Felly Novels.
January 20, 2025 at 02:06 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaA5Vic0bIdhhQx9ii0I Invisible protection . Story by Felistas . Chapter 11. Ethan. "One wakandikika negumbo ndikarovera pasi ,ukanditi hure ,kwaakundisiya kumusha kwenyu uko ndisina kana Mari yebhazi wondiudza kuti waida kundi protector ?." "Yes I protected you everyone knows you Tatenda and vanhu vekumba kwedu vanotoziva kuti uri mwana wepa orphanage dai wakaonekwa nesister yangu usina kupfeka nyaya yacho yaigumira kupi ?you know mitemo yepanapa abviswa humhandara anotoenda iwewe you're lucky kuti hazvisati zvaonekwa chete kuti hausisiri mhandara ,shungu dzangu kuti uitewo something life ." Akajamuka musikana akati ngatirambane uite zvaAmanda wako iyeye wagara haundide Ethan ,akataura zvakawandisa ndikabva hangu ndikaenda moyo wangu uchirwadza I wanted her to learn the hard way . Ndisati ndambosvika muHarare message yakapinda "I am sorry Ethan I can't survive without you ." I blocked her sezvaanga ambondiitawo . Maiwee ndanga ndazviparira akatanga kufona nemanumbers akasiyana siyana hameno kuti aidziwanepi phone dzacho . Ndakazomuti "it's okay but ziva kuti Kuna Amanda uzviise pasi pake ." Akamboda kuchema chema ndikati Saka ngazvipere. I couldn't ignore her kwe madays akawanda ndakatuma someone kuti amutarise ndikanzwa kuti musikana Ari kuita zvinogara zvakadaro Ari kuita kuchinjanisa vakomana but pekurarwa naye hapasi clear kuti Ari kurarwa here kana kuti haasi. . Yaisave problem akadanana na Ranga but chainetsa Ranga anga Aine mukadzi manje ,vainetsana havo but they were still together nemukadzi wake changa chisati chaapo mwana chete. Munhu wandanga ndatuma akazoti Tatenda haana waari kurara naye mazuvaano but anenge arikupota achimbobatwa batwa maparts ndikati hameno hake iLife yake . I decided to forget about her zvachose ndosiyana naye hangu hameno chero zvaaita nelife yake ndiye. Ndaitongoda kufuratira zvachose ndosiyana naye forever kuita sekuti haana kumbo exister apa iye ainetsa everyday achingoisa mamessage . I called my dad (bamunini) zvikanzi "Aku my boy what is it ?" "Ndiri kuda kuziva kuti age inonyatsoita kuroora ndeipi ? " "From 28 I think unenge wamature ." "Ko ndikanzwa kuda mukadzi at 25 ?" "You try and control yourself umbokura zvishoma ." "What if I can't control myself ?" "You pray about it ." "Ko kana ndakambonamata nezvazvo for more than a year zvichiramba." "What do you mean by zvichiramba ?,hakuna chinoramba ukanyengetera." "So you're trying to say hakuna munhu anoroora aine 23 kana 24 ." "Unokwanisa kuroora hako kana wazvipira but handiti unoziva kuti it's a final decision?" "Yeah ,I know ." "Hakuna chinonzi kurambanaka? ." "I know ." "And hauroore mukadzi ari pasi pe 18 years. " "I know ." "You have my permission son ,but tanga wanyatsobvunza Mwari usati watora decision yakakura kudaro. " "Ok dad ." "Is it okay ndikaita muchato wekucourt kana mese maa free ndozonyatsochata?" He laughed vakati "Ari kunetsa here Amanda ?'" "Yes she is feeling insecure ." "Wakaitei chiri kuita kuti asakutruste ?" "Hapana ari kungofungira hake. " "Munhu haangofungireka nhai Ethan ?,ukarwadzisa Amanda unokwidza BP yamai vako kuno vanomuda zvekumuda zviya ." We laughed ndichibva ndati "see you dad ." "Totaura son ndichacreater time pakati apa toenda kunoroora wochata zvakanaka wotanga family Yako handiti ka?" "Mukanonoka munowana ndaroora dad musazondirove ." "Kana waita nenzira kwayo ndokuroverei hangu ? Sekuru Nico variko hanzvadzi yamai vako vanokuudza zvekuita . Ba Praise vari kuuya manje manje kuZimbabwe ikoko pane zvavari kufambira ,let's hope munhu wako haana nhumbu taneta nekunyadzisa shamwari " "Haana ndosaka ndiri kuda kuroora kuti ndisazonyadzise ." "Good ." Na Amanda Tanga tangokura tichiwirirana ,anga asitombori wemuchurch medu we just met mutown achitodawo help ndikamubatsira ndikapihwa number mafirst days azvakabatwa ndakarohwa ndikati ndinomuda zvikanzi ngaave iye ega waunoda kusvikira amen. Amanda aienda kuRoma nevabereki vake vanga vaine Mari dzavo ,iye wacho anga Aine hunhu but something was missing ,ndaisaziva kuti chii but ndainzwa kuti pane chiri kushota parudo rwedu. Tatenda ndakamuziva ari mudiki zvisingaite ndofunga aive grade seven akanga atorwawo achinzi ari intelligent kwaakunzi aite poem . I still remember the poem yaiti "Iwee iwee haunyare here nhubu kunditanha, wanditanha wondirasa ko kumirirawo kuti ndiibve vanondida vagozonditanha ,tinyareiwo vabve zera. Ndatenda . It was very short and touching ,handizive sei vana Mai Masango vasina Kumuonawo ipapo ,nekuti vakawanda vakaita mapoem musi iwoyo vakasarudzwa kuenda kunze kwenyika kunodzidza ikoko. I guess inguva yanga isati yakwana hayo . Dai akaenda kure pamwe ndaisazomuona or aigona kutozoita benzi worse asina mitemo iri strict . I fell in love na Tatenda kunzwa kuti munhu ndamuda despite hunhu wake nei nei . Ndakatanga kumuongorora Ari form 2 zvekusvika pakuti aisirwe camera muroom yaaishandisa ,ndopandakaona Mari yaaiuya nayo achiviga mumwe wake asipo . Imwe nguva ndaiti ndomudiiko munhu asingagone kuramba mukomana? Asi moyo wangu waindikurira ndoshaya kana zvekuita . Ndakazoti ave form four ndopandakazotaura naye tikatanga kudanana . Kudanana kwacho kwaive kwetwo days torambana zvichingodaro zvichingodaro . Musi waakapedza kunyora A level yake ndakafonerwa zvikanzi "sir izvezvi Tatenda akavharirwa mumota nevarume 2 ." "Two?" "Ehe ." "Same time ?" "Yes ." "Saka uri kundiudzirei ?" "Sorry boss I thought Makati ndikuudzei ." "Vari kuitei imomo ?" "They're doing it sir." "Where exactly ?" "Vari musango kumafarms kuya kwandakambokuudzai ,kwaakamboenda na pastor Chiseko ." "Waziva sei kuti they're having sex ?" "It's obvious sir the car is shaking ." "Ok musiye akadaro usamuteere futi kubva nhasi ,she is a demon... a full demon how can she have two man at the same time ?'" Ndakasiya phone ndikabata musoro ,ndainyatsonzwa pain ichiungana pachest pangu kusvika ndaakutadza kufema zvakanaka . I took my car keys without thinking twice ndichibva ndabuda. Ndaida kumubatira panzvimbo chakazondikanganisa idistance panhu pacho panga pakareba from Harare to Mutare . But ndakafamba ndikasvika kwaMutare kuya nguva dzichiripo . Anga atoveko kuorphanage hake musikana , wakamutarisa hawaimbofunga kuti anoita zvehusatanist ,airatidza kuve innocent sevamwe vana. Ndakatadza kana kuvhara madoors emota ,Mai Tapfuma vacho vanenge vakazviona kuti hapana kumira mushe vakamhanya tikanosvikirana paroom pana Tatenda pacho . Anga asimo hameno kwavanga vakaungana kuti kwaiitwei takaenda tese ikoko na Mai Tapfuma vacho vachiteera . Chandakatanga kuita kumudira mbama ndichibva ndazomudhonza zvine simba ndikabuda naye . "Bamunini zvaita sei futi ?" "Mubvunzei kuti anga Ari kupi ?Ari kubva kuitei izvezvi ?" "Nhai mainini Tatenda ?' "Handisi kumboziva ini sisi Mai Tapfuma ." "She had sex with two different man same time nhasi Kuma around 10 am mwana wenyu uyu ." "Tatenda imhandara bamunini. Manzwa zvisirizvo ." "Shuwa handina...." I pushed her ndikati "enda kumota uko... ,Iwewe Chiedza pack her bag ndiri kuenda naye nhasi ingotora zvishoma zviri important chete ." "Bamunini mafunga kuita sei ?" "Regai ndiende naye Mai Tapfuma ,akatanga kurarwa naye ari mu 13 years uyu ,now aakuita zvema three some very soon hamuzomukwanise zvachose ,dhimoni riri apa rine kwarakananga and richaparadza vanhu vakawanda rikasiiwa richidai. Do you remember pastor Chiseko vaya vekuita accident ?" "Ehe. " "Vakanga vabva kurara naTatenda ,Havana kutaura havo nekutya kusungwa but ndozvakaitika vakarara naye munin'ina wenyu uyu ." Ndakavaverengera vanhu vashoma vandanga ndanzwa kuti vakarara naye vacho vakabata muromo . "Mutarisei izvezvi muone kuti imhandara here Tatenda wenyu ?" Vakaratidza kupererwa ,Tatenda uya anga akangomira akapeta maoko ,Chiedza akauya nekabag ndikati" handina kuti enda kumota here iwewe ?" Ndakadaro ndichitotemha shamhu pamuti wanga uri padhuze . "Sorry Ethan handichazviite futi ." Ndakamurova kusvika shamhu yapera ndikazobatwa navaTapfuma ndaakuda kumurova nemaoko . "Ndipei pekuisa signature ndiende, Tatenda ndatotora tonopedzerana ikoko ." Ndaiita kubvundisa muromo maoko achivava Aya . Nekunditya vakamhanya mhanya ndikaisa signature kwaakubva paorphanage paya ,Tatenda wacho anga aakungobwaira bwaira handina kana kutaura naye . Ndakaenda kucourt vakati muchato munoto booker mozochata day ramunenge mapihwa ndikati ndiri kuda kuchata mangwana makuseni first thing ,if it means I will pay double the amount I will pay . Vakambotsika madziro but Mari yakazoshanda hayo vakati munochata mangwana na 9 am . Ndakaenda naTatenda kwesister yangu ,maMutare ndomanga makazara hama dzangu dzakawandazve . Ndakatsvaga vamwe bamukuru vangu vanga vasina basa nezvakawanda vakati don't worry ndokumiririra pamuchato wako ana baba vako zvavari kure . Kwaakufonera ana Mai Tapfuma kuti huyai tisangane pa court na half past 8 nema documents a Tatenda aripo acho. . Tatenda akarara kumba kwesister yangu ndaimunzwira hasha dzekuti dai ndaimurova chaizvo chaizvo aifa. The following day takaita I do ..I do zvikapera masignature akaiswa . Maphotos ndakati no sister yangu akati "haasi majokes kaaya matove baba namai vana venyu vanodawo kuzoona kwamakabva nako ." Vakazongotora a few photos ,Tatenda anga akapfeka ka dress ke white kanga kangotengwawo zve emergency. Ini ndaive ndakapfekawo suit yekukumbira . Takabva ipapo tatove husband and wife . I was ready to face my family ,Amanda's family and church members . Hapana kana wandaitya chandaida kupinza Tatenda munzira chete . Ndaida kuona kuti dhimoni rake riri stubborn kusvika papi ? Ndichibva ipapo maphone calls akatanga kunaya from all coners of the world . Imwe ichikata imwe ichipinda none stop. End of chapter
❤️ 😂 🙏 👍 😮 😢 🎉 361

Comments