Felly Novels.
January 24, 2025 at 06:04 PM
MY STEP MOTHER CREATED AND WRITTEN BY NOMMAR AKA MAIYOLLAR https://whatsapp.com/channel/0029VaIueYQCRs1hHK8hB31b *Huyai titandare kuchannel* 📲+263⁷⁷³669⁵⁴⁸ 📲+263⁷¹⁹533⁰⁴³ *Iri book rine dzidziso inodzidzisa kubva kunana baba, madzimai zvese nevana vacho. Mubvunzo wangu kwamuri vabereki kunyanya imi vana baba. Muri kuwanawo nguva yekukurukura nevana venyu here? Zvichida Mai vake vakafa kana kuti makarambana mukazoroora mumwe mukadzi. Muri kuwana nguva yekuona magariro emwana here kana kuti muri kungoti chero zvazvaita. Chihuyaka tibatsirike iwe neni neuyo tichiverenga book iri* Chapter 1 "Ko uri kuda kuitei nhai Chipo? Imi itai zvemabook enyu uko. Izvo zvichaonekwa chero nguva munozobatsirana mapedza ma homework." Ndistep mother vangu vaitaura zvavo vakatoita kushinga pameso aivaona nekunzwa vachitaura kudaro aitofunga zvabva pasi pemoyo wavo, vagara ndizvo zvavaiita kana daddy varipo.Nekuda hangu kwekuziva kuti ndikavateedzera basa raizondiwandira kana daddy vabuda nemasahwira avo ndaibva ndaramba ndichiita basa rangu kuti zvive nyore hangu. Ndakavadaira nenzwi riri pasi ndokuti.. "Ndatopedza hangu, regai ndingopedzisa mapoto aya ndobva ndapinda." Musi uyu yakabva yatengwa nadaddy ,ndakanzwa vava kuti... "Zvemabook zvinenge zvinokunetsa handiti? Unoita kutotumwa kuti ita zvema bhuku nekuda kwei? Kana wakuda basa rehuhouse girl tikutsvagireka, pese pandinouya pano ndonzwa uchiita kutonzi verenga mabooks. Kwako kuda kunzi good girl here pabasa? Ndigare musango inini kugarira maU manje? Ita serious iwe." "Kkkkk musadaro mwana imi, akuudzai kuti anouya nemaU ndiyani? Chete kungoti Chipo kugona anogona zvake dai asingazowanzi kutamba chete. Pedzisa hako uende kumabook Chipo, vana vanosiyana makaoona Fadziso haatumwi zvechikoro izvi. Pakutanga ndaitoti inungo asi ndakumunzwisisa. Fadziso kutomutuma achiita zvemabooks munotokonana, manje sisi ava vanotoshaya kwekutumwa kwacho. " Akadaira mukadzi wababa vangu uyu waaiti Fadziso ndiye dangwe ravo. Kuverenga kupiko Fadziso aingosvika ovhura book oenda pawatsap zvake. Ndakapedza zvangu kusuka maplates ndokumapukuta ndichibva ndarongedza apa kwainge kwava kutoda kubikwa saka ndakabva ndangonanga mukitchen. Zita ndoitwa Chipo Mukwari, kumusha kwedu chaiko kuMvurwi asi kuti hakuna anogarako saka kungori kumusha kwezita . Ini mumba mamai vangu ndakaberekwa ndiri ndega kusaziva hangu kwavakaenda mai vangu kana vakanowedzera vamwe . Kurambana kwababa vangu namai vangu ndoziva zvishoma zvakatoitika ndichiri mudiki zvangu asi ndine zvandinorangarira.Baba vangu vakaroora mumwe mukadzi vakanetsana namai vangu vachiti havagari pachipari.Mukuramwidzana kwavakaita iniwo ndakabva ndasiiwa zvangu mumaoko mambuya vangu amai vababa vaigara kuDomboshava. Ndakagara nambuya vangu zvakanakisa kusvika ndava form 1 ndipo pavakatorwa zvavo nenguva mbuya vangu vakaenda kunova naIshe. Baba vangu vakanga variko nemhuri yavo kuHarare....taiwanzovaona zvedu kana vafungawo kuona mbuya ndipo pavaitishanyira.Panhamo vakauya vese nemhuri yavo, Mbuya vakavigwa ,matare akaitwa. Handiziviwo chakaita kuti ndigare zvangu mumadziro memba, ndipo pandakasvikirarana nenyaya yangu. Tete ndivo vakatanga kutaura vachiti... "Handizivi kuti nhau yemusikana manga matoitaura here nhai bhudhi?" "Musikana upi vahanzvadzi?" Ava mukoma wababa vangu vakadaira ndakanzwa nenzwi. Tete vakabva vati... "Iyeka Chipo, mati angasara ega pano here? Pamwana iyeyu panotoda kuonesana zvakasimba tisatsamwisa ivhu. Amai vasika pakunyarara vachingoimba Chipo wavo." "Asika vatete iyi handioni iri nyaya yatingatogarira dare tichizvidyira nguva. Mwana uyu ana baba vake saka hapana chinonetsa." Vakadaira bamukuru vangu ndikabva ndanzwa daddy vachiti... "Uyo ndinoenda naye, ngatifambirei mberi nezvimwe zvirongwa." Ndakaita sendicha jamba kamoyo kakafara kani kuti ndakunogara nababa vangu nevapfana vangu, ko panotika dhorobha nhai veduwee. Baba vangu imba yavo iri muOld Canaan muHighfield, musi wandasvika pamba apa chaiwo moyo wangu une zvawakandiudza. Nyemwerero yairohwa namainini vangu kana tiri pavanhu, nezvavaizoita kana tiri tega ummmmmmm zvakandiita kuti ndivhunduke. Ndakasvika ndikaiswa muroom imwe chete naFadziso asi ndakabva ndangoudzwa kuti ndaizorara pasi sezvo bed yacho yaiva diki. Handina kuita basa nazvo sezvoka ndaiva ndangojaira kurara pasi kwacho.Ndairara pasi asi mubhedha ndini ndaiwaridza zvangu. Mwana sikana aingomuka obuda, ndaimbofunga kumubvunza asi zvairambira parurimi. Mazuva andasvika pamba chaiwo Fadziso aiva asina kana dambudziko ndakazongoona ava kuita achichinja ndikashaya kuti chii, kana respect chaiyo yakatanga kungopera aiva otondituma kunge musikana webasa chaiye. Kuuya kwandakaita ndakanzika nzvimbo dzechikoro dzinonetsa pakati peterm saka ndaifanira kumboenda kuma extra lessons, Saka ndiko kwandaienda zvangu. Ndakapinda mukitchen kwava kutotanga kugadzira zvekubika. Vanhu vachipedza kudya ndakatora maplates ndokunoisa musink. Fadziso akatotevera nemamwe kuita seanoda kusuka ndokusvika achigara zvake pachair. Ndakasuka ndokurongedza maplates angu kwakukuenda zvangu kunorara. Ndakaona step mother vangu vachipinda vakasunga chiso kunge shure yedhongi ndokuti... "Saka wanga uchiramba uchisuka ndichikuti siya kuti zviite sei?" "Hoo ndanga ndangoti ndipedzise hangu nguva yamadaro panga pasara 3 mapoto chete." Ndakapindura. "Pwanga pwasara mapoto 3 chete ukawana nguva ukwane iwe wazvinzwa." "Chiiko mhamha? Aita sei?" Fadziso akabvunza. "Hamenoka iyeyu anenge achitsvaga kuti tinzi tinomushusha pano." Ndakaramba ndakanyarara zvangu Ivo ndokuti... "Unenge uchida kuratidzira baba vako handiti?unofunga kuti vanoitei, chitodzikama zvako wanzwa. Mangwana vachingobuda uite zvekugadzira yard kuseri uko kwete zvako zvekuda kuonererwa. Umuke utange kusakura vachipo uone." "Ewoni Mhama." "Aghhhhh ko nhaiwe hembe idzo hanzii dzisina kurongedzwa?" "Ndedza Fadziso ati anorongedza mangwana, ini ndarongedza dzangu." "Chibva watomuka ipapo urongedze zvako handidi zvisina basa, une zera naFadziso here iwe unoti ati ndorongedza mangwana. Kamani muka muka apo. Ndoda kutobvisa iwo mweya wekutoti nekuti dzangu ndarongedza nxaaaa dzako dzako kudii kwacho? Kutosarudza uchisiya dzemwana. " Ndakamuka apa hope dziri muma ziso ndokutanga kurongedza hangu hembe dziya. Fadziso wacho munhu ari grd 7 ndiye ainzi mwana.Ndakambofunga kumumutsa kuti arongedze hembe dzake ega asi ndakangoguma ndarongedza hangu. Ndakapedza kurongedza hembe dziya ndokurara hangu asi mandiri ndakarara ndichizvibvunza mibvunzo yakawanda. *Kana mati riuye ndoonawoka nemareactions acho* End of chapter [29/12/2024, 19:49] Nommar Aka Mai Yollar: MY STEP MOTHER CREATED AND WRITTEN BY NOMMAR AKA MAIYOLLAR https://whatsapp.com/channel/0029VaIueYQCRs1hHK8hB31b *Huya kuchannel usasarira* https://chat.whatsapp.com/JFI1MBaHegf8sVLIuLNFtu 📲+263⁷⁷³669⁵⁴⁸ 📲+263⁷¹⁹533⁰⁴³ *Book iri rava kuchapter 10 ingobaya link iri pamusoro iyo wobva watobaya zvako follow* Chapter 2 Chipo Ndakaramba ndichienda kumaextra lessons kuya zvangu, ko iko kunonoka hako. Ndaigara ndakanonoka apa mukana wekunyora homework chaiyo aiva ma1. Kana daddy vasipo taigonzi malights ari kupedza magetsi apa vamwe vanenge vawana mukana wekunyora homework ini nekuda kwebasa ndaizoita yekutonyorera kuchikoro kana kutonoiroverwa zvangu. Ndakasvika pakuzvipa mutemo wekumuka na5 ndoita basa rangu ndozogadzira kuenda kunodzidza. Manheru ndairara ndakasuka maplates angu then kuseni ndaimuka ndotsvaira yard nemumba ndingangoti ndaiita basa rese ndozoenda kumalesson kwangu zvangu. Fadziso ainzi kwake kuchikoro anofanirwa kukasira saka haakwanisi kusiya aita basa. Manheru aibva ati tsiki tsiki pafoni pake aigona kuti pane zvekuchikoro zvaari kutsvaka asi ndaiti ndikadongorera ndoona ari busy pawatsapp zvake ko nyangwe ndaizviona ndaizviudza ani zvangu. "Fadziso daika wawacha unform yako, wambosiya zvewatsapp izvo." ndakataura ndaona aripa watsapp apa uniform iri mumvura. "Nhai sisi Chipo, asi imi marambidzwa kuita zvamuri kuda kani? Pawatsapp papi pandaenda? ini handidi hangu miyedzo kana mozogara. Musafarira kutaura kwamusina kuswera imi." "Kkkkkkkk handiti wabva kuapp izvezvi here? Chimbobudisa uniform mumvura wozoita zvauri kuita izvo. Ipapa uri kungotsvaga kuti isu vana Chipo tigonzi wachaizve " "Haghhh imi get away mhani, munongoregaka kuwacha kwacho nxaaa handidi zvemashoko ini." "Noise ndeyeiko imi vana imi ndainzwa ndiri kugate uko. Chii chiri kunetsa?" Murandakadzi akabva apindira zvake, kana noise yacho yavaitaura ndakaishaya chavakangonzwa ndechekuti hatisi kuwirirana vava kutoti noise. "Mhama ndanga ndichi gugula work yatapiwa kuchikoro zvino hameno kuti sisi Chipo ndavatadzirei. Ini mhama zvekutaura handidi zvangu uye handigoni kurarama hupenyu hwekuita setiri kutsomana." "Hanzii? Vakabvunza mainini chiso chatochinja. "Vari kungondituka hameno kuti vanoti pandiri pano ndingatadza kuziva kuti uniform yangu inowachwa here? Dai kuri kunzi ndavati ndiwachirei zvaiva nani. Ini kutoiisa mumvura kuziva kuti ndichawacha. Zvino ivo vakutoti hanzi unotemba kuti mai vako vanouya voti ini ndiwache." "Ummmm Fadzi taura chokwadi hama unyadzise satan, ndakutuka here ini? kukuti budisa uniform mumvura kutuka here?" Chiso chamainini vangu chakachinja kuita huma chaiyo. Vakaswedera pedyo neni ndokunditi..... "Chipo rega ndimbokuudza zvimwe zvinhu zvaunogona usingazivi." Handina kupindura asi ndakavatarisa zviyaka zvekuteerera zvandaida kuudzwa zvandisingazivi zvacho. Vakafinyama kumeso ndokuti..... "Chipo mai vako vakaita unzenza vakakutiza wazvinzwa ,usatomboda hako kundionza kana kundishungurudzira vana. Chirega ndikuudze kubva nhasi uyu Fadziso haachaiti basa iyewe ndiwe uchaita. Chii chaunobva ukawacha uniform yemwana iwe ,heee pane chaunobva here? Chokwadi mwana otofoira nekuda kwerimwe zimunhu risinganzwisisi. Dairaka ndati iwe ukawachira Fadziso uniform unobvei?" "Hapana" "Saka manje,tora undiwachire uniform yemwana uko, handiti vako mai vari kuhura vachifara izvezvi ini ndini ndopiwa basa rekukuchengeta manje, ndokukwatsura nembama izvezvi ringoti maziziso saamai nxaaa." Ndakayerera musodzi ndichibuda hangu mumba muya ,ndakawacha uniform iya hangu ndichingoti Mwari dai mandibatsira. Chaindirwadza chinhu chimwe chete, mainini vangu vaiita munhu kwaye kana Dady varipo,Vaitoti vakaziva kuti Dady vapedo nekuuya kana musoro ndaibva ndarukiswa.Pamba pakaiswa tuckshop ,ini ndini ndainzi ndigareko, kana iri TV ndaitoita yekusuwa. Fadziso aizoti akafarisa zvake manheru zviya takurara ndipo pootanga kundiudza mafirimu avainge vachiona.Fadziso aiti kana tiri tega mai vake vasipo taitowirirana, kana mai vake varipo hameno zvaaingoita. Aiita seanototya kutaura neni, taiti tikadyira kutuckshop aindipa nyangwe chikafu chaanenge asiya ndotodya sezvo ndaipakurirwa zvangu katadha kkkk yaghhh hupenyu. Handisi munhu anodyisa asi kandaizopiwa kacho kaingova kekudzora mweya kuti isaenda asi ndaiva ndatojaira ko ndizvo zvaivapo, iro dumbu kutojaira wani iri kurira ndaizongopedzera shungu mukumwa mvura ndiyo yega yaiva isina budget.Taiti tikadya tina mai vacho ndaitoona Fadziso achisimuka kunopa huku chikafu nekuti taiva nehuku dzechibhoi pamba. Mazuva ekutanga ndairikumbira ini sadza raanenge asiya racho asi ndaibva ndanzi handigutsikani. "Ndri kuda kutenga,,,,,yuwi mune munhu here, aghhhhh hoooo urimo? kkkkkkkk, hec Chipo." ndevamwe mai vaigara muline medu vaiva vauya patuckshop . "Ndiripo hangu, maswera sei Mhama?" "Ndaswera hangu dia, vari sei Mhama?" "Vari right havo" "Gud gud, une boom paste here, aghhhh ndoda kumbowacha masheets angu." "Irimo" "Ndipowo, change ibva wandipa kamasamba, ehe ,waita hako mwanangu rega ndinowacha........aghhhhh nhaiwe Chipo." Vakadaro vachitendeuka kudzoka. "Mhaaa" "Uri form ani iwe?" "Form 3" "Hoo, ko sei usiri kuenda kuchikoro?" "Ndoenda kumalessons wani. " "Aiwaka form 3 handiti ungadai uchienda kuchikoro here?" "Ndichaenda term inouya." "Zvakanaka mwanangu,rega ndinowacha." Vakabva vafamba asi mukundibvunza kwavaiita vaiita sevaiva nenyaya. Zvenyaya nevakadzi vemuraini ini hangu ndaisada zvaigona kuzondipa mutauro. Fadziso Kumusha handina kumbokugara zvachose, ndakazvarirwa muHighfield yes tisu maborn location acho anotaurwa. Chinhu chinonzi kuitawo sisi ndaitochida ende ndaitomuda mukoma wangu Chipo. Ndorangarira mazuva ataienda kunoona gogo vari vapenyu ,ndaidzoka ndichirohwa namhama tadzoka ndasiira Chipo hembe kana bhutsu zvangu. Kufa kwakaita gogo ndipo pakabva panzi takugara naChipo, ndine nguva dzandainyepa zvimwe zvinhu ndichitya kutukwa namhama asi hey ndaizodemba mutukiro wavaiita Chipo.Ndakatanga ndichinzwa tsitsi asi ndakaguma ndatoona kuti mhama vangu vaiva right. Chinonzi basa ndaiva ndisichachizivi zvangu, zvese zvaiitwa nasisi Chipo, kubva ku uniform kusvika kusocks vaiwacha. Ndakatanga ndichinyara asi ndakaguma ndokanda nyangwe mapants angu muwashen hameno kana vaiwacha vachituka zvavo asi kuwacha vaiwacha. Mumba mamai vangu isu takaberekwa tiri 2 ini naFarai. Ini naFarai takasiyana ne2years zvedu chete kungoti pakukura kwedu Farai akakura aine zimuviri ini ndiri ka slim. Vamwe vaitadza kunzwisisa kuti mukuru ndiyani. Rimwe day ndakabva kunogeza ndokuwana Fon yangu yakaita kuparara screen ichiratidza kuti yadonha or kugarirwa here nekuti yaiva pasofa. Chipo ndiye wandainge ndambonzwa achiimba ari mumba. Ndakangotora Fon iya ndokubuda mumba ndichimhanya ndoku......... Baya follow usasare. End of chapter.
❤️ 👍 🙏 😢 😮 💙 😂 🫂 40

Comments