Rue M Novels
January 19, 2025 at 03:38 PM
https://whatsapp.com/channel/0029Va8aAYUBfxo9ShfURc0p
https://chat.whatsapp.com/KXKzX5QvZln0i0Er6DVeyz
Double Bind
Written By Rue M
0788357900
Chapter 3
Zara
Zvanga zviri obvious kuti ndichanyeiwa pabasa after a sudden promotion saka handina kushamisika pandakanzwa ndichitaurwa ndaenda kutea. "I never expected Zara to be that kind of a woman you know? Ndaitoti asiyana nevamwe vasikana vanoshandisa muviri wavo kuti vapinde basa kana kuitirwa mafavour nemaboss but hapana musiyano. Now zvakumaker sense why akandiramba. Aindidii hangu iniwo iye achidya nemadhara," ndakanzwa Richard achidaro. Anga akutokwanisa gore achingondinetsa apa that morning ndaive ndatozviudza kuti ndomupa chance ndoona kuti zvinoguma nepi.
Ndanga ndakutokwanisa five years ndiri single after a nasty breakup with my first boyfriend ndiri A level. I was young back then and so was my heart. Semunhu akakura nemasister akati wandei ndaive ndaona zvakawanda chero ndiri mudiki. Ndakazvipa mutemo wekuti "no sex before marriage" and Timmy aitoita seanondinzwisisa achiti, "uchingopedza form 6 babe ndotokuroora kuuniversity unozoenda tave kugara tese because I can't wait another three to four years." I was madly in love with him zvekuti chero pfungwa dzekuenda mberi nechikoro after A level ndanga ndisisina. Ndaitongozviona ndiri mukadzi wake but that dream was quickly and easily shattered after ndamuona akarara nebest friend yangu. When I confronted him akandivhara achiti haamude it's just that munhu wemurume haakwanise kugara nguva yakareba asina mukadzi. Aisada kundipa pressure that's why he cheated. Only two months were left kuti ndipedze kunyora so he promised me kuti haachazviite futi and like a fool I believed him. Two days later I caught them red-handed again. I walked away without waiting for an explanation only to find after a week kuti Nyasha akatozotizira Timmy.
I engulfed myself with school work ndokuenda kuuniversity ndikatoona kuti for sure kana uchitoda zverelationship unototi uvhure makumbo. I didn't want to end up like my sisters chero vanhu vaiti imhepo dzinoita kuti vana vekumba kwedu vamitiswe vachitizwa. Ndaisada kupa mhepo mukana so I started to slowly lose interest in men kusvika ndatoona kuti 5 years dzatopfuura ndisina munhu wandadanana naye. Pakadaro vanhu havarege kutaura even my family was worried vachiti pamwe ndave nespiritual husband isingade murume padhuze neni. I even believed it ndikatombozvinamatira kuchurch and I wanted to prove that spiritual husband wrong nekubvuma Richard asi ndakabva ndamunzwa achitaura nonsense.
"I'm better off with my spiritual husband," I thought to myself Richard akati, "go-good morning Ma'am." I simply smiled sekuti hapana zvandanga ndanzwa.
Frankly speaking nyaya yepromotion neniwo yaitondinetsa kungoti from nowhere ndotonzi promotion. Of course many were times I prayed for a promotion nekuti ndanga ndatove ne2 years ndichishanda paR&Gold Cooperation pasina kana promotion. Vamwe vanhu vakauya kumasure kwangu vanga vatove nezvigaro zviri nani vamwe vakutoshanda kuheadquarters kuHarare ini ndingori stuck musame room. Zvaibva zvasanga nasupervisor vasingandifarire.
"Good morning ma'am," Busi akadaro apinda muoffice mangu ndikati, "newewo wakutonditi ma'am?"
"Handi wave manager here?" Akadaro achigara pasi. Busi ndaive ndabva naye kuuniversity and ndiye munhu wandaiwirirana naye pacompany but ndaisada kuve close naye because friends always reminded me of Nyasha and Timmy's betrayal.
"Isn't it suspicious Busi kuti nezvandiri ndatove finance manager?" I asked her akati, "zvauri zvipi? You're smart, intelligent, strong and beautiful. Usaterere zvinotaura vanhu Zara, they envy you. Ukashanda zvakanaka hautane kuendeswa kuheadquarters woshandira padhuze paBoss Lincoln."
Lincoln Rwizi was the chairman and CEO of Rwizi Cooperation and almost every woman under Rwizi organization aive necrush naBoss Lincoln. I was the only person who felt nothing for that alpha male maybe nekuda kwekuti ndanga ndisati ndambovaona face to face.
"Now that wave finance manager une maopportunity akawanda ekuenda kuheadquarters saka unenge wave kuona Boss Lincoln pawada. I know kuti kwavari handikwane saka unongondisotera brother yavo kana wapinda," Busi said with joy ndikati, "stop daydreaming unofunga kuti vangada type yedu? They're more outstanding ladies there for example Ms Jennifer. I heard kuti vakakura vese naBoss Lincoln and she's also his business partner. Mr Rwizi is surrounded by goddesses of beauty and intelligence so kanganwa zvako."
"Jennifer? Who's Jennifer?" Akabvunza achiseka akati, "ane maphoto ake aleaker this morning. Unofunga kuti Mr Rwizi vangadanana nemunhu anozivikanwa maprivate part ake neZimbabwe yese."
"What are you saying Busi? Anga anani mumaphoto?" Ndakadaro ndabatwa nemweya weguhwa ndave kuda kutoratidzwa maphoto padoor pakabva paita knock. Sheila came in achida mari yekutenga zvinhu zvemarketing. Aive andipa budget the previous week.
"Ndakataura naMr Madondo vakati mukatadza kusvika target ndomira kukupai mari yeairtime Sheila," I said akati, "musatityire ma'am."
"Ndeip Sheila," akadaro Busi zvikanzi, "mamaona maphoto aboss venyu?"
"Ani?" I asked.
"Ms Moyo ndanzwa kuti valikisa manude," she said vakatanga kutaura naJennifer ndiri busy nebudget.
"Sheila ndichada mareceipt ezvinhu zvese zvamatenga even mvura zvayo, kuti ndizomasender kumusoro" I said zvikanzi, "haa ma'am tinenge tichitoda kuita budget dzedu nemari yelunch kana airtime iyoyo. Ndabva nechikafu kumba ini and airtime ndinayo inokwana tiri kufield and I think munhu wese anenge ane maplan. Ndiyani angadya lunch ye20USD kumba kusina husavi."
"It's an order from HQ asi kana muchiti mari yechikafu neairtime magara munazvo ndogona kugara ndabvisa mari yacho moshandisa zvamunazvo ndoudza vekuHQ kuti vasazvinetse nefunding yechikafu neairtime vanhu vekuno vakarongeka," ndakadaro akati, "haya tingagodii hedu kana maboss ataura." Sheila anga achiri nekakundijairira sevanhu vaimbove pasame level but I would not risk my position nekuda kwehushamwari hwepabasa. Pasina mareceipt iwayo zvaizoita sekuti ndini ndave kudya mafunds. Pandakamupa mari akabva abuda naBusi.
Ndaida kutosearcher maphoto aMs Moyo sezvo ndanga ndisina kuzomaona but pakabva paita knock futi. Vanhu vacho havana kumirira kuti nditi, "come in" vakapinda vega. Panga pane mapurisa two and my superiors. I was not surprised or shocked nekuti mapurisa aigara akasvika pabranch redu.
"Ndiye Zara Gore wacho?" Umwe mupurisa akabvunza ndikakasira kuzvidavirira but I was shocked to the core ndanzwa zvavanga vafambira. 50000USD yanga yabiwa and I was the only prime suspect semunhu anga ane makey asafer the previous day. Mr Madondo entrusted me with the keys vachienda kumeeting vachiti pakaita need yemari ndotora. As always takatoverengarana mari yandakasiirwa yanga iri 50000USD and handina kuzomboitora nekuti mari yanga ine mateller yaikwana kutenga gold. At the end of the day ndakatodzosera 20000USD yanga yasara musafer.
Mapurisa akaenda neni kupolice station ndakangovaudza zvinhu zvimwechete izvozvo asi ndaitadza kupindura mubvunzo wekuti pandakadzosera 20K musafer 50K yacho yanga ichirimo here. Truth be told handina kumbozvitarisisa nekuti ndaimhanyira kuchipatara kunoona mhamha vanga varumwa nenyoka. Makey ndakamasiya paanogara and ini naMr Madondo tisu taingopaziva chete. After all makey chete haasiwo aivhura safer yemari nekuti paizoda pincode.
"Mr Madondo," ndakadaro mapurisa andibvunzawo suspect rangu. "Why wadaro?" Mupurisa akabvunza ndikati, "ini navo tisu toziva panogara makey nepincode yesafer."
"That's true asi Mr Madondo vanga vasipoka nezuro," akadaro mupurisa ndikapinda busy. Ndaiba mari ndodzoka pacompany? Zvanga zvisina musoro. Pabranch redu taigara nemari yakawanda zvekuti kana dai pfungwa dzekuba dzaindibata ndaiba kana million.
"Chimbonomurangai anodzoka akutaura zvakanaka," umwe wemapurisa akadaro sekumba sekuseka ndikanozvamburwa. Ndakarohwa kusvika ndabvuma mhosva yandisina kuita nekutaura kuti ndakaba sei mari yanga ndisina kuti vachirega kundirova. Ndabvuma mhosva vanga vakuda kuziva kune mari ndikati handizivi. Ko ndaiiwana kupi mari yanga ndisina. Izvozvo zvakandirovesa futi asi ndanga ndisisina zvekutaura nekuti mari ndanga ndisitorina.
Pasina Mr Rwizi vakasvika ndaigona kurohwa ndikamukira kuchipatara. Handizivi kuti vakataura nemapurisa kuti chii asi ndakazongonzwa mapurisa ave kukumbira ruregerero.
Mr Rwizi ndanga ndisati ndambovaona kana paphoto asi ndaive ndanzwa zvakawanda pamusoro pavo zvekuti I recognized him at first glance.
"Thank you Mr Rwizi," I thanked him outside the police station vakati, "ndiri kuda mari yangu."
"Handina kuba mari yenyu," ndakadaro ndichikamhinha musure mavo vakati, "handina kuti waba mari but I'm demanding it from you because you were responsible for it."
"So where do you expect me to get 50K?" I asked zvikanzi, "it's 70K."
"Wow!" I laughed in pain ndokubvunza kuti, "saka ndaburitsirwei kana muchiti ndine mari yenyu?"
"Kusungwa kwako hakudzose mari yangu. I won't get my money chero ukanzi five years in jail," he said ndikati, "chero ndamuda mujere handina kwandofa ndakawana mari yakawanda kudaro Boss Lincoln."
"It's Mr Rwizi," he corrected me ndikati, "mai vangu vari kuchipatara izvezvi vanogona kugurwa gumbo ndiri kutotsvaga mari yekuti varapwe fast."
"Oh I see ndosaka wakaba mari yangu?" Lincoln was more dangerous and scary than the police. Ndakamira kufamba ndatove nepfungwa yekudzokera mukati.
"Your parents got two houses. Yamunogara neimwe ine maroja, mudhara wako ane kombi, mai vako vari kuda mari nekukasika otherwise gumbo rinogurwa. Those two houses, gumbo ramai vako nekombi yamudhara wako zvinoenderana nemari yangu. You've got an hour to return my money otherwise ndiri kutora zvinhu izvozvo."
Lincoln was the definition of ruthlessness. Dad vanga vasingaende kubasa saka kombi yaive paroad ndiyo yaitove income yavo nemba yaive nemaroja neniwo ndaishanda. Masister angu aitongoitawo zvisinganzwisisike and we never counted on them for financial support. Vana vavo vaitochengetwa neni nadad. Taizodii tatorerwa zvese zvataive nazvo.
"You should be grateful kuti handina moyo wakashata otherwise ndaikwanisa kutora zvese izvozvo woramba uri mujere," he gave me another dose of his evilness. Watosarwa ne59 minutes kutaura kuno.".
End of chapter
❤️
😢
👍
😂
🙏
😮
71