Felly Novels.
February 16, 2025 at 05:36 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaA5Vic0bIdhhQx9ii0I
My fathers wish.
story by Felistas .
0783857336
Chapter10
Truely speaking pana brother Givemore hana yangu yaisamborova zvachose .
Hapana chandaida hangu pavari not kuti vanga vakashata ..,vanga vakanaka havo plus mari yagara inogadzira munhu hayo but moyo wangu wanga usina kuda .
Nyaya yavaitaura yemuchato iyi ndiyo yakandipa simba rekubvuma kudanana navo, ndiani asingadewo ring pachigunwe ?,
Ini hana yangu yairovera iye wacho ainzi haana future , maybe inyaya yataingonzwa yekuti first cut is the deepest uye vakuru vakati à matumbu ndokwadzino mhaanyira ndakazongoti kuna brother Give vaya "ok let's give it a try but...."
"No buts babe thanx for accepting me, you made my day .
me.....ok but I wanted to tell you something tisati tawirirana , mandiisa pakona ndikabvuma ndisina kutaura ."
Givy.. ... what is it?
Me..... I will tell you after service .
Givy.. ... ok no problem, I hope and pray its not something chinozo tirambanisa .
me..... Zvinorambanisa nezvakaita sei ?"
Givy.. ... ..never mind lets go inside."
Takafamba tikaenda muchurch umo makanga matozara ndakashaya step all eyes were on me ,sisi Cathy vakabva vasimuka vakandipa sign yekuti huya kuno neruoko apa smile iri kunzeve. Ndakaenda ndikanowana vakandichengetera nzvimbo.
sisCathy... ... makorokoto mainini naJesu hakuna chinoramba ,kana paine akati vekwa Kambanga hakuna anochata this time vachadzipwa nenyama pamuchato. Ndakashaya shumo yazvo ini, vakadzi vaive pedyo nesu vakabva vatitarisa ndikanzwa kunyara nematauriro asisi vangu,
ndaishaya kuti sisi Cathy dzungu rinenge rasisi Carol vakanga vazoriwanepiwo ?
Panguva yematestimony sis Cathy vakaenda kumberi vakanotaurawo zvepromotion yavo yekubasa, ndakaseka hangu dai kubasa kwacho kuri kusvinu mhani.
Luck havana kuzotaura havo type yebasa racho. Vamwe vakazosimuka vachitaurawo zvavo ,brother Givemore ndokuzosimukawo kwekupedzisira vaine morari ndokuti . ... "praise the lord ." Vanhu vese vakati "amen ."
Vakapamhazve
"praise the lord ."
Church ikati zve "ameeen." vanenge vaitova nemoto brother vacho,
Vakabva vatanga kuiba kasonga kekuti "kana Jehovah akavhura musiwo hakuna anoramba
"
Ndokuzodeedzera kuti "muri kundinzwa here church ya Jeso ?"
"ameen ."kereke yakadaira ini ndanga ndatobvisa mamwe mamarks ipapo ah munhu wemurume ndiye anodzikamawo zvishoma .
Givy.. ... kana Mwari vati hongu ,hakuna anoti kweteee ."
Vanhu vekuchurch vaimukuza anoti yes ,anoti go deeper anoti amen .
Givy.. ... ..ok , ok ndingakupedzerai nguva ,testimony yangu handikuudzei now ,,chingozivai kuti tinonamata Mwari anonzwa , Mwari anonaisa mvura in due season ,as for me the clouds has gathered ,gadzirirai kupemberera muchato .Yaa Brother Givy vacho vaitova nebucket redzungu, munhu abvumwa musi iwoyo akutotaura zvemuchato ? vanhu vakasimuka vakapururudza vamwe vachiridza muridzo,vamwe ndovakamhanya kunombundira Givy uya achiburuka pastage,sisi vangu vanga vasisagone kani nemisodzi nemisodzi,ini panzvimbo yekuti ndifare nevamwe ,ndaitova nefear yekuti ndomuudza how zvehoney pot yakavhurwa Givy neexcitement yaaive nayo ?, church yakazoitwa ikapera ,sisi Cathy vanga vaakutonzi makorokoto nevanhu ,vakadzi vane speed isingaite sometimes. Taakubuda gate Givy akakumbira kutiperekedza kumba nemota yake zvikanzi nevangu sisi "ah munozvi netsereiko nhai brother ? tatojaira kuenda nemakombi isu ."
Givy.. ... ..ndosaka ndati ndinokumbirawo hangu, chikumbiro kwamuri
mai Marowa."
Akataura akazvirereka takazopinda mumota muya tikaenda nekwa OK tikatenga zvataida ,
tichibva tazoperekedzwa kumba pagate rekutanga sisi Cathy vakatonyepa kuti imota yabamunini vangu kuti tipinde ,gate rechitwo ndoraisapindika manje nyangwe zvodini, paingopinda mahouse maids nemagarden boy chete ,ini ndaitopfuura kana bamukuru varipo takatenderera nekukomboni kwaigara vashandi vepapurazi ndokuzosvika kumacottage kuya .
sisi Cathy vakabva vakurumidza kuburuka vachiti vakusanogadzira mumba kuitira vaenzi, takasara naGivemore mumota muya akabva atotanga kubvunza zvandaida kumuudza makuseni before service ndikazotadza .
Shoko rekuti handisisi ri mhandara rakaramba kubuda zvachose.
me..... .ndanga ndichingoti kwedu kwaGutu kunodhura kuroora .
Give... ... zvekusvika kumarii?"
me..... .zvekumathousand chaiko ."
akanditari sa achibva aseka hake.
Givy.. ... .chero vakati vanoda nyanga dzenzou ndinotsvaga Clara wanzwa .?"
I nodded ndakanga ndotonyara nemastatement andaive ndakutaura. Give... ... unoda kuroorwa riini Clara ?"
"Handizive ." "Ndaakuda kuroora Clara chero next week chaiyo I am ready."
me..... .ndichambononzwa sisi kuti vanotii?"
Akasekazve ndanga ndaakutonyara ini Givemore ndiye aive mukomana wandakatanga kubvuma zviri serious muhupenyu hwangu,ndaingoziva zvekunyorerana tutsamba kuchikoro tichi tamba ndaisamboziva zvekutaura nemukomana ini ,takazotaura dzi mwewo nyaya hedu achinyatsoda kuziva kuti who is Clara .
Achibva azoti aakuenda .
Haana kana kumboti hug kana handshake hayo kungoenda just like that ,which means aitondirespector achiti pamwe kuda ndiri virginka? Ndakaenda mumba ndikawana sisi, bamukuru nauncle Diva vari kuseri kwemba vachigocha nyama nekunwa madrinks. Ndakabva ndato joiner wo ipapo madiro angu enyama ndakanga ndisisama nzwisise .
sisCathy.. ... ..daddy I think time yebhora yakwana .
bamukuru.....ingoti uri kuda kutaura namainini private chete ,handei hako Diva tinosanoone macartoon tichimirira bhora racho .
vakadaro ndokurova sisi Cathy kambama padama nekutoenda.
sis Cathy... ..mapinda machena mainini ,pinda umu mwana wamai vangu ." vakadaro vachindimbundira .
Ndokuzoenderera mberi vachiti
"Usazondinyadzisewo mwana wamai vangu ,vaya ndivo mabrothers vari serious unoroorwa ukachata paya,
une luck Kira kungopinda muchurch nekutonhongwa, mune masisters akura anoshanda mabasa ane mari muchurch muya but mabrothers acho anotoda vasikana vekune mamwe machurch ufunge hako .
Haa very soon tinenge topururudzira muchato maiwee zvangu .
me..... .hezvo ko kuchikoro?"
sis Cathy.... .chikoro unoenda wave kumurume kira ,machances akadai haawanikwe kaviri, ndokuzonomitiswa ukaita mimba wave kuchikoro ikoko, brother vaya varikutoda kuroora nekuchata zvese ,uka looser paya hameno hako .
sisi Cathy pane pavaizomboita samhamha dzimwe nguva dzungu raivepo .
me..... kuti ari kutoda kuroora izvezvi here? handiti vanhu vanombodanana kwegore here vachidzidzana ?"
Sis Cathy..... ..musoro wako wakaoma unotoda kunobviswa chinhu chiya ndochinokupa kuoma musoro, hauna kunzwa paya panzi "the clouds has gathered "zvinorevei ?tiudzeika imimi makaenda kuchikoro ?
ndakaseka zvangu .
me..... zvinoreva kuti makore aungana .
sis Cathy..... .ana Kira moda kuita sokuti makangwara imi makapusa, zvoreva kuti hore yemvura yagadzirira ,zvino kana hore yagadzirira inotora nguva kunaya here?muchato wako wavepedyo mwana wamai vangu ,manje manje tinenge taakuti kick ,lock, step ,turn ,stop "
vaiita vachi edzesera kutamba tumasteps , ndaingo seka hangu .
sisCathy... ... chinhu chakakosha Kiraka usatendera mukomana kuti abate muviri wako ,once wangomutendera kukubata uchakundikana ukapedzisira wararwa ,kurarwa ikoko kunogona kuita kuti muchato ukone, kuzvichengetedza kwakakosha Kira especially humhandara hwako,unoona inina bamukuru vako ava chero tikanetsana zvi nengei tinogadziri sana nekukurumidza why?because
vakandiwana ndakazara vakavhura vega parcel yavo,zvino ukazoroorwa usiri mhandara kiraka ?
handidi hangu kukunyepera unotukwa nemurume kusvika wachenamusoro ,murume anogona kuno hura kunze uko ukamubvunza anoti ndichambononzwa kuti mhandara inodii?unomutii pakadaro? misodziyangu yakanga yaakuda kubuda ,ndakapinda mumba ndichiti ndoda kunochera mvura yekumwa ,ndichibva ndamboti nyaa ndiri mukitchen imomo ndikazodzoka sisi vaakuona bhora nabamukuru naDiva.
Mazuva akafamba naGivy taionana maweekends ,pakati pese apa anenge ari kubasa taitaura paphone yasisi Cathy ,nyaya yekuti handisi virgin yairamba kutaurika zvaindiremera kutaura ,imwe nyaya yaindinetsa ndeye kuti madays angu ekuperiod akanga achinja ndaingoita tumadrops tushoma one or two days zvotodarikab, ndakabvunza sisi Cathy vakati pamwe kuroyiwa nevanhu vekwaGutu .
,vakati vaizoenda neni kwavaimbo fambira zvembereko yavo ndigobatsirwa, .
Mazuva akafamba ndikazoenda kunoonekwa kumba kwana Givemore vabereki vacho vakandi gamuchira nemufaro ,Givemore akazouyawo kumba kwedu akaonana nabamukuru nasisi .
changa chango sara kuenda kwaGutu kunoroorwa ,taimirira kuti bamukuru nasisi vakumbire off kana Ryan auya ,mai vake vakanga vauya iye hameno kuti akanga asarepi? vanhu vakatotanga kuita mapreparations emuchato like
kusanotsvaga venue ,vaperekedzi and the likes .
,I was over excited ndaishaya kuti ndini here mwana waJoseph Kambanga ave kunoroorwa? kwasisi kwaindibvuma veduwee ndakanga ndasimba ndatsvuka zvisingai te,munamato wangu waingova wekuti pasawane chino vhiringidza kuroorwa kwangu ,kuuya kwaRyan ndookwakanga kwamisa zvinhu zvese .
Mumwe musi sisi vakauya vachifara zvisingaite ."
sisCathy.. ... .mainini minamato yedu yapindurwa .
me..... hanziii ?"
sisCathy.. ... ..Ryan arikuuya mangwana ."
Ndakafara veduwee sezvinonzi Ryan wacho abvuma kutipa off yacho.
sis Cathy..... .totonamata kuti abvume hake , nekuti uya ane chinyamusi .
Takazorara tikamuka makuseni sisi nabamukuru vakamukira kunogadzirira welcome party yaRyan ndakasara hangu ndika cleaner mumba ndikarara hangu pasofa ,hope dzakanga dzondidheerera mazuvaacho iwayo .
ndakazomd,uka ndichinzwa noise yemusic yairidzwa . Ndakavhura
curtain newindow ndikaona haikona kutaura,paive neboys negirls raigocha nekunwa uku vachitamba music . Ndakatorwa moyo nekunhuwirira kwenyama yaigochwa apa ndainyatsonzwa kuida ,ndakabuda mumba ndikanomira pafence yaiganhura main house nekucottage. Vanhu vairatidza kuti vari kufara zvavo pressure zero ndaiita sendicha donhedza rute ne smell yenyama yandainzwa ,moyo wangu wanga warembera kutaura chokwadi ,ndakazoona Ryan asimuka akafamba achiuya nekwandaive ndikaziva kuti kwaakutukwa uku ndakamboda kutiza ndichienda mumba ndikazomira ndaona akabata plate yenyama necan yedrink. ndakatanga kugamuchirwa neperfume inodhura yainhuwirira paari .
Ryan.... ..what are you trying to prove you bitch!!! urikuda kundinyadzisa pane mafriends angu?"
Apa face yanga yakaita kusungwa zvekusatoda kujairirwa chaizvo.
me..... .ndokumbirawo nyama hangu ndobva ndaenda handidzoki futi panapa.
Ryan.... ..urikuda nyama handiti?"
me..... .ehe.
Ryan.... ..ok mira ndikupe nyama yacho." Akabva atendeuka achidzokera kwaigochwa kwacho akanouya neplate yakazara nyama achibva andipa nepamusoro pefence .
me..... .ko drink racho ?"
Ryan....unozogona kuzvibhadhara here zvese izvozvo? because handikupe nyama maharaka handisi hama yako, ndakamboda kumudzosera plate yake asindakazoona kuti zvaisaita nemadiro andaiita nyama acho .
me..... how much this plate?
Ryan.... ..3 times without protection.
me..... .chii ?????
Ryan.... .wandinzwa Matarisire aiita Ryan ndaibva ndanzwa kuda kupindwa naye,
not zvaGivy brother holy angaasitombori romantic zvachose.
me..... ok riini?" Ryan.... ..mangwana usaende kuchurch .
me..... ok . Ryan akabva aseka hake . Ryan.... .wapandukaka welcome to Marondera ..
end of chapter10
❤️
😂
🙏
👍
😮
😢
222