Felly Novels.
January 24, 2025 at 07:02 AM
Hope and Faith . Story by Felistas . 0783857336 Chapter 33. Program yapera Joshua ndiye ega anga aine Mota kunze kwanga kwasviba . Takasangana pamota paJoshua vekwangu nevekwaJoshua ndikaisa hangu vana mumota kuti vagare panodziya ndini ndanga ndiine makeys , Amwene vachibva vakwira vakagara kumberi ndofunga vaifunga kuti tirikuda kukwira nehama dzangu ana mhamha vanga vangondiperekedzawo havo pamota vachida kuoneka mukuwasha wavo nekumukorokotedza ,akauya Joshua akati "mhamha Mota iyoyo idiki burukai ndikupei Mota inokuendesai kuhotel,then ana mhamha mbuya vaHope ndonokusiyai kuBudiriro ndichienda kumba kwangu ." "Isu tiri kukwira kombi mwanangu usatye hako ." Mhamha vangu vakadaro zvikanzi na Joshua "ndiri kutoendawo nekuBudiriro ikoko ana mhamha Mirai tiende tese. " "Uchizvinetserei nhai mwanangu tine tax yedu ichauya ichititora ." "Mai Hope ndikawana ana mhamha vasipo pano hatiwirirane zvachose ." Mhamha (amwene )vakatsamwa zvisingaite . Joshua akabva atofuratira aakunotsvaga Mota yaizoenda nana mhamha kwavainorara , vakaburuka mumota vakandisvipira paruoko vakati "mukos*o wamai vako ,musata***ko wamai vako Mai vanoroya wanzwa here imbwa iwe ." She thought kutuka kwema zuva ese zvichangopfuura. Mhamha vangu vakabva vati "ko ini ndatadzei hangu?" "Ndimi vandanga ndichitsvaga mai vasinganyare ,kwirai Mota dzakatengwa nevana venyu ,Joshua ndewangu ndini ndakamugomera neuku kwangu uku mazvinzwa here varoyi imi ?" Yakabva yapindirwa namainini vanyowani vakati "ari kunzi musaton**ko tisu here apa ?imi mbuya kurai mushe manzwa kana makajaidzwa kumusha kwenyu kuno tinokupetai petai. Asina kuzvara ndiani ?ko iye mwana wenyu zvaanorara achigomerera mwana wedu hatina kuzvara here ?" Moto wakabva wabatira ukatanga kubvira. Ndakambozama kuda kudzimura but panga pasangana zvikara pakaudzanwa makobvu nematete kusvika amwene vangu vapeta muswe . Pakauya Joshua amwene vangu vakabva vatanga kuchema. He ignored akati kuna mhamha vangu" pindai mhamha tiende ,ava vane mota ichavatakura manje manje." Vakapinda mumota zvikanzi naamwene vangu. "Ndiwe here Joshua mwana wandakabereka kwe nine months waakundidai ? Kutakura vatorwa uchisiya ini Mai vako pachena pakadai ,une shuwa iwe ?une chokwadi kuda kundisiya ndichitonhorwa uchienda nevanhu vawakaziva musi uno ?" "Mhamha please mukuwasha wenyu ane Mota hombe yamunokwana mese nana tete nevana vavo anokutakurai onokusiyai pahotera morara mangwana momuka motengerwa grocery modzokera kumusha. . Ndiro basa remukuwasha kutakura Mai vemukadzi wake kuvasvitsa pamba . Iniwo ndiri mukuwasha kumba kwamai Lizzy mhamha ,hazviite kuti Mukuwasha wenyu imimi atakure ambhuya vangu hazvitoite nzwisisai mhamha ndakumbirisa hangu madrama tonoitira kumusha . Atleast remekedzaiwo vekwandakaroora ,vanotii vachiona muchidai ? Vanoona sekuti mwana wavo akagara sei ?" Vakanyara nyara ndokuzoti "Ah Heya pakanaka handina kuziva kuti tiri kutakurwa nemukuwasha ,saka tonorara kwaJulie ?" "Julie anogara mucamp mhamha hakuna space makawandisa . Even kwangu kuone room hatikwane takawanda kudai . Kunze kwekuti mukati vamwe vese voenda kumusha imi morara henyu kumba kwangu " "Ayehwa rega ndiende kumusha havazozive zvekuita nezvinhu zvangu ." Vakaona kuti vadhomoka ndokuzoti "vanotambisa hupfu vanhu vacho ndisiko ." . ",munorara muhotel mese munokwana three rooms makadai ." "Kwete ndoda kunorara kumba kwangu . Muudze mukuwasha anondisiye kumusha chaiko nhasi." Akaburitsa wallet akati kuna Malvern anga achangosvika ",tsano movatengera machicken inn mutown umu vofamba vakaguta ." He hugged her mom tikapinda mumota . Takatengawo zvekudya motown zvedu nana mhamha tikanovasiya kumba kwavo kuBudiriro ,isu taakuenda kwedu kwatai lodger full house. The following day mafriends a Joshua nevakadzi vavo vanga vakatoronga party . Everyone was invited mhamha vakanotorwa futi kumusha ,party yacho yaiitirwa pasiri pamba pemunhu paingovewo pavenue . We celebrated ana mhamha vangu vakakurumidza kuenda kumba kusati kwasviba vachitya Hondo yekurwira Mota yemukuwasha . Tete Julie vanga varipo nekadumbu kavo . Pakafarwa Kani asi zvine huMwari mukati . Zvapera Joshua akada kubookira ana mhamha room pahotel kuti vambozorore vakaramba hanzi vana vakasara kumba vanozopinda mubedroom mangu vakatora mari . Ndaiziva hangu kuti vaityira tunhu twavo. Bamukuru vaivepo but vanga vatove worse kuzungaira kuita kunge vasipo havo vanga vasisataure kana kufamba pane vanhu kana pataive kumusha pacho ndaiti havapo kaini ndakatozoshamisika vauyiwa navo kuparty yaJoshua ,I decided to pray for him vaizosvikepi vasinawo mhuri nhai ? Vanhu vakaperekedzwa nemukuwasha wavo vakaenda kumusha . Ndakabva ndaisa mugroup redu reprayer kuti let's pray for bamukuru Josphat . Prayer ichibva yatotanga kutsva ipapo ipapo . Munamato une simba hama dzangu ,pasina 3 days Joshua akauya achiti ndafonerwa na Bamukuru vati ndokumbira kumbouyawo kuHarare ndiri kurwara ndine maronda panhengo . Phone vanga vatoita yekukumbira munhu muroad vachiti ndatiza pamba . We decided kuvaisira mari pabhazi ,then ivo vongokwira vouya . Handina kurara ndichinamata because vaigona kutadziswa kuuya . Ndainyatsonzwa kuti yes pano parikurwiwa Hondo hombe ndanga ndabata pasingabatwe but na Jesu here gomo chairo rinobva apa rikaenda apo . . Vakarwiswa bamukuru kusvika Joshua azoenda kunovatsvaga akauya navo vakati rapata,vakaendwa navo kuhospital vakano admitwa straight vanga vatove murwere mentally and physically . Chandaingofara ndechekuti vanga vapepuka Mwari haakundikane hazviite. One by one vaitozosunungurwa chete vana vaamwene vangu. Nekunamata vakazoita zviri nani tikatanga kugara navo tichienda kuchurch . Amwene vangu vanga vandivenga kusvika panoperera ruvengo rwavo ,apa ndikarega kuenda kumusha weekend vaifona kuti ko Mai Hope sei vasina kuuya. Juliet na Malvern vakasarudza muchato wekucourt vakangopa reason yekuti dumbu rakura tichazoita white wedding kana tasununguka. Takaitawo ma witness zvikatofamba . Kubva ipapo chandanga ndaakungoita kunamata nekurera vana vangu chete . Ndaingoona ruoko rwaMwari mulife mangu . Land yedu yakatengwa nemari kwayo tikatenga imwe land muno muZimbabwe yaive suitable for building shops and malls. Yanga yakakura land yatakawana ,muono wedu waive wekuvaka mashops aizo rentwa nevanhu vachitipa mari vana vedu vozowanawo nhaka. . Nenyasha dzaMwari takavaka first building yedu zvekuvavarira though zvimwe zvakaita seroofing takazobatsirwa ne loan yanga yatorwa na Joshua kubank . Aibatirwa hake pay but building yedu pakapera four months yanga yaakushanda yatozara nevanhu ichipinza mari . I decided to extend imba yangu yekumusha nekuti every weekend taienda kumusha ,vana vaikura vaizodawo marooms avo . Bamukuru zvekumusha vaisada kana kuzvinzwa taingovasiyawo kuHarare ikoko namaid watanga tatsvaga . Takaiita four bedrooms ,sitting room nekitchen . Matoilets takangoisa one mukati mamwe tikavakira kunze. Amwene patakati tikuitireiwo imba yenyu sedzemazuvaano vakaramba vanga varamwa ,Joshua akangoti kana maakuda mozondiudza. Pakazopera gore tanga tatoisa masolar ne tank remvura pamba . Amwene vaingopopota but chekundiita vanga vasina havo , vaingogumira mukutukirira chete . Mvura taichera tese patap saka ndaiziva kuti hapana zvavanomboiita ,plus vaida Joshua na Faith saka zvekuisirwa mushonga mumvura ndaisambozvifunga . Imba yedu yataivaka muHarare yanga iri hombe yakanonoka kupera taitoita zvishoma nezvishoma tichi lodger hedu . Talent akapedza zvedriving akatsvagirwa basa na Joshua achimirira kuwana experience ozoenda Kuma trucks . Bamukuru zvakavatorera nguva yakareba kuti vadzoke kuve munhu chaiye ari normal . Thanks to Mr Dope vaiva counselor zvishoma nezvishoma kusvika zvaita. Vakazo applya basa reteaching kunyika dzakasiyana siya vakariwana kuBotswana . Vakafara veduwee nesuwo takafara tikatenda Mwari , vaakuda kuenda vakati handichadzoka kuZimbabwe Sarai henyu ndakatambudzwa kwenguva yakareba handichadi kunzwa nezvenyika ino futi . Vakabatsirwa kugadzira mapapers anodiwa na Joshua ,tikavatengera ticket rendege vakaenda . Vana vangu vakasuruvara vanga vajaira kuswera na dady vakuru . We communicated navo variko ,maprayers taiita ava vainamata manje kwete zvaJoshua zvekutemba mukadzi . Kumushawo vana tete vakatanga kuda kutaura taura neni pavakanzwa kuti Julie akatosununguka mwana musikana. And panga pasina kana tarisiro yekuti acharambwa aitowedzera kudiwa . Ndakavaita welcome vese ,I introduced then kumurume anonzi Jesu ndikavaudza testimony yangu kwandanga ndabviswa naMwari uyu . Mumwe munhu akasvika pakufirwa namai zvese nemurume anofunga kuzviuraya but Jesu akandisesekedza ndikararama zvakaoma kudaro ndisina kana wekuudza nhamo. He gave me Hope and Faith pandaive panguva yekugumirwa nehupenyu ndisina kana wekutarisa kana kubvunza. Ndaiti ndikafunga life yangu sometimes ndaiyeredza misodzi. Ndozvibvunza kuti ndini here ndakamirira dady vari kubva kubasa . Ndini here ndaakupihwawo pay yese nemurume kunzi todii nhai Mai Hope? . Kunyangwe paakati siya mapiritsi undiitirewo last born ndakasiya ini ,Faith kanga katokuririra 3 years . Ana tete vese pavaka tendeuka mhamha vakabva varwara zvekuda kufa chaizvo . Takavatora tikavaendesa kuchipatara madoctors akashaya chikonzero . Takadzoka navo kumba tikatanga kunamata ,zvinhu zvacho zvaitoda kuuraya munhu chaiko . Zvaideedzera kuti takakushandira kwemakore tinoda kuripwa nemombe . Bamukuru vakadzoka kuBotswana vakatora mombe dzese dzaive pamba vakanoripa kwainzi kuripwe kwacho . Vakauya nasekuru vakatakurana netunhu twavo vakaenda , Amwene vangu ndookuzoti fefenu kutomukawo panhovo . End of chapter.
❤️ 🙏 👍 😂 😢 😮 🤝 🥵 🫂 367

Comments