Joseph Simango novels
January 18, 2025 at 05:46 PM
Follow the DANGEROUS MISSION GROUP channel on WhatsApp: https://whatsapp.com/channel/0029VaxbIlkLI8YXTl6e8f0p *PINDA MU CHANNEL* Follow this link to join my WhatsApp group: https://chat.whatsapp.com/GCwTDLO37oJ6woFsW8paaA *BOMBER* BY BABA PSQUARE CHAPTER 1 0773789795 *PLEASE SHARE AND COMMENT* *BOOK RINO RAKAPERA RESE RINOSVIKA SEASON 3 PINDA MUCHANNEL UNAKIRWE PACHENA* Muguta reHarare pane chimwe chipatara panguva dzehusiku Kuma 11 ikoko.Pachipatara apa panoonekwa pachisvika mota mbiri ma Toyota Fortuner.Mumota idzi munoburuka vanhu four four mumota yega yega.Team yakabuda mumota idzi mumwe nemumwe aiwe nepfuti mbiri mbiri apa akapfeka zvekuti aisaoneka face uye maoko vaiwe vakapfeka ma gloves. One vavo ndiye anosvika nekuburitsa bolt cutter achibva adimbura chain dzaiwe dzakaiswa kuvhara gate.Fast yaitwa ipapo team ichipinda mukati apa yairatidza kuziva zvese zvepachipatara apa. One ndiye akangotendeka ma guard nepfuti mabara achiteera apa pfuti ichipfura chinyararire sezvo dzaiwe nema silencer.Three vanhu vakamhanya kunomira pamakona echipatara one achimhanyira kupinda mukati muchipatara. Side raiwe raendwa neteam iri raiwe side rakange rine madzimai aiwe achangobva kuzvara. Akapinda muroom umu anopinda nekuburitsa banga ndokubva asvika nekubaya one mukadzi pachest nebanga rumwe ruoko rwakabata mukadzi uya muromo kuti asacheme. Nguva iyoyo imwe team inobva yapinda ichipa signal kuti vakadzi vese vaiwe umu vanyarare kana vachida kurarama. Vakadzi vaya vanobva vapihwa order kuti mumwe nemumwe atakure mwana vake vabude vakaita mudungwe kuenda kumota dzaiwe panze dziya.Vana vaiwe apa vaiwe 16 vakasvika nekurongwa Kuma bhuti emota dziya vakadzi vaya ndokubva vazonovharirwa mu toilet vese. Team iya inobva yaendera vamwe mbuya nyamukuta ndokubva yavatora kwakuenda kuneimwe ward uko yakanotora two ma nurse nechisimba ndokubva yadzoka ichiisa vanhu vaya mumota kwakubva vavharwa maziso kuti vasaone kwavakange vachienda. Two ma Toyota Fortuner aya anosimudzwa ndokubva arova pasi.Mota idzi dzakafamba rwendo rwakakura ndokuzosvika dzichimira paiwe neumwe muzinda. Pane chiitiko chaiwe chaitika pachipatara apa hapana munhu aiwe achiziva kusanganisira vashandi vepachipatara apa vaiwe varipa duty.Chakaita kuti vamwe vashandi vasaziwe zvaiwe zvatora nzvimbo inyaya yekuti,husiku vanhu vanetsika yekuita ma duty ekurara pabasa zvisingazikanwe nema boss avo.So mamwe ma nurse aiwe akarara nguva yakaitwa zvese zvakaitwa uye ma nurse aiwe atorwa two aya ndiwo aiwe akasvinura. Mbuya nyamukuta vaiwe vatorwa vaya ndovaiwe vakasvinura nguva yakasvika chikwata chakatora vana. Kuma 1 kunze kwakuedza ndipo pakarira alarm yeumwe guard aiwe akarara kuseri kwechipatara.Nguva yakarira alarm guard anomuka akuchida kunochinjana nemumwe vake kuti achiendewo kunorara. Guard uya anoti achisvika pedyo ne gate anorohwa nehana kuona gate rakavhurika zvaro. Achiri mukunetseka kudaro anorohwa nehana kuona mumwe vake akarara pasi.Panosvika pedyo anoshamisika achitsika blood ndokubva aziva kuti ropa iri raiwe remumwe vake aiwe afa. Guard uya anobva amhanya mu ward yaiwe pedyo inowa ward yaiwe inopinda vakadzi vanenge vachangobva kuzvara.Guard uya achipinda mu ward umu anorohwa nehana kuona mungorine mukadzi aiwe akafa achibuda ropa.Panoda kubuda ndipo panoita mahwekwe nambuya nyamukuta vaiwe vachangobva kumuka.Mbuya nyamukuta chavanoona ndechekuti guard aibuda muward umu aine blood mumaoko.Ropa raiwe naguard uyu raiwe ropa remumwe vake vakange aona akafa kugate ndokubva atsika ropa.So akazonobata mumwe vake achida kuona kuti mupenyu here ndipo pakazara ropa. So mbuya nyamukuta vachiona guard aine ropa maziso awo akabva amhanyira mu ward umu pasi kwakuona mukadzi aiwe atofa akazara ropa. Mbuya nyamukuta vakabva vatoita ma answer kwakuikwetsura mhere. Mhere iyi yakamutsa vamwe vashandi vakange vakarara.Vakadzi vaiwe vakavharirwa mu toilet vachinzwa mhere vakabva vaikwetsurawo mhere yakavharira chipatara chese.Varwere vaiwe Kuma ward vakamukawo ndokubva yaita mhere mhere.Guard uya ndiye akatozofonera police yaiwe pedyo kuti iuye. Police yakange yadaidzwa yakange iri yedu yakajairika iya iyo yakangosvika nekubvunza guard kuti vaiwepi paitika zvese izvi.Guard pakataura zvekurara akabva atonzi ndiwe first suspect.Nyamukuta pakataurawo zvekuti asvikira guard achibva pana Mai vaiwe mu ward vakafa guard akazara ropa ipapo nyamukuta akabva atonzi ndiwe first witness. Vana vacheche vaya vanosvika nekuiswa muroom mumwe nemumwe pa bed pake.Nyamukuta uya ne 2 ma nurse vakabva vanzi ndiwo vakuita basa rekuchengeta vana ava. Nyamukuta nema nurse aya vese hapana aiwe ne phone uye muma room mavaiwe paiwe pasina pekubuda napo. Ma door aingovhurwa nemunhu arikubva panze chete. End of chapter 1 Comment comment comment Love you guys
❤️ 👍 😮 🙏 💞 😇 😢 17

Comments