Joseph Simango novels
January 19, 2025 at 04:40 AM
.https://whatsapp.com/channel/0029VaBbMvBFMqrS4EGdmC0x *Ukatadza kuverenga book iri aewa uri kusarira, book rakatakura zvakawanda iri, action iripo, comedy marwadzo aripo zvemu bedroom zviripo aewa follow my channel uzvinzwire kwarave hakuchaiti Kuti umbomira kuverenga* *Unbroken* *written by Makalulue* *Chapter 1* *Winnet* Kadoma ndiyo nzvimbo yandaidisisa kudarika nzvimbo dzese dzemu Zimbabwe ndichiri mudiki. asi manje ndakuyivenga nemoyo wangu wese nekuti yakanditorera cousin wangu Kelvin, handizivi kuti chii chakaitika paari asi akauraiwa zvinorwadza . Akanga akaitwa zvekubviswa ma parts emuviri kubva ipapo Kadoma ndakabva ndayivenga asi hupenyu zvahunoita ndakunogarako sezvo ndawana basa ikoko kune imwe company hombe ye Loyalty Firm law asi moyo wangu uri kundirambira shame kuti ndinoshandako. Last year ranga riri gore rangu rekupedzisa course yangu sezvo ndanga ndiri ku University of Washington. Ndakanga ndakarara kumba kwedu mu room mangu baba vakauya vachindimutsa "Princess hausati wamuka nazvino?, Asi wakanganwa kuti uri kuenda" ndi daddy vaidaro. Daddy ndivo vakandikurisa kubva ndichiri mudiki, mama vakashaika ndine makore mana. "Daddy handina kuona kuti kwaedza" ndakadaro ndichitarisa nguva. Ohh gosh nguva zvadzaenda. "Muka princess ku kadoma kana tiri pano" Ndakamuka ndikanogeza ndapedza Ndakaenda kuna daddy ndikati "Daddy ndakufunga kuenda mangwana ku Kadoma ndoda kunoona Casper pane zvandoda kutaura naye" "Okay nana enda hako" Casper is my boyfriend. Takadanana kubva ndichiri ku high school, akatondi engager changosara muchato chete. Akambonyangarika kwemakore akawandisa ari ku London asi paakauya takagadzirisa Zvinhu tikadzokerana zve. Ndakaenda Kumba kwake asi ndakasara padiki kufenda nezvandakaona. Ndakapererwa kuti ndoti kudii "Cassy" ndakadaro nezvi rine hunyoro uku misodzi yakazara kumeso kwangu, paakandiona akavhunduka akati "Winny, babe I can explain please" Handina kumirira kuti ataure ma explain ake, handiti ndamubata red handed ane umwe musikana, chii chaachatsanangura manje. Ndakabisa ring yake ndikamutema nayo ndokubva ndabuda ndichienda Kumba. Ndakasvika Kumba ndikaudza daddy kuti ndakuda kuenda ku Kadoma. Daddy vakabvuma tichibva taenda. Takasvika tika renter imwe apartment yakanga ine 4 ma room, baba vakandibatsira nezvese vachibva vadzokera ku Gweru ******* *Month later* Ndave nemwedzi ndichigara ku Kadoma, Casper anogara achifona achikumbira ruregerero asi handichamudi shame. Ndakanga ndakagara mu office mangu boss vakandidanira ku office kwavo vakandipa newspaper. Ndakanzwa muviri wese seunofambwa nemasvosve pandakaona murume akanga auraiwa zvinoreadza, airatidza kuti akatanga nekudirwa acid vakazomuuraya. WTF, vanhu vakadii ivava vanoita Zvinhu zvakadai "Ndaiona sir, vanhu ava vanhu here or imhuka?" "Ndiyo Kadoma yacho Miss, kune vanhu vanofunga kuti ndivo vano owner Kadoma, asi iwe ndinokuvimba since wakambohwina imwe case yedzimwe mhondi dzakanga dzanetsa ku Gweru, Saka case iyi ndiyikuiisa mumaoko ako ndiwe uchatarisana nemhondi idzi asi unofanirwa kutamba wakachenjera vanhu vacho vari very dangerous " "I promise sir vanhu vacho chero vakava dangerous sei ini Winnet Nkomo ndichavapinza mujeri no matter what" Sir vakanyemwerera vakati "Ndoziva kuti ndiwe uchatibisa numupfumvu matiri" Yah aya ndomahwani chaiyo, vanhu vacho vanoratidza kuti vari dangerous. What if vanondiuraya? No no focus Winny siya hugwara wakapinda muhu lawyer uchiziva kuti hune hunjodzi *Manton* Ndakamuka makuseni ndichienda ku kitchen, ndakawana Nomatter mukadzi wangu achigadzira breakfast "Morning" "Hey Manton wamuka?" "Yah ndoda mvura inotonhora, ndanzwa nemusoro" "Unonyanya kunwa newevo Manton" "Come on babe" "Ndakupedza hangu kugadzira breakfast. Ndofanirwa kuenda Kuna Santos pane zvandoda kunotaura naye" "Saka ukuda kuenda usina kudya?" Zvichakadaro Pedius mwana wangu akapinda "Morning daddy" morning son" Ndakamukisa pahuma "Hey son, kune kwandoda kuenda, ndichakuona pandinodzoka" "Bye daddy" Nomatter paaida kutaura ndakabva ndabuda ndichinopinda mumota ndokuyirova yakananga kumba kwa Santos. Ndakasvika mu sitting room asipo, ndakaenda ku bedroom kwake akanga asimo, ndakaenda mune rimwe room raanowanzogaramo, ndakamuwana akagara achisvuta muruoko akabata pfuti achiitambisa nezvigunwe "Hey broe" Akanditarisa akati "Wasvika nguvai?" "Ndasvika manje, neyi uchibvunza?" "Aewa kubvunza hangu, kwakanaka here?" "No handiti unoziva Kuti next month case Yako iri k--" "Saka iwe ndozviri kukunetsa here?" "Come on Spiro maan, unoziva kuti case iyi yakaoma sei" "Don't worry about that ndichazvigadzirisa" "Kusvika rinhi wakadai Santos?" "Kusvika ndawana zvandiri kuda" "Broe wak--" "Please Manton don't start, handisi mu mood and ndoda kuenda ku town pane zvinhu zvandiri kuda" "Okay neniwo ndiri kutoendako" Akasimuka kwakutora ma key emota yake ndokubva tabuda, takapfuura ku kitchen aunty Rose vachigadzira breakfast. Vakandimhorosa ndikabvuma "Isabella kana amuka ndokumbira mumuudze kuti ndaenda ku town" "Okay sir" Takabuda tikaenda kumota dzedu, akapinda mune yake neniwo ndakapinda mune yangu "Be careful Santos"" "Hezvo Manton asi ndiri kuenda kuhondo" akadaro achimutsa mota achibuda neniwo ndakamutevera kumashure *Winnet* Ndakanga ndakarara sezvo iri weekend nhasi handisi kuenda kubasa, ndakanzwa knock pa door, ndakaenda kunovhura, ndakavhunduka pandakaona ari Casper "You!!" "Yes me sweetheart" "Uri kudei pano? I mean ndiani akuudza kwandogara?" "Don't worry about that sweetheart, ndauya kuzotaura newe" Ndakamusiya achipinda tikanogara pasi "Hapana zvauchataura neni asper" Akauya achigara pedo neni akati "Ndoziva kuti zvinhu zvandakaita zviri wrong, asi sweetheart ndiwe chete munhu wandinoda" "Waizviitirei Casper. Neyi uchidaro Casper? Ohh uri kizviita nekuti ini handisati ndave ready" "No sweetheart hazvisi" "Saka kana tachata ndizvo zvauchange uchiita?" Am I harsh on him? Nekuti kubva zvatakatanga kudanana Casper haana kumbobvira akaita zve vasikana. Maybe zvokonzerwa nekuti ini handisati ndakuda zvekurara, ndakazviudza kuti humhandara hwangu huchatorwa after wedding. Ndakamutarisa ndikamuona achiisa ruoko muhomwe kwakubudisa ringi yangu, ndakanyemwerera akandipfekedza. "Usapamha zve Casper kuita zvinhu zvawakaita. Handidi kukusheya, ndoda kuti uve wangu bdeva Casper" "I know sweetheart I'm so sorry i proykuti handipamhizve, thank you nekundiregerera" "Apology accepted" Takahagana "Saka neyi usina bag, uchachinjeyi?"" "Handigari sweetheart ndiri kuenda nenyaya ye business, ndiri kuenda ku London Saka nda decider kuzokwirira kuno, ndichakuona pandinodzoka " "Ndakanzwa misodzi ichipisa kumeso kwangu" "But why usina kundiudza pachine nguva?" "Hey sweetheart remember ndikare ndichikufonera usingadairi" ,"Ohh I forgot but babe ndanga ndichida ku enjoyer newe chero one day zvaro" "Hey sweetheart hazviiti asi unoziva kuti zvandiri kuita ndiri kuitira vana vedu" "Try babe for one day please " "Next time sweetheart " Ndakanyemwerera ndikamuhaga tichibva takisana kwenguva yakareba "Unoenda nguvai?" "Ndege yangu iriko na 3pm" Okay babe ndimirire pane zvinhu zvandinoda kunotenga ku town tichabudisana" "Okay sweetheart" Ndakanogeza ndikagadzira zvese, ndapedza takaenda "Sweetheart ndokumbira vakomana vemu Kadoma vasanditorera iwe please" "Unoziva Cassy kuti ndiwe chete uri mumoyo mangu" Takasvika ku town tikaenda restaurant, taka order, chikafu chedu chakauya tikatanga kudya, tapedza takanotenga ice cream tika enjoyer zuva rese na Cassy kusvika dzekuti Cassy aebde. Akandipa $500 ndakamboda kuyiramba asi akaiisa mu bag mangu ndakaseka. Takaonekana achibva aenda neniwo ndakaenda ma OK ndikatenga zvese zvinoshota mumba, ndapedza ndakabuda ndichinotsvaga taxi, ndichiri kufamba kudaro pakabudikira imwe Mercedes Benz yakasvika ichimira mberi kwangu. Ndokubva pabuda umwe mukomana akanga akanaka. Ndakanyemwerera ndakatarisa mota coz ndiyo favourite car yangu. Mukomana uyu akauya kwandiri ndokumira mberi kwangu achinditarisa kwenguva ndokubva anovhura boot yemota yake kwakutora zvinhu zvangu achizviisa ku boot. "What are you doing Mr?" Haana kundipindura akaramba achiita zvaanoita, ndakamubata ruoko asi akandipa ziso raityisa ndakabva ndamusiya fast "Mukoma taxi iri kuuya" "Cancel" aitaura asina kumbonditarisa. Ndichiri kushamisika nezviito zvabhudhi ava, akandidhonza ndokundipinza mumota. Ndakashamisika coz munhu wacho haatauri and anoonekwa kuti ndeiya type Ine pride. Mnxm Saka neyi achindikwidza mota yake kana achidai "Ndinonzi Winnet Nkomo" Haana kundipindura akamutsa mota tichienda ndokubva, abatidza radio WTF "Hey Mr Arrogant unonzi ani?" "Unogara kupi?" "Pedo neku clinic, wati unonzi an--" "Okay" Uhhm iyi ndeimwevo type, ndakabva ndatosiyana naye ndokutambisa foni yangu, few minutes takasvika ku clinic, ndakamuraira kwandogara "Mr Silent tasvika" Akanditarisa haana zvaakataura, ndakabuda ndichinotora mbatya dzangu ku boot, ndakadzokera mukati ndatokanganwa foni yangu, ndakashamisika pandakaona number pa screen. Pamwe chimumu guys but how nekuti ambotaura, Saka problem yake iri papi. "Mukoma asi mume problem yemuromo kana mukataura" Akamutsa mota asina kundipindura "Hey Mari yako yan--" Ndakazosara ndotaura ndega munhu arova pasi. Okay Kadoma nevanhu vayo, ndakatora zvinhu zvangu ndikapinda Mumba, number yake ndakayi saver nekuti Mr Silent *Santos* Ndakaenda ku Warehouse apa ndanonoka ma brother angu ese akanga asvika "Finally king yemu Kadoma yasvika" Jay akadaro "Saka unofunga kuti tine nguva yekumirira iwe isu" Eddy akadaro "Serious Santos kutimisa nguva yese iyi?" Manton akadaro "Okay ndiroveii then" Ndakanogara pasi "Musoro wangu uri kurwadza, ndiri kudei pano?" "Takuziva kuti ndiani akatitengesa Kuna Cobra" Manton akadaro "Ndiani?" "Jongwe" Eddy akadaro "Ndakakuudzsi maan kuti ngatisashandisa vanhu vasiri family asi imi mukaomesa misoro yenyu yakazara mvura, honai manje zvaitika!! Kana ndichitaura mondiita benzi" "Ayy kubva wapopota kunge uri kutaura nemwana wako Issa" "Chete imi mumofunga ne dick maan" "Santos watch your tongue" Jay akadaro Panguva iyoyo Jongwe akapinda achiteverwa na Munya. , Ndakabva ndatora pfuti yangu ndokumudyisa mabara pachipfuva chake, akadonhera pasi. Hapana chinhu chandinovenga semunhu anondi betrayer. Okay guys kumba kwedu takawandisa shame, vamwe muchatovakanganwa ndokuzivai zve makadya chikanganwahama asi muchatijaira henyu takamira takadai . Munyaradzi 39 Paul, 37 Travor 35 Mazvita 33 ini na Manton tiri ma twins 31 Collet 29 Jayden 27 Sheunesu 25 Kudzai na Kudakwashe also ma twin vane 19 years. Ini ne family yangu takabata shame chero hazvo samusha asisipo panyika akashaika Munya ane 18 years haa isu panguva yacho takanga tiri zvanana shame. Tangosara na mama chete, okay zvimwe muchazvinzwa nekufamba kwenguva *Winnet* Ndakanga ndakarara pasofa ndichidya ma popcorn uku ndichiona Nextflix pa TV, foni yangu yakarira ari Cassy ndakanyemwerera ndikadaira, takataura dze love tichiseka hedu, few minutes takaonekana, pandakangoisa foni pasi ndakanzwa knock pa door, ndakanovhura akanga Ari munhu we delivery pizza, triple beggar yese. Ndakashamisika nekuti handina kumbo order ini. After some minutes kwakauta zve we macdonald. What's going on here. Ndakatora asi ndaizvibvunza mibvunzo isina achandipindura. Ndakanogara pasi. Panguva iyoyo Whatsapp yangu yakapinda message 📨📨"SexyPants" SexyPants? Ndiani manje sexy pants? 📩📩"Who do you think you're Mr?" 📨📨"Did you get your lunch?" 📩📩"Ndiani ati ndine nzara nhai mwana wevanhu?" 📨📨"Ma popcorn auri kudya hazvina kukufita " Ndakavhura maziso, ndakatarisa ma popcorn angu, aziva sei? 📨📨"Waziva sei kuti ndiri kudya ma popcorn?" 📩📩"I love your outfit SexyPants asi inokufita kana uri mumba chete, usabuda wakaipfeka " Ndakaridza tsamwa ndikapindura 📨📨📨"Saka uri Kundi stalker" Akaisa emoji achinyemwerera achinyemwerera 📩📩"Rudo rwangu pauri runowedzera kana uchinyemwerera" Ndakapererwa kuti ndomuti kudii, handina kumupindura "📩📩📩 Enjoy your food Mrs Chuma, I love you wanzwa".. Ndakayerekana ndakunyemwerera asi ndakazvidzora fast. Ndakuitei manje? Chii chandakuita. 📩📩 Ndoziva kuti chikafu chandakupa ndiyo favourite Yako that's why ndakutengera zvese,chivanhu chekwa Chuma mukadzi haafanirwe kufa nenzara" Ndakanyemwerera ndikabata muromo 📩📩"I love you kana uchinyemwerera" Ndakaisa foni pasi asi pizza handimboiregi shame, ndakaitora ndikatanga kudya. Panguva iyoyo pakaita knock pa door ndakanovhura, akanga Ari umwe musikana aitsvaga nzvimbo yekurenta, sezvo ndichigara ndega ndakaona zviri nani tisheye coz kugara wega kobhowa guys, akati anonzi Theresa. Takabvumirana kuti auye hake agare neni ndokubva aenda akati achauya nezvinhu *Santos* Next day takanga takagara mumba ma Munya tichikurukura "Santos unofanirwa kusiya zvekubvumira kushandisa zvinhu be anger" "Hayi Munya wanga uchida kuti ndifare here nezvaitwa na Jongwe?" "Haana kudaro Santos asi tanga tichifanirwa kutanga tanzwa kuti anoti kudii" "Ayy Manton hapana zvinhu zvatanga tichifanirwa kunzwa paya, Ati betrayer finish" "Ini hangu ndoda kuziva kuti tichaita sei ne case yako Santos nekuti mazuva ari kuswedera " "Don't worry Jay ndatotanga kuyigadzirisa nyaya iyi. Musi wekuenda ku court uchasvika ndatopedza zvese" "Hapana munhu anofanirwa kufa Santos" "Aewa hapana wandichauraya Manton ndichashandisa pfungwa dzangu chete" "Santos uri kurevei kana uchiti watotanga kuyigadzira" "Don't worry Munya ndichakuudzai ndapedza" "Takuitirana ma secrets now?" "Come on Manton hawu ndichakuudza ndapedza" *Winnet* Next day ndakamuka ndichienda kubasa, ndakasvika ndichigara mu office ndichiverenga file ye case yandicharwa svondo rinouya, uhhm case yacho yakawoma iyi, asi ndine hope yekuti ndichaihwina, zvigeven'a must fall. Panguva iyoyo ndakanzwa knock, ndakasimuka nduchinovhura, akanga Ari munhu ano delivery macdonald, ndakashamisika, nhasi zve? "Are You Winnet Nkomo?" "Yes" Akandipa chikafu changu ndikasayina ndichibva ndadzokera mu office nangu. No nyaya iyi yakutanga kuva serious manje. Neyi murume uyu achiita zvese zvaari kuita? Panguva iyoyo Christopher wandoshanda naye akapinda. "Haa isu tikuchemedzwa na January disease iwe uri kudya macdonald" "Haa washaya zvekuita Chris?" "Ndati ndiuye kuzoona shamwari yangu, handiti wabvuma kuti tiite ma friends?" "Yes I did" "Good, so as a friends ndichaku warner ne vakomana vemuno Kadoma, usavavinmba shame most zvigeven'a" "Newevo ndisakuvimba?" "Come on, unoziva zvandoreva" "Okay thanks Chris, ndokumbira kushanda nekuti case yandakatarisana nayo yakawoma, kwasara mazuva mashoma kuti tiende ku court ". "Okay friend" akabuda, ndakaesara ndichienda ku Whatsapp, ohh Mr Silent haasati aisa message, ndakabva ndamuisira 📩📩"Tell me what are you up to?" Akandi blue ticker haana kundidaira. Panguva iyoyo ndakasenderwa video na Chris remurume awanikwa akafa pasi pe bridge. Apo airatidza kuti apfurwa akarasirwa pasi pe bridge. Ndakarohwa nehana. Umwe futi? Misodzi yakayerera pandakatanga kufunga cousin wangu naiyevo akapfurwa akarasirwa pasi pe bridge musiyano ndewekuti cousin wangu akanga akabviswa amwe ma parts emuviri. And chimwe chinhu mukoma wangu Winfrey akapona nepaburi retsono, kubva zvaakasara padiki kuuraiwa haana kuzogara zve mu Kadoma akabva atiza. Ndakatora foni ndikamufonera. "Big brother" "Hey lilly how are you?" "I'm good, look Winfrey ndoda kuziva chokwadi chese. Tell me chii chakaitika pana Kelvin?" "Ndakakuudza zvese Winnet, unoda chokwadi chakadii manje?" "Are you sure kuti pakanga pasina business risiri pamutemo or mairwira something nevamwe vanhu?" "No hazvisi Winnet please ndokumbira kurara" "Okay big brother bye, I love you" "I love you more my lilly sisi" Ndakakata foni ndichifunga nyaya ye zvigeven'a izvi, moziva ndikasapenga gore rino handichapengi zve. Okay ini ndonzi Winnet Nkomo ndine makore 23 ekuberekwa ndobva ku Gweru ndiri lawyer muno mu Kadoma. Kuma four ndakachaisa kubasa, pandakabuda panze kuti ndifonere cab ndakaona Mercedes Benz iya. Ohh Mr Silent ndofarirepi nhaimi zvaari kungonditevera kwese kwandiri. pandakanga ndakupfuura paari akavhura window akati "Hey haupindi here mumota ?" Okay I can trust him, ndakapinda , akanyemwerera akati "Ranga riri sei zuva rako?" "No ways, ndoda kuziva Zita rako first" "Ohh my name is Santos Chuma" "Saka neyi uchiita zvese zvauri kuita?" "Coz I love you that's why?" Ndakarola maziso angu ndikati "Ayy soriyi zvenyu mukoma ini ndine mukomana wangu uye taka engager" ndakadaro ndichimuratidza ring "Asi haibudi? Handiti tichaibisa toisa yangu" "Wakakwana here? Or dzodhonza dzichirega?" "Pamwe rudo rwako ndirwo rwakundipengesa" WTF, handina zvandakataura kusvika tasvika kumba kwangu "Thank you" "Ko haundipinzi here mumba mako?" "Why?" Akandidhonzera paari akati "Ndoda kutaura newe ne something " Ndakabva paari ndikapinda mumba, akanditevera akapinda achinogara pasi, neniwo ndakagara pasi "Chii chauri Kuda kutaura neni" "Santos anokuda" "Ndiyo nzira yaunonyenga nayo vasikana here iyi?" "Asi wanzwa kuti Ndiri kunyenga ka" Handina kumupindura "Ndoda kuva newe kwe hupenyu hwangu hwese" "I'm engaged Santos Saka handing--" Handina kupedza kutaura akandiswedza paari akandikisa, , ndakaedza kumubisa pandiri asi akaita chinamira chaicho. Ndakapedzisira ndaku enjoyer neniwo , hameno kuti chii chiri kuitika pandiri, kubva ndaita weak kudaru pamunhu wandisingazivi. Ndoda kumubvisa pandiri asi moyo uri kuramba. Nzira yaakanga akandibata nayo inondipedza simba. Panguva iyoyo foni yangu yakarira asi akayidzima. Ndoda kumutuka asi ndikutadza. What's wrong with me, neyi ndamubvumira kuti andikise. Akandisimudza akandiendesa ku bedroom. Wait wait, how he know my bedroom. Akandiradzika pa bed, foni yake yakarira asi akayikata. Apo ini ndayi enjoyer zvese zvaaindiita. Akatanga kundikurura hembe asi pfungwa dzakadzokena ndikaona kuti zvandiri kuita hazvisi right, ndakamubvisa pandiri "Pane zvandaita here zviri wrong?" "Enda please" ndakadaro ndakatarisa pasi "I won't hurt you" "No please Zvinhu zvatiri kuita hazvisi right, ndokumbira kuti uende" Akabva arara pa side pangu akatarisa mudenga akati "Meaning ndicharara pano nhasi" "Ndokumbira uende please, okay kana usingadi kuenda ndichafonera landlord" "Haungambondipi kiss inonaka Kudai wobva wandisiya ndakaremberera".. "Please" ndakanga ndakuda kutochema. Akanditarisa achishamisika akati "Hey ukuchemei? Okay okay ndakuenda" Akatora foni yake ndokubva aenda, ndakamutevera, akatora ma key emota pa coffe table achibva aenda. Ndakazvikandira pasofa kwakutarisa mudenga ndichinyemwerera ndichifunga kiss yataita. *Santos* Ndakapinda mumota ndikaenda kumba, ndakawana mwana wangu akandimirira, "Daddy manga muri kupi, nguva yese iyi" Ndakamuhaga ndikati "I'm sorry my princess kune kwandanga ndaenda, I'm really sorry" "Mainini Ruva vasvika" "Ruva?" "Yes ndini ndavafonera Kuti vandishanyire vandiverengere ma stories" "Babe ini handikuverengereri here?" "No daddy handina kudaro chete ndanga ndavasuwa" Ndakamukisa dama ndikati "No problem princes I love you" "I love you daddy" Ndakaenda ku bedroom ndikazvikandira pa bed, Ruva akapinda akamira mberi kwangu" "Uri kudei pano Ruvarashe? Handiti ndakakuudza here Kuti usauya zve pano?" "Mwana wako ndiye andifonera, wanga uchida Kuti ndurambe mwana wa sisi vangu achindidana" "Ndoziva Kuti ndiwe wamufonera Ruva. Look, ndakakuudza Kuti zvinhu zvauri Kuda kwandiri haumbozviwani, I won't betray your sister" "Saka iwe unoreva hauchadanani zve neumwe munhu sezvo sisi vangu vakashaika" "Chero ndikadanana, handimbodanani newe so please " "Wakati haumbodanani nemunhu asi hona huro Yako yakarusa nema lipstick " "Stay out of my business Ruvarashe, unofanirwa kuudza Isabella Kuti kune kwauri kuenda hameno kupi uchaona zvauchamuudza asi pamba pangu handikudi, kana uchiziva zvakakunakira uchaita zvandareva" Ndakatora towel rangu ndikanogeza. . Pandakadzoka Ruva akanga asisipo. Musikana uyu anondijairira. Ndapedza kuchinja Manton akafona. "Wanga uchifamba nemusikana nhasi?" "Okay ndane bodyguard manje?" "Ndiri serious Santos" "Yes ndanga ndinaye" "Please don't do this broe, don't destroy hupenyu hwemwana wevanhu, achiri mudiki mwana uya" "Ndiani ati ndichamu destroyer" "Ungavanyebera vese Santos kwete ini, ndokuziva inside and outside, so tell me what are you up to? "Unoziva ndasuwa mukadzi wangu, so please Manto ndipe moment yekufunga mukadzi wangu" "As long pasina acharwadziswa pazvinhu zvauri kuita no problem, unoziva Kuti Laiza haangambofari Kuti urwadzise munhu asina mhosva" "Amen pastor shoko ndarinzwa" ndakakata foni ndokubva ndatarisa pic ya Laiza ndichinyemwerera *Winnet* Kubva zvandakisina na Santos ndikungo nyemwerera non stop, ndakatora foni yangu ndichienda ku Whatsapp asi haana kumbondinyorera message. Ndimunyorere here ohh no hazviiti, asi ndoda kutaura naye Kani. Ndakatarisa profile ndikamuwana ari online 📩📩"Hey" Akatora 5 minutes asina kundipindura. Ndakarwadziwa ndikaisa foni kwakadaro ndokubva ndabuda pa Whatsapp ndikatanga kuona TV . After 30 minutes foni yangu yakarira Ari Santos ndakadaira fast "SexyPants". Ndaka blasja ndisingazivi Kuti ndoti kudii "Hey" "Hauchagoni kutaura? Okay I under zvowanikwa" "I'm sorry for zvinhu zvaitika" "No ndini ndofanirwa kukumbira ruregerero. Ndanga ndisingafanirwe kuita zvinhu zvandaita" "It was sweet" ndakadaro ndichivhara maziso "Really?" "Yes" "Meaning une ma feelings for me?" "Nd-- I'm no handina ma feelings newe ini" "Good night SexyPants don't forget Kuti I love you".. Ndaka blasha ndichibva ndakata foni . Ndakaona missed call ya Cassy, ndakamufonera back "Sweetheart" "Hey I'm sorry ndanga ndiri busy nebasa Saka ndanga ndichitaura neumwe wandoshanda naye" "I trust you sweetheart" Ndakatarisa pasi "Okay ndanga ndichida Kuti good night sweetheart I love you . Usakanganwa Kuti kwasara mwedzi mishoma Kuti uite Mrs mpofu" Ndakanyemwerera ndikati "Thank you" ndakakata foni Uhhm kana zvadai ndichaita sei. I love you Cassy, what about Santos, ohh no ndiri was Cassy ini End of chapter
❤️ 🙏 👍 😂 😮 12

Comments