Felly Novels.
January 21, 2025 at 03:32 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaA5Vic0bIdhhQx9ii0I Invisible protection Story by Felistas 0788975314 Chapter 12 Chandaiziva ndechekuti Ethan is up to something ,haangamboroore munhu waari kuziva kuti ipfambi yekupedzisira iye Ari muzukuru waPastor ,baba vake vari muridzi wema orphanage Mai vake vachi runner ma private schools . Hakuna rudo rwakadaro kana kunyangwe akadyiswa haadaro chandainyatsoziva ndechekuti kuchachemwa . After the wedding akambotisiya pacourt ipapo namai Tapfuma hameno kwaaienda . Mai Tapfuma vairatidza kuti vari kundinzwira hasha ndakazonzwa vaakuti "Threesome Tatenda ?" Ndakaramba ndakanyarara kuexplainer kwaisatombobuda but vanhu vanga vaona zvisirizvo paitorwiwa not threesome ndanga ndadhumanisawo hangu vanhu vakarwira mumota not kuti pane zvakaitwa . "I can't believe this ,moyo wangu uri kungovimba kuti uchiri virgin Tatenda ,you look innocent wani?. So you slept na pastor vaya vekutyoka makumbo zveshuwa ?do you understand what it means kurara nemunhu Tatenda kubvisa pant kuvhura gumbo unoziva here kuti zvino transfer maspirits ?" Ndakashama muromo ndikatadza kududza mazwi . "Wakaoma mwana wamai vangu ...,wakaoma zvino Ethan wacho achakuchengeta for how long ko kana achida kuku dumber unoendepi unoziva ani pasi pe zuva? . You don't have anyone isu takangosvika paorphanage zvichinzi mwana uyu akanhongwa even ana Masango vacho havatozivewo kwawakabva 17 years ago ." Ndanga ndaakungotenderedza ring muchigunwe ndisisazive zvekutaura . "Waiitwa zvekudii nevarume vaviri asi Tatenda ndiudze ?" Ndakagadzirisa pahuro ndikaramba ndakanyarara . "Ndiri kutaura newe benzi iwe ,ezvino wasvoresa orphanage yese ,kutukisa ana aunty vese kuti vari kutadza kutarisa vana ." Ndakazongonzwa ndamharwa nembama ,Ethan anga atosvikawo akabva ati "ayehwaka Mai Tapfuma vaa Mai Masango ava haachisiri mwana weku orphanage kwenyu ." "Sorry bamunini ndangobatikana nezvaakaita ." "Hazvisisina basa let's open a new chapter ,ndinovimba kwatiri kuenda anonowana help ." "Ok maita basa ,musazomurase kana akatadza munomudzosa ." "Yaakubvuma vanhu vanenge vambobuda here home yenyu iyi ." "Tinenge taakutokumbirawo kwekuenda haana ." "Anako kwekuenda iye anozviziva kuti anokwanisa kurarama ega and Mari anogona kutoiwana fast kudarika isu vanoenda kumabasa. Pinda mumota Tatenda ." Ipapo ndakaona pasina kujeka Ethan Aida kungondibvisa pa orphanage chete. "Saka anonosvika ega kwaamwene here ?' "Haa kumba hakuna vanhu kungori neni chete ." "Ok mufambe zvakanaka ." Ndomabviro andakaita kumusha kwaMutare ndichienda kuHarare ,munzira mese Ethan anga Ari pa macalls ,we stopped pa Marondera akatenga juice rake ega kwaakuenderera mberi nerwendo . Apa ini nzara yanga yaruma ndakazoti "ko Saka ini ndodyei ?" "Hauna kutaura kuti unodei ?" "Wandibvunza here ?" "Nezvawakaita dai watombotsanya hako ,ndiri kukunyarira . Imwe mumuromo imwe kuzasi apa at your age ." "Imwe iyi undi kwane ." Ndakaerekana ndataura I thought achaita hasha but akatoseka hake . Tasvika kuHarare tikaenda kumba ndofunga kwefriend nekuti kwanga kusina vanhu vakuru . Takangoona mukomana wechidiki akatiratidza marooms anga atori nezvinhu kudhara achibva apa Ethan makeys ndokubuda no introductions ndaingonzwa achinzi Kule na Ethan. "We will stay here until further notice ,kumba kuri kupisa . Feel at home my love" he kissed me padama achibva atoenda kunogeza. Akadzoka akaoma achibva atora phone yake ndikanzwa aakuti "shaa ko hapana mvura ?' Hameno kuti akanzi chii zvikanzi "Tatenda anoziva chii nezvekutsvaga mvura.?" Akaseka akati "Huya utore makeys ako ndaakuenda ini ." Akakanda phone pabed ndichibva ndati "Hanzi mvura yacho inocherwa kupi ?" "Hameno hanzi kumugodhi kuseri what what ." "Regai ndikuchererei mugeze ." "No hauchere mvura pamugodhi Tatenda sandizvo zvawavinga kuno." Akambogara achiita kunge ane zvaari kufunga achibva azobuda panze . Ndakateera ndikaona hoyo anogara mumota make . Marriage yacho anga Ari ma1 ndakangoti chandisiri kuzoita kubvuma kudzingwa na Ethan paari ndopandiri andibvisirei kuorphanage . Ndakawana Mugodhi wacho ndikachereredza mabuckets two . Kwaakunobatidza gas magetsi anga anzi anouya manheru makuseni oenda . Mvura yekugeza ndakangoisawo muzipoto randakaona mukitchen imomo . Ndakaenda kumota ndikawana munhu Ari pacall anenge aitaura nababa vake ndainzwa achiti "but inga ndakangoita zvinhu nenzira yacho wani ?musikana ndakakumbira handina kutizisa. Muchato munwe tichaita hedu wacho wamurikuda but not now dad ." Akazoti "ok I am sorry dad but dai ndakakuudzai mairamba ." Akabva pacall akanditarisa ndikati "ndaisa mvura yekugeza ." "Stop acting like an ideal wife ,kumba kwedu hakusi kutombodiwa zvese izvozvo ,iwewe wacho hausi kudiwa ." "Saka ndidzosere hangu kuorphanage pachiri padhuze ." "Ku Orphanage hakudiwe mvana .Mvana by choice futi hauna kumbobvira warepwa kaiwe ." Ndakabva ndanyarara hangu ,akaburuka ndikanodira mvura akageza . Achibva abuda imomo aakukwenya mvura yacho yanga isina kuenderana neskin yake ndofunga ane zvaanga ajaira. . Ndakagezawo but handina zvandakanzwa . "Unorara panapa nhasi ndouya ndokutora mangwana manheru." "Iwe uri kuenda kupi ?" "None of business ." "Ndavinga iwewe kunoku Ethan pauri ndopandiri ." "Mai Masango zvinhu hazvina kumira mushe mukadzi wangu ,stay here ndinodzoka ndichikutora pane pane security hapana zvaunomboitwa " "Waakungondivhara apa Ethan." Akaseka akadzungudza musoro ,ndakazongosara pamba paya ndatoona kuti nharo hadzisi kushanda . Zvekubika ndakaita plan yangu ndega mukitchen imomo maive nemapotatoes akasvava nema carrots . Ndakadya ndikanorara muroom yatanga taratidzwa iya . Makuseni ndaitarisira kuuya kwaEthan haana kuuya ,ndakazonzwa gedhi kuvhurwa Kuma past 6 dzekumanheru ndichitobika rice randanga ndawana mupantry . Ndanga ndafunga kurisanganisa nema carrots . Ndaitongoti ndiEthan auya handina kumboita basa nekutarisa panze . Ndakazongonzwa "hezvo mashura apiko Aya ?" Ndakatarisa ndikaona mukadzi wechikuru mutema mudhafu airatidza kuti haaite zvema jokes nevanhu . "Makadii henyu mhamha." Ndakatyora kamuzura zvikanzi "ndiwe ani Mumba mangu ?" "Ndakauya ndikasiiwa panapa na Ethan ." "Ethan ndiani ?" "Murume wangu takachata marumwe zuro ." "Haasi mashura nhai ? Mongopinda mudzimba dzevanhu motobata mapoto nhai ?ndochii ichocho ?" "Sorry handina kuziva ." "Kuziva kutii Saka uri kuti mapoto Aya ndeako here ?" "Kwete mhamha ndakangonzi ndishandise ." Vakapopota Mai vaya ini I was not used to that ,ndanga ndaakuda kutochema kuorphanage taitaurirwa zvine rudo mukati. Ndakati kumbomirira kunze kuedze ndichitukwa soo hakuite . Ethan anga atonditiza ndanga ndatosiiwa. Ndakatora bag rangu ndikabuda vakatarisa .ai vaya kana kundimisa ,chavakangoita kuridza tsamwa chete . Kunze kwanga kwaakutanga kusviba ,ndanga ndatofunga kunogara mustreet hameno ikoko handiti Mai nababa vanga vangondisiya paorphanage Saka mustreet ndomaive mangu chaimo . Vepa orphanage wo vanga vaitawo pavo kusvika ndanyora A level. Ndaifamba muside meroad ndichida kunotsvaga pari safe pekurara mutown . Kaphone kangu kanga kadestroyiwa na Ethan plus ndanga ndisisade zvekunetsa vanhu kana kunyengerera ndaida kutongozvimiririra semunhu asina hama I thought it was easy maybe dzaive pfungwa dzehudiki .. Ndaiplana kunotsvaga parestaurant pekusuka maplates ndichipihwa food nekugeza kusvika ndawana plan . Ndakafamba kusvika ndakaona kuti pano ndafamba long distance . Nekuwandirwa nepfungwa ndakangocrosser road ndisina kutarisa ,ndakazorohwa nehana mota yabata mabreak yatove mumakumbo mangu chaimo . Ndaingonzwa kuti muHarare munorohwa munhu Saka ndakangovhara kumeso nemaoko ese vakadzikisa window vakati "tarisa kwauri kuenda mwana." "Maita basa ." Vakapfuura vakaenda ndikambosara ndakamira ndichibva ndazoona mota iya yadzoka nereverse. "Uri kuenda kupi ?" "Hapana kwandiri kumboenda ini ." "Unaani ?" "Ndiri ndega ." "Saka uri kugara panapa ?" "Ayehwa ndiri kutonotsvaga pekugara ." "Ndangonzwa moyo wangu uchida kukubatsira I couldn't go moyo wangu waramba ." "Ah mongondibatsira nechekudya henyu zvimwe zvese ndoita plan. " "But uri kuratidza kuti wabva kumba wani ?" "Ehe ndaitogara kumba but ezvino hakuchisina kumba. " "Pinda tiende I don't help people but moyo wangu waramba kuti ndikusiye waramba zvachose ndatadza kana kuenda kumberi. " Kutruster vanhu vemuHarare kwaive kutopenga . Mumota macho manga makazara vanhu vairatidza kutoguta madhimoni havo , I think spirit yechipfambi yaindinetsa ndiyo yanga yavakwezva . Iwayo aitove mahure embiri chaiwo mavouce acho anga akatora kare nedoro . Mumwe wacho akaburuka anga atove mukadzi mukuru chaiye but achiratidza kuti kukura kwacho haatombode . "we are not harmful isusu tiri kuda kungokubatsira izvezvi mastreets aipa unorepwa nemunhu ane AIDS ." "Musiye mhani Faustina hande uko towana kubhawa mapinda zvigeven'a ." Mumwe aive mumota akadaro zvikanzi neuya . "Mira mhani iwe Yvonne mwana wangu uyu ndikamusiya panapa anoitwa rough neboys ,my heart is paining me I can't leave her here . Iwewe hauna kumbonzwa labour painka saka hauna basa nazvo ." Mumwe wacho akaseka akati "mashura Faustina wapindwa neiko nhasi ,labour pain yaunogara uchituka kuti dai ndisina kumbozvara ." Faustina wacho anga akatodhakwa hake uku voice racho remasese haro . Akabva azama kundibata ruoko akati "huya princess wangu I will protect you with all my strength hakuna anokubata ndiripo oh I swear ,ndopfuka ngozi ndiri mupenyu ini ." Ndanga ndave pakati kuti ndojoiner chihure here ndorara life yangu kana ndave nemari ndosiyana nazvo ,kana kuti ndodzokera kwandabva kuya ndomirira Ethan pagedhi pamwe anouya . "Kana zvakadaro ndotorara pano ndichi kuprotecta ,I can't leave an innocent girl like you kuno Kuma avenues unoitwa nyama yekugocha kaneboys apa mahara futi wopihwa HIV haa no mhani I can't do that ,bayai girls Rega ndichengete mwana wangu uyu ." Mumwe wacho akaburuka akati "Fau wapindwa neiko waakupenga here ?" "Mwana ane masexy eyes kunge angu uyu ,anorepwa akafa uyu ,unoziva history yangu Yvonne ndaisatomboda zvechihure but tetez yangu yakatora advantage yenhamo dzangu vakandi recruiter ." Vamwe vacho vakaseka ini ndanga ndatove confused ,ko ndanga ndave Kuma avenues nguvai ? Moyo wangu wairwisana umwe uchiti wakatovhurwa kare uchatyei Ingo joiner Ethan atokusiya kumba kwavo haudiwe . Ndakaita Hondo mumoyo mweya yetsvina inenge yaitotonga because yaindionesa good life yandaizorarama ndiri ndega ,Satan aitozevezera kuti kungorarwa chete kune basa rei wotopihwa Mari Yako wofamba nemota usingadadirwe . Pakabva pasvika imwe mota yanga iine varume zvikanzi "oh Fau ndakuudza hona manje Madhiri ako. " Manga muine varume vechidiki vakaburuka vakauya kumota ndakanzwa Mai vaya vaakuti "no Mhofu ,you can't kiss me pamberi pemwana wangu ." "Une mwana Fau ?" Vakashamisika vese iye akati "zera rangu rinori ndisina mwana zvinorevei ?" Vakaseka pachinzenza . Mumwe wacho anga aakutonetsa kuti ndipe mwana wako ndobhadhara kana $300 . Ndakarohwa nehana $300 yuwesi here ? Ndotowana pekutangira life kaapa , Faustina uya akaramba akati panofiwa apa . Ndakazoti "mondipa marii husiku one hwacho ?" Faustina uya akaunyanidza chiso akati "ndokurova ukafa ,wati kudii ?" Ipapo anga andinongedzera nechigunwe . "You're too young for this rubbish ,ungateedzere isusu tangove makuva hedu mainjection tanzwa nekubaiwa . Zvakafanana nekuromba izvi unofa watambura siyana nazvo handimbokusiye uchiita hure hazviite ..." Vakatanga kunetsana paya Faustina achirwisa varume vaya kuti vasandibate Ivo vachida kundidhonzera mumota . Ini hangu ndanga nda signer kuita pfambi inobhadharwa ,zva Faustina hameno aisanzwisisa situation yangu . Ndakanzwa aakuti "Yvonne fonera Muza neteam rake mwana i underage uyu ,vamwe vanhu vanofanira kutorar mukati nhasi . " Anga atori serious nekundi chengetedza Faustina uya . Ndakamuti "ndakatozviita kakawanda siyai ndingoita ndiite zvelife yangu ndatojaira ini ." Ndakapihwa mbama yaka reseter brain dzangu ,mweya wechipfambi wakandisiya ndikadzoka pakuve normal . Ndikashira decision yandanga ndaita anga andibatsira Fau . Nguva iyoyo ndopakasvika Ethan nezimota rake . Akaburuka achitomhanya kuuya kwatanga tiri ,zvidhakwa zvese nemahure vakamhanya kupinda mumota dzavo vakarova pasi ndikasara ndatarisana na Ethan . End of chapter
❤️ 🙏 👍 😂 😮 😢 163

Comments