Joseph Simango novels
January 31, 2025 at 06:56 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VakaaVVCsU9TqVjDVJ0r Free book Book 2 🌟 Our little rich brother 👱‍♂️ Story by *RUVARASHE*( meeky ) Read, like & share Chapter 1⃣ *Beverly* Nhaiwe Ryan ungabva wamukirira kudya nyama kunge ndiwe wega unoda kudya sei ndipoo ndiri kutoidao nyama iyoyo "Unoida kuti ndiwe wakaitenga here zvako izvo" "Aaah manje ahusi kuzoidya nyama iyoyo wega mira uone " "Ehe ndirikutoidya " "Chero ukamhanya zvako ndirikutokuteera shamwari wakapusa stereki pese ndiwe unenge uchingodya apa ahushande futi " "Iwewe dai watonoroorwa shamwari ahusi kuona here kuti urikutochembera ipapa " " Ko iwewe roora kaa ubve pano " " Andibve pano ini pamba pemwana wamai vangu ende ndinotoita zvandinoda futi " Ndini zvangu ndaitonetsana nebrother yangu isusu takazvarwa tiri 3 kunotanga Ryan kouya inini kuchipedzesera Darrell vabereki vedu vakafa kare takasiiwa tatova kuhigh school inini I was in form 3, Ryan anga atonyora form 4 , Darrell anga ari grade 7 so mari yekuti tirambe tichienda kuchikoro takange takunetseka kuti tiiwane so we decided kuti Darrell aende hake kuchikoro isusu torega hedu since iye aive ari bright kuma book uku ,takatanga kuita maricho kusvika Darrell adzidze aite degree rake rehu doctor kusvika nhasi ave kushanda ane maprivate hospitals ake two nedzimba dzake three yatiri kugara iyi ndeye kuMandara isusu atiende kubasa Darrell ndiye anotiitira hedu takagara kohanty taimushandira hedu saka ndoyacho plus futi ndiye akatidedza kuno kuzogara naye hanzi vana vamai vangu amhungatambure ndiripo . Back to my story uyu anonzi Ryan anotopenga chete kubva kubva , kubva ndiyani ini andinao kwandoenda pamba pemwana wamai vangu futi saka abaiwa ndiye anobuda . " Guys chiiko chirikuitika noise ndeyei ezvinezvi it's past five maneighbors anenge achiri akarara imimi matomuka kuita noise chii nemi ko pasofa mukuitei makamira ipapo nhai sisi Beverly " " Aaah ndiRyan uyu arikutiza nenyama " " Ko watadza kungonobika imwe here nhai Beverly nyama ingorimo wani mufridge amuna kana nyama isimo wani sure mungaite basa rekujamba pamasofa zera renyu iri " " Aaah Darrell azviite inini ndini ndakaibika nyama iyoyo iye ongouya kunodya chete aaah pasofa ndandichitoda kumujambira kuti nditore poto yenyama " " Horyt ndakunobika nyama yacho inini , mukoma nyama yese irimupoto umo munoipedza here kana nemio " " Ukutaura iyi here mpfanha wangu ndoipedza iyi itori shoma futi " " Iiiih inga zvakaoma sure , sisi ndakubika nyama yacho siyanai naRyan " " Horyt Darrell "l said uku Ryan aiita kubuditsa rurimi achiruma nyama zvekusvotesa mxm. "Shaa dai pasina kuti Darrell aenda kunondibikira imwe nyama wanga usiri kuzoidya nyama iyoyo wega zimunhu rakakurira mahara " " Beverly undikwanire andina zera newe 35 years it's not a joke wanzwa " " Ukuzviona kaa kuti wakura ukutotaura wega chiroorao ndione kuti wakura sure " " Koiwewe ukuti 30 years uchiri mwana here iwewe ndiwe watonyanya uri munhu wemukadzi inini ndirinani ndiri murume " " Hapana kana nani apa takafanana shamwari " " Hoo apa une zibody uchashaya anokunyenga uchinzi mayi ndirikutokuudza soo zviregerere uchidaro" " Haaa chero ndichidya mari yemupfanha wangu zvese boe zvimwe izvo ratoo drama " " Uite uchiendao kugyme maybe ungaite zvirinani because shape chaiyo ndiyo yauri kutopera " " Nhywe Ryan une hutsinye mxm ndakuenda kuroom kwangu ini unobowa iwewe " Mxm munhu wepi anotaura mashoko akashata kudaro nxi Darrell akazouya achindipa nyama yangu aindida zvake mwana wamai vangu ainzwisisa ndozvandaimudira kwete Ryan akangokurira mahara anenge achingoda kunetsana neni chete kutadza kuita kunge Darrell munhu kwaye mxm Ndakadya hangu nyama yangu ndiri muroom mangu ndapedza ndichibva ndatomborara zvangu ndaimukirei pamba pane vanhu vakuru vese vakadai ava anenge anzwa nzara anozvibikira ega ndini ndadii ndisiyei ndimbopfachura zvangu takakura tisingazviziveo zvinhu izvi . Apa musoro wangu ahuchaite manails ahachaite ndakuda mamwe ini regai ndirare pandomuka ndonoudza Darrell andipe mari yacho ............ *The end stay tuned* *Love you all* ❤️❤️❤️🔥 Let me know how is the book kucomment grp https://whatsapp.com/channel/0029VakaaVVCsU9TqVjDVJ0r *Kindly join our channel kuti usajambwe nemamwe machapters link riripo pamusoro unongobaya chete watopinda⬆️🔝* https://chat.whatsapp.com/LrctONMT9n8Ik0oWSk5nOs *Vese vachada kuisa macomments pindai umu zvadirwa sugar izvi pindai mugroup mupedze shungu link redu ndirori riri pamusoro apo unongobaya chete watopinda ⬆️* Free book 📖 Book 2 🌟 Our little rich brother 👱‍♂️ Story by *RUVARASHE(meeky)* Read, like &share Chapter 2⃣ *Beverly* Ndakazomuka later kuma 12 hangu ko inini here kurara ndaingorara chero pandanzwa kuda kurara hangu ndanga ndisina nguva zvangu ende apana aindibvunza Ndakazonogeza ndichibva ndapfeka hembe dzangu dzakanaka naka zvangu kohembe here ndanga ndiinadzo hobho sarura ude ende dzinodhura futi , ndapedza ndakabva ndadzika downstairs kwakusvika Ryan achitotambidzwa mari ndichibva ndatobvunza kutibimari yei hanzi yekurukwa musoro nehembe heee I need new clothes dzandinadzo adzichaite ini eeeh hoo kwakubva ndatokumbirao mari yemanails nemusoro ndichibva ndapihwa ndakabva ndafunga futi kuti I need a taxi pakuzopinda mutown ndichibva ndanoudzaa Darrell anga akutobuda achibva ati ndomuudza ndakuda kubuda anotuma driver ndichibva ndadzoka mumba hangu Maid anga asipo anga aenda kuoff saka I had to do all the house chores by myself aaah ndainyatsa kunzwa kusvotwa nazvo ndaiita kunzwa kunonokerwa nekuti adzoke Chipo aaah ndakatombofunga kudedza Leo gate man but ndakazongoti ndisiye hangu ndongoita Kumanails ndanga ndakutozoenda the following day because ndakanonoka kupedza kuita basa nemanzara aya kutonditambudzao zvangu apa ndanga ndasara ndega pamba vaRyan vanga vaenda kunorukwa neshopping yehembe ndozvega zvaanongofunga chete izvozvo pazvinhu zvese Time adzina kumira kufamba ndakabva ndatotanga kubika chikafu chemanheru Darrell akabva afona achiti ndibike chikafu nechemumwe munhu one ane munhu waiiuya naye ndangoti it's fine angava ari aniko nhai eeh regai tione hedu Ndichangopedza kubika Ryan akabva asvika akarukwa zvima free hand hake mukoma takamhoresana hedu boe boe tinombonetsana hedu but towirirana manje Ndakabva ndatanga kuratidzwa hembe dzainge dzatengwa ndichibvunzwa hee dzakanaka here hee what what aaah munhu wacho anotaurisa zvake Takazonogara mudining takamirira mupfanha wedu so that tongodya tese kaone akazosvika hake later aine kamwe kamusikana kanga kakaita kuminura ikwo kushata chiso ichi mmm munhu iyeye ahaiite kuti ave muskana waDarrell azviite nekunaka kwaakaita uku otiunzira chipoko chakadai iyo makeup iyi hiii mwari ivai naye zvake Ndakabva ndatarisa Ryan tigoti bvaru kuseka Darrell akabva angostika zvake ndichibva ndatanga kunyepera kuti oooh masvika bro aaah tanga tiri kutonakirwa hedu nemoovie iyi masweracy welcome welcome garai henyu apa sisi ndaitodaro kasikana kaye kachibva kagara Darrell achibva atoenda upstairs kunochinja chinja ndichibva ndaenda kukitchen kunopakura zvangu vanhu tidye "Sorry eeeh can you show me Darrell's room I need something from him " "You need something, chinengei kumwana wedu " " Iiiiih what kind of a question is that ma'am " " Mwemu wadii kutaura hako neshona because kamushatiro kawakaita kaaa akatodi kuti utaure nechirungu my friend unonzaniko " " Mxxxxxxxm " " Aaaah ukuridzira inini tsamwa here shamwari ndokuputitsa manje ndandichimbokunyara apa ahusi type yebrother yangu futi unenge utongorio kagold digger zvako iwe" " Me gold digger do you know where I come from, do you even know kwandoshanda hee " " Kuziva kana kusaziva azvina kana basa neni izvozvo ndangoti wakashata " " Nxii wait and see Darrell is coming " 🗣️Darrell Darrell Darreeeell babe come here these monsters are bullying me " Monster ndiyani nhywe undikwanireo ndokumamisa kushata ka99 kechi100 kacho kanooo....." Ryan ahana kuzopedza kutaura aona Darrell auya "Guys guys chii what is happening here chii " "Babe these two siblings of yours were mocking me" she said kakutochema I failed to control myself ndakabva ndaseka "Guys problem yenyu ndeyei matadza kungoitao respect here munomuziva here munhu uyu hunhu hwenyu hunobowa kutaura chokwadi mxm nhy Beverly ukusekei ipapa" " Iiiih xaa make-up iyo boe here asi kushata zvekubva warambwa nemakeup here mmm babe rako ariko shaa " " Zvinebasarei newe izvozvo potao uchiita hunhu iwe mese infact nemi mukoma Ryan chii asi " "Ko inini ndadii mubvunze kaa kuti zvanga zvadii kuti adaro " "I know you guys hapana apa matotanga kuseka tichisvika apa mukuti andina kukuonai here " "Babe unogarirei nevanhu ava ngavanogare vega inini I can't stay navo ini " she said achitochema chaiko Ndakabva ndatarisana naRyan neziso riye rekuti akakwana here uyu haya "Don't worry babe I will talk to them" "Talk to them chii why can't you just send them away" "No babe these are my siblings vanonogara kupi " "It's fine Darrell it's fine handei unondiratidza room yedu ndirare my head is now aching " " Okay babe let's go " Eeeeh haya madrama chaio zvakaoma shame " Nhaiwe Beverly rakakwana here zishatirisha rehanzvadzi yako iri " " Iiih ameno nhywe hanzi tibve pano isusu manje tiende kupi " I said ndichiita chikwee chaicho " Hameno kaa anorwara dakutonyatsa kumaker sure kuti pano ahapagare akapusa akuda kutotitadzisa kudya Mari yemwana wedu zvakanaka manje wait and see achanoudza vamwe hake " " Ukuziva wani iye ndiye achabva pano isu atibve anotamba fani " " Senge mangwana akasara pano kaa tomuita party " " Izvozvo chete here nekutomunyima chikafu kuti akaure nenzara chaiko nzara ikaruma anouya achiti sorry angatiti mamonster isusu mxm " " Musiye hake uyo ndiye asiri kutozogara pano manje munhu neday one kutotanga kuita dzungu hayas andisati ndamboona zvakadaro " " Don't worry bro we will teach her a lesson tomorrow " Takazodya hedu chikafu tiri two Darrell akauya achitora chikafu chake nashati wake haana chimwe chaakataura achibva atoenda mukomana kana hanya nazvo kutsamwira chimunhu chakashata kudaro hayas anopengao uyu ndakazotomuti akumusoro ko anonzaniko makhotie zvakanzi Cassandra achienda hake mukomana takasara tichifa nekuseka kamudairoro kacho kekusvotwa chaiko manje achatojaira hake . Tapedza kudya takamboona hedu tv naRyan kwakuzoenda hedu kunorara uyu Chido aidzoka the following day ndaiita kunzwa kufara zvangu bhoyi redu ranga rakuuuya manje ndendakusapinda busy yekuita basa .............. *The end stay tuned* ❤️ 🔥 🔥🔥🔥🔥🔥🔥🔥🔥🔥🔥 [1/6, 08:17] Anotidaishe: https://whatsapp.com/channel/0029VakaaVVCsU9TqVjDVJ0r *Kindly join our channel kuti usajambwe nemamwe machapters link riripo pumusoro pekutanga apo ukangobaya chete woita follow watopinda ⬆️🔝* https://chat.whatsapp.com/LrctONMT9n8Ik0oWSk5nOs *Vese vachada kuisa macomments pindai umu zvadirwa sugar izvi pindai pindai mufambe nevamwe Link riripo pamusoro apo 🔝⬆️* Free book 📖 Book 2 🌟 Our little rich brother Story by *RUVARASHE ( meeky* ) Read, like, comment & share Chapter 3⃣ *Darrell* My name is Darrell Kanhengo ndini last born mumba medu tingori three chete muskana 1 ,so my parents died when i was in primary level my brother and sister vakabva vatorega kuenda kuchikoro nekuda kwekushaya Mari ndokutanga kushanda vachindiendesa kuschool. Zvese izvi ndaizviona hangu and these guys vakapinda nepamwe pasingaite vachishingirira kuti ndive a better person mulife nenio nemawanirwo aiitwa Mari yacho ndakangozviudza kuti I have to work hard if not for me then for my siblings , pandaienda kuchikoro ndaidzidza ndichinyatsa kuisa effort yangu yese because situation yangu ndaiziva ndaitoshingirira chete nawo mabook because that was the only way yandaiziva kuti ndiyo inokwanisa kundichinjira life yangu nevamwe vangu ukuo kunamata ndaisarega futi ndainamata coz my mom and dad taught me kuti nothing is impossible ukaisa mwari pamberi zvese zvinoita zvega and for sure zvichiitao because Kuma book uku ndaiona kubata kwamwari . Kuchikoro ndaitova munhu anga ari antisocial nekuda kwenhamo apana aitodao kutamba neni shamwari yangu aingova mabook chete mutoilet ndaipinda netsoka munongozivao matoilets ekumusha zvaari zvaindirwadza but paiva pasina chekuita ndozvaiva zviripondaingoti chikuru ndaenda kuchikoro chete . Nguva yakafamba ndanga ndatova form 4 ndakanyora masubjects angu 8 ndakapasa ese nema A but ndaitoda kunyora ari 12 asi nekuda kwekushaya Mari ndakangoita zvaienderana nemari yataiwana zvakawanda ndaisakendenga hangu ndakatongotenda mwari kuti maita henyu maita ndikwanise kunyora O'level , gore rakatevera andina kuenda kuform 5 nekuda kwemari gore rakapera tichitsvaga Mari rinotevera racho ndichibva ndazoenda kuchikoro ndakaita combination yangu yemasciences coz ndichikura ndaingoda kuita doctor Saka ndaitoshanda chaiko kuti zviite , kuchikoro kwacho ndaingova munhu aishorwa nekusekwa nevamwe nekuda kwezvandaipfeka asi ndaingoti ndikoko musatambe nekuti mwana ari form six anoenda kuchikoro akapfeka bhutsu dzeplastic dziye zvaiva zvakaoma asi I was so grateful for that kuti ndaitokwanisa kutodziwanirwa pane vamwe vaive vasitorinao Form six iye ndakanyora futi ndakabuda ne 15 points dzangu dzakakwana ndaitova highest pachikoro chedu hepano pakuti ndiende kuUNIVERSITY zvakamboda kuramba asi mwari vakapindira mukoma nasisi vakatanga kuita zvekurima madomasi , cabbage nezvimwe zvimwe zvinana macarrots izvi vachitengesa pakuti nditange vakatotengesa nemombe Mari ikabatana ndichibva ndakatoenda kuVar Vanhu vaitondiseka kuti andiite zvevaskana but ndanga ndisina basa nazvo ini ndaingoziva kuti nguva yangu ichakwana zvayo ndaisada zvekumhanyisana netsuro mbiri kaone chikoro pamberi ndakadzidza kusvika ndapedza ndichibva ndawana basa muno muZim nekufamba kwenguva ndichibva ndazowana basa kuSpain uku kwaibhadhara zvekuti ndakatovhurao maprivate hospitals angu ndakatenga dzimba dzngu five ana Beverly vanoziva 3 chete dzimwe avadzizive ndakaisa maroja ndokumwe kunobva Mari ikoko . That's how our life started to change then ndakazodecider kudzokera Zimbabwe kune vamwe vangu ndovatora tigare tese vambokanganwa nhamo yavakamboonao ndivo vadii nhaimi ndakadzokera kuZim paye ndichibva ndasvika nekunotora vamwe vangu all this while ndine friend yangu yainditarisira zvinhu zvangu zvese pandainge ndiri kunze haa taishandidzana boe boe hedu anga ari munhu boe ndakatanga kutamba naye ndiri kuVar anonzi Anotidaishe Pakauya vamwe vangu takatoita chiparty chekufarirana zvedu haa takafara coz tanga tane dzinenge almost 6 years tisina kuoonana kwakuzoonana haa we enjoyed hedu . Mazuva akafamba tichigara tese kudaro wainyatsa kuona kuti vanhu varikufara shame ndainge ndavaudza kuti anenge aine chaanoda anondiudza musatye henyu kuuya coz vanhu vanozozeza kaa vachiti mupfanha ndakatanga ndichivapa pedzesera vapinda mutune vakukumbira manje vanhu vacho vanotokumbira zvekudaro avazeze havo nenio andirwadziwe zvangu nekuvapa ndovanyimirei iripo zvayo Mari yacho Mazuva akafamba zvao rimwe day ndigomukirira kunzwa giii giii kumhaanya noise iyi waisada kwakumuka kuti ndinzwe chiri kutora nzvimbo kuwana vanhu varikumhanyisana hanzi atora nyama yangu sure vanhu vakakura kudaro kuita kunge vana vadiki iiih ndakapererwa nazvo ini kana kutsiura kwacho unotopererwa mufunge ndakazonobikira sisi Bev nyama yacho kupedza nyaya nfokuzodzikama kwakazoita vanhu ndakangoti zviriko ngavaite inyaya yekukura tichitambura zvichibva zvapfuura . Ndanga ndane mumwe muskana wandanga ndakudanana naye wekubasa kwangu anga angorioo doctor but not kusvika palevel rangu Saka atondijtira hake action ndichibva ndangomunyengao zvangu ndini ndadii zvauya zvega ndoramba iiih ndisiyei hangu ndakakabirao asi kumuda ndaisamuda zvangu zvaingovao zvekufambisa nguva ndichitsvaga soulmate yangu So day iri aindinetsera kuona kumba apa anga ane time achinetsa ndakashaya marambiro ndichibva ndangomuti okay ndouya ndichikutora kunodai munhu atouya nekamonarch ini eeh ko babe ndoipi iyi bag rese nderei zvakanzi ndakuda kugara newe ndakati ahusi wamhanya here atina kana nguva yakareba tadanana wakutondiitira drama rakadaro kana zvirizvo andichade achibva azongoti okay ndakungouyao for 3 days only ndakati boe but ndaiziva kuti neteam ririkumba uku azvipere mushe coz munhu wacho anedzungu . Takazoenda kumba paya tichisvika team riye rigoti bvuu kuseka zvanga zvatotanga ndakabva ndaenda kunochinja hangu ndakazonzwa shasha yakudedzera ndakati hokoyo kune zvaiitika uko kwaukuenda kunonzwa nyaya yacho iiih zvaizomboitwao nevakuru vangu zvaisaita sure kuudza munhu kuti wakashata ndiye akazvidao here aaah ndanga ndatosvotwao ini hunhu hwacho hwaitomara vanga vasina kana huenzi nemunhu mxm zvakaoma ndakazonyeperao kutsiura nekutsamwirira kuti zvityiseo kaa unozoitirwa zvisina basa kumunhu chaiye akazondisiya but there was no big deal tho Ndazonotora chikafu changu necha Cassandra ndichibva ndaenda nacho kuroom kwedu ndigotanga kuudzwa hee unogarirei nechembere dzese idzi ngavanogara vega ipapo manje ndakabva ndamudaira zvinoenderana naye anondiudza zvekudzinga vana vamai vangu inini ndiye ani mxm dai aiziva kuti ndivo vakaita ndive zvandiri izvi ari zii hake kakabva karamwa chikafu ndakangoti ameno ndikoko andina hangu kunodzosera food iya ndakadya changu ndichibva ndangochivhara nekutorara . Nguva nguva ndakazonzwa shasha yamuka kuenda kutoilet pakudzoka manje kwakutanga kunyangira kuchikafu kuye achingobata plate ndakabva ndabatidza light shasha ichibva yangoramba yakatsika zvayo "Ko iwewe ukuitei ipapo nhy Cassandra inguva yekurara ino " I said ndichiviga tsetswa " I......I....Iiii" she said achiita kunyara "Ko ukungongoti l l l chiiiko chii huya urare dakudzima light ini " "I.....am hungry Darrell" she said nyadzi dzakaita kubata munhu Ndakabva ndanyepera kuti "watiii come again ndichinyepera kurova serious" "Aaah ndati I am hungry Darrell" " Hoo ko unotaura kaa munoramba chikafu muchichichida henyu kodai ndachidya " I said ndichiita kufa nekuseka "Ko saka ukusekei ipapa " she said achitora plate nyadzi dzanga dzapera manje "Haa hede inonzi ken'azi amai next musazviite futi " "Nxii " she said akutodya hake mwana wevanhu Akazopedza kudya paya kwakuzopinda mumagumbeze hanzi ko atis kuita here ndakati kuita chiiko taura zvakanaka hanzi hee ukuziva wamunhu mukuru iwewe ndangoti aaah boe kana ndichiziva goodnight ndichidzima light kachibva kati iiiih nhywe andina kudaira ega ahatooneo kuti apa andidiwe anongoshingirira chete vamwe vaskana I loss chaiyo time time ndakazonzwa ndakubatwa batwa ndiri munhu wenyamao guys takabva tangoita zvaiida zvacho apa ndaitodzidzira kaa ndanga ndakangoita nemunhu 1 ndichiri kuVar Saka kwaingovao kutojuma juma asi ndakatoona kuti mwana ndainge ndamugonera anga atoo kudenga rake ega zvake zvainge zvaita ndakazonetao kwakurara paye munhu kwakundimitsa early morning hanzi huya u............. 🥹❤️ The end stay tuned ❤️ 🔥 *Vese vachada book iri pindai muchannel tifambe tese ratoo pachapter 2⃣4⃣ as we speak mhanyai tifambe tese*🔥💘
❤️ 👍 😢 🙏 11

Comments