Rue M Novels
January 21, 2025 at 05:52 AM
https://chat.whatsapp.com/KXKzX5QvZln0i0Er6DVeyz Double Bind Written By Rue M 0788357900 Chapter 8 Jennifer "You must be happy now that you're the COO," I said that to Shingi after handover akati, "I'm over the moon right now and his calls for a celebration ndanga ndichitoda kuenda kuparty newe but later decided against it nekuti ukazodhakwa unoita mashura." I never liked Shingi and iye haana kumbobvira andifarirawo but we always respected each other because of Lincoln saka hukama zvawanga husisipo panga pasina chekutya. "Kutadza kushanda zvako uchiita basa rekudzungaira pacompany yemukoma, how shameless?" I provoked him akati, "it's better pane kushingirira munhu asingakude. 7 years murelationship pasina chabuda. You'll get a dose of reality very soon Lincoln aroora. " "Aroora iwe here?" I asked akati, "just wait and see." Ndakamusiya ndichidzokera kunew office kwandaive ndakamirirwa naTasha. Ndaive ndisati ndaita proper conversation naye ever since that incident. "You must be happy kuti handisisiri secretary waLincoln," ndakashamisika adaro nekuti ndanga ndisati ndazvinzwa. The previous day pandakabviswa pahuCOO ndakaenda kumba kunozvirarira nestress dzangu. "What happened?" I asked with a smile on my face akati, "it's because of you! Lincoln akati haakwanise kushanda neni nekuti ndiri friend yako." "That serves you right," I said akati, "you're bad luck Jennifer." "Chimbomira izvozvo Tasha undiudze kuti waida kundiurayirei," I said akati, "wagara uri kuziva and usambofunga zvekuudza vanhu izvozvo because I still have more cards up my sleeves. Ukangoudza Lincoln kuti ndini ndakadana Ashton ndikalikisa maphoto you'll lose everything my dear friend. Apa chakabuda maphoto chete Lincoln akaenda haywire imagine paachaona sex tape achaita sei. Of course he'll realize that you're just a victim but he'll feel disgusted with you. He's a proud man unofunga kuti angakuroora after a leaked sex tape? Chero Mrs Rwizi vanokufarira hapana pavangambogamuchira muroora anenge iwe. They'll sympathize with you kana kutondisungisa naAshton asi at the end of day hapana chauchawana Jennifer. Unofunga kuti Lincoln ndiye angada kunyeyewa nemabusiness partner akuroora? Chero kumabusiness reception and party munoenda sei mese? Unless kana wada kusiya zvebusiness woita mukadzi wake wekumba anongogara pamba 24/7. Musi wandinenge ndakafarisa ndichakuratidza sex tape rako for now chimbondidzikamira." With that she walked away feeling like a winner but she didn't know that I was going to be victorious. I had recorded our conversation. Tanga tisina kutaura zvesuicide which was good. She had confessed to her misdeeds and proved my innocence. Ndakaenda kuoffice kwaLincoln nemufaro ndichiti ndimunzwise voice record yaTasha but ndakawana asiko. Kwanga kuna assistant wake Mr Ndatsva vakati aenda kuKwekwe. "Kunoitei?" I asked Mr Ndatsva vakati, "vane zvinhu zvavari kuda kugadzirisa personally." He didn't say much asi ndega ndaiziva kuti kwaive nezvakawanda kuKwekwe ikoko besides business. Ndiko kwaakaenda when we had our first fall out akadzoka akutaura zvaZara. Problem yekubiwa kwemari yanga yatogadziriswa and kwanga kune kasmall branch maproblem eko aisatomboda munhu waCEO chero COO. The district manager would solve them kwete vanhu vekuHQ. "I suppose ndiko kuna Zara," I thought to myself and it made sense. Ndakabva ndatoona kuti zviri better kutevera kuKwekwe kwacho neevidence yandaive nayo nekuzvionera kuti Zara wacho ndokwaari and chii chiri kuitika pakati pavo. Handina kuudza Lincoln kuti ndiri kuuyako because ndaisada kumungwadza. ZARA'S POV Boss Lincoln was the most unpredictable man that I had ever dealt with. One minute tiri kuwirirana and the next one he's bossing me around. Semusi wavakadzoka kuHQ vakangosvika kuoffice kwangu vachipopota kuti sei ndisina kuvafonera the previous day. He was a busy man and my boss ndaivafonera ndichitaura nyaya dzei. Masupervisor angu ese aive akangondivenga for unknown but Boss Lincoln ndaitadza kunzwisisa kuti vakandivenga kana kuti vanondifarira. And I didn't want to get out of his good books nekuvafonera zviri unnecessary. He got made when I called him childish. Ndakatozozviona aenda kuti ndanga ndafarisawo. I followed him to the branch manager's office nekuti ndiko kwaaishandira. The office door was slightly open and pandakaknocker vakasimudza musoro vakandiona but ignored me. "May I come in Mr Rwizi?" I said but he remained indifferent. "Lincoln?"I called him in a low voice after recalling kuti haachade kunzi Mr Rwizi. "Lincoln," he smiled foolishly the second time I called him ndokubva ndapinda. "I'm still angry at you Ms Zara," he pretended to mad ndikati, "you've got a funny way of expressing your anger." Ndiyani aiti akatsamwa otanga kusmiler. "Oh is that so? Do you think you can handle the consequences of upsetting me?" He asked. "I'm so sorry, ndoita sei kuti mundiregererewo?" I asked zvikanzi, "I need a treat." "What kind of a treat?" I ndakabvunza zvikanzi, "lunch." "Ahh lunch? Ndoiwanepi mari yekukutengerai lunch?" Ndakakanuka nekuti vaisadya lunch yemhanga mhanga seni." "Salary haisi kupinda nhasi here? Usade kuomera," he said ndikati, "you're being unfair asi. Wakandibata rough when we first met but I never demanded an apology." "You never demanded because ndakaita zvinhu zvekuti undiregerereka. Ndakuendesa kuchipatara and paid for your medical bills not to mention about your mother. Ndini ndakatokubetsera nekukungwadza ungadai wakatobuda mari futi kuna doctor vaya," he explained ndikatarisa kuside nenyadzi. For sure Lincoln anga andibatsira zvakanyanya and I took him for granted ndikarega kana kumutenda. "Choose venue toenda kulunch kwacho," I said akati, "ko 'kwacho' ndeyei kuita kunge zvekuramwa? Anyway handichade lunch yacho ndaneta nekudya chikafu chekuhotel saka wondibikira." "Inini?" I asked in surprise zvikanzi, "from today onwards you'll be responsible for my breakfasts. I don't know kuti ndichagara kuno kusvika rini saka ndoda kudya homemade food time yandinenge ndiri kuno. Manheru I will manage." Kubikira Lincoln raitove basa hombe pazvinhu zvese. "Ko palunch?" I asked akati, "I spent most of my lunch breaks with business partners at hotel or restaurant and discuss business over a meal. Manheru ndozongodya kuhotel. Breakfast is the most important meal of the day saka ndichida homemade." "Lincoln zvatinodya kumba kwedu hazvienderani newe," I had to be honest nekuti ndaitya kuzomurwarisa basa ropera. "Zara? Why do you look down upon yourself?" He asked ndikati, "that's not the case chokwadi ndechekuti takasiyana. Our levels and backgrounds, above all you are my boss." "Forget it pane kwandiri kuda kuenda newe in two hours time," he said ndikati, "kupi?" "Kunoranga mapenzi," he said ndikamutarisa with curiosity akati, "chienda kunoshanda otherwise I will deduct your salary." "Hmm Ruru don't be so mean," I wanted to provoke him zvikanzi, "Ruru ndiyani?" "Iweweka Rufaro ndiRuru in short, Ruru sounds cute," I said zvikanzi, "get out of my office right now!" "As you wish," ndakadaro and left ndikanzwa munhu akuseka ega achiti, "next time she will call me Link." Ndakasekawo ndichienda kuoffice kwangu. "He's not that bad," ndakataura ndega. In fact his grumpiness brought of his sweet, caring and romantic side. "Romantic?" Ndakazvitsiura ndashaya kuti word rekuti romantic rinopindira papi naLincoln. Ndapedza basa randaive naro ndakabuda naLincoln nadriver wake and two bodyguards. Takaenda kuwarehouse yaive muCBD. Manga musina chirimo ndikati, "why are we here? Do you need this building?" Ndakabvunza nekuti ndaive ndanzwa paphone kuti aitsvaga area yekuvhura shop yemacar parts. Rwizi Cooperation yainyanyozivikanwa nekutengesa mota among other dealings. In Kwekwe it was famous for gold zvemota zvanga zvisati zvaveko and I guessed kuti Lincoln anga afambira kuzoexpander business in our town. "Yeah ndakatoitenga asi ndiri kutsvaga space yekuvakira garage nekuti ndoda kutengesera mota kuno saka panoda space hombe," he said ndikati, "ndogona kukunzwirai kuna dad vangu vaishanda kukanzuruka saka vanoti zivei nezvemastand." "If that's the case ndipe number dzavo ndotaura navo ndega," that was one thing about Lincoln. Aifarira kufambira nyaya dzake ega aisada middleman zvairerutsira isu masubordinate ake. I gave him my dad's number ndokushamisika tapinda mune imwe room ndichiona mapurisa ekundirakasha akagara. Ndakapindwa nechando after recalling that incident and pfungwa yekuroverwa mhosva isiri yangu yakaita kuti ndinzwe kuda kuchema asi ndakazvidzora semunhu mukuru. I felt a lot better ndafunga Lincoln paanga ati, "toda kuranga mapenzi." "Mamuziva?" Lincoln akabvunza achigara pachair. "Pakakanganisika mukuru hatina kunge taziva kuti ndiMadam venyu" said the male officer Lincoln akati, "ngatisapedzeranai nguva handiti? Ndoda kuti mungonzwa pain yaakanzwa Zara. Akagara muchipatara for five days and you also left an emotional scar on her. Pega pega paanoona mapurisa anofunga pamakamurova so I want to change her mindset kuti paachaona mapurisa she'll remember this day. Ndakamboda kukuitirai hutsinye basa ropera asi ndakaona kuti hazvibatsire." "Muri kuda kuti tiite sei Shefu?" Akabvunza officer wechikadzi Lincoln, "it's simple ndoda kuti murovane. Kudhindana chaiko anenge arohwa ari kuenda kunoshandira kuZhombe." Lincoln was a different kind ndaitofunga kuti achati mamonya ake arove vanhu but he spiced the revenge pakuti varovane vega. I then recalled paakati he'll give those officers a taste of their own medicine. "Commissioner wenyu muface wangu and your transfers are ready pahuviri hwenyu mongowirirana kuti achanoshandira kumusha ndiyani," akadaro Lincoln and in no time zvibhakera zvakanaya kwete zvekutamba. Obviously mukadzi akakurirwa simba and fainted. Takagara muwarehouse kusvika amuka Lincoln akati, "maita zvakanaka mungachidzokera kubasa hapana transfer iripo ndanga ndichida kuti mungowana motivation chete. Imimi ndoda kuti murambe muchishanda mese." No one expected that Lincoln would play a sick joke on them. Hapana aida kunoshandira kumusha saka vanhu vakarwa nesimba rose munhu wozongoti, "jokes, sorry." The officers cried with disappointed. Patakabva kuwarehouse it was already lunchtime saka takangoenda paTropicana Hotel yaive mutown and helped ourselves. From there takadzokera kubasa. Tisati tabuda mumota Lincoln akati, "why is she here?" He was looking at a woman's disappearing figure. Mukadzi wacho akapinda mukati ndisati ndamuona ndikati, "who is she?" "Ms Moyo," he said nechemumoyo ndikati, "finally." Ndanga ndisati ndatoona Ms Moyo nekuti pandakada kuzotarisa nyaya dzavo painternet panga pasisina maphoto uyu Busi atodeleter muphone make nekusada kuchengeta zvinyadzi. I was about to get out of the car when I received a call from home zvichinzi Zandile awanikwa akazvisungirira. "Awanikwa kupi maiguru?" I asked vakati, "mukasango kari along Harare Road. Pane munhu atongotsaukawo achiti azvibetsere ndokumuona." I almost collapsed ndanzwa maiguru vachidaro. Zandile ndiye wandaitevera pakuzvarwa and she lived a carefree life. "Zandile!" I screamed zvakavhundutsa vanhu vanga ndinavo. "Zara what happened?" Lincoln asked ndikaramba ndichichema ndichiti Zandile. Akatora phone yandaive ndadonhedza akapedzisa kutaura namaiguru and instructed his driver to drive me home. "Tichazouya kumba kwenyu manheru after dealing with Ms Moyo," he said ndikangogutsirira ndichichema. End of chapter
❤️ 👍 🙏 😢 😂 😮 576

Comments