Felly Novels.
January 21, 2025 at 06:16 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaA5Vic0bIdhhQx9ii0I
MERCY then LOVE
Story by Felisters
Contact
0783857336
Chapter 28
Christian
Chinhu chaindishaisa mufaro pasi pezuva kuona Mercy akasuwa
,ndaibva ndaregreter day randakamubvisa pana tete vake, ndaisada
kumupa any chance yekuregreter kuuya kwandiri kwaakaita, kana kuzofunga nezvaStan, i tried as much kumuprovider maneeds nepandaigona napo Zvino nyaya yemimba yainge yatopinza satan mumba medu, Mercy
ainge ongopindura maone word nyaya dzainge dzave shoma, bonde aingoitawo kuti zvimubve ndakapedzisira ndakupota
ndichimbomusiya ndozomubata hangu kana zvandikurirawo.
Kudya chaiko aingotsunya tsunya otosiya ,ndakazoona kuti
ndingatozofirwe nemwana wevaridzi ndiri ndega , ndichibva
ndamuendesa kumba kuna mhamha i knew kuti namhamha
zvaiwirirana vaigona kumuhandler Thursday ndakarara hangu ndega ndikamuka iri Friday ndikaita basa rangu na12:30 Ndakanga ndaakutorongedza kubuda ndakaoneka mai Ruva ndichibva ndatopinda munzira,
Ndakasvika pamba pakati zii door remumba hombe rakanga risina
kukiiwa, ndakapinda ndikanzwa voice ramhamha vachinamata
muroom mavo ndakatora makii paroom divider Ndikavhura door repabedroom, pandakapinda mumba
ndakashamisika nezvamanga makaita hembe dzanga dzakazara pabed,
pabed pacho pachitoratidza kuti munhu angomuka kunge tsuro achisiya pakadaro,
bucket raive netauro nepant zvisina kumboyanikwa raingove pasi, kozoti kabucket kaiitirwa wiwi husiku hwese kakangosiiwa
kumakumbo kwemubhedha newiwi yacho, maisatombovaraidza
zvachose mumba macho, Mukadzi wangu aive aakutopenga nestress kubva asiya mumba muchiita kunge mudanga renguruve kudaro Mhamha vaingonamata, ndakasiya vakadaro ndikatanga kucleaner
mumba faster faster ndaitoshaya kuti koiye Mercy wacho aendepi?
Ndaakutopedza kucleaner mumba mhamha ndopavakazobuda
maziso akatsvuka kuratidza kuti munamato waitwa munhu achichema
Hana yangu yakarova ndichinzwa kuti Mercy aenda kumapurazi
,kumapurazi kwaisatoita zvachose nekupusa kwaMercy kuya aigona
kungonzi "huya kuno tikupe maaple mahombe" otoenda onorepwa hake, ko handiti pandakamubata paya ndakangomuti huya nebook akauya naro, even paakanzi nauncle Patrick huya utore parcel
mumota akangoenda,
anongoona sekuti vanhu vese vakangofanana asingatozive kuti
mamwe atori mabhinya chaiwo Ndaifunga zvese izvi ndiri munzira kuenda kumapurazi, ndaiona vision yaMercy akaunganirwa nevakomana vemahovhorosi ndaitoda
kunoita zvehondo ikoko kurikunzi ndawana paine angomugumha
hake Mercy wangu,
Pana Mercy ndaitosarudza kutomufira hangu
Takasvika kumapurazi nabamukuru tikawana kuchinzi hakuna munhu
ambosvika achida kutenga maaple plus mumiti macho makanga
musina kana akaibva, kwaitonzi anga atakurwa nelorry the previous day
Ndakatomboita nharo ndichiti pamwe pane pavamuvharira Mercy
wangu, ndakatozodzikamiswa naamai vechikuru vaivepo pamba apa
vakati: "hapana vanhu vambosvika pano mwanangu unoti ndingakurevera
nhema here?Pinda hako mudzimba utarise kana uchiti ndinonyepa,"
Ndipo pandakazoona kuti zveshuwa Mercy haana kumbosvika kuno
Ndakatenderera musoro nguva dikidiki ndichishaya kuti aripi Mercy kuti pamwe pane avaudza kuti hakuna maaple vachibva vadzokera kumba?
Bamukuru vakazongosimba nerekuti tinomuwana aveko kumba,
takadzokerazve kumba tichifambisa ndaive ndatomusuwa Mercy
Takasvika kumba kwatosviba nguva dzatove kumapast seven
,ndakapera simba ndichinzwa kuti Mercy haasati auya,
ndikatombogara pasi muvhu chaimo ndapererwa,
Ndakatozoona kuti kunze kurikutowedzera kusviba ndakagara,
mwana wevaridzi aripai?
Ndakasimuka neshungu ndaida kuenda kunotsvaga mukadzi
wangu, ndakafamba towards the gate
Musoro wangu waitova blank ndaisamboziva kuti ndonanga nekupi?
Ndakangoti hameno chero kwandaenda, what was the reason
yekurara mumba mune comfort ndisingazive kune mukadzi wangu?,
Ndichingobuda gate ndakabva ndanzwa mavoices
ndakanyatsoteerera ndikanzwa voice raMercy I was more than happy ndakapotsa padiki kumusumudza, but
ndakaona kuti kumusimudza kwaigona kuita kuti atore advantage yekuti ndinomuda akazotojaira kuita zvaanoda, ndakazviudza kuti
handichamusiye futi ari ega kana kumurega achienda kwandisiri
Everyone was happy nekudzoka kwaMercy, though vanhu vaitryer
kuhider their happiness
Vanhu vakambopopota popota asi tete havana kuda kubuditsa
chokwadi chekwavanga vaenda Ndakazoenda kunorara ndichimirira chipondamoyo changu
Akazouya achibva kunogeza, it was strange kugeza ega Mercy
,ndakatomboda kuita kapfungwa kekuti pane zvaaiita ndikakurumidza kukadzima, Mercy haadaro achizviitirei? ,achiita
nani? Stan was my only threat pana Mercy, manje ainge asipo so why would Mercy cheat?
Mercy.........daddy sorryi....
Me........huya urare Mercy I was not in the mood yekutaura zvakawanda Akauya akarara akati kwati kwati neni zvemiedzo chaizvo
miedzo yacho yakandikundawo and we end up making love
After tatamba takabuda tikanogeza, Mercy was acting so strange
,aingoita kunge arikuvhunduka
Me.........manga maendepi nhai Manyoni?
Mercy........kumaaple
Me........kupi?
Mercy........handinyatso kuzive tete ndovarikukuziva
Me........saka hausati waakuda kundiudza chokwadi?
Mercy........hakuna chokwadi chinopfuura ichocho Chris
Me........i thought i am your future husband, but you don't trust me.
Mercy..........future what?asi handisati ndaamukadzi wako?
Me........the thing is we are not legally married meme, Hama dzako hadzindizive, hatina muchato, handina kana simba rekuclaimer kuti uri mukadzi wangu
Mercy..........meaning?I am your girlfriend?
Me........sort of
Mercy akaratidza kubatikana
Mercy.........so ndikaita mwana tisati tachata, what will he do? i mean
ndinenge ndiri his father's girlfriend?
And you will be his mother's boyfriend, so why wasting my time and energy kutsvaga kuita mwana weboyfriend?, i don't understand Haundide here Chris
Me..........ndiudze kwawanga waenda Mercy, then we start from there, Ndakanyatsoona kuti munhu apererwa, akabva anyarara kuti zii
Me.........I am not going to force you kutaura kwawanga uri Mercy
,take your time kana waakuda kundiudza unongondiudza hako
handiti?,(akagutsurira musoro) ok at least chindiudzawo kuti sei
wageza wega nhasi ini ndiripo? wadii kuti tigeze tese Ndakadaro ndichifambisa ruoko rwangu padumbu pake kuti anyatsofeela comfortable
Mercy..........ko kugeza kune basa rei?
Me..........hausati wambogeza wega ini ndiripo,
Mercy........promise me kuti hauzondiseke
Me.........I can't promise you, because zvinosekesa zvinongosekwa
Mercy.........ok the thing is.....ummmm switch off the light first
ndakadzima light riya
Me........now tell me
Mercy........ndanga ndazviitira wiwi panga pachida kurohwa tete nabamukuru
Ndakamboita kamoment of silence, Meme was young and innocent
Me.........shuwa here?
Ndakadaro ndichibatidza light Akaseka hake achifuga musoro, ndakaseka hangu zvanga zviri funny
things went back to normal naMeme, ini mubvunzo wangu ndaingove
nawo wekuti mercy natete vanga vaendepi musi wavakadzoka
husiku,?
ndaingomirira paaizondiudza ega.
Mazuva akafamba zvikoro zvikavharwa, tikadzoka kumba
mastudents aida zvemaholiday lessons Mercy akarambisisa chaiko ndichibva ndangosiyanawo nazvo, Meme haana kumira kuenda kumaperiods
Holiday yainakidza taispender most of the time kurwizi nemukadzi
wangu Kana kungofamba hedu musango Tichi admire hunyanzvi hwanyadenga
Little by little mukadzi wangu anga akuva used kuupenyu hwekumusha
Nguva yekuti zvikoro zvichivhurwe yakazokwana, Mercy anga asisade kusiyana neni kana zvekuti ambosara namhamha akaramba, Apa ndinezvandaida kunoita kuchikoro Mercy asipo
Takatanga kurongedza hedu ndaizonoita plan taako kuti Mercy
ambodzoke kumba
Takarongedza tikapedza Mercy aingotenderera kuita kunge pane
chaari kutsvaga achishaya
Me.........handei Mercy pane chasara here?
Mercy........ndasiya towel rangu panze pawire enda
unonditorerewoka, ndichimbopedzisa kurongedza zvinhu zvangu
Me.......okay no problem
Ndakabuda panze ndichibva ndatosangana namhamha vachitobvawo
kunotora towel raMercy panze
Mom........Manyoni haasi anga akanganwa towel iri here?
Me.......yaa ndorandatovingawo
Ndakatambira towel riya ranga rasara zvishoma kuoma Ndakabva ndatodzokera mubedroom
Mhamha vachiendawo kukitchen
Ndichipinda ndakawana Mercy akaita kumonera zambia kusvika
pamusoro pemazamu, akapfuga mapafloor achiedza kusimudza bed
,rumwe ruoko ruchitsvanzvadzira pasi pebed
Me........urikutsvagei babie, let me help unozvikuvadza
Mercy akavhunduka akapotsa azvikuvadza nebed yaaisimudza
Ndakamhanya ndikanobata bed achibva asumuka angaa akudedera achibuda tudikita kumeso
Me.......
ko chii babie wanga uchida kutora chii?
Mercy.........ndanga ndichitarisa scarf yangu handina kuiona
Me........ok chimira ndikusimudzire bed yacho utsvage
Mercy..........no no no don't worry, haina hayo basa i think yakasara
kuchikoro patakauya paye Akadaro achindibata ruoko kuti ndisasimudze, apa achiita kudedera
Ndakabva ndatoita shungu dzekuda kutoona kuti paive nei pasi
pebed paaindirambidza
Ndakabvisa matress nemablankets ndikaisa kuside ndichibva
ndasimudza bed ndikamisane madziro
Mercy..........i am sorry Chris I know you don't like zvandakaita, but i
was helpless
Ndakamutarisa ndakazara confusion, ndichibva ndazotarisa pasi pebed
At first handina chandakaona because ndaiita zvekumhanyisa
maziso Pandakazo dzokorodza kutarisa ndopandakaona
A cloth yairatidza kuti yakacover something kufar end
Ndakaenda ndikanochonjomara ipapo ndikabvisa jira riya, wanike
pane kahari kane mvura nematombo Ndakacheuka ndikatarisa Mercy aingochema akabata kumeso kwake
Me........What is this Mercy!!!
Ndakadaro ndichidedera nehasha Ndaishaya kuti Mercy andifungirei, kuti mushonga wei uyu? ,pfungwa
yakamhanya mupfungwa dzangu ikakurira dzimwe dzese ndeye kuti mupfuhwira Mercy akutryer kundipfuhwira?but achimbozviitirei?mari yangu yandaitambira ndaingomupa yese wani? hapana mumwe musi
wandakambonyengawomumwe musikana wani?
Ndinotryer kumufadza all the time wani? so why?
Me........what more do you want from me Mercy? tell me?
she couldn't say a word, zvakabva zvawedzera hasha dzangu ,ndikati
saka ichokwadi ka kuti Mercy aakubata mishonga Ndakati regai ndidaidze mai vangu because ndakanzwa kuti
mishonga ikaonekwa nevanhu vakawanda inofumuka, plus my
mother was a prayer warrior zvaigona kushaya simba because
ndanga ndisisiri comfortable
Vakamboda kumira panze vachitya mubedroom memuroora
,ndikavati vapinde
Mom.........kochii mumba kudai?asi mapinda nyoka here?
Ndakangonongedzera pasi pebed, mai vangu pavakaona mbiya
vakangovhura maziso vachibata muromo
Mom.......chiii chi?chabvepi?
Mercy.........imbiya yandakapiwa kwamadzibaba
End of chapter
❤️
👍
🙏
😂
😮
😢
🤣
995