Rue M Novels
January 18, 2025 at 06:02 PM
https://chat.whatsapp.com/GAihlXCGiTFECab3MDRMmX
*FEARLESS ATTRACTION*
WRITTEN BY:
RUE M
https://wa.me/+263788357900
AND
L.T. MAHACHI
O775O72O31
CHAPTER 19
MAI PAMELA
Ndakazonosiiwa kumba nababa namai Musasa kunze kwave kutotanga kuchena. I was so happy that we were still in good books, kasekuru kekuzvirovesa aka ndiko kakanga kave kutondikanganisa maplans angu nenyaya yekuti I had to visit him to the hospital panguva yandaifanirwa kunge ndichironga zvekuperekwa kwemwana wangu. Ndakatomborara nguva yandakasvika pamba and around midday ndakaona notification yemari yakanga yabva kuna VaMusasa. Kaitove kamari kakanaka, before I could call ndichibvunza kuti imari yei vakabva vasender message vachiti yakanga iri yekuti nditengere sekuru mafruits nejuice sezvo ivo vakanga vasingakwanise kuramba vachienda kuchipatara uku. Vakabva vadzokorodza zvakare rekuti they will take care of the hospital bills. Handina kuswera ndichitambisa mari ini, ndakangobika mapotatoes ane tomatoes and onions ndokubva ndaisa mulunch box kwave kuenda kuchipatara kuya. Ndakanosvika muromo wati sererei but musharukwa vaionekwa kuti vakashandwa nevakomana. Vaiti havo pain yaive nani sezvo vaipihwa mapiritsi.
Mapotatoes andakanga ndabika akavanetsa kudya vachiti mazino avo aiteta kutsenga. Nguva yandakanga ndave kuda kuonekana navo ndave kuda kunoita zvine basa vakataura vachiita kakundandama vachiti,
Sekuru : Apa muzukuru wotondiwedzerawo imwe mari. Kusakadzwa kwandakaitwa muviri wangu uku inyaya dzako!
Ndakatanga ndaita kakuseka so ndokubva ndazoti,
Me : Sekuru muri so funny, ndinokupai mari yei sure? Ndini ndakakurovai here? Denzel ndiye ari kufanirwa kukupai mari!
Sekuru : Usaite rough yakadaro muzukuru, fungai mamhanyiro andakaita kuti mari iuye mumba mako. Une masausendi muzukuru, ndiwedzerewo kana two hundred zvayo.
Me : Munoiziva imi two hundred mukaiona? Ininhongwa? Saka makatozviita intentionally ka zvekuti munzwikwe muchiitira kuzomora mari kwandiri. Sekuru tinoda munhu anotenda, handina chikwereti chenyu ini. Mari yandakakupai ibonus ka chaiyo yakauya pakati pemwedzi.
Vakandivhurira maziso vachiratidza kugumbuka kwakanyanya ndokubva vazoti,
Him : Pandaikubatsira ndaifunga kuti une moyo. Maitiro ako aya ave kungondituma kunoudza Denzel chokwadi chese tione kuti zvinopera zvakanaka here!
Ndakada kuvaitira hasha but ndakakurumidza kuzvidzora. Ndakavabata ruoko kwave kuvati,
Me : Chiregai kudaro Dhehwa, imboteererai nyama muchirapiwa zvemari izvi tozotaura zvedu kana mabuda muchipatara.
Vakangondibuditsira chimwe chisound chandakanyatsobata kuti chaireva kuti vakanga vasina kugutsikana nezvandakanga ndataura. Ndakabva ndatochinja nyaya paya ndave kuvabvunza kuti,
Me : Saka ndophonera here mbuya kumusha ndivazivise kuti hamusi kunzwa zvakanaka.
Him : Kwete, vanoita stress! Ndichazotaura navo ndabuda. Handifunge kuti ndinomboita mazuva akawanda ndiri muno.
Ndakagutsurira musoro ndokubva ndatarisa time paphone pangu, ndakazovati,
Me : Nguva yekuti ndichibuda muno yakwana sekuru, ndichadzoka manheru. Ndokuvigirai chii chekudya? Zvamati mazino ndoita sadza kana neLacto?
Vakadaira vachitaura senge munhu akanga asingadi vachiti,
Him : Sadza handingamborimedze, unouya nemaheu. Unotsvaga aya akanzi Pfuko.
Me : Zvakanaka sekuru....
Ndakavaoneka zvangu mumusoro mangu mave kubikika rimwe zano. Kakanga karatidza kunzwisisa zvako but pfungwa dzako ndakanga ndadziona kadhara aka. Zviya zvinonzi muvengi wemunhu mukuru asingafariri kubudirira ihama ndakanga ndazviona ini. Kutokanganwa kuti vakabviswa kumusha kwavaiswera vachiteya mbeva nekuchera makurwe nemwana wangu avatsvagira basa nhasi vave kuda kundinetsera mari yangu kunge zvinonzi ndivo vane mwana akafa! Dhemeti mhani......naivowo vaitofanirwa kufa. Ndakanga ndatoona iri iyo permanent solution because dai ndaivapa two hundred yavakanga vataura ndaizorarama ndiri muranda wavo vachingondidya mari chete pavadira. Ini zvekufa kwemunhu hazvichandityise hangu, fanika ava vatochembera zvavo! Haiwa, wangu mwana akanga aine mukaka pamhino akangoenda zuva rakacheka nyika wani!
Ndichibva muchipatara umu ndakapfuura nemutown kuzvimashops zvinotengesa mishonga yemumunda ndokubva ndatenga mushonga wecotton wandinoziva wakambonwiwa nevamwe amai muraini medu tichiri vasikana vakafa. Ndakabva ndatenga zvakare zvigubhu two zvemaheu avakanga vati vanoda. Ndakafara pandakasvika pamba Prudence asipo. Ndakavhura chimwe chibhodhoro chemaheu ndokubva ndatomboita huro dzakati oooh kwave kuzadzisa nemushonga uya. Uyo wakanga wakanakira kuti haunhuhwe and color yawo yakaita semukaka saka mumaheu zvakasangana zvakanaka. Ndakatogara ndarongedza last meal yasekuru mukabag kangu kandaizobuda nako and 5 dzevisit yemanheru dzakakwana ndichitopinda muchipatara. Ndakananga muroom mavo ndokuvasweresa ndichisekerera ndave kutovhura maheu aya. I helped him to drink and vakatoti,
Him :Wagona wauya nawo asingatonhore, mazino angu kani. Handizive kuti achazoita right here.
Akanga aine nzara nenyota chokwadi mukuru uyu, haana kumboita nguva asati apedza maheu ake. Ndakaramba ndirimo zvangu ndichida kuona maresults enyaya yangu yandakanga ndatanga iyi. About five minutes later vakanga vave kurutsa. Ndakaramba ndakatarisa zvangu ndikanzwa mhepo yashata muroom muya ndikaziva kuti vakanga vave kubuditsa nekwese. Ndakanomira closer to the door ndokubva vasimudza ruoko rwavo vachiita kunge vaididaidza but ndakaita sendisingavaoni. Pandakaona vave kuita sevanogwinha ndakabva ndafambisa ndichibuda chigubhu changu chemaheu ndakabatira mumaoko.
ETHEL
I was having a slow day ndiri pamba since ndanga ndine off. I had not heard a word from Denzel. Aive akatobva online nguva dzaakaisa message the previous night achiti ave pagate auya kuzonditora. I tried to contact him but phone yake yaisadavirwa, his phone was always on silent and the fastest way to reach him was through Pardon. I thought of messaging him ndibvunze kuti sekuru vakazodii asi ndakangosiyana nazvo ndichiti Denzel achataura neni aona macall . Ndichiisa phone yangu pasi pakabva papinda text message from Denzel yakanzi,
Message: I will get back to as soon as I can amai Musasa, I'm negotiating about our future with your brothers.
Kungoverenga chete, ndakabva ndaita energy kunzwa kuti day rangu rave perfect. Kutoita wife material chaiyo, kucleaner muroom mangu, kuita laundry nekugeza ndiri mugood mood but something was nor right.
"Love is in the air, " vakadaro maiguru vanzwa ndichiridza malove song nonstop ndokubva ndati,
Me: I got a question maiguru.
Her: Shoot.
Me: Do you think I am normal?
Her: Ahhh?
Vakaita "ahhh?" Yekutopererwa ndikati,
Me: Yesterday night ndakaona Denzel achisakadza sekuru vepamba pavo mercilessly, without even fear of death...but I'm still in love him.
Her: He had a reason to beat him remember...
Me: Even though, aingofanira kuvadzinga basa.
Her: We handle situations differently and what Denzel did...didn't change your feelings because you love him with all his flaws. You love him truly that's why you are not shaken.
Me: I don't know.
Ndakadaro ndichidzungudza musoro zvikanzi,
Her: Ethan anga ane past iri ugly and you know it. Ini nekuti ndaimuda handina kumbotarisa zvese izvo, I wanted my man as bad as he was.
Me: Speak of the devil...
Ndakadaro phone yangu ichipinda call from Ethan ndichingoti hello akabva ati,
Him: Are you pregnant?
Me: What?
Him: You heard me right Ethel, are you pregnant with Denzel's child?
Me: Where is this coming from?
Him: Just answer the damn question!
Aitove nehasha mukomana but I just thought kuti Denzel anogona amunyepera since anga aenda kumatalks. I trusted Denzel wholeheartedly saka ndakangoti,
Me: Hmm, hatikwanise kuzvitaura kumba here?
"Ane nhumbu uyo!" I heard Jayden achidaro kubackground ndokubva ndazongobvumawo kuti nhumbu iripo. Ethan angrily ended the call ndikaseka chaiko.
Elsie: Are you pregnant?
She was in disbelief but maiguru ndaisavanyepera ndakabva ndavati,
Me: No Denzel aisa message achiti ari kutaura naJayden and Ethan so anenge anyepa zvenhumbu to speed up the process nekuti Ethan abvume kuti tigare tese as soon as possible. Ethan anofanira kutobvuma this time around for the sake of my baby and I. He will have to accept Denzel, don't you think?
Her: My poor husband.
Ethan sent a message yakanzi,
Message: Tichazotaura nyaya yacho manheru ndadzoka.
An hour later Denzel called me achiti ahwinha Ethan and I was like,
Me: Did he say yes ?
Him: He didn't but he said if I break your heart, he will cut my balls.
Ndakatoseka ndichiti,
Me: Is that an approval or a threat?
Him: Zvese zviripo! He won't have a problem with our relationship as long as ndichikubata bho , that is an approval.
Me: I am happy for us then.
Him: Be happy for myself iwe unogona kutoshurwa big time nenyaya yenhumbu yawabvuma.
Me: What was I supposed to say Denzy?
Him: Wati Denzy?
Zvakamuitira funny kutokanganwa nyaya yataitaura ndokubva ndazobvunza zvasekuru zvikanzi,
Him: I don't care about that old man but I heard he is recovering well.
Me: We thank God.
Him: "We?" You and who my darling?
Me: Pardon, I guess.
Him: Ndakatomunzwira tsitsi mudhara uya.
Akatombondivaraidza Denzel ndikazobva pamba masikati ndakuenda kunorukwa. Iye Denzel paakangonzwa kuti ndiri mutown ndokutoti awana opportunity yekundiona ndokuuya kuzonditora kusaloon and ended having an unplanned sundown date. Takadzokera kumba kwedu tese and this day I allowed him in. I wanted to introduce him properly kuna maiguru. In my mind I thought Ethan was still at work but I was surprised ndichimuona ari mumba cuddling with his wife.
Ethan: What happened to basic etiquette? Knock before you enter!
Me: Good evening...
Akandidzvokora ndikati,
Me: This is not your bedroom and I'm not a visitor here...
Ethan: And that tall man besides you?
Me: He is our guest bro.
Ethan: I think your guest is fond of me, kubasa anga aneni ikozvino anditevera kumba.
Ethan enjoyed bullying Denzel asi munhu wacho anga asina pressure naye. Maiguru welcomed him in and we dined together. Everything was going on perfectly paive pangoshota vabereki vaDenzel but it was okay. I was content with the improvement, Ethan kudya naDenzel pasame table peacefully? That was a miracle worth testifying in church. However our happiness was cut short after receiving a call from a new number and the caller was mai Pamela. I knew it was bad news pavakangoti ndimai Pamela. Ndakabva ndati,
Me: Ndingakubatsirai nei?
Her: I heard you were there when your boyfriend was butchering kule?
Me: What do you want from me?
Her: Zvamaida zvakaitika ndangoti ndikuudzei kuti sekuru havasisiko and thanks to your boyfriend.
Me: Kule vafa?
Denzel akabva atora phone yangu mai Pamela vakati,
Her: Chandakamutadzira chii Denzel? Mwana wangu akacheka nebanga kunge huku achipedza kuripa ondipa rimwe ronda, kundiurayira hama yamai vangu yega yanga yasara....
Vakabva vatanga kuridza mhere paphone Denzel akacutter achiti,
Him: This can't be true.
Ethan: Why are you panicking? Did you do something to him?
END OF CHAPTER. .....
Please note FEARLESS ATTRACTION is going to be on sale from chapter 21 for only......
*From now until Wednesday 22 January 2025*
~$1.50usd Ecocash or Innbucks
~100ZWG Ecocash/Transfer
~30rands ott/1for you/blue voucher
~2usd Econet Airtime
*From Thursday 23 January 2025*
~2usd Ecocash or Innbucks
~ZWG you inbox first for price
~40 Rand ott/1for you/blue voucher
~Airtime inenge isingachatorwe
*Ecocash/Innbucks number*
~O77799O714 L.Mahachi
Mavoucher and scratchcards munoisa panumber dzeproof of payment. Do not WhatsApp the Ecocash number.
*FEARLESS ATTRACTION* richange richiverengwa neBoomstory/Boomreader chete. Hapana option B.
After payment send your proof to O775O72O31
Thank you in advance👏🏿👏🏿
No Refunds!!
❤️
👍
😮
😢
🙏
44