Joseph Simango novels
January 22, 2025 at 10:07 AM
NEW BOOK NA RUEE NOVELS ONLINE https://whatsapp.com/channel/0029VaoreZEBA1evnQmtom03 USASARE HUYA UGARIRE KU CHANNEL KUNE VAMWE ... OUR MAIN GROUP https://chat.whatsapp.com/JdkzgWhRKp0AGv31TW0DrA TANAKA🧎🏻‍♀️🧎🏻‍♀️🧎🏻‍♀️ STORY BY RUEE NOVELS ONLINE #not edited CHAPTER 1 "Hehe ukuona sadza rese rasara here iri iwe ,tora rese uuye naro pano apa pamberi pangu ugadzike tone"ndakatora sadza riya,ndainge ndabika kudya kwemanheru ,asi sezvineiwo vanhu havana kupedza sadza mumaplates avo ,zvino naTete vangu yaibva yaita mhosva chaiko ....ndakatora sadza riya ndokuenda pamnberi pavo sekureva kwavainge vaita ... "Gara pasi ,ndoda uridye sadza irori rese zvaro upedze ,pano handina food inoraswa,unoshanda here iwwwe ,wajaira kungokabira pano ,inj l don't waste food maimwana idyai zvenyu ",ndakaramba ndakatarisa sadza riya,apa rainge rakawando.kuoiko kunyobvorwa nyobvorwa kwarainge rakaitwa ,mongosiya sadza radyiwa rikasiiwa mm ndaitosema ini,,,ndakaramba ndakatarisaka ndichit pamwe varikutamba asi kana vaitorevesa "Tete sorry ,,sis Linda ndovanditi ndibike sadza hobho vachit vanenzara " "Ukupindura inini here hehe unonyepa iwe ridye"ndakatanga kuyeredza kusodzi ndotimba kudya sadza riya,ndaiita kudya ndakavhara maziso chaiwo "ehee good idyai maimwana momboziya here kuti choshandirwa chikafu ichi gege haa inga mama monakidzwa"aiva mwana wava tete vangu Linda,uyo wandainzi ndidane kuti sis Linda,zviya zvekut ini ndiri amai kwaari pahukana pano zvaisashanda sekudaro .... Tete ""ahh kokutyei gege ,zvotedzerwa here ,sure mnhu kubika zimugomo resadza kudaro,pedzezve okunyepera kuti ndiwe wati ubike ,,,ngaaridye"vaitaura havo ndichipakira sadza riya ,ndakangonzwa kumira moyo ,ndokusimuka ndomhanya panze kunorutsa,haa zvaisaita iiii .... Linda:::"nhaiw Tanaka ska ndokushusha kwaunoita mai vangu pano here uku ,,ndazozvionera ndega ko ukurutsirei sadza irori ,,plus were you really expecting me to it that rubbish you cooked ,nxa go in my room ,take some noodles in my handbag and make them for me and mama "ndakangofushira pandarutsira,ndokumhanya kunotora zvandainge ndanzi nditore,ndakadzokera mukitchen ndikawana mai nemwana vakagara havo vachiseka chikwee Tete:::"honai iri mhepo yedzinza ukudei muno " Linda:::"no mom kkk ahh mama ndamuti abike ma noodles tidye ini zvesadza you know zvondinetsa" "Hoo oky ,,ehhe itaika fast mai boi ,chop chop musarenda maoko"ndakavabikira ndokubva vadya ndakatarisa kupedza kuti tsvai ,ndakatora maplates ndokubuda panze ndonosuka,everyday ndaitorarawo ndasuka manheru kuitira basa risandiwandira kuseni ,,,, Zita rangu rekuberekwa ndinoitwa Tanaka ,ndrimusikana anemakore 24,,,mukukura kwangu kose ndaingogara nava tete vangu ,baba vangu vainge vakashaika ndiri mwana ,amai vangu ndaisava neruzivo ende hapana aimboita hanya nekundiudza ,,,, Taingogara tiri vaviri sezvo vana vavo vese vari vaviri sis linda na Lydia vainge vakawanikwa kudzimba dzavo ,avo ndivo vaiva vana vaviri vatete vangu ,,Linda ainge akawanikwa nemurume shoroma chaiyo ,yekut ikatsika apa munonzwa mega kut pane vasvika ,murume wake kumhuri yavo vaiva nemari yekurevesa,vaitogara kudhoroba,zvino apa Linda ainge auya kuzoona mai vake achivasiira mari zvose nechikafu.. Uyuwo Lydia ainge akawanikwawo,asi murume wake aisava nemari zvake,vaingovawo vanhu varrinani,chero mai chaivo vaichengeta havvo plus Lydia aiva nemoyo wakanaka pana Linda na tete ,,mmm vaviri ava kana varivose saipapa ndaichiona ende ndaitsvukira ,,, Kuseni ndakamukira mabasa angu ose kuchera mvura ,zvese hapna chandaisiya ,ndichipedza ndakabva ndabika hangu bota ,ndokusiya raita ndobuda kunotsvaga huni,taigara muno ma Gutu hedu side rekudewure iro ,ndakapinda munzira ndotsvaga huni dzangu ,handina kunonoka ndakabva ndatodzokera kumba zvekut ndakasvika Tete nemwana wavo vasat vatomuka ...ndakabva ndatopakura rangu porridge ndokugara pasi pemuti ndodya ..... "Tanaka" "Mhaa"ndakabva ndasimuka ndomhanya kwavaiva,ndakasvika mai nemwana vavete zvavo ,,,, ",mandidana ndauya" "Nyenyenye kudii ,ska ukuti hatis kuiva ndakudeedza wabikei ndine nzara"aiva Linda ,,tete vaingozhinya varipaside "Bota rinedovi " Linda :::"yuhwii uchanyadzisa iwe bota kudiikowo iti porridge aya mama ndinzwireiwo mashura aya " Tete:::"uchit pane chozikanwa here ,ndiwe wakutoda kumupandutsa ,,,eeeh mm iwe Tanaka wapedza basa here .." "Ehe zvese ndapedza" "Oky isira mwana wangu mvura yekugeza anodzokera nhasi kasika anoda kutopinda paroad"iii ndakanzwa kufara ,Linda waindibhowa hutsinye hwake hwainge hwakanyanya,pose paaishanya kuno.ndaiita sendichachema,mugoona murume wacho chero paamire chaiko haaa,pamudzimai wakawana kwini Jezebel chaiye .... "Ehh clean my car while am bathing"vaidaro sis,ko chirungu ndopaiva pamuzindaka pacho ,ndakangogutsirira ndokuita zvarehwa ,mota here aiwa mota,ndakaikwenezvera chaiko,zvekuti vema car wash vanosara pasi vaya,ndaiigeza ndofarira kuenda ,kwavo atleast na tete taipedzerana Hada zvesure vakabva vambumurawo mhute vachienda sis Linda ,,,tainge tamira zvino pachivanze na tete tobhabhaisa mota ichienda .... "Ska chaurikuzhinya ipapa chii ,ibvapa enda unosuka uko " "Ahh kk ndikufarira kuti vaendeka haiwa tete mwana wenyu mutoro uyu ini ndida Lydia mnje haa uya dai akambouya"ndaitaura ndoruma ruma tunzwara ndakamira kure navo Tete::"mwana wako ,unoda akunakidze nani ,kapwere ,kasika kubika tea uko ,ndotoda dazzle Linda aakugadzike mudish ,neni unombomera mapapiroka,mnje zvikupera ndoda kuonda unetsenga sadza rani,nhasi ,nyenye Linda handiti ndiye akuita udye uite chivakashure,kukura kudai ndiye nxiii satan" "Ahh tete,chivakashure ndagara ndaivanacho kubva kare ini haaa iyewani Linda haana haa zvakaoma.tete ,apa nemari iya kubva aita kushaya kuda,,,,,"ndakazombopedzesa here ndaripotserwa naro push ,ndakabva ndatoti tande kumhanya kutiza ... Tete ::+"uuye hako ubike tea "ndakatoseka hangu ,ehe tete vainakidza kudenha havo ,asi vaiti kana twekwavo tasvika ndaichiona ,hutsinye zvavo ndopaiva pa headquarters pawo ,Kungoti ndazvijaira izvi ska haiwa ma small small aya ,,,,, Linda .... "This is no longer funny,urikundibhowa Linda,chinguri ndakati imbodzokera unorairwa haudi ,ini zvekugara nechapa mumba handide ,imagine hee pane chandisingakupe here vasikana vacho vebas haudi ,zvakazara mupfungwa kuti hee vanonditorera murume ,Ehe kana usingagonika kuchengeta murume anoenda zvesure ,ndrikukupa 1 week unenge waita plan or else kumusha kunamama todzokera"ahh zvakaoma nhamo yangu ini ,,akabva atobudawo zvesure mwana wavamwene oenda kubasa ... Varume vanonetsa waanoda kushandisa ndian ,hee ndibikire sadza ,hee hembe nyatsowacha ma shirts machine hais kuchenesa nxaa ,waanoda kuita dhongi ndian ,inga ndrikutomboita wani ,,imagine inini Linda kuitiswa boy no way ahh never ,plus zvevasikana vebasa ndaisada hangu nemunaku wemurume wandaiva naye plus mari haa ndaitorerwa handsome yangu ..... My name is Linda am 26 ,and married to my lovely husband Casper ,nemudiwa wangu tinodanana chaizvo ,he loves me alot ,but recently tainge tonetsana nyaya dzebasa nekut mdakadzinga maid aivapo umm ndaisamutora mushe ma action ake aitova emunhu aida murume wangu chte,ska ndakabva ndatoti basa ndoita ndega ,,saipapa ndichangobva kumusha now,ndakutosangana nemunhu achi complainer.mnje ndezvake pano ,hapana maid anouya ,kuda kundihurira nema low lives mnje ini never,toita iripo ,zvandakwanisa kuita unblock ndozviripo ,,sadza raanogaro chenera tongoita rekutengaka,panekuti ma nails agu apararenezvisina basa ... Ndakabva ndatotora phone yangu ,ndofonera mama kuvaudza ndasvika ndafamba mushe,,,ndakatoseka ndonzwa vowanzira Tanaka nxa chimwana chaindisvota kani ,koiyo tsvina yooo... End of chapter How mny reactions for Tanaka
❤️ 👍 🙏 😢 😮 😂 😭 🩵 29

Comments