Mama Ree Novels🇿🇼
February 5, 2025 at 05:34 PM
https://chat.whatsapp.com/LBdq5eKzdlG5Hx62PSdu9Q
https://chat.whatsapp.com/HSd1zdua5xBAlx3RbcU1sS
https://whatsapp.com/channel/0029VakhBWjK5cD96R5nGM1t
*Written by Pastor Rebecca aka mama Ree :Book 4*
It's a free book read, comment and share our channel link
*(short novels)... Book tittle*
*CHANGED DESTINY*
*CHAPTER 12*
*BEAUTY*
Inyaya yekunzi ndaive ndisina mimba yakandidya moyo worse ndichitoona Lisa achirutsa ndainzwa moyo wangu kutsva.. Ndaifunga kuti kana Mwari achinzi ariko.. Kupi kwacho, kana zvaita sei, anonzwa vakaita sei, ko ini wo why asinganzwe inga ndikukumbira chinhu chimwe chete... Haa kubva pandakazikanwa kuti handina kana mimba ndakaita muranda chaiye
Amos... Ukukosora kudaro waita sei
Lisa... I think its dust machira akasviba aya
Amos... Nhai beauty wakaguma rinhi kuwacha
Me... Ndakamawacha last month
Amos... Aah unoziva munhu akazvitakura ahafanirwe kugara mutsvina unofanirwa kuwacha per week machira aya
Me... Ok
Veduwe kuwacha jira ahisi nyore ndaienda nawo ndonowachira kuchibhorani pakudzoka apa ndainzwa musana wopisa nekutsiga.. Hapana chandaive ndisingaite ndaikorobha marutsi.. Aingorutsira pose pose.. Huchapa hawo iih surrender.. Nyaya yekubuda paye yakazondirovesa.. Rimwe zuva ndakanzwa Dzasukwa achiimba kuroad hake
Mai Amos.. Ukutoseka Dzasukwa anotokudarika kufunga iwe unoda kuzochera mvura muroora wangu asisina kana yekushandisa..nezuro akazogesa half bucket
Me... Yimwe yekutsime yaivemo mudish mama
Mai Amos... Unoda ataure kangani kuti ahakwanise kugeza iyoyo anoita mapundu munhu akazvitakura kaa uyu... Chete ahungazvinzwisise coz ahusati wakamboita mimba
Veduwe mashoko aya aindibaya mumoyo chaimo.. Handina kutaura ndakanotora bucket ndokubuda gedhi
Dzasukwa... Gud wagona
Ndakavhunduka ndaive ndisina kuona thought aenda.. Apa ndaitochema hangu..
Dzasukwa... Iwe rega kugara uchichema ahuneti hre
Me... Zvakaoma.
Handaikwanisa kudaira zvakawanda.. Ndakazoona vana Malcom ndikaziva kt ndovaive vatuma Dzasukwa... They comforted me vakandipa mahugs.. Ko misodsi ine manyemwe kaa yakatanga kutobuda worse.. Ndakatozoti regai nditize coz iih ndaive ndonyara..
Dzasukwa... Iye zvino ndikaona uchichema ndoda kutora shamhu ndikurove its not worth.. Some pple are not worth your tears coz unenge uchitodiridzira tsime ravo nemisodzi yako so better vasauone uchidonha..
Me.... Ndikunzwa ndinenge ndisingade asi zvinhu zvacho zvakundikurira ini..vabereki vangu vakadii havo kusandizvara
Dzasukwa....your parents may have failed you asi regretting wont solve that also dont fail yrself coz you will regret more
Hezvo ndakashamisika kuti Dzasukwa anotosvisvinawo chirungu kudai.. But mashoko ake aive nesimba manje..
Dzasukwa... Ndoda iyezvino umbotsvaka about you siya zvevamwe.. Kuti uri munhu anofarirei uye unogonei...focus on yourself more
Ndaive ndakamutarisa ndichishamisika
Dzasukwa... Vhara muromo unopindwa nenhunzi.. Kkkk ko ukushamisikei
Me... Kuti unogona chirungu kudaro
Dzasukwa... Ehe hangu ndakadzidza zvee ini asi kuti life happens its a long story kkkk nhasi ndezvako
Me... Ooh oky ndakaterera taura hako wat happened
Dzasukwa... zvangu umwe musi nhasi ndikutaura nezvako..
Me... Ndofarira kuruka
Dzasukwa... Iiih nhai iwe madiro andoitwa kurukwa ndakuchengera uzondiruka ma oyi oyi aya yakunzi raster nevanhu
Me... Kkkkk wamhanya ndati ndoruka kwete misoro ndoreva majuzi zvemaoko zveshinda maniti
Dzasukwa... Waal unotombosekawo first time.. Vanhu vanhu huyai munzwe kani aseka Beauty apa ane tukomba mumatamba yuhwi kani
Ndakange ndave ndofunga ne makore ndisati ndakamboseka haa ndakaseka hangu..mvura yakabva yazara paye.. Akanditakurira ndokufamba hedu achindivhunza mivhunzo.. Saka ainditi iwe iwe
Me.. Unoziva ahuna respect Ndinonzi imi ndiri married kaa ini
Dzasukwa... Anokuziva hre kumusha kwako Amos?.. Akabvisei? Hama dzekwako dzomuziva hr
Saka ndaidzungudza hangu
Dzasukwa... Waona kaa saka l dont owe him any respect.. Newewo wacho usamukwate kwate anokuitisa
Me...ehoi mudzidzisi
Akabva aseka hake.. Ndakazoti takunosvika akandipa bucket rangu
Dzasukwa...iyezvino usaende kumvura wega ukanzwa ndapfuura tora bucket wobuda ndodzoka ndakakutakurira
Me.. Inga une rudo wena thanks
Dzasukwa... Ehe ndine rudo nemari ndoziva kuti muchinda wako uya achandipa mari akaziva kuti ndikukucherera mvura kkkkk
Me.. Ukwane wanzwa kkkkk
Ndakaseka ndichienda.. Muface anodenha uyu. ndakanosvika hangu kujeri rangu kuwana mhuri uri mufaro wega wega.. Vachingondiona chete zviso zvavo kwakuchinja... Ndakabva ndatotura mugoro wangu ndokutanga kubika faster faster ndapedza kwakunorara ndichifunga zvandaive ndaudziwa na Dzasukwa... Shuwa hupenyu mwene wacho ndikada kurarama mupast hapana zvandiri kuita.. Regai ndigadzire the best out of me.. Kuchizoyedza kuseni Dzasukwa akandivigira shinga nema niti ekurukisa.. So manheru or masikati pasina vanhu.. Lisa nguva zhinji aiswera akarara.. Ndaizvigarira mukitchen ndotanga kuruka mahats, gloves, nemabhutisi.. Pandozoenda kumvura ndainopa Dzasukwa kana ndapedza..musiwandakatanga kumupa akashamisika
Dzasukwa... Haa tafa nemari apa zvaunechipo nhai iwe
Me... Zvabuda hre kana kuti mukundivhara.
Ndakadaro kuri kuda kunzwa apa kamoyo kaifarawo.. Yaive wo first time kuita zvandoda nemoyo wangu wose zvisiri zvekutumiwa.. Saka haa l was enjoying shame ndakange ndoita zvidavado chaivo.. Vanhu pamba vaishaya kuti mazuvano handichabatikire pavari nekuda kwei.. Ndaive ndisina pressure nezvakawanda.. Rimwe zuva ndaive ndakatogara ndichifurura muboora.. Lisa akapfuura ndokukava dish rangu muriwo wose kwakuenda pasi
Lisa... Ooh my bad sorry handina kuona
Me...shuwa ungati ahuna kuona wasiya road yose ukatouya kuzokava
Lisa... Saka ukuzama kuti kudii nhai iwe
Me... Hapana hangu asi zvaunoita hazvina kunata itira vamwe zvaunoda kuti vakuitirewo
Lisa... Hoo ukutoda kutaurisa hanti pano ndini ndotonga ndoshaya uchiri wakagarirei pano ini wega uhuone kuti ahudiwe..
Me... Hazvirambe zvakadaro zvichachinja
akabva andirova mbama.. Akuda kundirova yechitwoo.. Ndakabata ruoko rwake ndikati
Me... Handisi munhu anogona zvekurova hangu especially vanhu vane nhumbu asi handikusiye uchiramba uchindirova..
Lisa... Siya ruoko rwangu iwe
Akadaro achihwiza hwiza ruoko rwake kuti ndimusiye.. Ndakabva ndanzwa voice
Mai Amos... Ko chii chikuitika ipapo
Paakangonzwa kudaro Lisa akabva azvidonhedza pasi kwakutanga kubararadza zimhere... Kudaro mai Amos vakaita sevachadonhedza zamu vachiuya kuzonhonga muroora wavo
Mai Amos... Une ngozi hre iwe Beauty ukuda kundiurayira muzukuru wangu hre...
Vakapopota vachisumudza muroora uyo aingochema nhema hake.. Havana kunonoka mai Amos vakabva vafona kuna Amos
Mai Amos... Hello huya kumba uuende nemwana wevanhu kuchipatara zvaachaurayiwa adonhedzerwa pasi akawa
Vakabva vakata ndokutanga kubata bata muroora vachitarisa dumbu... Ndaiziva kuti vaona zvose havo kuti hapana zvandaita asi vaida kundikaurisa.. Murume akauya arichavhiriri..handina kupihwa mukana wekutsanangura.. Ndakarohwa imi ndichiita kutsikwa huro.. Ruoko rwaka minyuka
Me... Amos kani wandikuvadza ruoko ndokumbirawo ruregerero kani ndatadza.. Ruoko rwangu kani hiii hii hiii
Ndakachema chi kind chose ndichikaviwa mabhutsu pa dumbu apa.. Akazosiya kundirova aneta..
Amos... Get out handichade kukuona pano.. Hanzi imbwa ukairera nemukaka mangwana inofuma yokuruma
Ndakakandirwa kanhava kangu ndokubuda.. Munhu umwe chete wandakafunga ndiDzasukwa hakuna umwe.. Ndakanga kumba kwake...achingonditi baa akauya kuzondigashira akandibata ndaive ndichirwadziwa ruoko rwaiita kuvhita pain yacho yaiuya pamoyo chaipo
Dzasukwa... Come sit down usacheme..
Akabva amhanya akatora mashizha ndokumatswanya akauya nawo nechijira achinditova.. Mamwe akati ndinwe for pain.. Kwakunditasanudza ruoko ndokundipa mapills..
Dzasukwa... Toenda mangwana kuchipatara
Me.. Ok ndokumbirawo kaa kumbogara pano ndichiona plan once ndawana
Dzasukwa... Hey sshshsh don't worry about that.. Just sleep rara pabed apa
Handina kuda kuita nharo semunhu aive mu pain ndakabva ndarara... Kuchiyedza went hangu kuchipatara.. Zvakafamba zvakanaka ndokudzoka.. Ndaingotarisa road kuti murume wangu achauya akati sorry ndodzokera kumba kwangu
..................................................
*LILIOSA*
Pavakandiudza kuti varota ndakaziva mbiri yavo yekurota iyi.. Ndakabva ndavhunza hangu
Me... Marotei tete
Tete Rose.. Achiita kunge ari musango pane varume vaviri vaimurwidzana.. Hadzina kundiitira zvakanaka something is wrong
Me... Yeah shuwa neniwo ndikutofambawo. Tinomuwana tete hatineti
Takabva tazoonekana pacall.. Asi ndaive nehomework l have to deal with her.. Ska ndoda kuvhiringa ma dreams ake.. So that arote uyo ari kunze kwenyika vonetsana nekuti nyaya yekuti kufamba iyi vaiida...ndabva ndaenda kunotarisa pa mirror ndikaona shasha ichifamba hayo pa yard payo ndikati regai ndiit plan nemakumbo anoda kufamba iwayo.. Saka ndakatora bhutsu yavo ndokutanga kubaya netsono ndichidana zita ravo..
Me... Rose ndinoda gumbo riite ronda iro utadze kufamba vose vachauya vachabata Sophia imi hamusi kuzofa makawirirana.. Nyaya yekutaura zva Gift kubva nhasi kanganwa.. Ndakabva ndafuridzira mhepo yekuvafuratidza vasamufunge..
Handide zvekunetswa ini kuvhiringiwa mission yangu nxaah...asi iye Gift aripi even queen mother havasi kumuwana umm.. Ndakazowana imwe church pa facebook then decided to go ikoko kunoshanya hangu... Iih iyi handina kukwanisa kana kupedza intercession yacho iih maipisa ndakatanga kunzwa nyota.. Ndakabva ndasimuka ndikatobuda umwe musikana akamhanya kuuya kuzondivhunza kuti ko zvadii ndakubuda church isati yapera..ndakangomudaira kuti pandambouya ndiye anga andidana hre
Ndokubva ndatoenda hangu... Ndakatora zvizuva ndichitya kuenda kune imwe church ndaive weak chaiyo.... Asi patakaenda ku meeting l regained my strength... Panyaya dzemakereke ndaive ndazama kufamba hangu ndaparadza...pakazoita call ndotori busy kubikira murume wangu
Me... Hello tete
Tete Rose... Hello ndakuvara kuno ndadonha.. But now gumbo riya harichade kana kutsika
Me.. Mhanyai pachipatara tete or regai tiuye ikoko tiende nemi..
Ndakaziva kuti zvangu zvaita ahudenhi kaa iwe uchiziva kuti you are not strong pakunamata kwacho... Iyezvino ndaive ndoda kuti wese ataurisa ndomugadzirira size.... Told ba two tikaenda ko kuchipatara vakangovapa mapills kwakudzoka havo.. Takubva ndopandakavati
Me... Handei kumba kwangu hamungasari mega tete
Havana kuramba ndakada kuseka nenguva yavaimboti hee havatsike kumba kwangu kana Gift asati awanikwa...mwaka yakafamba gumbo ratete raive raita zironda kuclinic vakanzi cancer.. Kupihwa mapills pasina change.. It was now my turn to recruit more girls manje...
Queen mother.... Wakafoira kundipa zvandaida now ndikuda kuti uunze vasikana vaye matwins
Me... Havapo vatori kure kuchikoro
Queen... You know wat to do bring them
Me... Yes queen maa
Hapana kupera mazuva ndakanzwa tete Sophia vachiti Mirriam na Melody vakuuya varimunzira they have been deported... Ndakavhunza reason asi havana kutaura zvinobatika.. Yeah vasikana vakuuya manje basa rowanda
Stay tuned for chapter 13
❤️
😢
👍
🙏
😮
😂
👏
💝
🩵
153