Cee Novels
January 25, 2025 at 12:04 PM
https://chat.whatsapp.com/JfcJdkkf7FSLo1DWzZxI86
*MUNHU WESE KUCHANNEL*
*KANA USINGADE KURASIKIRWA NEMAMWE MACHAPTERS GARA WAENDA KUCHANNEL HAKUNA CHAPTER INOKUJAMBA KUINBOX HANDIPE MUNHU BOOK*
https://whatsapp.com/channel/0029VaD9BEeBqbrIQBPS0P0y for updates and previous chapters follow my Whatsapp channel
https://www.facebook.com/105699408594727/posts/105706468594021/?app=fbl don't forget to like my FB page
https://chat.whatsapp.com/HLvsHX32OnmIFDqLCgkN54 for comments join this group
Free book read,react , comment and then share
Cee Novels Presents
🦋FATED SOULMATES🦋
Story Written by Cee
Aka
Mashumba✍🏼✍🏼✍🏼
App📲+263 seven seven six one seven one seven zero five
Chapter 24
*RAPHAEL*
" Ndakazoenda kumba late ndichishaya kuti ndoenda kupi chaiko ndikarara kwaSasha Yolanda ndinomuti kudii?" Ndikarara kwaYolanda zvakare Sasha ndinomuti ndarara kupi oh musoro wangu wakutorwadza kutema chaiko handichazive zvekuita nekuti vese handisi kuda kuvarwadzisa."
" Ndabva ndafunga mazuva andakatanga kuenda kuStates Sasha ndiye munhu akamira neni ndisati ndakumboenda kubasa ndisina kana chandinacho ."
Pandaitsvaga basa akandibatsira kusvikira ndawana basa kuti ndingomusiya just like that zviri kundiremera l love her too chero ndichinyanya kuda Yolanda."Dai pasina Sasha hameno kuti ndaizvifambisa seyi ndiri kuAmerica."
Ndakazosimuka ndokupinda mumota mangu ndakananga kuMandara ndakasvika pamba pane runyararo vanhu vese varara oh nhasi ndanonoka kubva kubasa ndaona vana vangu varara mangwana ndofanira kukurumidza kudzoka ndisvike vana vasati varara."
" Ndakapinda mubedroom ndokuona Yolanda akarara akatarisa mudenga apo maziso ake aive vakatsvuka kuti piriviri akazvimba zvakare hana yangu yakarova ndobva ndayenda kwaari ndichifambisa ndichibva ndati," nhai babie maziso ako kutsvuka kudaro kwakanaka here ?"
" Nguva iyoyo ndakatanga kufunga zvakawanda ndichifunga kuti pamwe akuziva nezvaSasha asi no mhani anenge audzwa nani nezvaSasha nekuti ini naRamon chete tisu tiri kuziva nezvake ." Ndakaramba ndakatarisa Yolanda ndichinetseka nekuti aitoratidza kuti anga achimbochema ,ndakagara pedyo naye ndokuti," maziso ako akazvimba kudaro waita sei ?"
Asi wanga uchimbochema here babie?"
Yolanda:" Rapheal achitaura ndakanzwa shungu ndakapotsa padiki ndachema asi ndakazvidzora semunhu mukuru ndokuzoti," musoro waswera uchindirwadza ndatoswera ndirere ndosaka maziso angu akazvimba.
Me:" saka wanwa mapirirtsi here?"
Yolanda:" ehe ndanwa ".
Me:" Ikozvino uri kunzwa sei handifarire kukuona wakadai babie?".
Yolanda:" don't worry Raphie ndave nani ".
Me:" kana uchiri kurwadza ndine painkiller rako ndakadaro ndichimukisser,nguva iyoyo ndakabva ndatokanganwa kuti kunaSasha ndakatanga kutamba nemunhu wangu kusvika tapinzana kudenga rechinomwe,l made love to her like never before .
Yolanda akange anaka awedzera kusimba apo skin yake ichiita seyemwana mucheche.
Yolanda:" we made love like never before zvekuti ndakatombokanganwa nhamo dzangu ndakazorara ndiri mumaarms aRapheal .The following day takamukira morning glory daddy vachibva vaenda kubasa ndakazoswera ndichinzwa morning sickness zvekuti ndakaswera ndivete asi ndainetswa naJayden achida zvekutamba neni"
Me:" ndakamukira kubasa ndokutanga kuita basa rangu pave paye ndipo pandakafunga nezvaSasha ndichibva ndabatidza fone yangu ndikaona pane mamissed calls nemamsgs hobho."
Hana yangu yakarova ndobva ndatora bhachi rangu nemakey emota ndikaenda kumota ndichimhamya ndakuda kupinda mumota ndakaona Ramon achitosvikawo nemota yake ndichibva ndamirawo.
Ramon:" ko wafungepiko kuseni kuno ,ndati regai ndiuye kuchiri kuseni ndinzwe kuti nezuro wakazoita sei?"
Me:" uum Ramon une mashoko uri kuda kuzivei chaizvo".
Ramon:" ndakaseka ndakatarisa shamwari yangu ndichibva ndati," zvandiri kuda kuziva uri kuzviziva vakararakupi nezuro ?"
Nezuro ndaingofunga nezvako umwe wangu".
Me:" Ndakatura befu ndikati," ndakarara kumba chaiko".
Ramon:" kana uchiti kumba chaiko uri kurevei nekuti kwese kumba ,Sasha wakamutsvagira imba uyuwo Yolanda akugara kumba kwako.
Me;" saka wazvionaka kuti wazvipindura ndakarara kumba kune mhuri yangu".
Ramon;" what about Sasha?"
Me;" pandimire pakaoma shaah handisi kutoziva kuti ndodiiko ndaive ndakadzima fone nezuro ndatoibatidza now ndikaona mazimessege nhasi zvangu.
Ramon:" uum saka Yolanda unomuda".
Me:" ndomudisa shaah izvozvi nditori confused ,naSasha tiri kufanira kuroorana sekuvimbisana kwatakaita .
Ramon;" but haumude Ka iwe wakuda Yolanda.
Me:" l don't know man chandinoziva ndechekuti handidi kumurwadzisa .
Ramon:" watotanga kumurwadzisa nekuti nezuro wakarara kwaYolanda."
Me:" uuum pakaipa wangu rega ndimbosvika kumba kwacho ndichaona ndakatsamwirwa nhasi ,naSasha tadanana kwemakore akawanda saka uum zviri kundiremera."
Ramon:" tora nguva yako unyatsoona munhu wauri kunyatsoda pahuviri hwavo handidi kuti uite mistake .
Me:" ndichaita sekudaro bye ndaenda shaah,ndakamhanyisa mota zvekuti pasina nguva ndaive ndatosvika ndakaona Sasha akagara pasofa akabata shaya achiratidza kuti pane zvaari kufunga akati achindiona akabva asimuka akati," Raphael wakararepi nezuro ndakamborara ndinyerere ndikazoti," sorry babie ndakarara kubasa."
Sasha:" are you sure?"
Me:" ndikutokutaurira chokwadi nezuro ndaive ndakawandirwa nebasa kwoti mameeting hobho ndakakuudza wani".
Sasha:"uuum hausi kundinyepera?"
Me:" handisi babie ".
Sasha:" uum l don't trust you at all kana waive wakawandirwa nebasa wakadiiko kundifonera."
Me:" fone yangu yakazodzima sorry babie l will make it up to you this weekend .
Sasha:" what are you saying babie ukureva here kuti nhasi unogona kusadzoka futi ?"
Me:" yes asi weekend ndichaita kuti ndiswere newe pano,pese pandaitaura ndaifunga Yolanda kuti musoro wake wapora here nezuro anenge airwadziwa zvakanyanya nhasi ndofanira kudzokera kumba kwakachena ndione vana vasati varara ndichiona zvakare kuti aswera sei Yola.
Sasha:" uri kumbofungeiko mudiwa?."
Me:" hapana zvangu vanga vabika here shaa?"
Sasha:" aah kuseni kuno here handina ini ndichangomuka ko ndange ndakaneta nekufamba zve".
Me:" ooh saka ndodyeyi ?"
Sasha;" ndakasiya imwe nyama nezuro ?"
Me:" uum ndiri kuda kudya zvinhu zvinopisa kuseni kuno kwete nyama yanezuro.
Sasha:" saka rega ndikubikire cerevita."
Me:" unenge wagona shaah"
Sasha;" ndakaisa mvura pagas stove ndobva ndamubikira cerevita akatanga zvake kudya chop chop,hey idya zvakanaka uri kumhanyirepiko ndakadaro ndichitoseka zvangu ?"
Me:" ndine meeting nhasi shaah saka ndaona kuti zvandisina kudzoka nezuro nditange ndauya kuno ndozodzokera ".
Sasha:" wagona shaah dai uchiziva kusuwa kwandakuita ka usiri kumbodaro zvako."
Me:" nemiwo ndakusuwa l promise you kuti weekend tichaswera tiri tese ndakadaro ndichiisa plate patable ndobva ndabuda ndakusvika padoor Sasha akabva andibata akati," saka wakutoenda usina kumbondikissawo".
Me:" Mazuva mazhinji babie ndichitaura kudaro ndakabva ndanamwa nayo kiss ndikaita kunge ndicharumwa muromo ndakangopfavirirawo asi uum mumoyo nemupfungwa ndaifunga Yola.
Sasha:" bye nhasi udzoke kumba ".
Me:" Ndazvinzwa Sasha ndinodzoka nhasi ,ndakadzokera kubasa ndikaswera ndiri busy ndaisada zvekufunga zvakawanda dzakuma 4 ndakadzokera kumba ndikaona vana vachitamba vakati vachindiona so vakasiya zvavaiita ndobva vandimhanyira .
Joanna:" daddy daddy sei nezuro musina kudzoka kumba."
Jayden:" ehe daddy nezuro hatina kukuonayi."
Me:" ndakadzoka ini bvunzai amai venyu?"
Joana:" saka nhasi matiigira chii?"
Me:" ndauya nezvese zvamunoda ".
Joana:" yeeh"
Me:" Ko mhamha venyu varipi?"
Jayden:" vakayaya"
Me:" aah asi vaswera vakarara here?"
Jayden:" ehe daddy vaswera vakayaya"
Me:" tichitaura kudaro Auntie Mucha vakabva vasvika ndikati," aswera sei mukadzi wangu ?"
Auntie Mucha:" vaswera vakarara vachingoti musoro asi ndabva kuvaona now vakuti vanani".
Me:" vambodya ?"
Auntie Mucha:" zvishoma ".
Me:" better rega ndiyende ndinomuona ,ndakapinda mubedroom ndikaona Yola akatofa nehope akarara zvake ndakamutarisa akarara kudaro uum Yola aive akanaka weduwe ndakangobvisa bhutsu dzangu nehembe ndokupinda mumagumbeze ."
Ndakaramba ndakamutarisa ndobva ndatanga kumubata kumeso kwake ndichidzika naye aive akapfeka kanyt dress kainyatsoratidza zvakaita mazamu ake ndakatanga kumubata mazamu iwayo aive akura ndikatanga kumatambisa ndipo paakazomuka tichibva tatarisana .
Yolanda:" ndakamuka ndikaona Raphie ari paside pangu handina kuona kuti aive apinda nguvai nguva iyoyo ropa rakatanga kumhanya mhanya andizive kuti inhumbu yaida Rapheal kudaro here?"
"Takamboramba takatarisana pasina aitaura nemumwe nguva iyoyo ndakambofunga zvakataurwa naProphet zvemusikana wake ndiri mundangariro kudaro Rapheal akangoyerekana andikisa ndobva chatotsva Rapheal ndakange ndisisade kumushaya mulife mangu nguva diki iyoyo ndakange ndakutochema nekunakirwa tichisimbisa mwana wedu tapedza ndipo paakazoti nhasi wamboswera sei babie ndasvika nekungokupa pain killer.
Yolanda:" zvandakuona kudai ndatove bho shaah".I love you Rapheal please don't break my heart."
Me:" ndakamutarisa ndobva tatarisana ndikati," zvauri kutaura hazvife zvakaitika l love you too ".ndakadaro ndakamutarisa mumaziso chaimo hana yangu ndobva yarova ndakufunga Sasha.
Yolanda;" neniwo ndokudisa rega ndinokutorera chikafu .
Me:" no rega ndinotora ini tidye tese ndanzwa naAuntie kuti nhasi hauna kunyatsodya ndakadaro ndichitoenda kukitchen ndokutora chikafu tikatanga kudya tichidyisana .Zuva iroro hatina kurara kani tichifadzana rudo rwangu naYolanda rwaiwedzera zuva nezuva .The following morning ndakaenda kubasa ndikamusiya akarara sekacheche ndichingosvika kubasa ndakabva ndafonera Sasha akapenga zvaasati akamboita.
Yolanda:" Rapheal achibuda ndakasara ndichimuka ndokutanga kuchema l really love that man ko musikana wake waayipengesana naye akadzoka ndinoita sei l think yanguva yekuti ndimuudze good news Rapheal anondida hapana paachandiramba chero ndine nhumbu anondida ndiri mundangariro kudaro Auntie vakabva vapinda ndakavarairwa apa ndaive ndisina kupfeka pantie raive rakandwa pasi hembe dzese dzaive pasi dzakati bvuu ende ndakanyara kani."
Auntie Mucha:" Ndakapinda ndobva ndaona boss vachinyara nyara asi vairatidza kuti pane zvavari kufunga ndakabva ndavati ,nhai mai Joana madiiko kungoudza Bamunini chokwadi vanokudai?"
Yolanda:" ndozvandange ndichitofungawo ?"
Auntie Mucha:" the sooner the better".
Yolanda :" regai ndogeze ndiyende kubasa kwake nhasi chaiye."
Auntie Mucha;" munenge magona boss siyanai nezvekufunga munhu wamusingazive ari kuAmerica......
End Of Chapter
Drop your comments
@Cee Novels 💞
❤️
🙏
👍
😂
😢
😮
🎉
👏
💃
💓
294