Rue M Novels
January 20, 2025 at 06:51 AM
https://whatsapp.com/channel/0029Va8aAYUBfxo9ShfURc0p https://chat.whatsapp.com/KXKzX5QvZln0i0Er6DVeyz Double Bind Written By Rue M 0788357900 Chapter 6 Jennifer Tawirirana nadoctor takaenda kulab kwavaive vakatipa poison iri less harmful zvekuti mudumbu ndiwo waingorwadza ndochaya nonstop asi kufa handaizofa kana kukanganisika mudumbu. Takadzokera kumba ndikanyora suicidal note ndichibetserwa naTasha and then sent Lincoln a voice message ndichimuudza kuti ndomuda only to find out that he had blocked my number on WhatsApp. Ndakaridza tsamwa nekuchemera mahara kwanga ndaita ndichirecorder voice message however izvozvo hazvina kumisa plan. Dad ndanga ndisina kuvaudza because ndaiziva kuti vaindirambidza. Tapedza kkuronga zvese ndakanwa poison iya. Zvakaitika ndanzwa poison nezvanga zvataurwa nadoctor zvanga zvakasiyana. The pain I felt was unbearable. "Tasha fonera ambulance I can't take it no more," ndakataura ndichigomera akati, "netwo minutes idzodzi wakutorwadziwa?" "Dai uchinzwa zvandiri kunzwa usingambodaro Tasha. Matumbu angu ari kuita kunge ari kudambuka fo..." Handina kuzopedzisa kutaura pain yawedzera. Tasha was not moved nekuti aifunga kuti ndiri kuyema. Ndakati better nditore phone yangu ndifonere ambulance ndega nekuti Tasha aitodana kuti nditange ndacheneruka skin kuti azoita action. "Phone yangu iripi?" I asked her ndaishaya akati, "iyi." Ndiye anga anayo ndaida kumuti, "ndisvitse," asi ndakatadza pahuro pablockewa nezvinhu zvaidziya and the next moment I vomitted blood. Ndaita Tasha achaita action aona ropa but to my surprise akabva apfeka maearphone. "I'm dying yet you're enjoying music over there!" I could only say that in my heart nekuti ndanga ndisingachakwanise kutaura. Ndairwadziwa mudumbu apa ndichirutsa ropa Tasha asinei nazvo. In fact aitonakirwa nekundiona ndichizvingonyoka pafloor semunhu ane demon renyoka riri kuramba kuenda. "Why Tasha?" Ndakakoka simba rese ranga ndasara naro kuti ndimubvunze izvozvo paakabvisa maearphone akati, "don't worry about Lincoln. I will take good care of him when you're gone." Her words gave me pain kutodarika poison. Tasha was my best friend ndaitomuti human diary but there she was taking my life ndisina kana chandakamukanganisira. Doctor vanga vandipa poison iri harmless but it was quite obvious kuti Tasha anga azondichinjira akandipa yekuti ndife nekukasika. "I was Lincoln's first crush and dai pasina iwewe nditori mukadzi waLincoln," she said ndikashaya kuti ndirini iyeye paakadiwa naLincoln. Lincoln ndakangokura ndichimuziva tikazongosiyana aenda kuChina and haana kuenda naTasha. Paakadzoka takabva tatanga kudanana saka Tasha aikwana papi paequation yacho. "Don't look suprise because unoziva kuti Lincoln asati aenda kuChina aindinyenga and iwe waizviita hanzvadzi yake uchindinyengerera kuti ndimubvume. Ndaimuda asi ndaisada kumubvuma ipapo ipapo iye akabva aenda kuChina. Paakauya kuzondiwoneka waitovepo futi akasiya ati, 'wakati unoda time yekufunga Tasha and I'm going to give you that time. Hope pandinodzoka unenge wanyatsofunga. Ndoda kuti usare uchifunga ini chete kwete vamwe vakomana. Zvanetsa unoudza tete vako ava.' I was 16 back then iwe une 17 Lincoln ane 18 years and ndini musikana wake waaida. Ndanga ndisina phone paya asi Lincoln akati tichataura tese paphone yako zvikadii Jennifer? Hauna kubvira wandipa phone kuti nditaure naLincoln pandaikubvunza nezvake waiti kuChina manheru saka zvinoda kuti isu titaure naye husiku pakunenge kuri masikati ikoko uchiziva kuti husiku ndinenge ndiri kumba kwedu. On top of that wakabva waodza moyo waLincoln nenhema dzako uchiti ndakawana umwe mukomana ini ndisina." After that explanation ndakarangarira kuti zvechokwadi Lincoln aimboda Tasha but kwanga kwave kare tichiri kuhigh school and munhu aisada kuti Lincoln ataure naTasha ndiMrs Rwizi. Vaisada twusikana pana Lincoln vachiti zvinomukanganisa kudzidza. Lincoln paakabvunza nezvaTasha mai vake ndivo vakanyepa kuti ave nemukomana vachishandisa phone yangu kwete ini. After a year Tasha akabva aitawo mukomana ini ndichidanana naAshton. We forgot about Lincoln nekuti neniwo ndanga ndisingachanyanye kutaura naye. Akazotodzoka kuChina ndisisina number dzake but we reconnected pamariro adad vake. Tasha was also there with her boyfriend and I never imagined kuti anga achiri kufunga love ye6 years back isina kuzotoitika. I guess iye Lincoln anga atozvikanganwawo kuti akambonyenga Tasha. Kubva pamariro aMr Rwizi taingove tese Tasha akabva azoita secretary waLincoln. 12 years had passed kubva pakaenda Lincoln kuChina asi munhu ongoramba achifunga zvinhu zvakaitika achiri kuhigh school. How sick of her? "Lincoln doesn't notice me because of you Jennifer," she bitterly said. Dai akataura zvekuti anoda Lincoln achangobva kuChina ndaigona kumupa mukana wacho ndisati ndanyura murudo kwete apa panga ndave plus 7 years murelationship? Tasha anga akangoita mukomana one chete ndokusiyana nezvelove and we never suspected that she was obsessed with Lincoln because we thought that she was career minded. Besides being Lincoln's secretary aitove nemamwe maside hustle aaita and Lincoln admired her the most pakati pevakadzi vese vaishanda paRwizi Cooperation. Aisasekerera zvisina basa and hapana murume aitambira padhuze naye. "Ndiendese kuchipatara Tasha ndosiyana naye," ndakamanikidzira kutaura akati, "uri kufira muno bhururu." She had planned everything so well. Anga aita kuti vanhu vabve pamba kuti plan yedu ibudirire pasina anokanganisa but who would have known kuti aida kuti pashaye anondibetsera. I had lost all hope asi pandakanzwa mota ichisvika pamba ndakafara nechemumoyo ndichiti ndawana mubatsiri. I wanted to scream for help asi Tasha akandivhara muromo nemaoko ake. "Jennifer! Jennifer!" Ndidad vaindidana nehasha time dzavakapinda mumba. Hamheno kuti vaive vakatsamwei asi ndakafara kuti vaindidana vachiuya kuroom kwangu. As Tasha's end was near ndaitofunga kuti achatiza nepawindow but to my surprise akabva aridza mhere achimhanya kunovhura door. "Dad huyai muone zvaita Jenny," akadaro kuna dad achichema. Aingodana dad vangu sezvandaiita because we were more like sisters. "Ko ropa rabvepi?" Vakabvunza vasati vasvika kuroom kwangu probably vaona ropa raive pamaoko ake. "Ndera Jenny anwa poison uyu!" She cried dad ndokubva vazosvika muroom mangu. Ndanga ndisingachaone zvakanaka but I could see the shock in his eyes. I silently prayed kuti vasadonhe neBP nekuti ndaifa chaiko. Tasha aibva atorelaxer zvadaro. "Ngatimubatirane tiende kuchipatara," vakadaro dad vachizama kundisimudza zvikanzi naTasha, "ndafonera ambulance inosvika manje manje." Kwaitoda kuti ndife takamirira ambulance yaanga asina kumbofonera. "Handei kuchipatara dad," I said those words before passing out. Ndakazomukira kuchipatara and thanked the almighty countless times nekundiraramisa. Ndakatozoshaya zvekuita nemufaro ndaona Lincoln akarara pachair paside pangu. Airatidza kuti akaneta and I felt bad for him ndaona madark circles pamaziso ake. Anga asitorina kurara akandirinda husiku hwese, I guessed. "Why did you act so stubborn kana uchiziva kuti haukwanise kundishaya nhai?" I asked him that in my mind. Ndichimuyeva kudaro akabva amuka. I smiled at him but he remained indifferent. "Wave kunzwa sei?" He asked with a gentle voice ndikati, "I'm better now that you're here with me." "Rega ndidane doctor," he said akaenda kunodana doctor. Vakanditarisa vakati ndave out of danger asi ndofanira kugara muchipatara for observation. During my stay in the hospital hapana akandibvunza nezvesuicide nekutya kudisturber recovery. Psychiatrist wandaive ndatsvagirwa ndiye aiuya kuzondipa counseling. Mai Lincoln nemwana wavo vaiuya everyday kuzondiona alongside Tasha. Musi wekubuda muchipatara Lincoln naTasha ndivo vakauya kuzonditora. Phone yaLincoln yakaringer paairongedza zvinhu zvangu. "Zara" was the caller's ID. "Who's this Zara?" I asked myself nekuti ndaisamuziva and Lincoln would save his contacts with the person's profession pamwechete no matter hushamwari. Tasha chaiye aive akanzi "Secretary Ms Dziva" "Zara," he answered his phone akaisa paloud nekuti anga asina kuibata. He was still busy with packing saka tese tainzwa conversation yavo. "Rufaro udza madoctor andiburitse muchipatara. Ndaneta nesmell yemapiritsi nekudyiswa sadza dete. Rinoita kunge porridge iwe rinotoda nespoon," she complained with a sulking voice. I thought my voice was the most melodic and angelic voice but Zara's voice surpassed me in one go. Her voice was silky and seductive zvekuti ndakaita godo chairo. The grumpy Lincoln laughed and said, "hapana maspoon here pachipatara ipapo vakupe?" "Rufaro?" The way he called Lincoln's second named made me choke with jealous. Whoever she was ndaida kuti azive kuti Lincoln ane munhu wake. And zvivindi zvekudana Lincoln nesecond name rake aive azviwanepi. "Babe ndibatsirewo kusimuka," ndakayemawo nhema Lincoln akasiya zvaaita akatora phone yake and walked away. Akanomira kudoor chaiko akati, "that was my brother's girlfriend I told you about anga achitaura naShingi." Ndakaita sendichachema ndanzwa Lincoln achidaro. Tasha aive padhuze neni smiled at me and said, "it looks like we've got another delicate love rival." Ndakamutarisa nehasha asi hapana zvandaikwanisa kumuita pana Lincoln. Hameno zvaaiudzwa naZara wake asi aingoseka akamira padoor. "Munotosekawo Boss Lincoln?" Tasha asked Lincoln apedza kutaura paphone. Lincoln rarely smiled let alone laughing out loud. Chero pakataurwa joke rinonakidza sei aisazombozhinya but Zara made him laugh without any effort. "I'm a normal human being," he answered with a cold voice ndikati, "ndiyani wanga uchitaura naye?" "Zara," he answered ndikati, "I saw her caller ID asi ndiri kubvunza kuti ndiyani wako nekuti muri kuratidza kuve close." "Wazviona sei kuti tiri close iye asiri pano?" He asked ndikati, "Lincoln ndiri kubvunza kuti Zara chii chako?" "You don't have to know," he said. "Watoita move on?" I asked him akati, "ndakaita move on from you the moment I saw your nudes Jennifer. Kana uchifunga kuti kuuya kwandaiita pano pachipatara is out of guilty kana ndichiri kukuda you're very wrong. I visited you out of humanity chete and don't expect anything more from me. Don't get involved in my personal life kana une zvaunoda kundibvunza ngazvinge zviri zvebasa chete. End of chapter
❤️ 👍 🙏 😂 😢 😮 734

Comments