Tanic✨ Novels
February 3, 2025 at 06:12 AM
https://whatsapp.com/channel/0029VaGjiZBDTkK51vBjDm1G *PRETENDER* Written by CoNy 0775 313 387 Edited by Tanic✨ 0785505702 *Chapter two* _Isabella_ "Imota yekubasa iyo gogo "Usade kundiona semwana mudiki Isaa wanzwa, ndaiona zvakanaka mota iyo haisi yekubasa kwenyu haina kana kunyorwa "Nhai gogo ko ndozvinei izvozvo "Iwe hauzivi here kuti Hermej havadi kuona mota dzisinganzwisisike pa gate pavo unoda kundidzingisa basa here, tinonogarepi ? Gogo ndakavanzwisisa hangu zvavaitaura.She had worked as a maid pamba apa kubva kare chaiko ndisati ndambozvarwa. Boss lady vavo vaisada zvisina basa, uye vaityisa vanhu vanga vakavapa nickname yekuti Her Majesty, _Hermej_ Mai vaida kutonga ivavo zvekuti huya uone "Sorry henyu gogo "Saka wazoti ndiani wawauya naye uyo "Ishamwari yangu gogo "Shamwari ?? Leo here ? "Aaah zvagogo soo, anonzi Brian uyo haasi Leo, Leo anenge aiba kupi mota yakadaro "Unoona zvawave kuitaka Isaa, wave kurasika manje, ini zvemunhu anoita zvechipfambi pano handidi, kana wafunga kuita izvozvo woenda wonogara pako wega Ndakabva ndabva pavari ndokuenda hangu kunogeza. Sometimes gogo vaindibhowa nekuda kuraira raira kwavo pese pese. Problem yavo ndaiziva payaive. Vakatanga kundichengeta ndiri kadiki saka vachiri kungonditora semwana , zvekuti vaonewo kuti ndakura vaisambozviona kana. Vakada kumuka vachipopota ndivo havo, kutotaura sevari kutaura neka Isaa kadiki. Sekana pari panyaya dzaLeo, vaimufarira sterek kana iye aizviziva kuti gogo vanomufarira asi ini anga akuita achindibuda manje, kungonzwa kubhoikana naye soo . Ndichigeza kudaro gogo vakangoerekana vapinda mu bathroom. Ndaisa locker door hangu because tinenge tingori two na gogo ndanga ndisina basa nazvo. "Oh daira phone yako mumwe wako arikufona. "Nhai gogo ndiri kugeza "Daira kani atomboita ma missed calls, kana kuti rega ndidaire inini "Hello.. Ndakabva ndaibvuta phone yacho ,gogo vaigona kungotaura zvisizvo ndaivaziva hangu, ivo vakabva vaseka vakabuda havo. Leo ndakabva ndamuudza kuti ndaizomufonera kana ndapedza kugeza. Ndapedza kugeza paya ndakabva ndaenda pa whatsapp kwakusvikoona pakazara ma message a Brian ndokutotanga kutaura naye, kukanganwa kuti kuna Leo. Ndakutoda kurara ndopaakazosender message kuti , _Dai wangotaura hako kuti nhasi hausi kuda kutaura neni_ Hana yangu yakarova ndokuzofunga kuti ndanga ndamuti ndichamufonera ndapedza kugeza apa ini kwakuzovarairwa nekutaura na Brian iye Leo achiona hake ndiri online. Ndakabva ndafona ipapo ipapo asi haana kudaira and i sent him a message telling him kuti ndakanganwa ndikabatwa nehope phone iri online asi haana kudaira futi. The next day pandakasvika kubasa boss vanga vakaita ku beeper, pandakavamhoresa he didn't even respond ndikangosiyanawo nazvo. Kutaura chokwadi kubva day iroro my boss was making my life more and more harder, vaida kunyatsondikaurisa chaiko. Talking about Brian, we were now seeing each other, sometimes kana asiri busy aitouya kuzondimirira pabasa pangu kuti ndipedze then ondiperekedza kumba but aisasvika pa gate, ndaimuudza kuti andisiye nechekure because na gogo ndaizopinda busy. Na Leo tanga tichiri kudanana but i would try by all means kumupa ma excuse so that we won't meet at all, kutomutiza chaiko ndokwandaiita. Even pama weekenda i would tell him kuti ndirikuenda kubasa ini ndichienda hangu out na Brian. Chero gogo ndaivanyepera kuti kubasa kwandiri kuenda vototanga kundinzwira tsitsi kuti ndiri kushanda sterek. Wainzwa voti zvino mumwe wako Leo unomuonawo rinhi ndoti pandinenge ndangoita free chete . Kuti ndimurambe Leo moyo wangu wairwadza, i don't know why but kumuda chaiko haa ndanga ndisisamude. Ndanga ndoona kunge he wasn't good for me. Aendepi hake Brian, that one was a gentleman, he knew how to treat a lady. Brian anga ari sweet veduwee, apa aindiitira zvese, hapana chandaishaya kana kudemba demba. Everthing was flowing perfectly.Pama weekends aiuya kuzonditora toenda tese kumine kwake. He had a gold mine ku Acturus, so taiendako in the morning toswera tiriko achiona kuti boys rake riri kufambisa basa sei. Handina kuzomboda kutsvaga kuti mari yake yaibvepi because ndainge ndoziva kwainobva. Brian was a person wekuti aikuudza everything, program dzake, his plans, mafambiro ake in short anga asingaite zve hide and seek. Since he was also into branding and signage, aigara achi traveller, kunenge kwamukira basa ndokwaaienda and he would tell me asati aenda kuti mangwana ndirikuenda kwakati nebasa ndodzoka musi wakati. Ariko he would video call me aripabasa, even manheru arara kuti hona ku lodge kwandiri kugara, ndadya chakati nhasi basa rafamba so so, topedza when. Guys ka, Brian was too much. Hapana chimwe chinopfuura Brian chandanga ndichada. Ndaitozvishora on the other side kuti i'm still seeing Leo, i felt really bad kuti i was cheating on Brian. Leo paakaona kuti handisi kubatika anga akuita system yekuti pandodzoka kubva kubasa ndomuwana arikumba achitotandara hake na gogo. Kana ndasvika, gogo would excuse us votisiya tiri two. Ndokuonana kwatanga takuita naLeo ikoko.He was really trying his best to make "us" work but i was pulling him down. Leo pese paaiuya kumba aisauya ari maoko chete, aitouya ne something opa gogo. Sometimes i would feel bad, aizama kundifadza veduwee but moyo wangu wanga wafuratira. Kumbofunga kuti kare kedu naLeo taidanana sei ? Ma parents ake aitondiziva and vachindifarira futi. Gogo vaigara vachinditi Issa usazoite zvinoita kuti ndinyare because Leo nemhuri yake vanokuda ini ndongoti ehoi. So this other day taiona hedu movie naLeo tiri kumba and i decided kuenda kuno popper ma porpcorn ndokukanganwa phone yangu. Mazuva andakatanga nyaya dzangu idzi ndaito maker shuwa kuti handisiye phone pachena kana Leo aripo asi musi uyu i forgot. Akabva auya ku Kitchen nayo zvikanzi "Sweety , Brian arikufona. Ndakapererwa munoziva, ndokuitambira phone iya iye kana kubuda mu kitchen muya. Yakasvika paku cutter ndakaibata "Ko sei usiri kudaira "Aaah anonetsa hako munhu iyeyu, chero ndave kumba anenge achingoda kundibvunza zvekubasa . "Makushanda na Brian, kubasa kwenyu ? Ndisati ndapindura akabva afona futi, Leo kwakubvuta phone kwakudaira nekuisa pa loud. Apa ini ndanga ndakango stika zvino ndichishaya kuti ndodii. Brian wacho kutongotanga nekutaurisa. "Ko indava kusadaira phone nhasi nhai beautiful, ndatofunga kuti warara kaini. Ndakamedza mate, Leo ndokunditi ndee mumaziso chaimo ziso racho raiti daira munhu wako. "Handisati ndarara ini, ndeipy "Are you okay, you don't sound okay, waitwei nhasi kubasa kwako, taura neni Maihwee kuzodaro manje, ndakapererwa ndokubvuta phone iya kuna Leo nekui cutter. "Ko zvaari kubvunza zvekubasa kwako wani iwe wati munoshanda mese ? I didn't respond, ini hangu kana ndabatwa nemhosva ndaisagona kana kuzvi defender kana kudii, chero Leo aizviziva, ndaigona kubva ndatotanga kuchema panzvimbo yekuti ndizvi defende. "Nhaiwe Issa chii chirikutsva ku kitchen, urikupi Ndigogo ava vaibvunza vachitouya ku kitchen "Hezvo, ko urimuno hako, aizve mese murimuno ? Saka poto irikutsva iyi hamusi kuinzwa here ? No one answered. Leo akabva angooneka gogo nekubuda. "Kwakanaka here, chii chaitika nhai Issa ?Mumwe wako haana kugadzikana wani. Leo akabva aridza hooter kuti avhurirwe gate , gogo vakamuvhurira ini ndakangomira mu Kitchen. "Saka nhaiwe Issa hausi kuzvinzwa kuti phone yawakabata iriku ringer here ? Chiri chirikuitika pano, apa wapisa poto yangu. Without saying anything, i stormed out of the kitchen ndakananga ku room kwangu. Gogo vakabva vatevera vachipopota kani haa ndanga ndadenha mago. "Iwe mwana wa Clara, hunhu rudzii hwauri kundiitira, handisi sahwira wako kaini, dzoka kuno kasika, vhura door iri ndisati ndaripaza paza, ndoripaza iri and mari yacho ndiwe unoibhadhara. Wakuda kundifarisira manje, huya ukweshe poto yangu yawapisa izvozvi, hairare yakadaro poto iyoyo. Ndakabva ndafuga musoro ndokutanga kuchema, kana nechandaichema ndakachishaya. Brian kept on calling ndobva ndazomudaira "Taura neni Bella, chii chirikuitika "Hapana "Urikunyeba, i know you very well "Ndapisa poto yagogo "Saka "Vanga vachindipopotera Ndakabva ndatotanga kuchema ipapo kuti zvityise asambofungire zvakawanda, otherwise ndaiita mufakose chaiwo. "It's okay, sorry hako usacheme, i will come and pick you up pa corner na 7:30 mangwana okay ? "Okay At least haina kuenda kure nyaya yacho, ndakanyevenuka, Leo akandiramba anenge atondigonerawo because ndaitoshaya kuti ndomuramba sei. Pakati peusiku ndakazoita tip toe kuenda ku kitchen kuti ndinokweshe poto yevaridzi asi ndakawana yakaita kuchena, shasha yanga yakwesha yega poto yayo. Ndakangosiyanawo nazvo ndokudzokera kunorara .The next morning ndichisvika pa corner panga pataurwa na Brian ndakawana Leo aripo akamira hake akaisa maomo muhomwe ndikatoshaya kuti ko chave chii zvekare. Leo aigara nema parents ake kuVainona kumba kwavo kwaifambika hako kuuya kwedu but paaiuya mamheru kuzondiona aiuya nemota ya daddy vake. Apa anenge anga amukira netsoka chete, anga akapfeka hake zvisitombori zvekubasa, hana yangu yakatanga kurova manje ndakufunga kuti arikuda kundigadza dare. Brian akabva atongosvikawo tikaenda hedu, Leo akangosara akatarisa. "Do you know that guy ? "Which guy, i asked "Anga akamira pa corner apo "Noo, i don't know him sei wabvunza ? "The way he was looking at you ,ungati une chawakamubira Takabva taseka hedu ndokutotanga kutaura dzimwe nyaya . Brian dropped me off kubasa iye akaenda hake. Ndichingopinda mu office mangu phone yaka ringer and i knew kuti ndi boss vangu, i quickly answered it ndikanzi huya kuno. As usual ndakasvikogara pa couch after saying good morning "Eeem Bella, urikuitei nhasi after work ? I didn't understand kwaienda mubvunzo wavo, ndanga ndakugaya kuti more work again "Ndrikuenda kumba "Come on, that's obvious , okay pa lunch i will take you out for lunch *End of chapter two*
❤️ 😮 👍 😂 🙏 47

Comments