Cee Novels
February 15, 2025 at 06:59 AM
https://whatsapp.com/channel/0029VaD9BEeBqbrIQBPS0P0y follow my Whatsapp channel ukwanise kuwana book kubva parakatangira Whatsapp iri kungobaniwa saka join this channel https://chat.whatsapp.com/DipZVieR6qI0MK5bonLbE6 join my Whatsapp grp Cee Novels Presents Free book read and share *A walk to remember* Story Written By Cee Aka Mashumba ✍️✍️✍️ App📲0713440576 Call📲 0776171705 Chapter 1 1 *Greater* " It's now 4 weeks sisi Getu vaenda no calls no messages only God knows kuti mwana wamai vangu aripi chokwadi kana kumbofungawo kuti vakasiya rusvava inini handichazvitaure nekuti ndave munhu mukuru ,ko tsamba zvayo nhai Jesu kana vasina mari yekufoner vangabva vanyarara kuti zii kunge vakasiya hama dzavo dzese dzafa ingawani ndiripo ini nemwanakomana wavo. " Sisi Getu ndimai rudziiko vasingambofungewo mwana wavo .Makauwanepiko moyo wakaipa kudaro kana zuva rimwe chete zvaro ramakambofoner kuti munzwe kuti ari sei Mufaro." " Chiiko chakaitika kwamuri sisi are you still alive ndakambotanga kufunga kuti pamwe sisi Getu akaita zvekuKidnapwer asi ndakaona kuti handizvo dai vakakidnapwer munhu akavakidnaper akataura zvaanoda kare kare chiiko chakanyatsoitika takakura tichiudzana masecrets sevana vanyamunhu asi nhasi uno takuita kunge mastrangers asi zvisinei zvakatoitika zvakaitika Mufaro ndichamuchengeta semwana wangu imimi hamusisina right yekudeedza kuti Mufaro mwana nekuti makamutiza ari rusvava ndiri mundangariro ndakaona Mufaro amuka akanditarisa akatanga kusekerera achitambisa makumbo ake ." " Ndakamukisser pahuma ndobva ndati," wamuka Mumu ndakadaro ndichimubvisa napukeni raive ratota ndikamupfekedza rimwe rakachena ndapedza ndakamupa mukaka akanwa wese akapedza . " Mufaro aidya wena zviya zvekuti mwana anosvika 6 months achingonwa mukaka chete handifunge kuti pana Mumu zvaibuda chero dai mai vake varipo nekuti madyiro aanoita porridge akaoma ikozvino asimba manje kuita dhafu dhunda .Vanhu vese vaindiona ndina Mumu vaitofunga kuti mwana wangu wokubereka ." " Mumu apedza kunwa mukaka ndakasiya ndaisa mvura yake yeporridge pastove ndichibva ndaenda kunowacha manapukeni ake panze ." Ndaitoimba zvangu hosana Landlord vachibva vasvika vakati," wajaira ka kugara nekacheche"? " Ehe mhamha ndajaira wena mamukasei? Landlord: ndamuka mwanangu wamukaseiko iwe? Greater: ndamuka bho" Landlord: ariseiko Mumu arara sei? Greater: ari bho atomuka wena ndamusiya ari ega . Landlord: uuum wakashinga mwanangu l salute you zvawasangana nazvo nezera rako ka zvakaoma dai Mwari akaitira zvakanaka. Greater: ndinototenda imi mhamha makandibatsira kubva day rasiiwa Mumu namhamha vake handizive kuti dai musipo imi ndaiita sei Mwari akuropafadzei akukuitirei zvishuwo zvemoyo yenyu. Landlord: ini ndakangokubatsira chete asi ndiwe uri kuita basa guru hazvisi nyore kuchengeta mwana mucheche ramba wakadaro Mwari achakuripira nekuti haakotsire kana kutsumwaira .Ramba wakadaro uchiita zvauri kuita bata Mumu semwana wako uchazviona kana Mwari okuropafadza. Greater: l receive ndazvinzwa mhamha ndichaita sekudaro. Landlord: ndakatora chair ndobva ndagara pachair ndikati," asi sisi vako vane moyo wakaoma vari kutodzikotsira here kwavari ikoko vakasiya mwana? Greater: " hameno" Landlord: haiwa akaoma Geturudhi isu vamwe takangomotiswa asi nhasi ndiri pano wani mwana wangu ndakachengeta ndega zvichirwadza zvichirema kusvikira ndazowana murume akandiroora nhasi uno ndiri pano nemurume wangu tiri kufara tese. Greater: aàh !!! mati kudii mhamha? Muri kureva kuti Vanessa first born yenyu haasi mwana wababa vepano. Landlord: yes haasi ndakatambura kani pandakaita nhumbu yake. Greater: uuum hazvitombooneke mufunge kuti Vanessa haasi mwana wepano munovabata vese zvakafanana. Landlord: watoshamisikawo ka ndinoda kutenda Mwari akandipa murume anondida akanditambira nemwanasikana wangu .Ndizvo zvandiri kutaura kuti dai sisi vako Geturudhi akashingirira kuchengeta mwana wake Mwari aimurangarira kutiza maresponsibilities haisiyo solution we are all human we make mistakes asi tinofanira kudzidza paari kwete kutiza. Greater: zvakaoma mhamha zvakaitwa nasisi Getu nanhasi ndichiri kungozvifunga. Landlord: iwe chiregera kufunga nekuti ukaramba uchifunga nezvasisi vako unoita BP ukafa uchisiya Mufaro unoti anozochengetwa nani. Greater: ndiri kuedza asi zviri kuramba. Landlord: try harder ndaenda ini rega ndiende kunobikira murume wangu tea zvairi weekend kudai haadi kubikirwa nevana.Ndakasimuka ndichibva ndasiya Greater akuyanika manapukeni . Greater: ndakapedza kuwacha manapukeni ndichibva ndaayanika . " Ndakapinda mumba ndikaona mukomana akanyarara achidya zvigunwe ndakamubikira porridge akaridya rese .Zuva iroro kwaipisa yakange iri Sat ndakange ndisina kuenda kunohodha zvinhu zvacho zvakange zvisisafambe . " Dzave kuma 15;00 hrs ndakagezesa mucheche wangu tikaswera tichitamba tese ,kumazuva rodoka ndipo pakasvika Gibson akabata cerelac ne mukaka wemwana. Gibson: Hesi babie ariseiko baby wedu ndakadaro ndichihugger Great ndobva ndamukisser padama. Greater: ndiri bho babie uriseiko mudiwa wangu wagona waita basa ndakadaro ndichitambira cerelac nemukaka wemwana zvaive muplastic bag. Gibson: uchitendeiko babie mwana ndewedu tese uyu ndakadaro asi mumoyo mangu ndaitaura zvimwe," l'm doing this to gain your trust ndichakubata chete itsitsi dzei tsvimborume kubvisa mwana wemvana madzihwa". Ndingatengere zvese izvi mahara hede unonyepa Gireta mazuvano hapana chemahara umwe wangu ndakatanga kusekerera ndakatarisa babie rangu ,anga ati dzikirei asi kunaka wwuuw aiwedzera zuva rega raMwari randaimuona aiti kana achisekerera so aibva aburitsa mazino ake akachena kuti mbuu semukaka ,akakutarisa so maziso ake aipenya kunge enjuzu mwana azondipengesa mhani uyu ndaidaro ndakamutarisa mumaziso chaiwo apa hana yangu ichirova. Greater: ukufungeiko lovie waita basa ufunge ndane nguva ndichibikira Mumu porridge rehupfu cerevita yake yakapera kare kare ,ndakaenda paive pakarara Munashe ndobva ndati," ita thank you kuma daddy vako vakutengera polidge. Gibson: ndakatarisa Greater ndichibhowekana nekuti akange asisina nguva neni sekudhara pese pandaienda kumba kwake anenge achingoita zvemwana chete kuita kunge atokanganwa nezvangu.Ndakasimuka ndichibva ndabata mwana ndikatanga kutamba naye after some minutes aive atorara ndobva ndapaGreater akamurarisa. Ndakaenda pana Greater ndobva ndati ," l miss you babe" ndobva ati," l miss you too". Ndakaenda paari tikatanga kukissana mwana achibva amuka oh not again. Greater: ndakaseka ndobva ndati," sorry babie ". Gibson: oh it's not fair ",ko anga atorara nguvai zvinobhohwa izvi imbomusiya akadaro . Greater: zvichiita here izvozvo Gibby he is just a child usaite zvako jelous. Gibson: zvakubhowa manje nguva yako zhinji iri kuperera pana Mufaro what about me ndane week rese ndisina kukuona ndauya pano wakundidadira ko ukambosiya mwana kwe2 minutes anofa here? Greater: aàh zvaunotoshura murume mukuru ndosiya mwana achichema nekuti uri kuda kundikisser". Gibson: " ehe" nditori serious Greater wakuzvinyanya. Greater: sorry kwacho chirega ndimupe mukaka ndimurarise. " Ndakapa baby wangu mukaka ndobva ndarara naye ndichida kuti arare ndakazongonzwa Gibson akufemera mugotsi achindibata pa........ *Daphne* Ndakabuda panze ndakavhara maziso Roberto ndobva azoti ndivhure maziso angu ndakascreamer ndakatarisa mota yandaive ndatengerwa ndakasvika pana Robbie ndobva ndamukisser ndikamumbundira. " Waita basa murume wangu ndeyangu here mota iyi? Roberto: ndeyako babie wakandikoshera Daphne l love you very much. Daphne: ndakapihwa makeys ndobva ndavhura mota ndikapinda ndakatanga kudriver mota ndine mufaro mukuru. Roberto: this is just the beginning my love ukaramba wakatendeka kwandiri ndichakuitira zvidhafu dhafu zvinopfuura izvi ndakaenda pamberi pemota ndikati," zvakwana wozodriver mangwana kwakachena ndasuwa tsime rangu parker mota tipinde mumba. Daphne: ndichipedza kuparker mota Roberto akabva auya pandaive akandisimudza ndobva tapinda mumba.Akasvikondikandira pamubhedha achibva aenda pamusoro pangu tikatanga kukissana zvekusuwana zviye ini ndaive ndakaneta asi handina kuzviratidza nekuti ndaifarira mota yandaive ndatengerwa we made love 3 times tichibva tarara hana yangu yakarova ndafunga kuti handina kuzobaiwa depo apo takaita yekedero.Oh my God what have l done ko ndikaita nhumbu ndinoita sei nhai Mwari wangu l love Malvin ndiye achaita baba vevana vangu kwete Roberto ane mukadzi nevana vashanu ." " Ndakamuka pandaive ndikaenda kubathroom ndikatanga kuchema ndakatarisa pamirror oh my God help me ndisaite nhumbu yedhara iri l really love Malvin naRoberto tiri kungofara chete munhu wandichavaka musha naye ndi Malvin ." Ndiri mundangariro Roberto akabva apinda akandiona ndichichema ndobva ati," uri kuchemeiko babie". "Ndi ndi l can not believe kuti wakanditengera mota. Roberto: ndokuda Daphne ndakadaro ndichimukisser zvakare ndikamutakura ndikasvikomudonhedzera pamubhedha . Daphne: ndakada kumboramba ramba asi zvakashaya basa takarara tese zvakare 2 times. Roberto: thanx babe ndange ndakusuwa wena . Daphne: ne neniwo ndanga ndakusuwa Roberto ndakadaro ndichitarisa kuside maziso akanjenga misodzi. Roberto: Roberto akabva andimbundira nekumashure ndobva ati," ukaramba wakavimbika wakatendeka kwandiri ndiri kuda kukuitira zvihombe. Daphne: ndakakwidziridza madzihwa ndobva ndati hiii uri kuda kundiitireiko unozviziva wani kuti ndiwe wega. Roberto: wakaramba wakadaro l want you to be my second wife. Daphne: " what"? ndakadaro ndichimuka pandaive ndichishamisika...... End Of Chapter Guys joinai WhatsApp channel yangu ban yauya kuipa ndogona kungofuma magrp ese avhara Drop your comments Read share and then comment Cee Novels Life changing stories 💞
❤️ 😂 👍 🙏 😢 😮 😭 ☺️ 🎉 🫲 267

Comments