Mama Ree Novels🇿🇼
February 9, 2025 at 10:38 AM
https://chat.whatsapp.com/LBdq5eKzdlG5Hx62PSdu9Q
https://chat.whatsapp.com/HSd1zdua5xBAlx3RbcU1sS
https://whatsapp.com/channel/0029VakhBWjK5cD96R5nGM1t
*Written by Pastor Rebecca aka mama Ree :Book 5*
It's a free book read, comment and share our channel link
*(short novels)... Book tittle*
*0643594545*
*CHANGED DESTINY*
*CHAPTER 26*
*GIFT*
Ndakafonera pastor R na mama C vakauya vose.. Ndakaona kuti kuenda naye ku hospital kunotora nguva saka ndakaenda naye kwaprivate... Sezvo aive manheru ndakasviko muendesa.. Ndozvakanakira mari ahuvhunziwe zvakawanda wanda... But sekuona kwangu munhu wandakatsika mapfekero ake aiita kunge benzi ne tsvina nekunhuwa chaiko...
Pastor R... Wat happened aripi munhu wacho
Me... Arikuna doctor vakumubatsira
Mama C... I told you kuti tiende tose waramba look now
Me... Mama mirai izvozvo kkk tinamate ararame coz ndinosungwa
Mama C... Never l bind devil for trying that he wont win.. Ahusungwe iwe ndaramba
Me... Before marira nendimi ndikutamba handisungwe ini ndiri Peter chero vakadaro ndobuda mujeri ngetani dziripo ndiri mwana wemhepo ndinobuda nepandinoda ndopinda nepandinoda..
Pastor R... Regai tinzwe kuti doctor vanotii asi zvinoita anorarama..
Takagara hedu mumota ndopandakaona munhu achimhanyiswa ne bed neumwe murume the way she was breathing zvaisaita ndakabva ndaona bed riya rakakombewa nevakadzi vakaita body kudenga kuzasi fish... Vachiita ma sign ekudana munhu iye aizama kuramba.. Asi vairamba vachidana.. Ndakabuda mumota ndokumhanya paye
Me... Musamuendese muchipatara anonofa let me help you
Murume wacho akaita seakuda kunditarisa afunge but ndakaona achigariwa kupindwa nezimweya re black..
Him... No hauna chaunoziva iwe saka siya ndiendr kune vanorapa are you a doctor
Me... No lm not a physical doctor asi ndinaye anorapa wandofamba naye ndiye wandituma... So devil get behind him....
Ndakafamba ndikaenda kuno bata mhanza yake ndokunamata...
*ndakutaura simba rehupenyu mauri ndikudana akakunda rufu azodzikunura husungwa wasunungurwa from today.. Shoko ravo rinoti akauya kuzosunungura vose vakasungwa so devil wairasa l bring light to her life ndobvisa rima rose ngaritaramuke in Jesus mighty name l declare*
Pandakatarisa ndakaona akuita kufemera mudenga ma nurse akamhanya
Nurse... Wats going on why munhu ari panze achidai?
Ipapo ndakabva ndatotanga kufara coz ndakanzwa mweya mutsvene achiti ndamudzosa for ths glory of the lord.... pastor R na mama C vakange vakatarisa vachingoti amen so pandakapedza akabva avhura maziso achikosora..
Lorraine.... Ndikudawo mvura lm thirsty..
Paakataura kudaro ndakangoti Mwari munoshamisa mazvita henyu.. Uyu mukomana akashamisika ndakazoziva zita rake achifara munongonzwa imi.. Ndakazongomusiya hangu kwakubva ndati ndozouya ndakuona kt ave sei ndichinamata coz its not going to be easy yange yatove hondo inoda kurwiwa.. Was supposed to train her azive shoko azare rigare maari..ndakazodanwa na doc
Me... Arisei doc
Doc... You can go home now zve maronda tarapa nekuti anga asina hake kunyanya chasara kuona njere dzake
Me... Shandai panyama izvo zvimwe pakutoda ma prayers
Havana kupikisa nekuti vaive vaona ruoko raMwari panze pakamuka Lorraine... Takazobva nekuti ndaive ndonzwa hope plus ndaifanirwa kumbowana nguva yekunamata nekutsanya.. Tavewo kumba ndakarara pandakamuka mama C vakapindawo mumba
Me... Moms asi manga makagara pa door pangu hre
Mama C.. Ndakunzwa kuti wamuka ndikabva ndaona kuti unogona kuda kubuda sezvo ndisati ndataura nyaya yangu
Me... Maremerwa kaaa kkkkkk ndokuzivai turai tinzwe
Mama C... Ndinzwirewo mashura ko mama pastor vakuti vadzoka kumurume wavo asi havana problem tigarisane tose ini navo pachipare
Me... Mhaa kkkkk eeh ko pastor vakutii
MamaC.. Vakazviramba hanzi ndoda munhu one.. Havasi kuda kutaura kuti ani ofwch ini navo hatidanane aah zvinhu zvacho ndoda kuti titsvake kumwe kwekugara mwanangu ini hondo handiigone hangu
Me....mukutya barika hre inga Solomon aive ne vakawanda
MamaC... Ndokurova iwe ndisiye hangu ini
Me... Handiti maida hre kuroorwa saka zvaita.. Ndakakuudzai kuti imwe prayer chinjai
MamaC... Prayer yei manje yaunoreva apa
Me... Yamaiita kaa rimwe day muchiti Mwari chero ndipeiwo ndakuida imba... Now makupihwa chero muri number 2 chakakosha murume wamaida kkkkk
Mama C... Unofarisa iwe saka ukuti ndofanirwa kuudza Mwari zvandoda chaizvo kuti Mwari ndoda ane broad chest, six pack, ari tall and handsome
Me... Mama mirai munhu wamataurai zvose zvacho zvikufanana na Pastor Romeo hamusi makuva crashira hre kkkkk
MamaC... Nhasi ndokurova tseki wako kkkkkk
Vakabva vanditema nepush ravo haa izvozvo vaida ndaigara ndakahwanda...
Me... Yeah taurai saizvozvo coz yekuti chero kunouya ane ziso one kkkkkk
MamaC... Regai ndibude hangu coz ndokuziva musoro wako ahutore mushe
Vakabuda vachiseka havo ndokusara ndoita time namusiki... I prayed kusvika ndakunzwa kuti voice hapachina.. Ndokubuda hangu ndinoona Lorraine nemukomana wandaive ndadhuma.. Kusvika was happy kuona Lorraine akagara achidya hake kkkkk
Bruce... The man we were waiting for is here kkkkk man of God maswerasei
Me... Aah veduwe mirai matitle ndonzi Gift zera rangu mukadaro ndinokurumbidza kuchembera
Bruce... Haa zveshuwa you are gifted ndakaona zvishamiso zvandaigaro wona pama tv...
Lorraine.... Makadii henyu ndoda kukutendai nekundibatsira
Me... NdiMwari handisini God loves you mapihwa umwe mukana to repent
Lorraine... Chokwadi nekuti ndaive murima chaimo
Akabva anditsanangurira zvose hake... Then told her amire pakunamata.. Ndakabva ndabuda tanamata tose ndokuenda hangu kunoona wandakadhuma aive apore chasara it to deliver him ndaida kutomubatsira kuchurch chaiko yake matter needed more attention.. He was discharged ndokuenda naye kumba to monitor him hangu ndichimubatsira..
Zvaisave nyore coz mukadzi waPastor Romeo akamboti ko akamuka akatema tema vanhu nemapanga asi ndakavasimbisa kuti hazvidaro... Nyaya yangu yekutsvaka nezve mine ndakaisa pa hold ndakumbobatsira hangu muface uyu... Rimwe zuva ndakawana apinda muroom mangu hembe dzangu dzachekwa chekwa kuita zvikadabura kkkkkk haa ndakagumirwa..asi ndaiziva hangu onr day is one day he is going to be freee... Ndaigara ndichifonerwa na Lorraine akazoti vakuda kuuyawo kumba for prayers.. The way yaaida Mwari soo yaishamisa kuseni ndaiisirwa msg kunzi please dont forget my mrng verse.. Akaverenga andiudza zvamanzwisisawo
....................................................
*BEAUTY*
Pandakaramba ndakatarisa Dzasukwa akazviona..
Dzasukwa... Ukutarisei kudaro nhai iwe
Me...ndaona murume akafanana newe zvekuti kuita kunge mutwin wako iye muhombe asii iih
Dzasukwa... Hakuna zvakadaro ndiri one breed munyika ini.. Hakuna akanakirana neni tarira ndebvu ne dimple kkkkk
Me... Im being srs imboitawo serious kani kkkkk toziva wakanaka asi ndati akafanana newe
Dzasukwa.. Vanhu havaperi kufanana..
Taive takamirira doc vaive vatorwa ropa.. Saka Malcom aive ambobuda na Amos kwakudzoka havo nechikafu
Malcom... Bought something for us tidye takamirirawo kunzwa
Me... Ini hangu handina nzara..
Tose takaramba aah toziva vaise imomo tsitsi dzei ndaive ndasvotwa naye Malcom... Ndatarisa Amos something was wrong naye chete airwara coz aive apera angosara mahobi chete kkkk.. Ma results akazouya ndokubva tadanwa muka office..
Doc... Ok ndichatanga ne envelop yandakabata pano iyi ya Mr Amos.. The results shows that 0.00% kureva hamusi baba vemwana uyu...
Ndakanyatsonzwa kuti no mhani zvataurwa zvisizvo dai ndadana Tinashe mugabe ataura anyatsoti tikuti baba hapana chenyu kana chimwe chete pamwana uyu...
Amos... Doctor hamuna kukanganisa hre
Malcom... Wait tinzwe asara
Doc....ok randakabata iri Mr Dzasukwa we have tested you and the child the results says 99% kureva ndimi baba vemwana uyu
Ndakanzwa kufara at the same time kushamisika kuti aah ka one iko kaye zvakabva zvaita hre eeh....
Amos...no monyepa matengana mwana wangu uyu
Akatanga kukwamatata achifamba famba
Doc... Pano pachipatara if you dont behave motaurira pasi we will call security or mapurisa mosungwa..
Amos... Iwe nevanhu vako mandidana muchiziva moda kundidai kureva kuti mupfanha iwe wairara nemunhu uyu achiri mukadzi wangu kaa manje ucharipa
Dzasukwa... Mudhara imbomirai kuvhiringa mufaro wangu.. I knew it kuti mwana wangu uyu.. Hesikani Addai Junior
Akatanga kumupa makiss achitaura naye.. Hanzi hee l knew it ndosaka waiterera kubva uri mudumbu
Dzasukwa... Ukuona mai vako havasi bhoo mwanangu
Me... Ko ndadii futi
Dzasukwa... Dai ndakatosimbisa mwana ari mudumbu manje ooh hona manje
Me.. Unorwara iwe nxaah
Taive munguva yedu hedu kukanganwa kuti pane vamwe.. Amos akazobatwa ne security akutukirira zvinyadzi.. Ndakangonzwa kuti akapihwa maviri matatu maoko panze akati tasa kkkk zvepfari tombozvida here isu..
Malcom... Yeah at least zvabuda pachena pane kungofungira..
Akange akunyara achingoseka seka nhema..
Me... Yeah thank you ndakuda mari manje yamashandisa yemurume wangu kuita izvi mobva makurawo kuziva kuti hamungokwane kwane munyaya dzevanhu musina kusumiwa... A person ngaaive ne mufungo umwe kwete kugara musingazive pamumire focus nezvamakada.. Mosiyana nelife yevamwe.. Endai mopa mukadzi wenyu mwana uko mushandise simba renyu zviripo
Ndakafara ndaive ndamuudza zviripamoyo wangu yaah... Takubuda hedu paye ndokuona murume uya futi
Me... Yeah tarisa munhu uyo chero ndiwe ahusi kuzviona pa mirror hre..
Ndakange ndotaura ndega Dzasukwa aive atarisa akati ndee akavhura ziso... The man akamuonawo akabva afamba kuuya kwataive...
Dzasukwa... Im not dreaming hanti Beauty..
Me... Ehe wats going on asi wamuziva hre
Murume akasvika akazara misodzi mumaziso... Achingoti ndiAddai hre uyu... Ndiwe hre.. Ndakatombotarisa mwana wangu kuti ko amuzivirepi asi ndakazoona ndega kuti akutorehwa ndiDzasukwa..akamubata bata
Him... No ways hihihihi
Hezvo varume vanochema nhaimi.. Vakabva vambundirana kusimudzana chaiko... Vakatora nguva ndikaona kuti regai ndimbovasiya vapedza kufara vachatsanangura havo...
Dzasukwa.... Bruce mukoma
Hoo anonzi Bruce asi ndiye waaitaura nezvake kuti aidiwa nevabereki nekuti aive mwana aiterera.. Saka kubva paakatiza kumba iye Dzasukwa ahana kuzoziva kuti aripi... Kakufarirana kavo so kakaita ndizare misodzi mumaziso
Bruce... Mupfanha wangu hakuna zuva rakadarika ndisina kukufunga kana kutsvaka uripi why kundisiya ndega ndega shuwa... Moyo wako ahunawo kunzwa kuti takashota hre unoziva wakakura uri pamoyo wangu ndaikurwira iwe vanga iri paruoko ndakarohwa ndichirwira iwe wadenha why...
Dzasukwa.... Im sorry Bee sorry mwana wamai ndaida kumbonoita life yangu ndakaona sekuti ndaiitadzisa family kuve perfect sezvamaida kuve.. Ofwch ahuna kumbobvira wandirasa.. Ndaikufunga asi ndaida kutanga ndaita munhukwaye.. Pandakakutsvakai mainzi makugara overseas
Vakazopedza nhoroondo dzose ko yaive first time kuona varume vachidurura moyo yavo kudaro kkkkk
Bruce ... Sorry ndiri busy dakuendesa ma papers aya ndiende nemunhu wandauya naye kuno so akubuditswa dakusaina mapapers ndiende naye..
Dzasukwa....ok regai tigare pano
Bruce.. Ok Addy Addy kkkkk
Akadaro achimurova gotsi rake
Dzasukwa... Mukoma siyai tsika yenyu matanga
Ndakamira aende ndivhunze ndaive ndanonokerwa...
Me... Nhai iwe Addai ndambonzwa kudaro asi ndozita rako
Dzasukwa... Ehe
Me... Saka waipa mwana zita rako kkkkk ahunzwe iwe aah apa unezita rakanaka hako but rekuti Dzasukwa ndorandoziva harichatoperi
Dzasukwa.... Ropera ndakunzi ba junior ini kana daddy
Ndakaseka hangu takamirira bamkru Bruce... Vachiuya kudai ndakaona munhu wavaive naye ndakamhanya couldn't believe my eyes nhaimi ndange ndakuita sendinorota Lorraine... Ndakanomumbundira
Lorraine... Mai Dzasukwa munondikwadza ndiri murwere pliz..
Me....ko wanga uripi nhai foni ahisi kuita futi
Lorraine... Yakadzima iyi
Bruce... Wait wait moziviranepi
Lorraine... Boss ndovanhu vakuisa ma bedge e company andaikuudzai
Yohweeee tosee takashama muromo.. Kupererwa nemazwi chaiko
Bruce.... Mozivei handei kumba kwangu tonyatogara titaure aaah
Stay tuned for chapter 27
❤️
😂
👍
🙏
😢
😮
327