Joseph Simango novels
January 20, 2025 at 08:56 AM
Please follow for more I WILL FOREVER RISE By Olly 0️⃣7️⃣8️⃣1️⃣3️⃣3️⃣1️⃣2️⃣6️⃣7️⃣ Whatsapp Channel: https://whatsapp.com/channel/0029VatoICY6BIEp59qdaK1C Chapter 1 Camilla Ndichitarisa pregnant test yaive mumaoko angu ndakambo shaya kuti ndairota here or zvainge zvichitoitika. Ndaka pukuta maziso kasinga peri ndichi funga kuti pamwe ndingaona zvakasiyana nezvandainge ndamboona pekutanga asi ndaingoona the same thing. Asi ko iyo nhumbu yacho ndainge ndaiita nguvai ini ndaigara ndichinwa mamorning after. Ndakambo gara pasi nekupererwa ndichishaya kuti ndaizoitanga nyaya yacho kuna Prince. "Camilla🗣️Camilla." Ndakavhunduka ndichinzwa ndichidaidzwa namhamha. Ndakatora kapregnant test kaya ndokuka pfekera pasi pembatya dzangu ndokuenda kwandainge ndadaidzwa. Mom:Ko kuzenge maziso akaita red chii nhai mwanangu. Kasi wauchichema Me: Haa kana mhamha. Maziso angu anenge akurwadza aya mhamha Ndaidaro ndichikwenya kwenya maziso angu ainge akuto buda misodzi chaiyo kwete yekunyepera. Sure ndaitangira kuudza vabereki vangu nezve nhumbu iyi ndiri payi chaipo. Ko iye Prince aizoibvuma here nhumbu yacho iye aiziva kuti ndainwa mapiritsi ekuti ndisaite nhumbu. Ndakavhunduka zvekare mhamha voti Mom: Zvaanenge akunyanya kubuda misodzi yacho wani. Achiri maziso akurwadza here kana kuti wakuto chema Camilla Me:Kana mhamha kungoti nhasi akunyanya kurwadza maziso acho aya. Dei zvaibvira manditsvagira kamushonga kaya kamuno sipa Calvin pamwe zvingaite nane. Ndakadaro kuti vasave nekufungidzira kuti ndainyepa. Amai vangu vakabva vato wedzera kuita worried zvisingaite vachibva vato mhanya mhanya kutsvaga kamushonga kaye. Pavakakawana vakabva vandiisa mushonga uya mumaziso. Ndakamboda kuramba ramba pekutanga nekuti zvaigona kuzoita kuti maziso angu arwadze zvesure asi munongo ziva vana amai nemoyo weku bereka wavo vaito kumanikidza chete. Chimwezve chavainge vandima nikidzira ndechekuti inini kubva ndichikura ndainge ndiri munhu uya aive nehushingi hwekuti nyangwe ndikanzwa chakati ndaisanwa mapiritsi kana chii zvacho zvaingo zopora zvakadaro. Pandaizonyanyo rwadziwa ndaisaudza mumwe munhu asi ipapo ndipo pandaizoudza Jesu. Kazhinji amai vangu vaizozvi noticer kana ndichinge ndarwarisa ndopavaizondi bvunza kuti ko chii chainge chanetsa asi vaitozoita kundi batira shamhu chaiyo kuti ndizo taura. Pavakapedza kundiisa mushonga uya ndakabva ndati ndaida kuenda kunorara asi ndaida hangu kuenda kubath kunogeza mushonga wandainge ndaiswa. Ndakanogeza mushonga uya ndokuzoenda muroom mandairara ndokutora pregnant test iya ndokumbo tarisa fut ndokuona zvinhu zvimwe chete. Ndakatangidza kuita fut zvandainge ndaita pekutanga maresults achibva ango buda akafanana nepekutanga. Ndakambo pinda mumagumbezi rakacheka nyika ndokumbo chema ndakadaro ndokuzo muka ndakufunga kunoudza Prince zvaivepo. Ndakangoti chauya chauya chaiona ini. Ndakatora kabag kangu ndokuisa chimwe chisaga ndiye kabag kaya kumusana. The reason yandainge ndakaisira chisaga ichocho ndeyekuti ndaida kuti bag racho rifute muite kunge mainge mune mabooks. Ndakada kutakura mabooks chaiwo asi simba racho rekuma takura ndorandainge ndisina. Nguva yacho iyi ndainge ndasarirwa neabout two months b4 writing my O'levels. Ndakabuda muroom mangu kabag kakato futa futa bho bho ndakabata tuma pen two mumaoko kuti zvityise asi ndakavhunduka ndichiona baba vatouya vakagara mulounge apa ndomaive nedoor rekubuda naro. Me: Maswera sei baba. Baba: Taswera maswerawo amadhuve mafungepiko nebag renyu rakaita kufuta futa kudaro kunge mukuda kutizira. Kuti ukuenda kuchikoro iy ewe 🤨. Imbo budisa zvirimo tione kuti munei. Hana yangu yakaita kunge ngoma chaiyo ndichibva ndati zano nderipi panapa ndokuti. Me: Aiwa baba mubag mangu mune zvinhu zvevasikana hazviite kuti muone Baba: Garazviya amai vako vaitombo vawo musikana saka hapana chingandi vhundutsa hangu. 🙆‍♀️ndakango ramba ndaka sticker ndokubva ndatarisa mhamha neziso rekuti ndipindurireiwo baba asi amai vangu vaitotya baba zvisingaite. Kubva ndichikura week raisapera amai vasina kurohwa. Izvozvo ndizvo zvimwe zvaiita kuti ndityewo kuzoudza Prince abt the pregnancy nekuti ndainge ndisati ndagadzirira kuzorohwa sezvaiitwa mhamha. 🤦‍♀️ Ndakazo karuka ndangoti Me: Baba mubag mangu mune ma... ma... manhingirikini akashanda so ndikuda kupfura ndichimarasa pama rhabu. Baba: Hazvina hazvo basa hazvisi zvinyowani. Mhamha: Iii nhai ishe wangu zvingaite here izvozvo Mbama yavakarohwa ipapo yakaita maungira zvekuti neniwo ndakavhunduka nekurwadzirirwa amai vangu😣 Baba: Kakangani ndichikuudza kuti usapindure kana ndichitaura nemwana heee. Mhamha: Sorii papotseka. Vakadaro vakabata dama ravo ravainge varohwa uku maziso atoita red. Edei baba vangu vaiziva kuti zvaindirwadza sei kuona mai vangu vachirohwa vaisambo daro havo 😟. Baba: Ndozvaunongoita everyday izvozvo mai Camilla ndakuudza nguva yareba nhasi ndikuda kumbo kugadzirisa. Ndiwe unodzidzisa vana kusandi teerera iwewe. Vaidaro vachisunungura bhande ravo. Pandakaona kuti pano zvatosha ndakabva ndatongo buda mumba ndisina kuoneka. Ndichango buda gate ndakanzwa mhere yaamai vangu moyo uchibva warwadza ndichibva ndambo mira ndakadaro. Pandakanzwa mhere yowedzera ndakaita kubaiwa pamoyo chaipo kunzi dyuu💘 ndichibva ndanhonga dombo rainge riri padhuze neni. Ndaida kuno tema dhara iroro raishungurudza amai vangu asi ndakutoda kupinda mugate ndakafunga fut kuti baba vaiwanzorova mhamha zvakanyanya kana ndiripo ndichibva ndakanda dombo riya kure. Ndichangobva kurikanda kure dombo riya ndakaona Tonderai kamwana kepanext pedu kakakwira pamusoro pedura hall ravo kachibva kati Tonde: Tendekai Tendekai vatanga vanhu vaye apa nhasi vakuroverana mulounge saka huya tiwone zvese. Tende: Aaa iwe tozoona rimwe day ravanorovana nekuti mhamha vakati tisakwire durahall. Tonde: Hatimbo kwire padurahall iwe ndakaboora durahall ravo saka toona zvese. Ipapo ndakaona vese vobuda gate. Tonderai naTendekai vaiva matwins. Vainge vari kuma around 3 4 yrs ikoko. Ndakawedzera kurwadziwa zvisingaite ndichito funga kuti saka nevana nevana vainge vachizviziva kuti amai vangu vaigara vachirohwa nababa. Ndakawedzerwa hasha ndichiona tuvana twuya tuchinatsoratidza kuti twaivarairwa zvisingaite twuchiona firimu remahara. Twaiita kuchinjana kutarisa nepaburi ratwainge twaboora. Ndakatunyangira ndokusviko turova tuvana itwotwo. Kuti nditi ndakaturoverei ndakato zvishayawo ini. Ndakatu binha zvekuti ndega ndakato sara ndichirwadziwawo nazvo. Ndiyo imwe yanga iri weakness yangu iyoyo. Ndaiti ndikaita hasha ndaisafunga kuti zvandiri kuita izvi zviri ryt here kana kuti kwete. Seipapa ndainge ndakuto pedzera hasha dzese patuvana itwotwu. Pandakatusiya ndakatuudza kuti twusanotaura kuti twainge twarohwa neni. Ndaiziva kuti mai vacho vaivava zvisingaite asi it wasnt the least of my worries at that tym. Vakandi bvunza kuti ndainge ndaroverei vana vavo ndaingo vaudzawo kuti vainge vaboora durahall redu. Anyways ndaka continya nerwendo rwangu rwandaienda rwekwana Prince. Ndakuda kusvika hana yainge yakuchi rova zvino. Ndakamboda kuti ndimboudza Mwari kuti ini hangu ndagumirwa chitangirai pano asi ndaiti ndikafunga zvandainge ndabva mukuita ndaito nyara kuenda pamberi paMwari wacho ini. Apa muone ndainge ndadzikira mukunamata madays iwayo zvekutoti Satan aito funga kuti ndatove wake zvachose little did he know that *I will forever rise*. Nomatter hw many times pandaidzikira in anything be it my school work or pakunamata ndaimaker sure kuti ndadzokera panzvimbo yangu chaiyo. Ndaidonha ndichimuka and some older pple would tell me kut Camilla you have a fighting spirit. Ndaive munhu ane hushingi Ndakaudza Mwari wangu zvandaida ndichibva ndagainer confidence ndichisvika kumba kwaPrince. Chaizondiona chaizondiona ndasvitsa hangu shoko renhumbu yake. Kana kuri kuti ndaizoraramawo hupenyu sehwaamai vangu ndaizongo raramawo nekuti kana ivo vaigona kurarama hupenyu ihwohwo ini ndaizo hutadzawo sei. Asi baba zvimwe zvavaimboita so🤦‍♀️ little did he know that he was also affecting isusuwo vana. Nguva yacho iyoyo ndainge ndichiri mwana so ndaito shaya kuti ndaivaudza sei kuti zvamukuita izvi hazviite. Ndaizongo gumira mukuzvichengetera mumoyo ndonyarara asi ndine shungu mumoyo mangu. Kuzvichengeta kwandaizviita mumoyo I think ndiko kwaiita kuti ndiite hasha chaidzo mukurarama kwangu Anyways back to my story........ End Of Chapter Matthew 11:28 Huyai kwandiri imi mose makaneta makaremerwa. Ini ndichakupai zororo Happy Sunday... Like like like
❤️ 🙏 😢 👍 💞 😂 15

Comments