Cee Novels
January 30, 2025 at 05:35 AM
https://chat.whatsapp.com/Ltd3O62Qu2M835PFAQSiNK pinda musati mazara https://www.facebook.com/profile.php?id=100076401092068&mibextid=ZbWKwL follow and like my FB page https://whatsapp.com/channel/0029VaD9BEeBqbrIQBPS0P0y munhu wese kuchannel unowana machapters ese kubva pa1 kusvika patave uyezve unowana mamwe mabooks angu ikoko. Read,react,share and then comment Cee Novels Presents *THE BLIND PRINCESS* Story Written By Cee Aka Mashumba ✍️✍️✍️ App📲+263 seven seven six one seven one seven zero five Chapter 22-23 *PRINCESS MIRABEL* The following morning ndakamukira kuenda kumba kwana Prince Archie sezvandaive ndaudzwa naamai ."Mumoyo mangu ndaizvisvora kuti chokwadi ndaive ndapindwa nei kufungira zvinhu zvinonyangadza kudaro ." " Nemadirwo andinoitwa naPrince Archie haamboite zvinhu zvinonyadzisa kudaro chokwadi dai aida stepmother vake asina kuita kuti Queen B varoorwe nababa vake uum ndakaita mistake nezuro dai ndisina kusiya Prince panguva yakadai ." Ndakasvika paPalace achiri makuseni zvekuti vanhu vazhinji vakange vakarara ndakasangana neumwe maid ndikati," nhai Prince Archie vamuka here? Maid: " Prince Archie handisati ndavaona vanenge vachiri vakarara endai kuroom kwavo. Princess Mirabel: thank you dear rega ndiende ndinoona kuti variko kuroom kwavo here .Ndakaenda mubedroom maPrince Archie ndikavaona vakarara kutofa nehope chaiko ndakaenda pavaive ndokupinda mumagumbeze ndichibva ndararawo ndakaita kuvambundira. Prince Archie: ndakazongonzwa ndabatwa ndikavhunduka ndakati ndichitarisa so ndakaona ari Mirabel akarara paside pangu ,ndakashatirwa ndichibva ndati," uri kutsvagei pano?" Princess Mirabel: sorry babie nezvandakaita nezuro ndakangoenda ndisina kukuzivisa. Prince Archie: ndati uri kutsvagei pano nezuro wakandibhowa handidi kukunyepera kungoyerekana wadhisapiya une chokwadi kana kumbondiwoneka ? Princess Mirabel: ingawani ndiri kuti sorry wani babie zvandakaita nezuro ndakazviita nekuti ndaive ndatsamwa sorry hako? Prince Archie: Hede waive watsamwa!!! uchitsamwei manje asi uchiri kufungira kuti ndi......ndisati ndapedza kutaura Princess Mirabel vakabva vabata muromo wangu ndokuti," sorry babie ndaifungira zvisina basa ndosaka ndauya pano kuseni kuti ndikukumbire ruregerero sorry zvako. " Haiwawo sorry for yourself iwe nepfungwa dzako chaidzo unoonawo zvichiita kuti ndingadanane nastepmother vangu.Kana Queen B ndichivaona vakangofanana namai vangu hazvitoite kuti ndirare nemukadzi anorara nababa vangu pamusoro pazvo anenhumbu yakutoda kuzvarwa handife ndakaita zvinhu zvinonyangadza kudaro mvura ingasarega kunaya kwaitika zvinhu zvakaipisisa kudaro makuna kuna chaiwo." " Handichade kukunzwa uchitaura zvinhu zvakadai Queen B ndimai vangu chero ukavaona vakandihugger usatye kana kuvhunduka nekuti ndiamai kwandiri . Princess Mirabel: ndazvinzwa my Prince vakuru vanoti kuchengera rudo sorry babie ndakadaro ndichida kupfugama ndobva Prince vandibata ruwoko vakati," ndakuregerera mukadzi wangu asi wakazviita futi handife ndakakuregerera uri kundinzwa ka." " Ndakasekerera ndobva ndagariswa pamakumbo and the next minute takange takuita mutambo wevakuru." "Takazomuka Prince Archie vakandiendesa kwaive nababa vavo ndikaona Queen B varimo vakati vachindiona so vakabva vatsamwa vakatarisa kuside. Prince Archie: mamukasei Baba? King: ndamuka wamukawo " Prince Archie: vamuka seiko amai vangu nezuro ndakasiya vachiri weak. King : nhasi varinani chaizvo makikiro ari kuita munhu wacho anenge mukomana chete uum this time ndandichidawo musikana asi chero akazvarwa ari mukomana mwana mwana ndiye watinenge tapihwa naMwari. Prince Archie: taurai zvenyu baba chandiri kungoda munin'ina kana kahanzvadzi chete.Eeh baba muchiona ndauya muno netsvarakadenga iyi ndiri kuda kukuzivisai kuti ndiye muroora wenyu ". Queen B: ndakatarisa Princess Mirabel kumusoro kusvika kutsoka ndobva ndatarisa kuside. King: makorokoto mwanangu ndokugona uku waal ndiPrincess Mirabel ka ava kana kuti ndiye Moana wacho. Prince Archie: ndakaseka ndokuti," ndiPrincess Mirabel Baba ndiye musikana akatora moyo wangu pavasikana vese . King: Princess Mirabel vakasvika pandiri vakandimhoresa . Nice to meet you my daughter ende ndafara zvekuti mai mwana hona muroora vataigirwa nemwana wako. Queen B: ndakamuona kudhara" King: oooh munotozivana nhasi ndafara wena kwasara mukoma wa......tichitaura kudaro Prince David vakabva vapinda vakabatana maoko neumwe musikana. Queen B: Hana yakatanga kurova ndakatarisa vasikana vaive vauya naPrince David naPrince Archie .Uum pana King ndakaita mistake dai ndakaziva ndakaroorwa naPrince David kana naPrince Archie ndosvikepiko ndichirara nedhara rakadai vakomana vachiri kutemwa dzinobva ropa varipo. Prince David: ndakati ndichipinda mumba ndakaona Princess Mirabel varimo ndakangosekerera ndikati nechemumoyo ndirwo rudo ka urwu ,ini naPrincess Moana hatisati tasvika level rana Prince Archie naPrincess Mirabel.Ndakasvika ndikakwazisa amai nababa ndichibva ndagara pasi. " Eeh mudhara musikana wandauya naye ndofunga munomuziva ndiPrincess Moana mwana waKing Rwodzi. King: yes l know her ndandichimupesanisa nesister yake Mirabel asi ndakunyatsovaziva manje. Prince David ; mhamha nadaddy uyu ndiye musikana wangu wandiri kuda kuroora ndiye achave muroora wenyu amai vevazukuru wenyu. King: ndoita zvekudiiiko nhasi mandifadza vanangu handina kumbobvira ndazvifungira kuti muchandiunzira tsvarakadenga dzakadai vana veumwe wangu King Rwodzi .Chokwadi roorai tisimbise hukana mai mwana uri kuvaona seiko varoora vako. Queen B: uum sevanhu vandaona nhasi handina mashoko ekutaura tichaona zvedu kumberi uko .Ndakasimuka ndobva ndati," ndakuenda kunorara nhasi muviri wangu wakaneta ndichaita kuti mamaids akugadzirirei zvekudya. King: okay my Queen rega ndimboona varoora vangu 2 minutes ndiri kutevera ikoko."Ndakasara nevanakomana vangu tikatanga kutaura tichifara tichidya tichifara ndakazovasiya vari 4 ndikaenda kwaive namadam nekuti ndakange ndisisade kuti vagare vari vega nekuti mazuva avo ekuti vasununguke ave kusvika. Prince David: mupfanha hauite wadii kundiudzawo kuti Princess Mirabel vari pano. Prince Archie: vatondisurpriser wo ko iwe wadii kundiudza kuti uri kuuya nagulez vangu ndiwe watondisurprizer. Princess Moana: zvakaoma Prince David , Mirabel haana kumbondiudza kuti ari kuuya kuno ndatoshamisika kumuona ari pano. Princess Mirabel: kkkkkk ha ha ha zvinomboudzwa munhu here izvozvo Prince Archie handei kwatange tiri. Prince Archie: takasimuka naPrincess Mirabel tichibva tavharirana muroom mangu...... Prince David : takasara tangove vaviri muroom makamboita runyararo ndokuzoti ," toenda here kunokuratidza mubedroom mangu. Princess Moana: ndakamboramba ndinyerere ndakatarisana naPrince ndokuzoti,handei zvedu . " Takabuda takabatana maoko tichibva tapinda muroom maPrince. Ndakatanga kufara nechemumoyo nekuti ndaida zvekurara naPrince kuitira kuti ndizovanyepera kuti nhumbu ndeyavo. Prince David: this is my room feel at home ndakadaro ndichigara pamubhedha Princesses Moana ndokuramba vakamira. " Gara paside padaddy mudiwa muno muroom mako. Princess Moana: ndakagara paside paPrince David hana yangu ikatanga kurova ndaive ndatononokerwa ini.Takatanga kutaura nyaya tichipromisana heaven on earth 🌎.Takataura nyaya dzese tikapedza Prince vasina kumbondipa kana kiss 😘 zvayo.Ndakada kuvakisser so ndobva vanzvengesa muromo. Zvakandibhowa ndobva ndati," nhai Prince David sei musingade zvekukiswa neni asi mune umwe musikana wamunopota muchikisser bere?" Prince David: kana mudiwa ndiwe wega asi nguva yekuti tikisane kana kurara tese haisati yakwana ndiri kuda kukuroora zvakanaka tozorara tese tahusband and wife. Princess Moana: Prince David vachitaura ndakanzwa kusvotwa chaiko saka ndauyirei muno mubedroom kana Prince vasiri kuda zvekurara neni ndakazvikandira mumaoko aPrince ndichibva ndatanga kuvakisser pamwe vainyara hameno ndakazoona ndapushirwa kure... Prince David: ko wakuita sei Moana control yourself kukuda ndinokuda asi handizi kuzorara newe kusvikira taroorana. Princess Moana: please don't do this to me l really love you tosvikepiko tichiita kunge hanzvadzi nehanzvadzi. Prince David: kusvika taroorana mudiwa this time handidi kuita mistake kana uchindida sezvaunotaura uchakwanisa kumiririra kusvikira taroorana. Princess Moana: " uuum it's okay babie ndakunzwa hatichiwiriranei kiss 😘 chete. Prince David : okay kiss chete babie ndakadaro ndichimukisser padama ndokuti" uchiri mhandara here"? Princess Moana: pandakabvunzwa that question ndakadikirira ndokuti," ye....y.....yyy...yes l'm still a virgin sei wabvunza asi unoti handisi here? Prince David: kungodawo kuziva sweetie kana uri virgin totenda Mwari nekuti sacrowned Prince ndinofanira kuroora musikana anenge akachena asati amborara nemurume you are a Princess mutemo unomuziva Princess Moana: Prince vachitaura ndakatanga kudikitira ndichipererwa nemweya wekufema chero ndikabvisa nhumbu ndaizopabuda here apa..... End Of Chapter 🔥 🔥 🔥 Chakuda kubvondoka huya kucommenting grp kuri kunakidza Princess Moana vachiita seiko chakuda kuzobvondoka manje. Ko naQueen B zvichapera mushe here? Let's discuss...... Cee Novels Inspiring Lives 💞 [13/03/2024, 08:12] Cee B: https://chat.whatsapp.com/BYheHcN1fLF5bmydTonmTR https://www.facebook.com/profile.php?id=100076401092068&mibextid=ZbWKwL follow and like my FB page https://whatsapp.com/channel/0029VaD9BEeBqbrIQBPS0P0y munhu wese kuchannel unowana machapters ese kubva pa1 kusvika patave uyezve unowana mamwe mabooks angu ikoko. Read,react,share and then comment https://chat.whatsapp.com/HLvsHX32OnmIFDqLCgkN54 for comments join this gro Cee Novels Presents *THE BLIND PRINCESS* Story Written By Cee Aka Mashumba ✍️✍️✍️ App📲+263 seven seven six one seven one seven zero five Chapter 23 *PRINCESS MOANA* " Nguva yekuti tidzokere kumba yakazokwana ndatobhowekana kare nezvaive zvaitwa naPrince mukomana kudzii asingambokukisewo ikiss here iye inoitwa nemukomana nemusikana kutoita kunge ari kukisa hanzvadzi yake achindikisser ini musikana wake uuum kana tazogara hakuna munhu akadai vamwe vanotorara vese vachidanana asi ini wangu haagone kutokisser kwacho dai angobvuma chete kurara neni ndange ndatopinda machena manje Prince wacho akapusa anokundwa nemunin'ina wake Archie aàh nhasi andibhowa zvekuti andidi kunyepa takafamba road yese ndakanyarara kuti ziii Prince Archie naMirabel ndivo vaitaura nyaya vachiseka vachiratidza kuti vari kufara .Uyuwo Prince David ndivo vaive vakarova serious vachidriver mota kunge vari kubva kunhamo. " Ndakangomusiya akadaro ndobva ndanyararawo chandaida kuti tisvike kumba ndione zvekuita nenhumbu yangu. Princess Mirabel: tichidzokera kumba ndakanoticer kuti Prince David naMoana vakange vasingataure vese kuita kunge vanhu vambonetsana ndakamboyedza kutaura nyaya kuti vadairewo asi hapana akadaira ndakakwenya Prince Archie ndokuti ndichizevezera" asi Prince David naMoana vatukana here nekuti kamunyarariro kacho bho here apa?. Prince Archie: ndandichida kutokubvunzawo kuti kunyarara uku bho here? Chinguri tapinda muno hapana kana ari kutaura neumwe vasiye vakadaro vachapedzerana vari vaviri, naPrincess Mirabel taiita kunakirwa nehupenyu ndakange ndisisade kumushaya l think ndikaroora ndinenge ndagona pane kuita zvekubira zvatiri kuita izvi ndakuda mhuri yangu padhuze neni mukoma ndakufanira kuvapa pressure kuti vachiroora ndikwanisewo kuroora mudiwa wangu ndiri kutoona kuti vakatodekara zvavo ." "Pasina nguva takange tasvika tikaburuka mumota ndokuonekana nebabie rangu tikatsvodana tichibva tatora nguva refu takangundirana .Ndakashamisika mukoma vachiita zvekubhabhaisana nemawoko no kiss 😘 no hug uum bho here apa chiiko namukoma vangu kuti vakavhiringwa naMaidei kusvika pakadai here ? Kutadzawo kupa musikana wako hug chete something is wrong somewhere ndichataura navo mukoma kuti ndione kuti chiri kunetsa chii ,kana iri nyaya ye x girlfriend yavo vakufanira kuita move on nehupenyu hwavo vasikana havafanane maybe naMoana vachatozogara vese vachifara.Takaonekana nevasikana vedu tikasiya vapinda mugedhe.........Ndakatarisa mukoma ndikaona vari serious ndokuti nhai blazo kwakanaka here nhasi asi mambotukana naPrincess Moana? Prince David: sei wadaro? Prince Archie: handisi kuona mufaro pachiso chenyu munhu aratidza baba musikana wake mungadai murimi muri kutofara kupfuura ini ,hapana kana word one ramataura mamakanyarara kuti ziii mese muri 2 kuita kunge vanhu vambotukana please tell me bro asi pane zvamusiri kundiudza here nekuti mese nagulez mamuchiratidza kutsamwa . Prince David: hatina kana kumbotukana isu Archie . Prince Archie: saka sei mamusingataure mese tiri mumota.? Prince David: pane zvandanga ndichifunga usatye kani little brother Princess Moana ndinovada kungoti.........never mind. Prince Archie: taurai apa uum pane basa ndichatombokudzidzisai kuti musikana anobatwa sei nekuti makaramba makadai munorambwa manje manje so nebehavioir yenyu yakadhakwa imi manga mazviwanira musikana akanaka saMoana chero iye Maideyi haana kunakirana naPrincess Moana. Prince David: ndakaseka ndokuti ndazvinzwa Archie ndichachinja munin'ina wangu....... Princess Mirabel: takatanga kufamba tichipinda mumba asi Moana airatidza kuti haana mufaro zvachose.Ndakamutevera mubedroom make ndokuti," big sis kwakanaka here asi matukana nabamukuru ? Princess Moana: " silent" Princess Mirabel: ndiri kutaura newe Moesha ndati asi matukana here naPrince David nekuti kunyarara kwamanga makaita tiri mumota ka uuum asi pane zviri kunetsa here pakati penyu muri vaviri? Princess Moana: Mirabel achitaura ndakatanga kuchema . Princess Mirabel: Aaah vakoma kwakanaka here ndakadaro ndichikiya door ndobva ndati kwakanaka here ? Asi pane zvamaitwa naPrince David nditaure naPrince Archie izvozvi so,kuzomudaro Moesha akawedzera kuchema zvekuti ndakange ndisisazive zvekuita ndakamusiya akachema kuti apedze shungu dzese." Apedza kuchena ndakagara paside pake ndokuti asi pane zvamaitwa naPrince here? Princess Moana: ndakamboramba ndakanyarara ndokuzoti,hapana zvandamboitwa ini". Princess Mirabel: saka uri kuchemei . Princess Moana: ndakamboramba ndinyerere ndokuzoti pave paya ," ndine nhumbu". Princess Mirabel: wati une nhumbu!!!!!! hiii who is the father of your child. Princess: ndakatura befu ndikakwidziridza madzihwa ndokuti," nd ......n....ndey........ndeya Cha ..,..c....chag......Chagonda. Princess Mirabel: oh my God ndeyaChagonda nhai Mwari wangu handiti unozviziva kuti Chagonda ane mukadzi . Princess Moana: ehe akandinyepera ndakazozviziva mazuva apfuura pawakandiudza ndoita seiko nemimba iyi handichatozive kuti ndodii ,amai vakazviziva kuti ndine nhumbu ndinofa nekurohwa zvababa handichataure ndoita seiko.? Princess Mirabel: uuum pakaipa iye Chagonda wacho wakamuudza kuti une nhumbu here? Princess Moana: handina asi anogona achifungira nekuti pandakatanga kurutsa aivepo. Princess Mirabel: kana usina kumuudza pakanaka wadii kunyepera Prince David kuti inhumbu yavo. Princess Moana: Ndakasimuka pandaive ndakagara ndikatanga kufamba famba ndakaseka ndichiita kunge ndiri kuchema ndokuti hazviite. Princess Mirabel: hazviite nei nhai?" Princess Moana:nekuti handina kumbobvira ndarara naPrince. Princess Mirabel: Aaah !!!are you serious? Princess Moana: nditori serious Prince David havaite izvozvo asi iwewe na Prince Archie makato........ Princess Mirabel: " yes" sis l really love him ndakatomupa humhandara hwangu ,Aaah saka nguva yese yamazivana muri kuita kunge sisi nabhudhi. Princess Moana: yes chero kiss yaPrince David handiizive ini haadi kana kundibata nditori confused ndozvandaida kuita asi Prince havasi kuda zvekurara neni hanzi tizoita izvozvo taroorana . Princess Mirabel: saka pakaipa wadii kuibvisa nhumbu yacho kana zvichinetsa. Princess Moana: ndozvandakutofunga kuita nekuti hapana yekutamba anamudhara vakanzwa kuti ndine nhumbu ndinenge ndavanyadzisa. Princess Mirabel: saka ngatiendei kwambuya vaye ugare vabviswa nhumbu isati yakura . Princess Moana: takazoronga zuva rekuenda kwambuya Chitiyo asi ndayitya....... *MODECAI* "Zuva rekuti ndiende kunoona vabereki vaPrincess Moesha rakasvika ndakamuka kuseni seni ndikageza ndokutora hembe dzangu dzandaiti ndidzo dzakanaka kupfuura hembe dzangu dzese .Ndaive ndanyatsodziwacha ndikadziayina zvekuti pandakadzipfeka ndakanyatsozviona kuti ndakachena ndakanyatsotora nguva yangu ndichizvigadzira nekuti ndaida kuti vabereki vaPrincess vanditambire." " Ndapedza ndakatanga kufamba zvishoma nezvishoma ndichienda paMuzinda pamambo Rwodzi.Pasina nguva ndaive ndatosvika ndikatambirwa nemaguards.Ruvimbo achindiona akabva apinda mumba achimhanya ndikaona auya naPrincess Moesha." "Princess Moesha vakauya pandaive ndobva tambundirana.Takatanga kufamba tichipinda mumba takabatana maoko takasvikogara pasofa rimwe chete."Waal paMuzinda paKing Rwodzi pakanaka mhani nezvandiri izvi vanobvuma here kuti ndiite mukwasha wavo ndakazeverera ndokuti," my Princess ndakutya kuti baba naamai vako vachanditambira nemawoko maviri here nezvandiri ?" Princess Moesha: usatye mudiwa ndichamira newe pane zvese l'm going to fight for you my love. Modecai: tichitaura kudaro Queen vakabva vapinda tichibva takwazisana. Queen: ndakati ndichipinda so ndakabatwa nesetswa ndaona mukomana waMoesha ndakazvidzora ndokuti," nhai mwanangu Moesha ndiye mukomana wawaireva here uyu zvaanenge fudzamombe uum zvakapfekwa zvacho hazvisi kuita nhaiwe mujaha unoshandepiko. Modecai: ndinofudza mombe dzekwaChief Marimo. Queen: l said it hey my husband come and see your future son in law woo hey hahahaha l said it ndiye mwana akanzi achandichengeta iyeyi ari kuda zvekuroorwa nefudzamombe ndakadaro ndichibuda ndichimhanya kunosheedza baba vacho kuti vaone mashura aive aitwa nemwanasikana wavo ndakazviona kuti n'anga iye yainyepa ndakasvikopinda maive naKing naPrince Morgan ndobva ndavaudza kuti mukwasha wavo asvika.Murume mukuru akasimuka achifara ndikati nechemumoyo mufaro wese uchapera waona rombe riri mumba umo ndakapfuura ndichideedza vanasikana vangu vaviri tikateverawo kumashure kwaKing.Takati tichisvika King naPrince Morgan vakapera simba vakatarisa Moesha akabatana maoko nerombe rake. King: who are you what are you doing in my house ndakadaro ndichitaura neizwi rinehukasha. Princess Moesha: ishamwari yangu baba ndiye mukomana wandaitaura ne.........ndisati ndapedza kutaura baba vakabva vati," shut up" handisi kutaura newe young man ndisati ndapedza kutaura ndiri kuda kuti usimuke pawakagara ipapo ubude mumba mangu bedzi remunhu haunyare kuda kutora advantage yemwanasikana wangu unoti zvaari bofu anoroorwa nerombe rakaita sewe. Princess Moesha: daddy please don't do this to me l love this man,Modecai gara pasi hapana kwauri kuenda. Princess Moana: ndakazvitaura izvi kuti Moesha ari kuita basa nekurara nemafudzamombe mukasandi believer amai chionai zvaitika amai ha ha ha ini mukomana wangu ndiPrince David ari kutoda kundiroora ha ha ha Mirabel hona bamukuru vako rombe ha ha ha. Princess Mirabel: zviri kuitika here izvi kana kuti ndiri kurota mukomana uyu ari ryt ryt here zviiko zvakapfekwa . Prince Morgan: uum zvakanyanya izvi wadiiko kupfeka hembe dzako dzakanaka pane kuuya wakapfeka zvakadai. Modecai: ndakazvitarisa ndokuti," this is my best clothes ndodzipfeka pamaspecial occasions. King: is this you best ? Modecai:yes si.........ndisati ndapedza kutaura ndakarohwa mbama yakandirwadza. King: guads take this man away l don't want to see him . Princess Moesha: ndakatanga kuchema Modecai paakadzinga ndokuti,"daddy please don't do this to me l love him. King : shut up wakaramba uchichema zvauri kuita izvi ndokurova, Ruvimbo tora Moesha ubude naye ndisati ndamurova. Moana:"wonders shall never end woo" Queen: Don't worry my daughters ndichaita kuti baba venyu vabvume kuti Moesha aroorwe nerombe iro ha ha ha ha ndakakuudzai kuti gore rino zvenyu zvinoita chete. Princess Moesha: Modecai come back to me(crying)......... End Of Chapter Drop your comments Cee Novels Life Changing Stories 💞
❤️ 😢 👍 🙏 😂 😮 ❤‍🔥 👏 😳 359

Comments