Mama Ree Novels🇿🇼
February 5, 2025 at 05:34 PM
https://chat.whatsapp.com/LBdq5eKzdlG5Hx62PSdu9Q https://chat.whatsapp.com/HSd1zdua5xBAlx3RbcU1sS https://whatsapp.com/channel/0029VakhBWjK5cD96R5nGM1t *Written by Pastor Rebecca aka mama Ree :Book 4* It's a free book read, comment and share our channel link *(short novels)... Book tittle* *CHANGED DESTINY* *CHAPTER 12* *BEAUTY* Inyaya yekunzi ndaive ndisina mimba yakandidya moyo worse ndichitoona Lisa achirutsa ndainzwa moyo wangu kutsva.. Ndaifunga kuti kana Mwari achinzi ariko.. Kupi kwacho, kana zvaita sei, anonzwa vakaita sei, ko ini wo why asinganzwe inga ndikukumbira chinhu chimwe chete... Haa kubva pandakazikanwa kuti handina kana mimba ndakaita muranda chaiye Amos... Ukukosora kudaro waita sei Lisa... I think its dust machira akasviba aya Amos... Nhai beauty wakaguma rinhi kuwacha Me... Ndakamawacha last month Amos... Aah unoziva munhu akazvitakura ahafanirwe kugara mutsvina unofanirwa kuwacha per week machira aya Me... Ok Veduwe kuwacha jira ahisi nyore ndaienda nawo ndonowachira kuchibhorani pakudzoka apa ndainzwa musana wopisa nekutsiga.. Hapana chandaive ndisingaite ndaikorobha marutsi.. Aingorutsira pose pose.. Huchapa hawo iih surrender.. Nyaya yekubuda paye yakazondirovesa.. Rimwe zuva ndakanzwa Dzasukwa achiimba kuroad hake Mai Amos.. Ukutoseka Dzasukwa anotokudarika kufunga iwe unoda kuzochera mvura muroora wangu asisina kana yekushandisa..nezuro akazogesa half bucket Me... Yimwe yekutsime yaivemo mudish mama Mai Amos... Unoda ataure kangani kuti ahakwanise kugeza iyoyo anoita mapundu munhu akazvitakura kaa uyu... Chete ahungazvinzwisise coz ahusati wakamboita mimba Veduwe mashoko aya aindibaya mumoyo chaimo.. Handina kutaura ndakanotora bucket ndokubuda gedhi Dzasukwa... Gud wagona Ndakavhunduka ndaive ndisina kuona thought aenda.. Apa ndaitochema hangu.. Dzasukwa... Iwe rega kugara uchichema ahuneti hre Me... Zvakaoma. Handaikwanisa kudaira zvakawanda.. Ndakazoona vana Malcom ndikaziva kt ndovaive vatuma Dzasukwa... They comforted me vakandipa mahugs.. Ko misodsi ine manyemwe kaa yakatanga kutobuda worse.. Ndakatozoti regai nditize coz iih ndaive ndonyara.. Dzasukwa... Iye zvino ndikaona uchichema ndoda kutora shamhu ndikurove its not worth.. Some pple are not worth your tears coz unenge uchitodiridzira tsime ravo nemisodzi yako so better vasauone uchidonha.. Me.... Ndikunzwa ndinenge ndisingade asi zvinhu zvacho zvakundikurira ini..vabereki vangu vakadii havo kusandizvara Dzasukwa....your parents may have failed you asi regretting wont solve that also dont fail yrself coz you will regret more Hezvo ndakashamisika kuti Dzasukwa anotosvisvinawo chirungu kudai.. But mashoko ake aive nesimba manje.. Dzasukwa... Ndoda iyezvino umbotsvaka about you siya zvevamwe.. Kuti uri munhu anofarirei uye unogonei...focus on yourself more Ndaive ndakamutarisa ndichishamisika Dzasukwa... Vhara muromo unopindwa nenhunzi.. Kkkk ko ukushamisikei Me... Kuti unogona chirungu kudaro Dzasukwa... Ehe hangu ndakadzidza zvee ini asi kuti life happens its a long story kkkk nhasi ndezvako Me... Ooh oky ndakaterera taura hako wat happened Dzasukwa... zvangu umwe musi nhasi ndikutaura nezvako.. Me... Ndofarira kuruka Dzasukwa... Iiih nhai iwe madiro andoitwa kurukwa ndakuchengera uzondiruka ma oyi oyi aya yakunzi raster nevanhu Me... Kkkkk wamhanya ndati ndoruka kwete misoro ndoreva majuzi zvemaoko zveshinda maniti Dzasukwa... Waal unotombosekawo first time.. Vanhu vanhu huyai munzwe kani aseka Beauty apa ane tukomba mumatamba yuhwi kani Ndakange ndave ndofunga ne makore ndisati ndakamboseka haa ndakaseka hangu..mvura yakabva yazara paye.. Akanditakurira ndokufamba hedu achindivhunza mivhunzo.. Saka ainditi iwe iwe Me.. Unoziva ahuna respect Ndinonzi imi ndiri married kaa ini Dzasukwa... Anokuziva hre kumusha kwako Amos?.. Akabvisei? Hama dzekwako dzomuziva hr Saka ndaidzungudza hangu Dzasukwa... Waona kaa saka l dont owe him any respect.. Newewo wacho usamukwate kwate anokuitisa Me...ehoi mudzidzisi Akabva aseka hake.. Ndakazoti takunosvika akandipa bucket rangu Dzasukwa...iyezvino usaende kumvura wega ukanzwa ndapfuura tora bucket wobuda ndodzoka ndakakutakurira Me.. Inga une rudo wena thanks Dzasukwa... Ehe ndine rudo nemari ndoziva kuti muchinda wako uya achandipa mari akaziva kuti ndikukucherera mvura kkkkk Me.. Ukwane wanzwa kkkkk Ndakaseka ndichienda.. Muface anodenha uyu. ndakanosvika hangu kujeri rangu kuwana mhuri uri mufaro wega wega.. Vachingondiona chete zviso zvavo kwakuchinja... Ndakabva ndatotura mugoro wangu ndokutanga kubika faster faster ndapedza kwakunorara ndichifunga zvandaive ndaudziwa na Dzasukwa... Shuwa hupenyu mwene wacho ndikada kurarama mupast hapana zvandiri kuita.. Regai ndigadzire the best out of me.. Kuchizoyedza kuseni Dzasukwa akandivigira shinga nema niti ekurukisa.. So manheru or masikati pasina vanhu.. Lisa nguva zhinji aiswera akarara.. Ndaizvigarira mukitchen ndotanga kuruka mahats, gloves, nemabhutisi.. Pandozoenda kumvura ndainopa Dzasukwa kana ndapedza..musiwandakatanga kumupa akashamisika Dzasukwa... Haa tafa nemari apa zvaunechipo nhai iwe Me... Zvabuda hre kana kuti mukundivhara. Ndakadaro kuri kuda kunzwa apa kamoyo kaifarawo.. Yaive wo first time kuita zvandoda nemoyo wangu wose zvisiri zvekutumiwa.. Saka haa l was enjoying shame ndakange ndoita zvidavado chaivo.. Vanhu pamba vaishaya kuti mazuvano handichabatikire pavari nekuda kwei.. Ndaive ndisina pressure nezvakawanda.. Rimwe zuva ndaive ndakatogara ndichifurura muboora.. Lisa akapfuura ndokukava dish rangu muriwo wose kwakuenda pasi Lisa... Ooh my bad sorry handina kuona Me...shuwa ungati ahuna kuona wasiya road yose ukatouya kuzokava Lisa... Saka ukuzama kuti kudii nhai iwe Me... Hapana hangu asi zvaunoita hazvina kunata itira vamwe zvaunoda kuti vakuitirewo Lisa... Hoo ukutoda kutaurisa hanti pano ndini ndotonga ndoshaya uchiri wakagarirei pano ini wega uhuone kuti ahudiwe.. Me... Hazvirambe zvakadaro zvichachinja akabva andirova mbama.. Akuda kundirova yechitwoo.. Ndakabata ruoko rwake ndikati Me... Handisi munhu anogona zvekurova hangu especially vanhu vane nhumbu asi handikusiye uchiramba uchindirova.. Lisa... Siya ruoko rwangu iwe Akadaro achihwiza hwiza ruoko rwake kuti ndimusiye.. Ndakabva ndanzwa voice Mai Amos... Ko chii chikuitika ipapo Paakangonzwa kudaro Lisa akabva azvidonhedza pasi kwakutanga kubararadza zimhere... Kudaro mai Amos vakaita sevachadonhedza zamu vachiuya kuzonhonga muroora wavo Mai Amos... Une ngozi hre iwe Beauty ukuda kundiurayira muzukuru wangu hre... Vakapopota vachisumudza muroora uyo aingochema nhema hake.. Havana kunonoka mai Amos vakabva vafona kuna Amos Mai Amos... Hello huya kumba uuende nemwana wevanhu kuchipatara zvaachaurayiwa adonhedzerwa pasi akawa Vakabva vakata ndokutanga kubata bata muroora vachitarisa dumbu... Ndaiziva kuti vaona zvose havo kuti hapana zvandaita asi vaida kundikaurisa.. Murume akauya arichavhiriri..handina kupihwa mukana wekutsanangura.. Ndakarohwa imi ndichiita kutsikwa huro.. Ruoko rwaka minyuka Me... Amos kani wandikuvadza ruoko ndokumbirawo ruregerero kani ndatadza.. Ruoko rwangu kani hiii hii hiii Ndakachema chi kind chose ndichikaviwa mabhutsu pa dumbu apa.. Akazosiya kundirova aneta.. Amos... Get out handichade kukuona pano.. Hanzi imbwa ukairera nemukaka mangwana inofuma yokuruma Ndakakandirwa kanhava kangu ndokubuda.. Munhu umwe chete wandakafunga ndiDzasukwa hakuna umwe.. Ndakanga kumba kwake...achingonditi baa akauya kuzondigashira akandibata ndaive ndichirwadziwa ruoko rwaiita kuvhita pain yacho yaiuya pamoyo chaipo Dzasukwa... Come sit down usacheme.. Akabva amhanya akatora mashizha ndokumatswanya akauya nawo nechijira achinditova.. Mamwe akati ndinwe for pain.. Kwakunditasanudza ruoko ndokundipa mapills.. Dzasukwa... Toenda mangwana kuchipatara Me.. Ok ndokumbirawo kaa kumbogara pano ndichiona plan once ndawana Dzasukwa... Hey sshshsh don't worry about that.. Just sleep rara pabed apa Handina kuda kuita nharo semunhu aive mu pain ndakabva ndarara... Kuchiyedza went hangu kuchipatara.. Zvakafamba zvakanaka ndokudzoka.. Ndaingotarisa road kuti murume wangu achauya akati sorry ndodzokera kumba kwangu .................................................. *LILIOSA* Pavakandiudza kuti varota ndakaziva mbiri yavo yekurota iyi.. Ndakabva ndavhunza hangu Me... Marotei tete Tete Rose.. Achiita kunge ari musango pane varume vaviri vaimurwidzana.. Hadzina kundiitira zvakanaka something is wrong Me... Yeah shuwa neniwo ndikutofambawo. Tinomuwana tete hatineti Takabva tazoonekana pacall.. Asi ndaive nehomework l have to deal with her.. Ska ndoda kuvhiringa ma dreams ake.. So that arote uyo ari kunze kwenyika vonetsana nekuti nyaya yekuti kufamba iyi vaiida...ndabva ndaenda kunotarisa pa mirror ndikaona shasha ichifamba hayo pa yard payo ndikati regai ndiit plan nemakumbo anoda kufamba iwayo.. Saka ndakatora bhutsu yavo ndokutanga kubaya netsono ndichidana zita ravo.. Me... Rose ndinoda gumbo riite ronda iro utadze kufamba vose vachauya vachabata Sophia imi hamusi kuzofa makawirirana.. Nyaya yekutaura zva Gift kubva nhasi kanganwa.. Ndakabva ndafuridzira mhepo yekuvafuratidza vasamufunge.. Handide zvekunetswa ini kuvhiringiwa mission yangu nxaah...asi iye Gift aripi even queen mother havasi kumuwana umm.. Ndakazowana imwe church pa facebook then decided to go ikoko kunoshanya hangu... Iih iyi handina kukwanisa kana kupedza intercession yacho iih maipisa ndakatanga kunzwa nyota.. Ndakabva ndasimuka ndikatobuda umwe musikana akamhanya kuuya kuzondivhunza kuti ko zvadii ndakubuda church isati yapera..ndakangomudaira kuti pandambouya ndiye anga andidana hre Ndokubva ndatoenda hangu... Ndakatora zvizuva ndichitya kuenda kune imwe church ndaive weak chaiyo.... Asi patakaenda ku meeting l regained my strength... Panyaya dzemakereke ndaive ndazama kufamba hangu ndaparadza...pakazoita call ndotori busy kubikira murume wangu Me... Hello tete Tete Rose... Hello ndakuvara kuno ndadonha.. But now gumbo riya harichade kana kutsika Me.. Mhanyai pachipatara tete or regai tiuye ikoko tiende nemi.. Ndakaziva kuti zvangu zvaita ahudenhi kaa iwe uchiziva kuti you are not strong pakunamata kwacho... Iyezvino ndaive ndoda kuti wese ataurisa ndomugadzirira size.... Told ba two tikaenda ko kuchipatara vakangovapa mapills kwakudzoka havo.. Takubva ndopandakavati Me... Handei kumba kwangu hamungasari mega tete Havana kuramba ndakada kuseka nenguva yavaimboti hee havatsike kumba kwangu kana Gift asati awanikwa...mwaka yakafamba gumbo ratete raive raita zironda kuclinic vakanzi cancer.. Kupihwa mapills pasina change.. It was now my turn to recruit more girls manje... Queen mother.... Wakafoira kundipa zvandaida now ndikuda kuti uunze vasikana vaye matwins Me... Havapo vatori kure kuchikoro Queen... You know wat to do bring them Me... Yes queen maa Hapana kupera mazuva ndakanzwa tete Sophia vachiti Mirriam na Melody vakuuya varimunzira they have been deported... Ndakavhunza reason asi havana kutaura zvinobatika.. Yeah vasikana vakuuya manje basa rowanda Stay tuned for chapter 13
❤️ 😢 👍 🙏 😮 😂 👏 💝 🩵 153

Comments