Mama Ree Novels🇿🇼
February 8, 2025 at 04:04 PM
https://chat.whatsapp.com/LBdq5eKzdlG5Hx62PSdu9Q
https://chat.whatsapp.com/HSd1zdua5xBAlx3RbcU1sS
https://whatsapp.com/channel/0029VakhBWjK5cD96R5nGM1t
*Written by Pastor Rebecca aka mama Ree :Book 5*
*0643594545*
It's a free book read, comment and share our channel link
*(short novels)... Book tittle*
*CHANGED DESTINY*
*CHAPTER 24*
*LISA*
Moziva pakasundidzirwa mbuya va mermaid vakanodonha ndokuti zii kwekanguva ndakatofunga kuti vafa ini... Asi ndakatora mvura kwakuvadira uyuwo Amos kana kuvhunduka aitoita kunge agarwa hake..
Amos... Mukai mundipe mari musanyepedzere..
Mai Amos... Maihwee kani ndourayiwa ndoda kuudza hama dzangu dzose ucharipa hako....
Vakada kusimuka ndokutadza haa vakarira vakabata gombo... Zveshuwa kuribata kudai ndakanzwa richigugudidzika...
Me... Amos mira kudaro hatiendese mai kuchipatara..
Amos... Mai vani muroyi ngavangozvirapa manje zvafumuka ndaitofamba ndichiudziwa kuti munondiita murume husiku ndikazviramba asi now ndakuzviona...
Me... Imbomira kudaro hona vakuvara..
Amos... Mari iripi
Mai Amos... Iripasi penguwo dzangu dzemukati
Akabva aenda kunotora marii iya.. Handina kumira kuti abude nemari yacho ndaiziva yainonwiwa yose.... Saka ndakamutevera mumba
Me... Eeh tione imarii
Amos... Ko iwe wakuidii
Me...i came up with that idea saka ndogona kuzvivharisa..
Amos... Iyi handina kuramba ini..
Ndakaipihwa yese ndokumupa imwe shoma...akamboda kuti hee hee ndikati ahusiriwe wakazvifunga kunze kwekuti kana wakuda kuti mose muite varwere pano.. Ndaive ndoda kumutomurova chaiko... Ko zve violence handina kuzvitanga now kaa kubva kare chero bhodhoro ndocheka munhu naro...ndakazomuudza abude nemwana sezvo moms vainge vakuvara hapana aisara naye ndaida kumbonofarawo...
Amos... Better tiende tese shar ndotakura hangu mwana wacho
Ndakaona zviri wise kwakubva tabuda hedu kuenda kudoro.. Ndainge ndagarisa aah ndiri mucage nxaah merechi yakadhakwa.... Vanhu vakashamisika asi handina kunetseka nazvo coz handiti ndovaida mwana... Ava mai Amos takavasiya vachigwesha.. Takazodzoka pakati pahwo husiku kuwana vasipo sevanhu vaive vakabatwa nedoro takarara... Kuseni ndokuzoziva vaive vatorwa na neighbour wavo kuenda kuchipatara...
Vakaita mazuva variko tikabvisa mari yekuti gumbo ribviswe hameno vaive vadambuka bhonzo muhudyi chaimo... Moziva kana nanhasi l cant believe kuti just kungopushiwa kwakaita vabve gumbo asi eeh pamwe huroyi hwavo vanhu vavakauraya vaive voita revenge... Takazotsvaka madondoro... Hama dzavo dzakauya pakaita dare..
Sekuru.... Tauya taura zvakaitika kaa mai Amos tinonzwa vanhu vanoti wakadonhedzerwa pasi na Amos
Mai Amos... Vanonyepera mwana wangu ini naye hatina dambudziko
Ndakagumirwa mai ava kuda mwana wavo hre or kkkkkk shuwa vakufamba nemadondoro asi voti havana zvavakaitwa
Sekuru.... Saka chiii
Mai Amos... Hanzi ndakaita nhuta yakatangira mukati saka yaindidya
Sekuru.... Handiti nhuta inoonekwa kunze hre
Mai Amos... Ndosaka ndati mukati inonzi English nhuta kwete yenyu ye chishona
Vakambozama asi zvakashaya basa vakabva vaenda havo... Ndaive ndogara ndichibuda hangu kuenda dhorobva kunofara mumabhawa echirungu... Mari yema pills yakapera kt gumbo risaite pain... I suggested kuti vatengese umwe munda futi... Coz vana vavo vekunze vakati kusvika masungisa Amos tokubatsirai ivo vaisada...
Mukunonwira kutaundi ndaisanganawo nevarume vekuti vainditsvetsva ndaipedzisira ndabvuma coz kumba kwacho haa nguva zhinji ndaive ndisisagareko... Rimwe zuva ndakanzwa mhere kumuka kudai wanikwe mombe mbiri dzamai Amos dzakati rabada mudanga...
Haaa mayi yakachema iyoyo.. Vamwe vakati maybe dzadya mushonga.. Ndakazoona kuti handina chekugarira pamba apa inhamo after nhamo.. Musi wandaive ndakutiza ndawanawo kadhara kangu ndopandakasangana na Malcom..takakwazisana akange andikanganwa ndakazomuudza kuti ndini ani
Malcom.... Ooh ndaive ndisina kumbonyatsokutarisai kaa pose apo ko kudzikira huzvere hre
Me... Ehe asi haa ndakutopika now coz ndazvisiya
Malcom.... Kkkk hoo haa Beauty akagona ukamuona now ahumbotendi kuti ndiye
Me... Indava asimba hre
Malcom... Let me show you
Akandiratidza haa ndakanzwa mweya kuda kubuda aaah ndozvaave izvi ndakabaikana.. Wait inhumbu hre yandaona iyi
Me... Asi akazvitakura hre
Malcom.... Ehe akatopona mwana wake mukomana.. Asi akabva musingazive kt ane nhumbu hre
Me... Ehe taisaziva hezvo shuwa kuenda hake kunozvipa labour nemwana wevaridzi ini ndavasiira mwana wavo ini..
Ndakanyatsoona kuti handingaende ne information yakadai let me call Amos...
Amos... Ko ndaona hembe dzako dzisimo mumba wani
Me... Handichade ndakusiya nemwana wako namai vako handigarire nhamo
Amos... Ndakasiya mukadzi wangu nekuda kwako now zvaoma wotiza nekuti ndawirwa nedambudziko..
Me... Aah iwe undisiye ndiwe wega usina kugona kugamuchira mukadzi wako ukada zvirikunze ndokunonzi kusiya zvirimuruoko nekuda kuombera.... Plus better wane vanawo vaviri iyeye nemukomana akazvarwa na Beauty better wanewo vavaraidzi
Amos... Vana beauty ane mwana wangu
Me... Ehe ask Malcom uya anoziva zvose
Ndakabva ndakata call yangu nxaah ngavasare nenhamo yavo eeh handingazvigone ini... Ndakuda kumbonogeza ndiite saBeauty
....................................................................
*LORRAINE*
Nhamo yakaipa inokupinza pose pose... Pandakazivana na liliosa ndakafara veduwe .. Akanondiratidza source yaakaita nayo mari ukutaura chokwadi ndaisada handina kuzvifarira asi manje nyaya yekuti ndaive ndakuziva zveko Haa ndakudziwa kuti ndinofa ndokubva ndazvisiya...
Ini ndaive ndakaroorwa ndokuita mwana wangu asi nenyaya yekuti vanhu vanochinja murume wangu akandidadira zvekuti ndakange ndine revenge yekuti ndoda kuita mari kumudarikawo...so mukana uyo ndakautora nekudawo futi kusvotesa... Ndisingazive kt zvinouya nemibayiro...
Mukomana wangu ainzi Bornface ndiye munhu akatombondiyaradza kuti nditende murudo again... Asi kubva pandakaziva kuti akudanana na Liliosa ndakambomurwira asi ndakasiya coz kurwira munhu asiri kuitawo effort kwakashata... Plus she was my senior so aive nema powers akawanda kudarika ini... Pandakashanda kwana Gift mukana ndaive nayo yekutora vhudzi asi ndaisada hangu moyo wangu wairwadza.... Chero Liliosa paakakwanisa kuricheka ndini ndakariba hangu...
Ndakazotanga kutsvaka basa kuti ndishande saka company yandakaendera ndokwaishanda ex husband yangu.. Aim yangu kwaive kt andione kt life yangu ikuendeka asi manje ndakatangawo kunakirwa nekushanda.. Hondo hombe yakange iri panyaya yekumvura ndaive ndisasazvide ini..
Pandakatanga kushanda ndichiendesa order kwana Dzasukwa.. Ndakatanga kunzwa kuvafarirawo so l noticed hangu kuti vanodanana asi hameno relationship yavo matangiro avakaiita saka vakuzama kuda kuzvishingisa... Saka ndainyanya kuseka na Dzasukwa hangu to cause jealousy kuna Beauty... Saka ndakazoti regai nditaure naye ndinzwe kuti sei asiri kuita semurume..ndaive ndaenda kunosiya zvinhu zvemwana zvaive zvatengewa na Bruce..
Me... Ndakuenda ini
Dzasukwa.. tikubuda tose ndikuperekedze ndoda kusiya vaviri ava vachitaura vose
Paive pasvika umwe mukomana hanzi Malcom.. Takabva tabuda hedu..
Me... Nhai Dzasukwa mukuzama kuita sei na Beuaty
Dzasukwa... Pakudii manje kk
Me...ukuziva modanana iwe na Beauty asi mukuvanzirana why.. Iwe ndiwe murume achatorwa nekunonokera
Dzasukwa... No ndakamuudza asi kuti eish ndaifunga achazviona ahasi wena saka now ndaona kt apona ndakuchiita bhora mberi
Me... Yeah hapana chekumirira wena
Dzasukwa... Ko iwe waiita seunondida wani wachinja
Me... Kkkk ndakaona kuti modanana imi saka handina zvandinenge ndaita kuda munhu anoda umwe munhu.. Ndakuda kudiwa nemunhu anondida even ini ndisingamude
Dzasukwa... Ichocho ichokwadi
Me... Plus ndaida aite jealous
Takataura hedu akaseka ndokubva aenda.. Ndakabva hangu ndichifamba kudaro ndakatanga kunzwa kupera simba... Ndakashingirira kusvika kumba pandakasvika ndokuona ndikuita kubuda ropa.. Ndakaona kuti hazvisi zveperiod izvi ndaive ndabveko mazuva apera kureva kuti hameno chakutoitika... Ndakanorara asizvaisaita raive richibuda ndakanzwa pandarara patota.. Kumuka kudai ndaive ndazadza ropa.. decided to call Dzasukwa ahina kupinda.. Tried boss vangu asi ndaitya kuti vachafungei but handina kuda kumirira izvozvo coz this is a matter of life or death
Me... Hello sir sorry to disturb you
Bruce....yes what's wrong ukuita seukugomera wani
Me... Yeah ndokumbirawo muuye or kundifonerawo ambulance haaa ndakufa kuno
Bruce.. Give me address
Ndakashamisika coz ndaifunga kuti ndogona kutukwa asi kana vakaratidza kuti vari concerned.. Akauya ndaive ndanzwa nekugomera pain yacho soo umm..
Bruce.... Jesus christ ndozvauri nhaiwe ko wanonokerei kutaura
Handina kudaira hangu coz the pain was now unbearable.. Ndakakwanisa kungomupa number
Me... Please call ndoda kutaura nemwana wangu ndimuonekewo
Bruce... No Lorraine ahusi kufa usadaro lets go kuchipatara unorarama
Ndakagutsirira asi ndaida kutaura nemwana wangu... Akabva andipinza mumota kusvika pachipatara kudai ndopandakaona queen mother pa door
Queen M.... It's your time now to die
Handina kudaira was now crying nhai ko mwana wangu veduwe..
Bruce... Nurse please help her
Nurse... Ndatopedza duty rangu ndakuenda kumba tarisai vari paduty
Me...dont worry it's my time
Bruce.... Ndevapi vari on duty
Akabva atanga kudeedzera veduwe zvainzwisa tsitsi..ndakademba kuti dai ndakatambura hangu asi ndichitorarama nekuona mwana wangu pane kuda kuita shortcut iyezvino ndadimbudzira life yangu.. Ndakaona kt revenge yakaipa shuwa asi reverse pange pasisina akandijoinisa akufara uko ini ndakufa... Ndakatanga kukosora ndichibuda ropa
Bruce... You know wat to hell nevanhu vepano lets go kuna private doc vangu
Ndakangodzungudza ndokumubata ruoko ndakaona ndega kuti yeah ma nurse anogona kupfekwa zvekushaya moyo ukafa vakakutarisa zvavo... Vamwe vainwa tea vachitaura nyaya hanzi tikumbodzinga chando mumuviri...
Me... Bruce look for my daughter pleasa anonzi Cynthia.. Womupawo this bracelet gift yake... Ndokumbirawo ufonere Dzasukwa nditaure naye... Akafona hake yakarira
Dzasukwa.... Hello
Me... Hesikana gwara kkkk shar ndafa usare zvakanaka please tsvakawo mwana wangu l know ndobasa rako
Dzasukwa... Ukutii ko Lorraine kufa nei usatambe uchidaro shar ukundivhiringa cuddling
Me... Im serious please wakaisa pa loud hre
Dzasukwa.... Ehe
Me... Beauty na Dzasukwa love comes once ikauya pa door igamuchirei musarege musatambise mukana.. Byee
Ndichidaro kwakuhwa mweya uchienda.. Ndopakatanga kumhanya ma nurse
Stay tuned for chapter 25
❤️
😢
🙏
👍
😮
😂
😭
👏
🤚
292