Rue M Novels
January 21, 2025 at 05:41 PM
https://whatsapp.com/channel/0029Va8aAYUBfxo9ShfURc0p
Double Bind
Written By Rue M
0788357900
Chapter 9
Jennifer
Ndakasvika paKwekwe branch after lunch Lincoln asipo. "Mungazivawo kuti aendepi?" I asked his temporary assistant zvikanzi, "not sure but I it's think a personal errand nekuti vabuda naMs Gore pabreak time." I wanted to call Lincoln but decided against it ndikati, "oh okay ndokumbirawo number dzaMs Gore vacho kana munadzo. DzaMr Rwizi hadzisi kuita I've got something urgent to discuss with him."
"Umm ini handina asi ndokwanisa kukutsvagirai kune friend yake," he said that ndisati ndapindura umwe musikana akapinda and greeted me respectfully. Aitondiziva nezita probably because of my recent scandal. "Busi ndokumbirawo number dzaZara dziri kudiwa naMs Moyo," said Mr White and my heart skipped a beat ndanzwa kuti Ms Gore ndiZara, Zara wekuyemera Lincoln in return Lincoln akati ndiri musikana waShingi.
"I have to see this Zara," I thought to myself zvikanzi naBusi, "oh ndokwanisa kukupai number dzacho but Zara won't pick up. Ashaikirwa..." Asati apedza kutaura the man himself joined us in the branch manager's office. Busi and Mr White made their way out zvikanzi naLincoln, "what brought you here?"
"And where were you Lincoln? I thought you're here for business but uri kutonakirwa zvako naZaa hameno Zafa...Zaka whatever!" I bitterly said akati, "it's Zara." I rolled my eyes in disgust and said,"whatever!" Ndakazvitsura that time after recalling zvanga ndafanira. Yanga isiri nguva yekuita mamoods so I changed my tone ndichiti, "sorry."
"Uri kudei?" He asked ndikati, "Lincoln ndanga ndakakutsamwira because ndaifunga kuti ndiwe wakaleakisa maphoto angu nekuti ndakunyima mashares."
"Waifunga kuti ndini uriwe wakaburitsa?" He asked me ndikati, "you see? Someone deliberately sow a seed of misunderstanding between us kuti tirambane nekuti iwe waifunga kuti ndini ini ndichifunga kuti ndini."
"May I know that 'someone'," akadaro ndikati, "before that ndakuvigira something." Ndakataura ndichivhura handbag yangu ndikaburitsa document ndokumupa. He laughed after going through it akati, "Jennifer unondiona sehure handiti?"
"No! No Lincoln," I said akati, "so what's the meaning of this? Do you think that transfering me your 5% shares will solve everything? Ndinotokara mari zvekudai here kuti wahura hako wondipa mashare nyaya yovharana?"
"I know you're not that kind of man but take those shares as an apology. You always wanted those shares Lincoln saka ndati ndikupe kuti uone kuti ndokuda kusvika papi. I'm not trying to bribe you nekuti ndagara ndiri innocent and I've got the evidence to prove my innocence," ndakadaro akati, "buritsa kaa evidence yacho."
Handina kutora nguva kuburitsa phone yangu kuti azvinzwire confession yaTasha. "Tasha anondida?" That was his first question after listening to Tasha's voice record ndikati, "ndakatoshamisika sezvauri kuitawo."
"How did you find out kuti anondida and ndiye ari behind those leaked photos because from this record muri kuratidza kuti nyaya iyi makatomboitaura kare before your attempted suicide nekuti iri kutangira pakati?" Akabvunza mubvunzo wanga ndisina kutarisira kana kufunga nezvazvo. I thought of lying but no lie came to my mind ndokubva ndangomuudza kuti suicide iya yanga iri staged but Tasha went overboard and attempted to take my life.
Akaita seanzwisisa akazoti, "but you slept with Ashton and very soon your sex tape is going to leak. And forget about it leaking pfungwa yekungoti wakarara neumwe munhu won't give me peace."
"It's not my fault Lincoln. I was raped," ndakadaro akati, "raped wakazvidhakwira wega?"
"Munhu ave kurambidzwa kunwa doro Lincoln? And chero dai ndisina kudhakwa nedoro vaigona kushandisa madrugs kuti plan yavo iite," I explained akati, "but don't use the term rape when justifying yourself Jennifer. Dai iri rape wakaenda kupolice kana kuudza mhamha vangu. Wakazvinyarara ukatanga kutaura naAshton and pakabuda maphoto aya hauna kutaura chokwadi wakaita as if everything was staged and hauna kumborara naAshton."
"Lincoln zvakaitika pabirthday haisi mhosva yangu but zvakazoitika after that ndinobvuma kuti ndakanganisa ndingadai ndisina kunyarara," I said akati, "and these shares?"
"Paya wakati ndikupe mashares kuratidza kuti ndokuda and here is a proof of my love," aindirwadza mashares iwayo because they were worth 9.8 million dollars. Lincoln worth more than that saka ndaiziva kuti akangondiroora I will benefit more than 9.8 million so why would I be stingy? "I love these shares asi zvekuti undipe kuti tidzokerane hazviite. Love haishande saizvozvo Jennifer."
"Handina kumboti tidzokerane asi undiregerere," I said akati, "it's one and the same thing."
"Does that mean kuti hauna kumbobeliever zvese zvandataura?" Ndakamubvunza akati, "I believe you but handikwanise kutora mashares for free. I will ask Mr Ndatsva to transfer 9.8 million dollars into your account tomorrow." I wanted to object him nekuti plan yanga isiri yekumutengesera. Ndaida kumupa for free so that I would keep reminding him of that favour. Business will always remain business saka handina kuramba mari nekuti there was a possibility yekuti mashares angu aizoendera mahara tatadza kudzokerana ndikafa nestress. Moreover I didn't want push him nekuti aizonyumwa.
After business talk akabva abvunza kuti, "saka uri kudzokera rini?"
"Ndauya nhasi Lincoln wave kutondibvunza zvekudzokera? Do I annoy you that much?" I asked ndichienda nechair yangu kwaaive akagara. "I'm here for business Jennifer," he said ndikati, "Lincoln ndokubatsira nowadays handisisiri busy."
"I've got enough help here and it's wise kuti udzokere nekuti hakuna pekurara ini ndiri kugara kuhotel," statement rake rakandiratidza kuti Lincoln achinja. Taimboenda tese kumabusiness trips tichirara pahotel sharing the same room asi apa anga akuti hakuna pekurara.
"Lincoln you're still mad at me?" I asked ndichimuzembera akagara straight and distanced himself from me achiti, "I understand that you're innocent but this is inappropriate Jennifer."
"What's inappropriate about this Lincoln? Wave kundisema because of Ashton?" I asked akati, "nyaya yaAshton nekunyepa kwawakaita Jennifer zvinotondibhowa moreover ndoita chiseko chenyika yese ndikadzokerana newe."
"I can't believe you Lincoln! Ndakarara naAshton ka1 that too by mistake wave kutondisema," ndakataura ndichida kuchema akati, "hakasi ka1 nekuti maidanana nekurara mese ndiri kuChina ukazorara naye takudanana futi what's the guarantee kuti hauzorare naye ndakuroora? We can be friends Jennifer kwete zvekudzokerana."
"Lincoln uri kundiramba nekuti ndakarara naAshton ka1 takudanana but iwe wave ne7 years uchirara neni chifunga kuti ukandisiya anondida ndiyani," ndakamudaro akati, "hadzisi 7 years nekuti kubva pabirthday rako handina kumbobvira ndarara newe."
"Toti 6 years and some months dzacho dzese tichirarama semukadzi nemurume Lincoln. We've been together in this relationship for seven years asi wakuda kukanganwa zvese because of 1 mistake Lincoln? I was devoted to you ndichiterera zvese zvawaindiudza hoping that you'd marry me. I even gave you my shares ndasarwa ne5% asi zvese izvozvo hauzvione. You just care about your image Lincoln. Pamwe dai wakandiroora paya pandakaita nhumbu pasina zvese izvi. I had two abortions because of you Lincoln but I never questioned your love kana kukuudza kuti ndikabvisa nhumbu vanhu vanozondiseka kuti ndiri kuitiswa. Two abortions Lincoln zvekuti mwana wedu wekutanga angadai ari Grade Zero umwe ane 3 years!".
"Why do you have to remind me that? Pawakatanga kuita nhumbu zvinhu zvanga zvisati zvabatana and unozviziva kuti ndanga ndisati ndave ready kuita baba vemba. I was only 24 years for God's sake!" He yelled ndikati, "usandiitire hasha Lincoln nekuti back then ndakakunzwisisa but again zvinhu zvabalancer ndakaita nhumbu ukati chii? You asked me to abort that child without giving me a valid reason zvekuti chero nhasi handisi kuti ndakabvisirei nhumbu iyoyo."
"Pawakaita nhumbu yechi2 I was in Japan unozviziva ndikatokuudza kuti enda kumba kuna mhamha asi ndiwe hako wakaramba kuenda uchida kuti zvemarooro negrand wedding ndikati kana zvichinetsa bvisa nekuti there was no way pandaisiya deal remamillions nekuda kwako nemwana wako," he said ndikaseka nehasha ndichiti, "just listen to yourself Lincoln! What do you mean by 'mwana wako' ndakazvipa nhumbu iya here?"
"Kana yaive wangu wakaregererei kunogara namhamha?" He asked ndikati, "ndaigara namai vako iwe usipo. Wakaita six months uri kuJapan Lincoln saka iniwo ndaizviita sei moreover wanga usitombori interested nezvekuita baba. Wadzoka ndabvisa nhumbu ukati ndibaiwe depo ( contraceptive injection) ndikaita sekudaro without questioning you asi izvozvo zvese hauzviverengi. Unongokoshesa kusekwa nevanhu chete. It's been 7 years Lincoln haunzwewo tsitsi kana hana yako kurova uchitaura kuti tive mafriends chete? Ndakaita two abortions nekuda kwako. Last week I almost died because of you. My reputation is tarnished because of who? It's because of you Lincoln! I was Tasha's target because of her obsession for you yet ini ndini ndave kupihwa mhosva, kusemewa nekurambwa."
"Uri kuda kuti ndiite sei Jennifer?" He asked ndikati, "acknowledge our seven years of relationship Lincoln. Love me, marry me, protect me like you used to do."
"I know kuti ndakakutambisira nguva but ha..." I didn't allow him to finish ndikati, "no ifs and buts Lincoln nekuti seven years nevana vangu haukwanise kuzvidzosa. Who knows ndikazotadza kuzvara nekuda kwekubvisa nhumbu?" Come rain, come thunder Lincoln aitongofanirwa kundiroora. Ndakaramba ndichidzokorodza nyaya yenhumbu dzaakandibvisisa kuti aone kuti zvekurara naNick zvidiki pane kuuraya vana two.
"Next year mwana wedu angadai achitanga Grade 1 but aripi? Wakamuuraya Lincoln and remembered how I suffered after that abortion Lincoln?" Nhumbu iyoyo ndakanonoka kuiona nekuti ndainwa macontrol (contraceptive pills) saka ndakangoti zviri normal kusaenda kuperiod nekusimba asi pandakazotanga kusarudza chikafu maperfume and so on I suspected something ndokutoona nhumbu yave nefour months. Lincoln anga asati atomboda zvekuroora nekuti tanga tisati tave nenguva tadanana plus anga achiri mudikiwo. Akati ndibvise nhumbu asi ndaisada akandinyengerera tikatozowirirana yave nefive months kuchipatara zvikanzi hazvichaite yakura ndogona kukanganisika. Lincoln was still adamant kuti nhumbu ibve zvekuti akatoita mission yekutsvaga vanhu vanogona kuibvisa tikazowana vamwe mbuya yatove nesix months. Nhumbu yakabviswa katove kamunhu ndikarwara kupotsa kufa after that.
"That day you saw our son Lincoln but zvese izvozvo hazvichina basa because ndakarara naAshton. We sacrificed our children to have a better future together Lincoln saka zvinozobatsirei tikasagara tese?" I questioned him akati, "you're sounding as if I used those children for money rituals."
"Zvakangofanana Lincoln because at the end day we killed them kuti ushande zvakanaka tiite mari. Hapana musiyano nemunhu anoenda kunoromba ouraya vana vake nekuti wakauraya vana vako kuti vasakukanganise. Do you think that our son will forgive you kana ukandiramba?" I asked him. Mwana wedu wekutanga anga ari mukomana. Nhumbu yechi2 ndakaibvisa isati yakurasaka handina kuona gender.
"I didn't know that you could be this selfish Lincoln. Kundirambira 1 incident chete. Funga kuti this year ndiri kukwanisa 29 years, makore akawandisa kumunhu wemusikana asati aroorwa. Ndikatadza kuroorwa newe ndomuwanepi umwe mukomana at this age? I wasted my youth on you. Iwe hako uri murume ne30 years dzako idzodzo unowana chero mukadzi waunoda moreover hauna kuita abortion kana maphoto akaleaker nhamo inesu vana Jennifer vakayanikwa pamhene nekuda kwerudo. Ndakutodemba kuti dai ndisina kubvisa nhumbu ndichingozvichengetera vana vangu pane kudzingirirana newe but you took everything away from me Lincoln!"
"I'm sorry Jennifer!" He couldn't take the emotional blackmail any longer so he gave in. Ndanga ndatowana weakness yake saka as long as ndaitaura zvevana aitongonzwa tsitsi. I didn't mind to get married out of pity as long ndangove mukadzi. Zverudo zvanga zvisisina basa ndanga ndatokura ini.
"I didn't want to remind you of the past Lincoln but it's just that wanyanya kundibata rough," ndakadaro ndichichema and he hugged me tightly. "We are already engaged Lincoln ngatingotangirai ipapo," I said akati, "ndakarasa ring yacho." For sure ndakatarisa ndikaona haasisina ring. "Jennifer pawatanga kutaura nyaya yako wati uri kuda kuti ndikuregerere kwete kuti tidzokerane wani?" Musoro waLincoln wanga wakaoma pawaifunga kuti hwazomuhwina wowona mave kustarting point.
"Jennifer you need to go, I've got a lot of things to do right zvekuroorana tichazotaura ndapedza zvandakafambira kuno," he said ndikati, "Lincoln hausi kunzwisisa saka it's wise kuti ndinotaura namhamha vaunoterera." Lincoln would never say "no" to his mother saka ndakavaona kuti kuvapinza munyaya is the best and fastest way to deal with Lincoln.
"Usaende kuna mhamha," he said ndikati, "handisisina option Lincoln."
"Chauri kunyatsoda kwandiri chii Jennifer?" Aibvunza zvinhu zvanga ndanzwa nekutaura saka ndakati ndichinje answer ndikati, "my seven years and two kids."
"I can't turn back time Jennifer," he said ndikati, "let's get married then."
"Chauri kungoda imarriage certificate and the title Mrs Rwizi?" He asked me ndikati, "yes I want to be your wife Lincoln."
"For how long?" He asked ndikati, "what kind of question is that Lincoln?"
"I want to marry you asi ndoda kunzwa kuti unoda kuita mukadzi wangu kwenguva yakareba sei," akadaro ndikati, "till forever!"
End of chapter
❤️
👍
😂
🙏
😢
😮
445