Cee Novels
February 10, 2025 at 02:22 PM
https://www.facebook.com/profile.php?id=100076401092068&mibextid=ZbWKwL like my FB page
https://chat.whatsapp.com/DipZVieR6qI0MK5bonLbE6 join my Whatsapp grp
https://chat.whatsapp.com/HLvsHX32OnmIFDqLCgkN54 for comments join this group
Cee Novels Presents
*A walk to remember*
Free book 📚
Read share and then comment
Story Written By Cee
Aka
Mashumba ✍️✍️✍️
App📲0713440576
Call📲0776171705
Chapter 3
*Getu aka Getrude*
" I hate this child dai ndaigona kuuraya ndakaibvisa iri nhumbu asi nekuda kwedzidziso yambuya vangu ndakakuchengeta kusvikira ndakuzvara l hate you dai ndisina kuita nhumbu yako iwewe ndingadai nditori kuUK so shamwari dzangu dzese dzaiita redcross dzakaenda dzese mhiri kwemakungwa ini ndini ndega ndangosara nekuda kwechimwana ichi aàh life so ka ma1 ndiyani aizviziva kuti nenguva ino ndichange ndane mwana asina baba dai ndakaziva ndakaibvisa ichiri nhumbu mhani ndichaita seiko nemwana uyu asina baba kuti ndiende kuna baba vacho now hazvichaite ko akaramba ndinoita sei ndaitaurira nechemumoyo ndakabata mwana wangu misodzi ichiyerera ndine shungu ndakaita kunge ndichamukandira pasi pfungwa dzangu ndipo padzakazodzoka.
" Nguva yangu yandakatambisa chokwadi ndichiita zveredcross munin'ina wangu Greater asingazvizive ndaida kuzomusurpriser ndakuenda kuLondon asi ndini ndakazosurprizwer nenhumbu .
" Ndaida kuti ndikaenda kuLondon ndozotumirawo mwana wamai vangu mari onditevera asi murombo haarovi chinenguwo chokwadi ndiye futi akungoramba achindichengeta nemwanakomana wangu .I hate this life yandiri kurarama ndaiti ndikaitawo zvechiredcross nhamo yangu yapera asi ndaizvinyepera.Ndanzwa nekuvhairirwa neshamwari dzangu aàh kuUK ndiko kwandiri kuzoenda chete chero zvikadii ndakapedzisira kutaura naDorothy marimwe zuro ndichimuudza kuti ndikangozvara chete ndiri kutevera .
" Dorothy akange andipromiser kuti achandibatsira kuenda kuUK zvese ndakange ndaita achindibatsira chero basa akange andiwanira kunogezeswa chembere .Zvese izvi ndaiita munin'ina wangu Greater asingazvizive.
" Nyaya yaGreater ndiyo yakange yakundinetsa kuti ndomuudza sei nyaya yakadai ini ndichangozvara kudai chokwadi unenge uri muyedzo chaiwo ndodiiko ini nekuti kuLondon ndiko kwandiri kuzoenda sezvo ndisisina nhumbu.Ko iro zimwana iri rinosara naniko .
" Greater ndikamuudza nezvehurungwa hwangu anobvuma here kusara nerusvava urwu aàh apa ndakaita mistake mhani nyaya yemwana uyu yakunditemesa musoro .Dai ndichiri Getrude chete ndisiri mai nhingi zvaisambonetsa kudai asi nyaya yemwana uyu yakutondinetsa unoita kunge uchangomuvhara nepiro kana kumudzipa obva afa."
" Ndakatarisa mwana uye ndikaona akanditarisa achiita kunge ari kusekerera ndakangoridza tsamwa nurse vachibva vapinda vakandipa mushonga .
Nurse: wotengerwa mutetenerwa kana machips(malays kana machompkins) zvinoita kuti mukaka wako unyatsobuda zvakanaka ukundinzwa here muzukuru?
Getu:ndiri kukunzwai nurse ndakadaro ndichingobvumira asi pfungwa dzangu dzaive kure kure"
Nurse: mwana wako akuchema mupe mukaka ndione kuti uri kugona kuyamwisa mwana here? Ndakatora mwana ndichibva ndamupa amai vake vakatanga kumuyamwisa .Ndakatanga kuseka ndichiona amai vacho vachiteta vaitaridza kuti vari kuradziwa apa vakange vakabata mwana zvisizvo.Ndakaenda padhuze naGetu ndikamudzidzisa mabatirwo anoitwa mwana kana uchimuyamwisa ndakaenderera mberi ndichimudzidzisa kuti mwana anofanira kuita 6 months achingonwa mukaka waamai chete pasina mvura kana porridge ndichimuudza zvazvakanakira.Ndakamudzidzisa futi zvakaipira kupa mwana mvura kana porridge kana asati asvitsa 6 months fanika mazuvano echolera pakaipa .
Getu: zvese zvaitaurwa nanurse zvaipinda nemunzveve zvobuda neimwe nzeve .Ini nditori nerwendo zvekuti ndichayamwisa mwana uyu kusvika pa6 months handifunge ndikazviita nekuti ndinenge ndatoenda kuchando .Mwana uyu ari kutonditambudza ndinofanira kumuti Tambudzai kana kuti nhamo nekuti andiunzira matambudziko akawanda .Nurse vakabuda ndichibva ndadzosera mwana kwaaive ndichibva ndarara ndakatarisa mudenga .Fone yangu yakabva yapinda message ndikaona ari Dorothy.
Ndakasekerera ndichibva ndaverenga msg iye ndikaona yakanzi," wane mwana here shah basa rako rakakumirira kuno". Ndakapindura ndobva ndati," yes ndane mwana mukomana shamwari ndazvara nhasi masikati.
,📲 Congrats shaah .
📲 Asi handisi kufara Dorothy , Greater handisati ndamuudza ndoita sei shaah ndiri kutya kumuudza.
📲 Izvo zvazvako Getu unoziva wani kuti ndini ndakakubatsira kuti uite course yeredcross usina kana cent .Ndini zvakare ndakakubatsira kufambisa mapapers ako changosara kuti uchiuya chete wakutondiudza ngano dzana tsuro nagudo.
📲 Ndozviziva kuti wakandibatsira Dorothy asi pandimire pakaoma umwe wangu hazvisi nyore kungoudza munhu kuti ndakuenda UK ini ndane kasvava kudai.
📲 Ini ndatopedza newe Getu next week Monday unofanira kunge watove kuno zvekuti uchaudza munin'ina wako sei zvazvako izvo gud bye pangu ndakaita seshamwari ndakapedza zvazvako kuti wozvifambisa sei.Ndichipedza kutaura ndakabva ndatodzima fone.
📲 Ndakapindura Dorothy asi haana kuzoverenga message yangu.Ndakabva ndaziva kuti D aive atsamwa nezvaakaita kuti ndisvike pandave shuwa hazvichaite kuti ndirege kuenda ndinenge ndatove muyedzo chaiwo ko mari yaakashandisa kuti zvinhu zvangu zviite ndozongorega just like that .I have to do something mhani asi nyaya yekamunhu aka ndiyo yakutonditemesa musoro . Greater kuti ndimuudze nyaya yakadai anoramba kuti ndiende iye Dorothy ashandisa mari yake yakawanda.Ndakasimuka pamubhedha ndichibva ndasimuka kuenda kwaive nemwana ndakada kumbomubata ndichibva ndamusiya ndikati ," dai pasina iwewe ndakaenda kuUK kare kare ndiwe wakonzeresa kuti ndisiiwe neshamwari dzangu l hate you ndakadaro ndichisheedzera nurse ndobva vapinda.
Nurse: aàh ko kuzotaura wega kwakanaka here?
Getu: l'm thinking aloud".
Nurse: ndomatangiro anoita kupenga iwayo chirara uzorore handiti hakupa mushonga ?
Getu: ehe mbuya nurse mandipa asi handihwi hope dai matombondibaya jekiseni rekuti ndikwanise kurara.
Nurse: no chirara tione kuti hope dzacho hadzibate here"?
Getu: ndakadzokera pamubhedha ndobva ndarara pasina nguva ndakange ndatobatwa nehope the following morning ndakati ndichimuka ndikaona Greater atouya akabata mwana.
Greater: morning big sis marara bho here nechikomana ichi .
Getu: ye ye yes ko wauya nguvai?
Greater: ndane kanguva ndauya ndasvika makarara sisi Getu ndikasvikotora mwana .Ndane zita ka .
Getu: ndiwe amai vacho unoda kuti timutumidze zita rekutiiko.
Greater: anonzi "Mufaro" nekuti atiunzira mufaro muhupenyu hwedu l'm very happy sis.
Getu: "Mufaro"!!! aaah ini andiudzira nhamo nematambudziko dai asipo ndatove Hingirendi so l hate that ugly child ndakadaro ndichitaurira pasi.
Greater: matiiko sisi Getu handina kunzwa muri kutaurira pasi?
Getu: ndati zita rawapa mwana wako rakanaka zvekuti ndakadaro ndichimuka pamubhedha ndobva ndapfeka hembe nurse vachibva vapinda vakati," you are free to go home mabills ese abhadharwa ", ndakangotarisa Greater ndichida kumubvunza kuti mari yacho aiwanepi achibva andinyararidza.Greater akangopukuta mwana tichibva tabuda tikawana makombi akazara panze ndobva takwira.
*Daphne*
" Malvin paakandipa mari ndakafara zvekuti ndakaenda kune shamwari yangu Lavender ndikamuratidza mari yandaive ndapihwa.
Lavender: Inga hako shaah mukomana wako anokuda ini ndikangokumbira dhora chairo handipihwe.Wakapihwa mariiko naMalvin.
Daphne: marimwe zuro akandipa $500 nhasi ndandichida $200 asi andipa $300 Malvin anondida kani hapana chandinokumbira akandinyima .
Lavender: Lucky you ini handitozive chicken Inn yaGolden akaomera zvekuti chero ye airtym haibude zvekumhanya ndafunga zvekuti ndimurambe ini nekuti haasi kuita basa rake semukomana wangu.
Daphne: murambe unofirei dai ndirini iwe ndakamuramba kare kare chaanongoda kukukwira iwewe sebhiza mari usingabude.Ini Malvin anoita kundirwarira mari anoburitsa paadira dzimwe nguva anongondipa ndisina kumukumbira.
Lavender: zvako shaah"saka nhasi tiri kunofarira kupi?
Daphne: KuHunyani hills"
Lavender: aàh tadiiko kumboenda kuMazoe Dam kuHunyani takunyanyira.Hendeiwo kumwe kuri different toenda iri Friday todzoka Sun unopaona sei?
Daphne: ehe nhai good idea taura nanaSuzanna tiende takawanda ngavauye nana Sam timbonofara.
Lavender: watanga ko Malvin akaziva kuti waifara nevamwe vakomana unoita sei?
Daphne: anenge amboudzwa naniko nhai Lavenda ndisiye ndimbofara kani fonera Suzanna timuudze goods news vasanogadzirira ndakatora wine 🍷 yaive mufridge ndikatanga kunwa ndakaseka zvangu ndakufunga Malvin ,ndoda kumudya kusvikira kamari kese kapera.
Lavender: ndakafonera Suzanna ndichimuzivisa nezvekuMazoe akafara zvekuti ini ndakatanga kubhowekana nekuti mukomana wangu akanga ari wanga tichingodzoka kuMazoe chandiri kutanga kuita kurambana naGolden pane kuti ndibhenefite ndiri kutoita loss .
" Ndiri kufanira kutsvaga mukomana ane mari saMalvin kana kutorera Daphne mukomana wake ndanzwa nekushainirwa 2 minutes Malvin anditengera chakati the next minute ndaendeswa kwakati changosara kuti atengerwe imba naMalvin ndakatarisa l have to do something .Takazoswera takuronga rwendo rwekuenda kuMazoe .
Daphne: tichigadzirira kuenda out neshamwari dzangu Malvin akatanga kufoner ndobva ndamuignower asi akaramba achingofoner chete kusvikira ndazodzima fone.
Lavender: ko ukumuignowerei nhai?
Daphne: handisi kuda zvekunetswa anozonditadzisa kufara .
Lavender: heya imboitai asikana isu vamwe vakomana vakaita sanaMalvin tiri kutovashaya imi vamwe muri kuita vekutotambisa kudai dai ndirini iwewe nda.....ndisati ndapedza kutaura ndakabva ndanyararidzwa naDaphne ndikanyarara zvangu asi dai aiziva zviri mumoyo mangu aindiuraya chete .
Daphne: The following day takamukira kuenda kuMazoe neteam rangu tikanofara zvekuti dhuu.Taitorana mafoto tichifara tichidya .
Lavender: Takazodzokera kumba Sun manheru tambofara.Daphne ndiye aive abhadharira vanhu vese zvekuti akasara asina kana cent .Ndakabva ndaisa pic pastatus yakanga ina Sam naDaphne vachitamba neka short video Daphne achitamba zvisingaite adhakwa.Chandaingida kuti Malvin aone mapics arambane naDaphne ......
End Of Chapter
Cee Novels
Inspiring Lives 💞
❤️
👍
🙏
😂
😢
😮
😌
🫣
95