko nhasi chiiko hamusi kufara chi......ndisati ndapedza kutaura Princess vakachema zvakandirwadza ndobva nda...........
*QUEEN B MBIZI*
" Oh puuu ndiyani abika svina idzi heee Shupikayi huya pano ndiwe here wabika zvinhu zviri kushata kudai ?
Ndakati kudiiko kurumidza kuuya pano nenzara yandinayo wondiigira chikafu chakadai chero imbwa chaiyo haidye zvakadaro . Shupikayi akauya pandaive ndichibva ndamupa chamatsenganzungu.
Ndakabata musoro wake ndikamudyisa chikafu chake ,benzi remunhu kurumidza kubvisa zvinhu zvako unondibikira chikafu chaicho asi uri kuda kuti nhumbu yangu ibve ndakadaro ndichipuruzira dumbu rangu.
Prince Archie: ndaitopfuura ndichienda kwandaive ndadaidzwa naPrince David ndobva ndaona amai vachiita mashura ndakangosvika ndokuti," zvaita seiko amai ndanzwa kupopota ndiri kure ",.
" Iwe Shupikayi waita seiko amai vangu ?
Shupikayi: nda nda nd........ndachida kuti nditaure Queen vakabva vanditi shut up enda unoita zvandati uite handisi kuda zvekuramba ndichitaura newe.Ndakangobuda ndichimhanya ndichichema.
Prince Archie: ambonyatsoita seiko Shupikayi nhai amai?
Queen: Hana yakatanga kurova ndakatarisa Prince Archie ,uuum Prince Archie is very young and handsome ndakatanga kufunga tichikisana tichifara tese tichiwirirana ndikatanga kusekerera ndega.
Queen: hezvo ko makusekerera futi munhu anga achipopota regai ndiende ndakadaro ndichitobuda ndichishamisika nezvaive zvabva mukuitika.
"Prince Archie vachibuda King vakabva vasvika ndokuti," ndanzwa noise ndiri kuthrone room are you okay?
. Queen: ndimaid wako wawakandipa chokwadi angandibikire chikafu chisina kuibva ?
King: what? Shupikayi iwe Shupi huya pano... Shupikayi akabva asvika ndokuti," Mambo raramai nekusingaperi mandidaidza.
Ehe ndini ndakudaidza ko yandiri kunzwa ndeipi yekuti uri kubikira mukadzi wangu chikafu chisingaite.
Shupikayi: l'm sorry my King ndichazvigadzirisa.
King: sorry for yourself wakangobika chikafu chisina kuibva tinopedzerana .
Queen: ndabva ndatoguta handichade chikafu chacho.
King: zvino zvinozoita here kuti usadye iwe une nhumbu.
Queen: ko ndoita sei mamaids kana mamaids ako pano asingagone kubika ndichazvitsvagira ndega mamaids anoita ava vawakandipa handichavade vari kuda kuti nhumbu yandinayo ibve vanenge vari kudawo kuita Queen Mbizi manje hazvife zvakaitika ndakasimuka pandaive ndakagara ndikabhidhaira ndichienda kubedroom King vachibva vanditevera ndokuti," kana uchida kuchinja mamaids ako unochinja handikurambidze mukadzi wangu l love you very much .
Tichitaura kudaro takazopedzisira takusimbisa mwana wedu.
Queen: pandakarara naKing ndaingofunga Prince Archie zvese zvaiitwa naKing ndaiona vari Prince Archie oh my God am l falling in love with the King's son oh no ndakadaro ndichipusha King vakadonhera pasi......
End Of Chapter
Drop your comments
Cee Novels
Life Changing Stories 💞
❤️
🙏
👍
😂
😢
😮
🎉
💃
💚
🤣
436