Rue M Novels
February 11, 2025 at 06:21 PM
https://whatsapp.com/channel/0029Va8aAYUBfxo9ShfURc0p
Sweet Burden ❤🔥
Written By Rue M
07️⃣88357900
Chapter 16
Sponsored By Rumbi
+263 71 458 1395
Zade
Nyadzi dzinokunda rufu, it's true. Ndakashaya tambo yekuzvisungirira mubathroom ndife pane kutarisana naAnashe ndiri palowest point. Ndakatombobata towel rangu ndichida kuona kuti harindiendese ndapererwa nemazano. Muherbs ndaive ndatenga e$120 munhu akanditengesera akati pafour days ndotanga kuona change and zvechokwadi change ndakaiona chinhu chakuita kunge chisiri changu. Kuti uti zvimota shungu zvaivepo zvakabva nepi husiku ndakazvishaya. Kungosvina kudai paibuda ropa neurwa. "Amai kani!" Ndakazvisema ndikapfidza nekunamata kuna Mwari kuti, "Mwari ndiri mwana wenyu, chingondipfuudzai apa please. Handife ndakazvipamba, mukangondiyambutsa apa chero ndikaona munhukadzi ndotarisa kuside. Kana muchida henyu Anashe mutsvagirei umwe murume ari nani ndipore. Please ndapota hangu handichazvipamhe. Ishe handide kufa nesick ini vabereki vangu vanonyarirepi zvikadaro. Ndinzwirei tsitsi Mwari waAbraham, Isaac naJacob. Amen."
After Anashe andisimbisa kuti I'm going to be okay akabuda mubathroom ndokuzodzoka nesummer short rangu. "Pfeka short iri rinopinza mhepo," she said ndikati, "haa short hariite vanhu vese vanotonzwa mhepo iri kubuda mushort kuti haisi bhoo ndikaita chiseko irege mhepo yacho iri mukati."
"Handisi kukumbira ndiri kuti pfeka short," she said that with a stern voice. Anashe kana ari serious hana yangu yairova kunge kamwana kechikoro kari kubvunzwa homework nateacher.
"Anashe handikwanise kuenda kubasa ndakadai. Ndine meeting yakakosha I need to be there," ndakadaro akati, "uri kuda kupfeka kana kuti ndidane tete Jewel vakupfekedze?"
"Haa ita mushe Jewel unomudii pano?" Ndakadaro ndichipedzisa kubvisa trouser. Jewel anga asina kana nyadzi ainditora photo akaisa pafamily group ndikaitwa kaitwa kafira mberi. Ndakapfeka summer short net-shirt akati akati, "chirega ndifonere Linda naMr Cruger vaite zvebasa."
"Uri kuda kuendepi neni?" I asked her akati, "kuchipatara zvee."
"Hmm Anashe handide zvemunhu anondiendera mberi. Unoti ini handizivi kuti ndofanira kuchipatara?" I asked her akati, "kana waiziva wakadii kuenda kare zvisati zvadai?"
"Ndakaenda kuchipatara nditori pamedication," I lied akati, "medication yemaherbs? Ndazviona zvimushonga zvako muhembe ndichitsvaga short iri. I was short of words paakadaro ndikati, "Anashe zvekuenda kuchipatara hazviite wangu. Ndiri munhu waCEO apa family yedu ine best medical facilities zvonzi ndaita sick kana ndiwewo. Chimbozviisa mutsoka dzangu uone, nemaimbiro atinoita kuti vanhu vagare vakaongororwa time to time kuchipatara ndonzi ndaora? Zviri nani ndife kana kuti chinhu chacho chibve. Kuchipatara handisi kuenda bodo. Ndingatonyora Will pane kunoona doctor."
"Zade stop being childish hupenyu hwako huri patambo kwete hwangu," akadaro ndikati, "ehe uri kutaura wega kuti hupenyu hwangu ndirege ndife."
"Uri kuda kufa kuti utize nyaya dzako? Unoda kuzondipinza ma1 wafa ndichinzi nditaure kuti zvakafamba sei? Zera rangu ndosara ndave shirikadzi manje, ndikwanire iwe?" She questioned me ndikati, "Anashe chindinzwisisawo semukadzi wangu torega kuenda kuchipatara."
"Fine toenda kuna Mai Angie," she said ndikati, "are you my wife or my enemy? Mai Angie vatori worse kudarika mama." I said nekuti back then pandakamitisa Obvious ndikabva pamba pasingagarike ndikaenda kwaMai Angie ndakaona chekuona. Kungodonhedza cup chaiko nemistake wototsiurwa kusvika zuva rivere. "Hee Zade uri careless hauna basa nezvauri kuita saka wakazomitisa Obvious." Kungononoka kudavira vandidana vototi, "tarisa marivariro ako ndozvakakutuma kumitisa usina kutarisira." Mukwasha wangu ndiye aizovadzora now imagine ndine sick.
"Mukadzi wangu kwaMai Angie hakuite vanoda kuzoziva zvakawanda kuti sei iwe usina," I said but she ignored me and called Mai Angie akati tave kuuya kumba kwavo.
"Zade simuka tiyende," akadaro Anashe ari serious achindirova shoulder. Anga asitorina tsitsi kana. Ndakasimuka asi step yakabva yachinja. Kumbanyiwa mbanyiwa naAnashe paaindivhura zip nekuzochinja hembe kwakawedzera marwadzo.
"Step haina basa tongoti wachecheudzwa," akadaro Anashe ndikarega kumupindura. Ko ndaitaurei naye munhu anongoita zvemusoro wake? Luckily takanosvika pakupinda mumota pasina ationa ndikatura mafemo.
Tabva pamba ndipo paakazoti, "Zade taura nyaya yako?"
"Nyaya yangu yei?" I asked akati, "yesick."
"Ini ndakambokubvunza nyaya yako yekudya mari yangu nemaex ako?" Kwaive kuda kutiza nyaya ndichitaura yake akati, "ex wangu upi?"
"Usabvunze zvisina basa ndine maphoto ako una Jeffrey manheru asi ndakanyarara because I respect your privacy," she was shocked pandakadaro and demanded to see those photos though aiziva kuti akaonana naJeffrey. Ndakamuratidza maphoto and she explained masanganiro avakaita.
"Saka wakaregererei kundiudza?" I asked her akati, "handi wanga usingade zvekutaura neni?"
"Waingotaura ndoterera," I said akati, "anyways maphoto iwayo wakamawanepi?"
"Pane munhu akakuona akatora maphoto," I lied to her. Ko papi pacho pandaizomuudza kuti pane mabodygaurd anokutevera everytime paunobva pamba? Anashe was not that famous or exposed asi semukadzi wangu aifanira kugara nesecurity. Iniwo ndaive insecure, you know zvakataurwa naJamal kuti tsotsi rinotya kubirwa. I knew that Anashe was loyal but ndaive ndisati ndakumutruster 100% nekuti ini ndanga ndisiri trustworthy so at the end of the day ndaifunga kuti munhu wese akaita seni.
Pasina kana nguva takasvika pamba paMai Angie ndikati, "Anashe hauna kukwana chero hunhu hauna."
"Ndaita sei?" She asked ndikati, "uri kuda kuti hanzvadzi yangu ione chinhu changu chokwadi?"
"Chichiri chinhu here?" Akabvunza achimisa mota. "KaSatan kemunhu," ndakamutuka zvaaisindutukawo asi haana kudavira.
"Ko waita sei?" Mai Angie vakabvunza vandiona ndichibuda mumota. Vakatokanda hosepipe mumaruva kuti vanyatsoshamisika.
"Ndakachecheudzwa," I said vakati, "kechingani nhai Zade?"
"Ane sick zvenyu tete," akadaro Anashe with a tired face. Ndakatarisa kumaside ndichida kuona kuti hakuna vamwe vanhu ndikatura mafemo ndaona tiri tega.
I thought Jewel was shamelessly asi Mai Angie vaive pane rimwe level rekushaya nyadzi vakati, "sick?" Vachitotarisa mushort rangu kunge mai vari kutarisa mwana kuti haasati azadza pamper here.
"Nhaiwe zvauchasara usina chinhu?" Semunhu wadoctor Mai Angie havana kusema zvakaita Anashe zvekusvika pakurutsa. Vaitoratidza kuti vazvijaira and tisati tataura vakabva vati, "saka nemukadzi wako maisimbisana muchiudzana kuti maherbs enyu epasi pemuti anopedza gonorrhoea."
"Ndine chii?" I was shocked vakati, "mirai tiyende kuchipatara." Vakagadzirira tikaenda on our way ndipo pandakabvunzwa nezvechirwere changu ndikataura kuti munhu wandakarara naye chete ndiNelly since the previous year. Statement iroro rakamutsa mibvunzo yakawanda and we unwillingly told Mai Angie about the contract.
Vakatitsamwira zvekusara padiki kuudza mama asi semunhu aityira kuti vabereki vangaite BP havana kuzodaro. After everything was said ndakazobvunza Mai Angie kuti STI ndakaiwana sei ndakashandisa protection.
"Macodom haana 100% protection and chero anga ane 100% protection waigona kubatira soon after sex because of Nelly's fluids. You know maishandisa external protection so chances are you got her fluids. Mafluids iwayo ndiwo anenge ane infection. Even deep kissing chaiyo inogona kuti utapurirwe infection," she explained ndichingogutsirira musoro akati, "unogona wakabata mafluids ake uri absent minded or by mistake ukazozvibata maziso or your thing. So maoko ako anenge atofambisa chirwere saka kutongosiyana nesex ndiko kuti uve 100% safe from STI."
"Saka ndichapora rini?" I asked her akati, "after two weeks unenge wave right and within a few days unotanga kuona machanges. Wototenda maiguru vakasira kumutsa musoro vamwe vanozouya kuchipatara chisingachatarisike."
"Ipapa chinotarisika?" Anashe asked zvikanzi naMai Angie, "hapana zviripo paunouya vamwe vekuti kungotarisa unosara padiki kurutsa moyo wamira." Takangotarisana naAnashe and said nothing.
"However unofanira kudzoka in three days kureview nekuona report yangu. I will study your case. Paunodzoka kureview ndinenge ndave nemaresults ese nekuti ndatora blood sample for HIV tests," akadaro ndikangoti, "zveHIV tozotaura shamwari ndoda kumbonozorora."
"Maiguru ndokumbirawo mutoita moyo murefu akanetsa call me ndodealer naye," she said Anashe akati, "don't worry tete ndomutarisa." Takagadzirira kubuda Anashe akati, "tete ndanga ndichikumbirawo mumuuse bandage pagumbo or anything chinoita kunge akakuvara gumbo. You know anonyara saka vanhu vakazoona seakakuvara gumbo haazoshaye zvekutaura." Anashe akataura zvandainyara nekutya kutukwa naMai Angie.
"Mai Angie une nhumbu kaiwe?" Ndakazobvunza mubvunzo wanga wane mazuva uri mumusoro mangu akati, "ndotadziswa nei kuita nhumbu murume wangu asina sick?"
"Wanga usingambofe dai wati yes or no," I said akati, "chero newe wanga usingamboite sick dai wakagona kudzikamisa chinhu chako."
"Manje uchazvara chiZimcare munhu ane37 years kuita nhumbu," I provoked her akati, "zimcare riri nane pane kako kanenge kana muzvezve."
"Anashe we need to go," ndakadaro ndichisimuka Anashe akaoneka Mai Angie tikabuda.
Patakabva pachipatara naAnashe ndaingokumbira ruregerero road yese kudzokera kumba and I was grateful kuti haana kundichengetera chigumbu. I felt like I took her for granted and aingove neni nekuda kwekuti haana imwe plan.
Manheru ndakaenda naye for a romantic dinner date nestep yangu iyoyo inenge yemwana azviitira. We enjoyed our quality time asi takasangana nenjodzi pakudzokera kumba.
"Let's talk man to man musiyane nemukadzi wangu," ndakadaro kuna Ncube aive ablocler road negonyeti rake. Tanga tatove padhuze nepamba and road yacho yanga isina mota dzaifamba kunze kwedzaienda nekubva pamba pedu. Ncube aive nemafia rake achida kutora Anashe by force.
"Man to man nhasi? Pawairara nemukadzi wangu waidii kufunga zveman to man. Mupfanha iwe nezera rako ungandipa chirwere?" Ncube aitoita kunge bhinya and it looked like hudriver hwaingove cover up yehumhondi. Aive nezivanga kuface rinenge rebhemba or zibanga. Ndaimuzivira pamaphoto and never imagined kuti real life anotyisa kudaro. Maphoto aingove munhu asina focus akangozvishatira.
Ndichifunga escape plan Mai Angie called Anashe and was daring enough to answer that call Mai Angie vakati, "maiguru ndanzwa kuti Nelly ashaika this evening. Reporters are suspecting kuti anogona abaiwa nemurume wake nekuda kwenyaya yake naZade. Murume wacho ari kutsvagwa nemapurisa so kusvika awanikwa stay safe because Zade might be his next target." Ncube haana kupa Anashe mukana wekupindura akabvuta phone nekuirovera pasi.
End of chapter
❤️
😢
👍
🙏
😮
😂
380