Mama Ree Novels🇿🇼
February 6, 2025 at 10:08 AM
https://chat.whatsapp.com/LBdq5eKzdlG5Hx62PSdu9Q https://chat.whatsapp.com/HSd1zdua5xBAlx3RbcU1sS https://whatsapp.com/channel/0029VakhBWjK5cD96R5nGM1t *Written by Pastor Rebecca aka mama Ree :Book 5* It's a free book read, comment and share our channel link *(short novels)... Book tittle* *CHANGED DESTINY* *CHAPTER 14* *MALCOM* Nyaya yekumuka inorwadza iyi eish.. Apa ndaive hangu nemhosva yekutiza Flora ndaingoti dai akasazviziva kkk.. Ndakazonomubvisira hangu mari shoma nyaya yekudanana nevana vema eridha iyi zvose unototumiwa by force kkkk.. Ndakabva ndati regai ndimuke hangu sezvo kwaive kwayedza kubata bata padivi pangu kudai Flora ahapo.. I woke up checked evry room aive asimo. Decided to call her shuwa munhu anongobuda ahataure kuti akuendepi chii chakadaro aah zvakaoma.. Me... Hello bbe ko watobhda ahutaure hre nhai Flora...pane zvikunetsa kubasa so vaita emergency ndaona kuti handingakumutse wakarara Me... Inga ndakati ndikuperekedza wani kubasa Flora... Ayehwa aaah uchizvinetserei hako Me...ok bbe bye nhasi ukurumidze kudzoka ndine suprise Moziva Flora aisada kuti ndiende kubasa kwake... But semunhu wandaiziva pride yake ndoziva kuti anonyara kuzodzikisirwa pamberi pevamwe vekubasa vake ndiripo coz boss vake aiti vakaoma.. I decided to go hangu kudomboz sezvo pakange pane time ndisina kuona Beauty... Handina kuda kuenda na John hangu ndaiziva kuti kubasa kwake ari busy pluz ndaida nguva yangu naye tega.. Ndakaenda hangu kumira muroad handina kana kuona Dzasukwa ndakarovera moyo hangu padombo kwakuenda pamba pavo.. Mai Amos... Titambirewo kani mwanangu ko kurova Me... Ndiripo amai mabasa anomboti bata Mai Amos... Even mukadzi wenyu akauya kamwe ahana kuzodzoka Me... Kkkkk achauya hake atondituma hanzi kana Beauty aripo achida basa ndimuvhunze Mai Amos... Aah handizive ahapo uyu mazuvano akatobva pano akugara hake kwaDzasukwa Vakatanga kutaura zvakawanda wanda aah ndaive ndisinei nazvo ini hangu.. Chandaida kumuona ndakazooneka hangu kwakuenda kwaDzasukwa... Ndakazama kumuti ndiende naye anogara ndomutsvakira imba asi eeh akarambisisa.. Ndakadzokera hangu kuwana Flora aveko kumba Me... Inga nhasi wazamawo kukurumidza Flora... Ndikutoda kubuda ini kune dinner yema workers ose Me... Aah amana kubasa kwenyu vanozvinyanya aah iwe ndodawo nguva newe nhai.. Mwana wacho tomuita sei pakadai kkkk Flora....ko iwe ukubvepi ndafona kubasa kwako ukanzi ahuna kusvika Me.. Ndanga ndaenda kunoona John Flora... Ooh ok wobika bbe pkp ndakuenda ini Me... Shar ahusi kuenda wandipa wo kiss hayo nhai Flora... Byee ndodzoka Akabuda achimhanya kana dressing yacho vent yaisaita asi handina kuwana mukana... Ndakarara husiku hwese munhu akadzoka kwaedza.... Ndaive nehasha asi akasvika asasagone kana kufamba nekuneta Me... Ndonguva hre idzodzi Flora... Bbe handichade basa ini Me... Ko why Flora... Ndoda kuva newe hona manje vatiti dinner asi taveko vakutanga kutipa ma forms hanzi pane ma notes akuda ku printiwa yooh ndaneta ini Me... Ndozvoita basa bbe shinga zvinochinja nekufamba kwenguva Ahana kuda kuzoramba achitaura kwakurara hake.. Mazuva akafamba John akazouya kumba taitaura hedu nyaya Me...ndikuda kumbonoona baba vekumba kwangu vaye ndivape chikafu vakadzoka John... Hoo last time pawakabvako hauna kuvaona hre Me... Ndakaguma kudhara paye tose Ndakashaya kuti John akuzviwanepi manje akuda kuti Flora anzwe hre ndakazama kumutsonya asi kana kuona John... Ahuite shuwa kunditiza ndakanzwa hangu kuti wakasvika Me... Iwe wakanzwa nani waive waenda kunoitei ikoko John... Ayehwa kaa shar ahufanirwe kundivharira kunze ndakakuudza kuti ndomuda iwe une munhu wako Me... Akakuratidza ndini saka you cant go behind my back Flora... Matii kudii akaenda kupi.. Rinhi hoo saka wakandinyepera iwe uchiziva hako kuti waenda kuya.. Ini ndaitomufarira ndisingazive kuti iwe une hidden agenda hako Maihwe haaa John futi apisira chakaita chimoto harina kudyiwa rinopisa veduwe.. Ndakabva ndatoudziwa kunzi hauchaende wega kubva nhasi.. Anything chandaive ndovhunza aibva atopinza Beauty aaah ndaive ndaneta kunyengerera even sex yooh.. Ndakazoendera John haa takaburana zvekutoudzana mashoko chaiwo ndokucheka hukama.. Me... Zvawaida zvakaita asi ndoda kuzviona ukahwina John... Ok beji beji ini handina kupusa ndiri murume ini kwete iwe usingazivewo panoshandira mukadzi tsika tsika na Beauty Me...watii kudii Ndakaenda kwaari ndikanomupa chibhakera takaumburudzana kusvika tabatwa nevanhu ndokubva ndaenda hangu kumba.. Ndakasvika nekurara.. Shasha yakauya Flora... So its true why do you disrespect me like that.. Kunorwa neumwe coz of that girl Me... Her name is Beauty Flora... Ooh waal ok great you know battle line has been drawn... Me.. Ukurevei handina kuti ndomuda ini ndomunzwira tsitsi chete dai ndaimuda ndisina kaa kukuroora nhai bbe Ndakaona kuti haa regai nditodaro coz Flora haa anondikuvadzira Beauty wangu.. Haa kuti nditi mumba mangu maiitwa nezvei chaizvo handizive asi ndaive ndisina mufaro.. Ndaiti ndawanawo mwana wewaeridha izvo eeh atori nemweya unoda kunamatirwa especially ma moods.. ......................................................... *GIFT* Ndakarohwa kusvika ndangoti zii.. Chandoziva ndakazomuka ndakaiswa pa drip ndiri muchipatara mama C vachinamata... I couldn't talk ndairwadziwa neshaya.. Nurse... Lets leave him to rest modzoka mangwana he is now fine Vakataura nurse vakatarisa mama C avo vaichema vari muprayer Mama C... No l cant leave him akadai.. Nurse insisted kuti vaende vakazobuda... Pasina nguva Gidza akapinda Gidza...eeh mupfanha unofira mahara remember ahuna kana hama kaa saka better to do the right thing ndikupa imwe 10% Handina kukwanisa kudaira akabva anditsimbirira.. Pain yandakanzwa ipapo chi machine chakatanga kurira ndokubva atiza.. Ndakamuka kuseni ndakukwanisa kutaura asi mama C havana kuuya.. Was now worried nekuda kwavo.. Pavakazouya vaive vakazvimba kumeso asi vaizvivhara zvavo Me... Mama wats wrong Mama C... Hapana was stressed nekuda kwako ukuda kundisiya nani ukafa nhai Me... Mama ini lm worried about you please mama its not late musiye henyu murume uyu Mama C... Thats not the solution ndoda hangu kuti iwewe uve safe chete ndakutaura ne classmate yangu Taive pakati pekutaura mufundisi vaifamba vachinamatira vanhu vakabva vasvika pandiri.. Him... Makadii ndinoitwa pastor Romeo.. Monditenderawo here kukupai shoko nekunamata zvishoma Mama C... Ehe munhu washe makasungunuka Pastor Romeo... Romans 8 vs 28 Tinoziva kuti zvinhu zvose zvinobata pamwechete kuti zviitire zvakanaka avo vanoda Mwari, avo vakadanwa sezvaakafunga. Shoko rangu ndoziva munodai muchizvivhunza kuti zvandakarara pano Mwari wacho aripi kana achindida why ndiri pano...tobva tatarisa Jobho anoitirwa zvakawanda asi akaramba akasunga nekuti chairwisa haisi life yake asi mweya wake kuti aite give up pana Mwari... So ndoda muzive kuti ane bhora ndiye anomakwa newakaipa anoramba achiisa madzudzo kuti adzokere kumashure.. Handinzwe kuenderera mberi asi ndomsg yandatumwa nayo sezvo bhero rarira.. Vakabva vaenda ndakanzwa zvirinani havana kurega kuuya vaiuya everyday for 3 days... Musi wandabuditswa vaivepo.. Pastor Romeo....Gift you are not going back kumba kwako ndikuenda nemi kumba kwangu Mama C... Shuwa munenge maita basa Pastor Romeo... Kwete ega nemi sister Chichi Mama C...inini ndoda kutanga ndanzwa murume wangu hazvizoite ndoda kuve paari ndichiona achipora asi manje imba yangu ndikazopinde busy Ndakange ndakutsamwa manje aah mamawo futi hu desperate hwacho hwakunyanya Me... Mama C mukasara ndoziva kuti nemiwo mandiramwa makutya kuenda kwandoenda coz l carry bad luck Mama C... Dont you ever say that again ahuna bad luck iwe... Me... Saka handei tose handisi kukusiyai manje.. Vakatoona kuti nyaya yacho havangaigone.. Vakada kuti hee hembe asi pastor vakati vanonotenga mberi.. We went there ko ndaiziva kuti ndikuendeswa kutown hre.. Mapapers angu ndakange ndakamaisa paisa fungirwa nevanhu hangu.... Kugara kwandakaita na Pastor umm ndakadzidza zvakawanda pamweya ndaikura chaiko..one day tichidya hedu takatandara Mama C... Pastor ndine muvhunzo tane mazuva pano ko mama varipi Pastor Romeo... Long story asi inshort vari kunze kwenyika vakawana basa vakaenda nemwana wedu ini handina kuenda nekuda kwebasa raMwari.. Mama C... Manje vakazonzwa kuti mukugara nesu hazvizonetsi hre or makavazivisa Pastor Romeo... Dont worry about that hatitotaure tose she blocked long time ago.. Prayed and prayed for a miracle kuti achinje asi ahana hake aingoti huuya Mama C... Nemunamato zvochinja wilk help you to pray Pastor Romeo...haa zvimwe zvacho unochemberera muprayer kkkkk coz vamwe dzave nhinhi havachinje kusvika ishe vachidzoka kkkk Me... Umm ndaita mwana ini regai ndinotamba magames Pastor Romeo.... Kkkkk huya ndikudye mupfanha dakuendepi Mazuva akafamba ndaive nemasvondo maviri ndakuenda kuchurch ya pastor Romeo... Vakatanga kunditi ndiparidze ndakada kuramba zvikanzi noo nguva ahisi yedu the dark world havamirire kukura vanotogara vashanda newe uri mudiki.. Saka ndaiparidza nekuporofita small small....haaa vasikana woo nekuda zvinhu ndainge ndogara ndakakombewa vazhinji vachida kuita shamwari dzangu kkkk aah Gift ini chaiye kutiwana vanhu vanototi mukoma Gift tokudai iiih ndaimerera zvaive zvitsva... Mozivawo pane chipo pane miyedzo.. Yaivewo yondikurira ini yema dress iyi kkkkkk ko zvaive zvakuitawo kaa zvichipera zvekuti inomiswa neweti apa yainge yomirawo nekuona makumbo baba... But haaa pastor Romeo vaisada zvisina basa ndakatanga kupihwa ma task each and every day zviya zvekundishaisa mukana wekuti nditambe... Kana vari mama C haa skin yakange youmbika vakugara vachifara kani.. Vaizondinakidza kuchurch pakanzi vanoda dzimba vaisimuka kunamatirwawo kani... Saka ndaivawanzira kumba rimwe zuva Me... Asi moms zvekuroorwa siyani nazvo kani nhai kkkk Mama C... Unombiziva ndiri mwana mudiki hre iwe kkkk aah ndisiye ndodawo vana vangu Me... Ndokutsvakirai ku online dating kadhara kenyu Mama C... Ndakamboipinda aah ahina vanhu vari srs Pastor Romeo.... Haaa wakundifungisa yandakaita ndatiwo eeh hazviite kutsvaka wekufambidzana naye mukereke kwakubva ndaonawo rimwe group rema singles.. Ndikapinda ndikanyora kuti ndikutsvakawo wangu iiih ndakaundurwa nevanhu... Havanhu vasatidarowo Maihwe kundidaro ndakaseka kani kuita mabayo Me... asi shuwa Pastor maitsvakei imomo Pastor Romeo... Mbabvuwo yangu kaa kkkk handiti ndaisairatidzwa mumweya ndikati regai ndifambire nyaya dzacho panyama kkkkk Mama C... Pedzisai tinzwe ko vamwe vakatii makazodii Pastor Romeo... Vamwe vakati ndiani anoda vanhu vanopona nemari dzabva kuvamwe vadikitira... Vamwe zvikanzi mbavha idzi maona hre kuti mahure aya.. Haa ndakazobuda apa ndaive ndaisa pic rangu... Me... Ripi iroro Pastor vakabva vavhura foni kundiratidza haa ndakaumburuka pasi shuwa mhino dzaive dzakavhurika vazvitora selfie... Me... Hayii maida kudziya mushana hre nemhino idzo.. Pastor... Touch not the anointed mupfanha Ndakaseka hangu ndichibuda vakasara vachiwanzirana na moms Stay tuned for chapter 15
❤️ 😂 👍 🙏 😢 😮 👏 💚 😅 😍 225

Comments