Rue M Novels
January 22, 2025 at 04:38 PM
https://whatsapp.com/channel/0029Va8aAYUBfxo9ShfURc0p
Double Bind
Written By Rue M
0788357900
Chapter 10
Lincoln
Jennifer aida kudzokera neni that day kana kugara neni kuhotel kusvika ndapedza basa randaive ndafambira but how was it possible? Ndaisada kuti Zara andione ndinaye not because I loved Zara asi aizondifungira zvisizvo. Ndaitoshaya kuti ndotaura chimwe chirudzii chipi chaanonzwa kuti adzokere pakapinda message yaTasha muphone mangu achiti, "bestie say something kani I'm getting restless kana atadza kuzvibvuma toita imwe plan ndagara ndataura kuti zverecord hazvibude Lincoln akangwara." I was lucky enough to read that message nekuti yakabva yaitwa delete for everyone ndichangopedza kuverenga. It was quite obvious that yanga iri message yaJennifer yarasikira kwandiri.
"Lincoln tiri kugara tese kuhotel ikoko," akadaro Jennifer achiyema ndikati, "won't you get tired of lying Jennifer?"
"What are you saying?" She innocently asked ndikati, "get out of my office right now!" Akashamisika akati, "ko ndaita sei?"
"It's up to you kubuda muno wega kana kuti ndodana security!" Ndakadaro nehasha zvikanzi, "ko zvaita sei Lincoln isu tanga tichiwirirana?"
"Unobvunza Tasha izvozvo wabva pano!" I said ndikaona asiri kuita action ndikamubetsera kutora handbag yake nephone ndichimupa.
"Tasha aita sei?" She asked ndikati, "mufonereka umubvunze? And next time don't ever think of blackmailing me uchishandisa vana vakafa nekuti you were also responsible for your second abortion handisini ndakabvisa asi iwe nekusada kutizira ndisipo wakabvisa nhumbu wega."
"Tasha akuudzei Lincoln?" She asked ndikati, "message yako yauya kwandiri achibvunza kuti zvaita here? Kana zvaramba moita zvimwe."
"If that was my message why yauya muphone mako?" She asked me ndikati, "don't you dare question me!"
"Ndiri kuda kungoti uone kuti Tasha ari kunyepera kunge ari kushanda newe. Unofunga atadza kuona kuti Jennifer naLincoln pane musiyano? Tasha is not that naïve atosender message iyoyo knowing that you'd react like this," she said ndikaseka ndichiti, "even if I want to believe you Jennifer zvimwe zvinhu hazvina musoro. Iwe wati Tasha didn't know about the recording and haazive kuti wauya kuno so azofunga zvekukanganisa plan yako sei kana agara asingazive kuti une plan against her? And again, Tasha anoziva kuti whatsApp yandoshandisa haina anti-delete so akasira kudzima message iyoyo achifunga kuti handizoione. Dai manga musiri pamwe aidzima message for everyone here?"
"Handi wanga watoiverenga?" She asked ndikati, "she didn't take five seconds to delete that message Jennifer."
"Tasha saw you online Lincoln akasender message knowing that uchakasira kuvhura message yake and as soon as you read her message abva aidzima," she said ndikati, "maybe you're right Jennifer asi chitaura kuti Tasha aziva sei nezvevoice record if you're not in cahoots?"
"I don't know Lincoln!" She screamed ndikati, "it's either I'm wrong or Tasha ave muporofita. Aona pamweya kuti ndini ndakabata phone, ndini ndaverenga message and she quickly deleted the message."
"You don't know Tasha like I do," she said ndikati, "kana uchimuziva kudaro akazokupa poison sei? Ndofanira kunge ndichitopenga kumbobvuma chinyaya yacho chefake. Makaronga zvinhu izvi naTasha nezuro!"
"You'll never believe me right?" She asked but instead of answering her question I called the security.
"R&Gold Tradings is my own subsidiary so you don't exercise your rights as Rwizi Organization shareholder here," ndakati ndimurangaridze asati atanga kuti, "hee I'm a shareholder haundidzinge." Before she could retort vakomana vesecurity vakabva vasvika ndikangoti, "ndikangoona munhu uyu pano moziva kuti basa rapera and hamufe makariwana kune imwe company."
"Like seriously Lincoln?" She asked with teary eyes ndikatarisa kuside vakomana vakuda kumusimudza akati, "I know my way out." Akabuda ndichiri ndakatarisa kuside and I was relieved. Kutofema mhepo iri fresh aenda.
"That's enough for today," I thought to myself and called my men tikaenda kuhotel. I was exhausted saka ndakarara till 7pm ndikamuka ndichigeza and changed into a black formal trousers and a black plain t-shirt. My men were always dressed for a funeral no matter the day so there was no need for them to change.
"Uchiri kuziva pamba pavo?" I asked my driver Sean nekuti taive takamboenda kwana Zara once when we were investigating about the money. "Don't worry sir ndogara ndichikuenda," that slipped out of his tongue unexpectedly akatozozviona kuti andipa information yakawandisa. "Unogara uchikuenda? Kunoitei?" I asked ndiri restless ndafunga kuti aitamira Zara ikoko but felt a little easy after recalling that for the past few days Zara was in the hospital.
"Ndine shamwari yangu inogara panext paMs Zara," he said. Handina zvandakataura though I knew it was a lie. Shamwari ipi yaiitwa naSean panext pana Zara munhu aigara kuHarare.
In 15 minutes time taive tasvika pamba pana Zara and tichangobuda I heard Zara yelling. Yaitove first time kumunzwa achipopota and I never imagined kuti aitogona kudaidzira. Takaenda kwaibva nevoice to take a close look asi tisati tasvika ndakanzwa pain kuface. Vakomana pavakada kuzoita action ndaive ndatotemwa nedhinha kuface. Nekuda kwekut tanga tiri pamariro handina kunyara kuchema.
"Oh Mr Rwizi I'm sorry," Zara akauya kwandiri kuzokumbira ruregerero. "Handina kumbokuonai, I'm really sorry," she sincerely apologized but instead of forgiving her, I gave her a tight hug. "Zara wandikuvadza face," I cried out and because it was night and a little darker, we didn't get to much attention.
"Mumba mune vanhu vakawanda handei kumota," she said and I groaned in pain. It was a little dramatic but it was necessary in order to get her attention. "Baby enda unotora maice mufridge," she said that to her little sister. Takasvika kumota tikamirira Baby wacho asina kumbobvira auya kusvika Zara adzokera kunotora maice cubes.
"You guys can go and enjoy yourselves," I said that to my men Zara akati, "enjoy? Pamariro?"
"I didn't mean that, I was trying to say that they should go and relax," I tried to explain akati, "sit up straight." I did as instructed akatanga kunditova.
"You looked stressed," she said ndikati, "ndisekerere wanditema?"
"Ndoziva kuti face iri kurwadza but hameno pamwe ndini ndiri kuona zvisiririzvo," she said ndikachinja nyaya ndikati, "wanga uchipopotei pandasvika?" Akatanga aridza tsamwa asati ati, "umwe murume aidanana naZandile akungosvika pano achipopota achibvunza kuti mota yanga ina Zandile iripi. Toita basa rekutsvaga mota yatisingazive tichitadza kuita zvemariro?"
"Anopenga," I said akati, "ndanga ndichida kumupaza face iyoyo."
"Ukazotema ini! You'll pay for this Zara," I threatened her zvikanzi, "do you want my life then? Ndagara ndiri kufanira kukubikira breakfast now ndave neimwe mhosva though it was a genuine mistake."
"Do my face care?" I asked her akati, "Linky?"
"Watanga Zara," ndakadaro ndichiseka akati, "hazvicharwadze kaa?"
"Aww Zara," I pretended to be in pain zvikanzi, "kana ndozoti uri childish wotsamwa."
"Hmm so where's your man?" I abruptly changed the topic nekuti ndaive ndisati ndamboona nemukomana kana kunzwa achitaura nezvemukomana kunze kwaRichard waakaramba.
"My man? Which man?" Akabvunza ari confused ndikati, "your boyfriend." I simply wanted to see her boyfriend kuti ndizive kuti ari right kuna Zara or not. Zara was a great person so she deserved better, I had no other ulterior motives.
"I'm single," you should have seen the smile and relief on my face when she said that. "May I know why you're smiling?" She asked and I subconsciously answered that, "I'm happy."
"Happy about what?" She asked with a serious face but that didn't scare me ndikati, "you're single and I'm single that's why."
"Have some shame tiri pamariro esister yangu," akadaro ari serious kwakutovhura door remota nekubuda ndikasara ndakati kanha nazvo ndichishaya kuti ndakanganisei pakumuudza kuti ndiri single.
"Hmm ouch! Zara I'm in pain," I groaned ndaona ave kutoenda. I didn't mind using the same trick again and again as long as it works.
End of chapter
❤️
👍
😂
🙏
😢
😮
426