Rue M Novels
January 20, 2025 at 04:12 PM
https://whatsapp.com/channel/0029Va8aAYUBfxo9ShfURc0p
Double Bind
Written By Rue M
0788357900
Chapter 7
Lincoln
Jennifer came to the company the following day after her discharged. Acting as if she was not part of the current chaos. Kuchipatara ndaive ndisina kumbotaura naye zvakawanda asi akaona sekuti kuuya kuzomuona kwandaita ndamuregera. I was just fulfilling my responsibility and protecting my reputation as a her close business partner. Zvaizoita here kuti ndirege kunomuona kuchipatara? Ndaikwanisa hangu kutuma Shingi andimiririre asi ndakasarudza kuenda ndega kuti ndione situation because I suspected a foul play. She wanted me to look like a bad guy saka it was possible kuti anyepere suicide to gain people's sympathy. Maphoto ake anga azviburitsira ega but her father blamed me for that. I tried to justify myself asi havana kuzvibvuma vachingoti ndini chete. Ndakapedzisira ndazvibvuma kuti zvipere ndikati, "ehe ndini ndakaleakisa iye aimbotorerwei maphoto akashama?" Waisapindurika mubvunzo iwoyo saka ndipo pakabva paperera nyaya nekuti vanga vasina zvavanokwanisa kundiita.
"Mr Ndatsva ndidanirei Ms Moyo," ndakatuma assistant wangu achibuda Tasha akabva apinda muoffice achindipa schedule of the day.
"From now onwards Mr Ndatsva will be my secretary and assistant," ndakadaro kunaTasha akadonhedza madocuments anga ari mumaoko neshock. "Did I make a mistake Mr Rwizi?" She asked ndikati, "no asi handichade kushanda padhuze newe."
"Why? What have I done? Kana ndine pandakanganisa motaura Mr Rwizi," she anxiously asked, "you're Jennifer's best friend!"
"And that's the only reason why you're firing me?" She asked ndikati, "I'm not firing you but ndiri kukuchinja department. From now onwards wave kushandira kumarketing you'll be the H.O.D there." The head of marketing department had resigned two weeks back after getting married. Ndanga ndichiri kutotsvaga suitable replacement ndichishaya and Tasha came in handy at the right time. I no longer wanted her to be my secretary because of her closeness with Jennifer. Aigona kutumwa kundiisira mupfuhwira muchikafu ndikaswera ndoteverera Jennifer sedown syndrome kana kutongoudza Jennifer every movement about me. Ndaiziva kuti seshamwari yaJenny nyaya yemaphoto akaiziva kubva kare nekuti aiudzwa zvese naJenny and kubirthday kwakaitikira nyaya vaive vese. Which means pese paaindiona naJenny aingoti "Mr Rwizi vakabhavava shame."
"If you're not satisfied with your new position unogona kutsvaga rimwe basa kune imwe company," I pulled her back to reality akati, "I'm satisfied it's just that it was unexpected."
She later handed over all the necessary documents to Mr Ndatsva after that Jennifer akauya muoffice.
"You called for me?" She asked ndikati, "yeah."
"Oh okay," she said ndikati, "I need you to step down as the company's COO," I went straight to the point akati, "don't be this personal panyaya dzebasa. You gave me that position because of my capabilities Lincoln."
"Who gave you that position?" I asked akati, "you did but I deserve it Lincoln. I'm the third largest shareholder futi you can't ask me to step down."
"Ndini ndakakuisa pauri saka simba rekukubvisa ipapo ndinaro," I said akati, "that's too personal."
"Exactly because your personal life is now affecting our professional lives Jennifer. Your dramas are far from ending. First wakanohura ukaburitsa maphoto then suicide ndiyani anoziva zvauchaita next? I'm getting endlessly phone calls vanhu vachibvunza nezvako some of our business partners are interested in you. Ndakutobvunzwa price yako inini manje," I said akati, "I can't control what people say Lincoln."
"I can do that. At least if you step down tikaisa official statement pacompany's website kuti hausisiri COO ndinomira kunetswa," ndakadaro akati, "will you force me to step down?"
"Kana waramba kuita step down the board members will vote you out," I said akati, "they won't but kuri kuti vakandibvisa nemavote ndobva hangu."
"It's decided then," I said akati, "saka ndiyani ari kuda kuita COO?" She asked ndikati, "Shingi." He was my younger brother and anga ave nethree years achishanda neni. He had a small company asi aida kushanda neni to gain experience and I believed that he'd gain a lot of experience akaita COO.
After break takaita meeting with board members and H.O.Ds pakaitwa vote of confidence and Shingi became the company's new COO. Jennifer akaramba angori board member tikamuisa kufinance department.
"Une hutsinye Lincoln!" Akadaro Jennifer auya kuoffice kwangu ndikati, "tell me something new."
"Uri Satan," akandituka ndikaseka ndichiti, "and you?"
"Ndaita sei? Mistake yangu chete kukuda nemoyo wese," she said ndikati, "what you feel for me is not love but madness Jennifer."
"Yeah I'm madly in love with you Lincoln!" She screamed ndikati, "that's the bad part nekuti handidanane nemapenzi. What do you think? Waiti ndichadzoka ndichifeeler guilty? Dai wakafa ndipo pandaifeeler guilty. I would be depressed for a few days ndotokuchemawo semunhu wandakakura naye but I would eventually forget you. Pakafa dad vangu ndaifunga kuti hupenyu hwaguma but here I'm today, strong and success than when he passed away saka ukangozviuraya ndoita izvozvo."
"I feel bad for loving someone like you," she said ndikati, "trust me, I feel the same way. Ndomudii munhu ari selfish sewe. Hauna kumbofunga baba vako usati waita suicide yako iyi. Mai vako vakafa nekuzvisungirira iwe wakunwa poison wakambofungawo here kuti baba vako vanosara vachinzwa sei. You reminded him of his wife's death nekuda kwehubenzi hwako and now the old man is depressed."
"I will worry about him usazvinetse," she said and walked away ndikati, "pari bho."
Aenda I called Zara and informed her to go to the company the following day. Aive azobuda muchipatara zuva rapfuura akatora one day off.
"Rufaro? You're reminding me that for the third time today," she said with a sleepy voice ndikachinja topic nenyadzi ndichiti, "haunete nekurara?"
"Handina zvekuita TV yacho inobhowa apa phone yangu haina data," she complained ndikati, "ko kuverenga mabook?" Anga ane bachelor's degree in finance asi aida kuramba achiwedzera chikoro which was good. Aidzidza online kuitira kubasa.
"Kuverenga kunorarisa uku," she said ndikati, "uchapasa neminana handi?"
"Ndozoverenga kana ndave nemaexam kwete izvezvi achiri kure," she said ndikati, "be serious Zaza."
"Don't sound like my dad. Vaingoti handisi serious nechikoro kubva Grade 1 asi ndakatopasa kuvadarika," she said ndikati, "ita hako nharo uchidaro."
"It's not a lie wakaona maresults angu," she said and for sure aisanyepa. She was intelligent maqualifications ake ndaive ndakamaona pandaiinvestigater nyaya yemari ndichida kuona kuti nezvari akaita finance manager chirudzii. Anga atori nefirst class degree in finance which was impressive. Wakamutarisa anga asina kumbofitwa nekupasa. You know type yevasikana vakanaka zvechikoro zvairamba kazhinji but Zara was exceptional. Nekuda kwekuti kumba kwavo ndiye anga ari mwana akaita zvine musoro ane hunhu futi baba vake vakabva vamuyemedza to the last extent. Ndakaona maitiro avo pavakauya kuchipatara kuzomuona kuti vaimubata semucheche. Kamuviri kake kaibva kuti aite semwana paaiyema. Without knowing her waigona kufunga kuti she's around 16 or 17 asi anga atove ne23 years. Dai akaita modelling aigona kusvika.
"Chizorora kekupedzisira mangwana kuri kufiwa nebasa," I told her akati, "at least kubasa hakubhowe sepamba."
"Zvenyu vamwe munofarira basa," I said akati, "imi munozoita pressure yakanyanya kuHarare. By the way how is Ms Moyo? Handina data saka handisi kuziva kuti zviri kufamba sei?"
"Do you care that much about her?" I asked akati, "haa kana it's just that she's also my boss saka ndinenge ndichidana kungozivawo zviri kuitika kuHQ."
"You'll find out soon," I said and ended the call. Ndakatuma Mr Ndatsva kuti vamuisire 50GB internet data remwedzi azvionere nyaya dzaJennifer ega.
"And who's this Zaza?" Shingi asked with a gossipy tone ndikati, "wamuonepi?"
"This is the fourth time yandakunzwa uchitaura naye. Inyaya dzei dzisingapere dzamunotaura?" He asked ndikati, "wave COO you must be busy with your work kwete kuita makuhwa."
"And you're the CEO but here you're smiling like a fool and calling Zara every hour. Pahuviri hwedu ndiwe unofanira kunge uri busy asi watonyura murudo zvako," he said ndikati, "wakufarisa this time handisi kuita zverudo."
"Let's check your call log tione," he said ndikatarisa and for sure ndaive ndafonera Zara four times that day. Kwanga kusiri kuti ndomuda asi kuti anga akaroverwa mhosva isiri yake because of my company. First call ndaive ndamufonera makuseni around 5 ndichida kunzwa kuti muviri hausi kurwadza then midmorning ndikazomufonera ndichibvunza kuti adya later on ndikafona ndichimurangaridza kuti anwe mapiritsi apa ndanga ndabva kumufonera ndichimuudza kuti aende kubasa the following day.
"Chero ukadaro ungaita 30 minutes uchingoudza munhu kuti adye breakfast," akadaro Shingi ndikati, "uri kungodaro nekuti Zaza haumuzive."
"Tomboti," he said ndikadialer number dzaZara. "Wakuda kumufonera futi?" Shingi akabvunza achiseka ndisati ndapindura akati, "wanga watonyura murudo zvarini?"
"Handisi murudo asi ndoda kungobvunza kuti data randatumira ariona here," I explained. Aitopenga Shingi kufunga kuti ndingada Zara nezvandiri ini. Ndaimudii Zara kamwana zvako? Vanhu vafunge kuti ndabata kaunderage. Zara anga asitori type yangu nekutaurisa kwake. Despite being her boss aisandiremekedza. Of course ndini ndanga ndamuti achirega kunditi Mr Rwizi anditi Rufaro kuitira kuti vanhu vasazive kuti ari kutaura neni asi akabva atoona sekuti taenzana. Jennifer chaiye business partner wangu treatment me with respect anga asingataure rubbish saZara. And frankly speaking pandaitaura naZara ndaive ndakutosafer mashoko nekutya kumuoffender nekuti aizopindura nyobvo.
"Handingambodanane nemunhu anondichallanger saZara ini. Anotoita sekuti ndiye boss wangu," I told myself ndikaswera zuva rese ndichizviudza kuti Zara haisi type yangu. I promised myself not to call her unless it's necessary but I hoped that she'd call me. Zuva rakatovira husiku hukatevera kukayedza nekuchena asina kufona.
Ndakabva kuHarare ndichidzokera kuKwekwe ndikasvika munhu atori busy nebasa muoffice make. Ndiri muroad ndakatombofunga kuti arwara futi saka asiri kutaura nani but to my surprise she was completely fine.
"Mr Rwizi you're back?" Akadaro achismiler after asimudza musoro akandiona ndakamira padoor. I remained indifferent ndikati, "wave kunditi Mr Rwizi?"
"Makati kana tiri pacompany ndokutii Mr Rwizi," she said ndikati, "but right now tiri two kaa."
"Ahh," she sighed ndikati, "saka ini ndikasakufonera hapatorina communication? Watadza kungobata phone yako wodialer number dzangu wobvunza kuti 'Mr Rwizi mamuka sei?' Zvinhu zvingori simple seizvozvo ndizvo zvawatadza?"
"Ahh, ummm," that's all she could say ndikati, "say something pane kungoshama murumo nhema."
"I'm sorry Mr Rwizi," she apologized but I didn't buy her apology ndikati, "Mr Rwizi ndiyani?"
"I'm sorry Lincoln," that was a little better asi ndakati, "sorry chete haikwane muhomwe."
"Ehh eh? What am I supposed to do? You're being childish Lincoln. You're a busy man and my boss saka ndokufonera ndichitaura nyaya dzei," she said ndikati, "bhoo sara uchitaura nevanhu vakuru vacho ini ndiri childish ndaenda."
End of chapter
❤️
😂
👍
🙏
😮
😢
261