Felly Novels.
January 21, 2025 at 06:16 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaA5Vic0bIdhhQx9ii0I MERCY then LOVE Story by Felisters Contact 0783857336 Chapter 28 Christian Chinhu chaindishaisa mufaro pasi pezuva kuona Mercy akasuwa ,ndaibva ndaregreter day randakamubvisa pana tete vake, ndaisada kumupa any chance yekuregreter kuuya kwandiri kwaakaita, kana kuzofunga nezvaStan, i tried as much kumuprovider maneeds nepandaigona napo Zvino nyaya yemimba yainge yatopinza satan mumba medu, Mercy ainge ongopindura maone word nyaya dzainge dzave shoma, bonde aingoitawo kuti zvimubve ndakapedzisira ndakupota ndichimbomusiya ndozomubata hangu kana zvandikurirawo. Kudya chaiko aingotsunya tsunya otosiya ,ndakazoona kuti ndingatozofirwe nemwana wevaridzi ndiri ndega , ndichibva ndamuendesa kumba kuna mhamha i knew kuti namhamha zvaiwirirana vaigona kumuhandler Thursday ndakarara hangu ndega ndikamuka iri Friday ndikaita basa rangu na12:30 Ndakanga ndaakutorongedza kubuda ndakaoneka mai Ruva ndichibva ndatopinda munzira, Ndakasvika pamba pakati zii door remumba hombe rakanga risina kukiiwa, ndakapinda ndikanzwa voice ramhamha vachinamata muroom mavo ndakatora makii paroom divider Ndikavhura door repabedroom, pandakapinda mumba ndakashamisika nezvamanga makaita hembe dzanga dzakazara pabed, pabed pacho pachitoratidza kuti munhu angomuka kunge tsuro achisiya pakadaro, bucket raive netauro nepant zvisina kumboyanikwa raingove pasi, kozoti kabucket kaiitirwa wiwi husiku hwese kakangosiiwa kumakumbo kwemubhedha newiwi yacho, maisatombovaraidza zvachose mumba macho, Mukadzi wangu aive aakutopenga nestress kubva asiya mumba muchiita kunge mudanga renguruve kudaro Mhamha vaingonamata, ndakasiya vakadaro ndikatanga kucleaner mumba faster faster ndaitoshaya kuti koiye Mercy wacho aendepi? Ndaakutopedza kucleaner mumba mhamha ndopavakazobuda maziso akatsvuka kuratidza kuti munamato waitwa munhu achichema Hana yangu yakarova ndichinzwa kuti Mercy aenda kumapurazi ,kumapurazi kwaisatoita zvachose nekupusa kwaMercy kuya aigona kungonzi "huya kuno tikupe maaple mahombe" otoenda onorepwa hake, ko handiti pandakamubata paya ndakangomuti huya nebook akauya naro, even paakanzi nauncle Patrick huya utore parcel mumota akangoenda, anongoona sekuti vanhu vese vakangofanana asingatozive kuti mamwe atori mabhinya chaiwo Ndaifunga zvese izvi ndiri munzira kuenda kumapurazi, ndaiona vision yaMercy akaunganirwa nevakomana vemahovhorosi ndaitoda kunoita zvehondo ikoko kurikunzi ndawana paine angomugumha hake Mercy wangu, Pana Mercy ndaitosarudza kutomufira hangu Takasvika kumapurazi nabamukuru tikawana kuchinzi hakuna munhu ambosvika achida kutenga maaple plus mumiti macho makanga musina kana akaibva, kwaitonzi anga atakurwa nelorry the previous day Ndakatomboita nharo ndichiti pamwe pane pavamuvharira Mercy wangu, ndakatozodzikamiswa naamai vechikuru vaivepo pamba apa vakati: "hapana vanhu vambosvika pano mwanangu unoti ndingakurevera nhema here?Pinda hako mudzimba utarise kana uchiti ndinonyepa," Ndipo pandakazoona kuti zveshuwa Mercy haana kumbosvika kuno Ndakatenderera musoro nguva dikidiki ndichishaya kuti aripi Mercy kuti pamwe pane avaudza kuti hakuna maaple vachibva vadzokera kumba? Bamukuru vakazongosimba nerekuti tinomuwana aveko kumba, takadzokerazve kumba tichifambisa ndaive ndatomusuwa Mercy Takasvika kumba kwatosviba nguva dzatove kumapast seven ,ndakapera simba ndichinzwa kuti Mercy haasati auya, ndikatombogara pasi muvhu chaimo ndapererwa, Ndakatozoona kuti kunze kurikutowedzera kusviba ndakagara, mwana wevaridzi aripai? Ndakasimuka neshungu ndaida kuenda kunotsvaga mukadzi wangu, ndakafamba towards the gate Musoro wangu waitova blank ndaisamboziva kuti ndonanga nekupi? Ndakangoti hameno chero kwandaenda, what was the reason yekurara mumba mune comfort ndisingazive kune mukadzi wangu?, Ndichingobuda gate ndakabva ndanzwa mavoices ndakanyatsoteerera ndikanzwa voice raMercy I was more than happy ndakapotsa padiki kumusumudza, but ndakaona kuti kumusimudza kwaigona kuita kuti atore advantage yekuti ndinomuda akazotojaira kuita zvaanoda, ndakazviudza kuti handichamusiye futi ari ega kana kumurega achienda kwandisiri Everyone was happy nekudzoka kwaMercy, though vanhu vaitryer kuhider their happiness Vanhu vakambopopota popota asi tete havana kuda kubuditsa chokwadi chekwavanga vaenda Ndakazoenda kunorara ndichimirira chipondamoyo changu Akazouya achibva kunogeza, it was strange kugeza ega Mercy ,ndakatomboda kuita kapfungwa kekuti pane zvaaiita ndikakurumidza kukadzima, Mercy haadaro achizviitirei? ,achiita nani? Stan was my only threat pana Mercy, manje ainge asipo so why would Mercy cheat? Mercy.........daddy sorryi.... Me........huya urare Mercy I was not in the mood yekutaura zvakawanda Akauya akarara akati kwati kwati neni zvemiedzo chaizvo miedzo yacho yakandikundawo and we end up making love After tatamba takabuda tikanogeza, Mercy was acting so strange ,aingoita kunge arikuvhunduka Me.........manga maendepi nhai Manyoni? Mercy........kumaaple Me........kupi? Mercy........handinyatso kuzive tete ndovarikukuziva Me........saka hausati waakuda kundiudza chokwadi? Mercy........hakuna chokwadi chinopfuura ichocho Chris Me........i thought i am your future husband, but you don't trust me. Mercy..........future what?asi handisati ndaamukadzi wako? Me........the thing is we are not legally married meme, Hama dzako hadzindizive, hatina muchato, handina kana simba rekuclaimer kuti uri mukadzi wangu Mercy..........meaning?I am your girlfriend? Me........sort of Mercy akaratidza kubatikana Mercy.........so ndikaita mwana tisati tachata, what will he do? i mean ndinenge ndiri his father's girlfriend? And you will be his mother's boyfriend, so why wasting my time and energy kutsvaga kuita mwana weboyfriend?, i don't understand Haundide here Chris Me..........ndiudze kwawanga waenda Mercy, then we start from there, Ndakanyatsoona kuti munhu apererwa, akabva anyarara kuti zii Me.........I am not going to force you kutaura kwawanga uri Mercy ,take your time kana waakuda kundiudza unongondiudza hako handiti?,(akagutsurira musoro) ok at least chindiudzawo kuti sei wageza wega nhasi ini ndiripo? wadii kuti tigeze tese Ndakadaro ndichifambisa ruoko rwangu padumbu pake kuti anyatsofeela comfortable Mercy..........ko kugeza kune basa rei? Me..........hausati wambogeza wega ini ndiripo, Mercy........promise me kuti hauzondiseke Me.........I can't promise you, because zvinosekesa zvinongosekwa Mercy.........ok the thing is.....ummmm switch off the light first ndakadzima light riya Me........now tell me Mercy........ndanga ndazviitira wiwi panga pachida kurohwa tete nabamukuru Ndakamboita kamoment of silence, Meme was young and innocent Me.........shuwa here? Ndakadaro ndichibatidza light Akaseka hake achifuga musoro, ndakaseka hangu zvanga zviri funny things went back to normal naMeme, ini mubvunzo wangu ndaingove nawo wekuti mercy natete vanga vaendepi musi wavakadzoka husiku,? ndaingomirira paaizondiudza ega. Mazuva akafamba zvikoro zvikavharwa, tikadzoka kumba mastudents aida zvemaholiday lessons Mercy akarambisisa chaiko ndichibva ndangosiyanawo nazvo, Meme haana kumira kuenda kumaperiods Holiday yainakidza taispender most of the time kurwizi nemukadzi wangu Kana kungofamba hedu musango Tichi admire hunyanzvi hwanyadenga Little by little mukadzi wangu anga akuva used kuupenyu hwekumusha Nguva yekuti zvikoro zvichivhurwe yakazokwana, Mercy anga asisade kusiyana neni kana zvekuti ambosara namhamha akaramba, Apa ndinezvandaida kunoita kuchikoro Mercy asipo Takatanga kurongedza hedu ndaizonoita plan taako kuti Mercy ambodzoke kumba Takarongedza tikapedza Mercy aingotenderera kuita kunge pane chaari kutsvaga achishaya Me.........handei Mercy pane chasara here? Mercy........ndasiya towel rangu panze pawire enda unonditorerewoka, ndichimbopedzisa kurongedza zvinhu zvangu Me.......okay no problem Ndakabuda panze ndichibva ndatosangana namhamha vachitobvawo kunotora towel raMercy panze Mom........Manyoni haasi anga akanganwa towel iri here? Me.......yaa ndorandatovingawo Ndakatambira towel riya ranga rasara zvishoma kuoma Ndakabva ndatodzokera mubedroom Mhamha vachiendawo kukitchen Ndichipinda ndakawana Mercy akaita kumonera zambia kusvika pamusoro pemazamu, akapfuga mapafloor achiedza kusimudza bed ,rumwe ruoko ruchitsvanzvadzira pasi pebed Me........urikutsvagei babie, let me help unozvikuvadza Mercy akavhunduka akapotsa azvikuvadza nebed yaaisimudza Ndakamhanya ndikanobata bed achibva asumuka angaa akudedera achibuda tudikita kumeso Me....... ko chii babie wanga uchida kutora chii? Mercy.........ndanga ndichitarisa scarf yangu handina kuiona Me........ok chimira ndikusimudzire bed yacho utsvage Mercy..........no no no don't worry, haina hayo basa i think yakasara kuchikoro patakauya paye Akadaro achindibata ruoko kuti ndisasimudze, apa achiita kudedera Ndakabva ndatoita shungu dzekuda kutoona kuti paive nei pasi pebed paaindirambidza Ndakabvisa matress nemablankets ndikaisa kuside ndichibva ndasimudza bed ndikamisane madziro Mercy..........i am sorry Chris I know you don't like zvandakaita, but i was helpless Ndakamutarisa ndakazara confusion, ndichibva ndazotarisa pasi pebed At first handina chandakaona because ndaiita zvekumhanyisa maziso Pandakazo dzokorodza kutarisa ndopandakaona A cloth yairatidza kuti yakacover something kufar end Ndakaenda ndikanochonjomara ipapo ndikabvisa jira riya, wanike pane kahari kane mvura nematombo Ndakacheuka ndikatarisa Mercy aingochema akabata kumeso kwake Me........What is this Mercy!!! Ndakadaro ndichidedera nehasha Ndaishaya kuti Mercy andifungirei, kuti mushonga wei uyu? ,pfungwa yakamhanya mupfungwa dzangu ikakurira dzimwe dzese ndeye kuti mupfuhwira Mercy akutryer kundipfuhwira?but achimbozviitirei?mari yangu yandaitambira ndaingomupa yese wani? hapana mumwe musi wandakambonyengawomumwe musikana wani? Ndinotryer kumufadza all the time wani? so why? Me........what more do you want from me Mercy? tell me? she couldn't say a word, zvakabva zvawedzera hasha dzangu ,ndikati saka ichokwadi ka kuti Mercy aakubata mishonga Ndakati regai ndidaidze mai vangu because ndakanzwa kuti mishonga ikaonekwa nevanhu vakawanda inofumuka, plus my mother was a prayer warrior zvaigona kushaya simba because ndanga ndisisiri comfortable Vakamboda kumira panze vachitya mubedroom memuroora ,ndikavati vapinde Mom.........kochii mumba kudai?asi mapinda nyoka here? Ndakangonongedzera pasi pebed, mai vangu pavakaona mbiya vakangovhura maziso vachibata muromo Mom.......chiii chi?chabvepi? Mercy.........imbiya yandakapiwa kwamadzibaba End of chapter
❤️ 👍 🙏 😂 😮 😢 🤣 995

Comments