Mai Maka
February 2, 2025 at 08:12 AM
https://whatsapp.com/channel/0029VaMClQs0QeaggXT0Ov40 Hatipindei muchannel titangire pamwechete hatidi vanozoti machapters ajambira . https://chat.whatsapp.com/JAs1TxwFQwiESgmuHxYM2C Our main group iyo ,pindai umu rinouya book nenguva zvakare . DEEPEST CUT By Mai Maka aka Masimboti 0786923205 ( calls and sms'only) Chapter 1 Rita " Amai na baba ,ndimi makazvara Rita ,Rita anohura sembwa hoye woye ndiani anoperekedza Rita mupengo " Vakapinda muyard vachiimba baba vaSimbiso. Vakatadza kumira zvakanaka vakada kudonha pasi vakadhasharara makumbo vachimantaimer balance vakandinongedzera vakati "Nhywe Rita hausi kundiona iyewe .Unokwesha bhodha uchizungunutsa mazitako iwayo unoda kuonekwa naani?" Vakafamba vachidzedzereka nekudhakwa vakasvika nekundipa bhutsu iya yataiti fongo tiri kuprimary yekuti ndakanzwa kuswinyiwa kumadhoti ndikaamanidzira kuti asabude akabva ati , "Ko afamba achidhinda pano nemagumboots ndiani?" Pamba pacho paive neroad yenhimbu saka vanhu vakawanda vainge vadarika nepo. I had learnt kt Richard aisada kupindurwa nyaya dzake kana zvatanga so l decided to keep quiet. Vakandisikiza kechitwo ndikaruma mazino kutya kuzviitira .Kechi 3 ndakabva ndadonha muchi dhayi chataisukira ndiro sooo chaive chakachererwa pasi .Ndakamwira tsohwe imomo ma cup three chaiwo cz ndainge ndazopihwa imwe bhutsu again vachibva vahokwa nechishort chandainge ndakapfeka mukati se pant vakanowirawo mumaplates imomo.Yaitove mhosvaka kuvadonhedzesa kwandainge ndaita ikoko nepant rangu.Ndakabuda muchidhayi muya ndichisvina chitop changu chainge chazara mvura ndichinotora mwana wangu Simbiso uyo ainge ochema achiona ndichirohwa nadad vake Ivo vakabva vati "Mwana wembwa ,unoti une egoridhe here ,shaaa totamba nevanhu vane zvinhu zvakadarika ipapo ." And handina kupindura anything She was only two but aitya baba vake zvainzwisa tsitsi , aitovaziva kt dad vakauya tinochemedzwa.Kana tiri tega nabamnini vadiki all was well.Taitofarira kt runyararo rwuripo pamba. Murume wangu aive netwin brother and they were very identical.Vana vaishusha ivavo, Ini ndainge ndakatizira ndichangopedxa kunyora form 4 nekuti ndakange ndapihwa mimba pachikoro ndikanyora nemimba . Pakabuda maresults ndainge ndiine 6subjects dzangu , ndaifanira kupasa kudarika ipapo cz skuru ndaitema zvangu, Nekuda kwemimba handina kuzoita serious nekuverenga munoziva nyaya dzemimba . Ndakanogara pasi pemupopo waivepo pamba pataigara ndikanwisa mwana wangu mvura uyo akange akumbira mvura yekunwa.Baba Simbiso vakakambaira vachibva pamaplates ipapo vachinobhidhirika kurara paveranda yeslab paisave necement.His mother vaishanda mushop musupermarkert asi vaitomanager kuti tidye pamba apa, Raive gore renzara and economy yainge yakadhakwa sei.Tezvara paive pasina vainge vakafa , saka it was just a family of Baba Simbiso Richard the twin brother Raymond ,tete Sibo and the last born was a boy bamnini Conrad naivo mama. Ku side kwangu l had no parents . Waive vakafa ndichiri mwana mudiki . Ndakakura ndichichengetwa ne cousin brother yangu nemkadzi wake. Flash back Takange takamira muline rekupihwa porridge kuskul paKondo secondary school.Ndaive form 3 and taisanyara kudya bota raibikwa re CADAC pachikoro.Yaive first term and paxul paiuya ma new comer hobho achitsvagirwa nzvimbo.Vamwewo ndevaiwa marepeaters vachiuya kuzotangira form 3 . Muclass medu taive nemukomana aive naughty ainzi Weston.Wesy aishuta shaaaame and aive nekabody kadiki . Taitove busy kuseka Wesy uyo ainetsana nema gede (form1) Hameno this new comer guy akasvika nekusimudza Wesy nepamashure pebelt apa achifamba naye .Aive murefu and Wesy aive mupfupi .Nekutya kukuvadzwa ma pross ake ,Wesy played along achifamba nema toes achidhonzwa.Vanhu vese vakaita runyararo vachitarisa this new bull vachirwadziwa mumoyo , Hapana akamufarira cz Wesy aive fan yemunhu wese.Akazomusiya aona senior teacher wave kuuya kunoitisa vanhu order kuporridge .Yaive break time. We waited for our turns ne this friend of mine yainzi Kisha .Kisha aive asina kunyanyonaka pameso bt she had a good body ne this tooth gap ndozvaimuita ashemukewo mbichana.Inini manje l was hot ,boot ndaive nemunda and waist yainge iri diki . Everything on me was just super .Ndaisawana zvangu zvikwanisiro zvakakwana sezvaiita vamwe vana asizve ndaiti chikuru kudya nekuenda kuchikoro kwangu . Kisha manje, they were well up and aitondipawo mauniforms manyowani ne food kuxul coz ndaisatakura anything. I was an athlete so maskati takaenda kusession kuground.I realized kuti that bully guy aiveko and he was staring at me. Ndakakasika kutizisa meso angu asi hana yangu yainge yarova Kwaive kurova kwekutomutya . Takazopedza session ndikaenda kumba uko kwandaigara ndega. Ndakasvika ndikahunga hunga zvimatsotso zvemiroro zvaive mumastands evanhu.Ndaigara kuma new stands muGoto growth point.Yaive stand yecousin bro yangu paive neboyskier chete and l stayed ipapo ndega.Rimwe team raidzidzawo kune zvimwe zvikoro and kumusha kwedu kwaive kuKazozo . Ndifara kuti fees yangu yaibhadharwa nenguva,mukoma waivewo nevamwe vanaka vaienda kuzvikoro apa iri nguva yenzara so paive pakatsvuka . I cooked sadza nemufushwa wehova wainge wakatumirwa kubva kumba.Ndakadya ndikasiya munya wekuseni . Handina kukasika kubatwa nehope cz ndaingoti ndikavhara maziso angu ndoona scene yekuxul iya yekutakurwa kwaWesy nebhande.Ndakadzima chibani (paraffin lamp)changu ndichifunga kt maybe chiri kukonzeresa .That day kwakanonoka kuyedza l just wanted to go to school kunoona Mr bully vaye .Nezita rake ndaisariziva zvangu. As usual ndakatora kabag kangu kuseni kwakunomirira team pajunction .Richisvika takabva tatonanga kuxul.Taidarika nemugrowth point tichienda kuxul kwedu.We went ku assembly tikazobvapo tichienda kuma respective classrooms edu.During break time we went kuporridge redu tikazoenda patap tichisuka maplates .On our way back to the classroom takadarika nepa3V .Hana yangu yakarova ndichiona paina Mr Bully vaye vakagara pama chairs nerimwe boys sooo.Akasimuka akabata Kisha ruoko rweku left akandibata right bvaasanganidza ose muruoko one .Akaramba akatibata akati "Hesi vasikana vakanaka " Tose takaramba takanyarara akazosiya Kiki ndokuramba akandibata ruoko .Ndakasimudza musoro akati "Wakanaka , unonzi ani" ndikati "Rita " . "Nyce name " akapindura.Handina kubvunza rake zita but ndaida kwazvo kubvunza. Siren yakabva yarira akandisiya ndichibva ndamhanya kuclass kwandakasvika ndichituka Kiki kt ainge anditizirei akati "Waida ndigarire chii hanti waona kt apenyerwa newe at least you are lucky.He is a hot dude" Ndakashamisika nekutaura kwa Kiki .By that time tose taisave nemaboyfriends isu asi vamwe vese mustream redu vakatotanga vachiri kuform 2kuita vakomana. Takadzoka pama lessons edu lunch ikasvika . Ndakazoona mumwe musikana ainzi Lucia aidzidza mu 3V auya muclass medu . Akasvika patable pedu nekundipfumbatirisa kapaper Soo.Taisave nenyaya naLucia zvangu .Ndakaratidxa Kiki uyo asina kuzeza kukavhura .Kaive kakanyorwa kt "I love you ,ini ndakuda zvangu let's meet pakuenda kumba we have to talk.Since yesterday l can't think properly ndoda kukuona please." Ndakanzwa moyo wangu wachinja pumping rate yacho ndikanzwa kakupindwa nechando sooo ."Who is he" l asked Kiki ,iye akati "His name is Richard ane twin identical brother anodzidza kuGambe secondary " Gambe secondary yaive padhuze pedu it was almost 6km from our school. "So why vasingadzidze pasame school ,l heard kuti ma identical twins haakwanisi kuparadzaniswa ini " l asked akati "Hanzi they're notorious so our headmaster akaramba kuvatambira vese pano . They are repeating vakanyora last year vakanyora vakabuda ne 3Cs and a chain of Ds .The funny part is that they obtained the same symbols muma subjects ose " "Yoooh they are so identical wish to see the other twin brother" Ndakakanuka ndikanzwa kuvedzera kuda kunzwa more about the twins .Ndakaramba ndichibvunza nezva Richard uya kupedzisira Kiki ati "Muone shaa unzwe rizere am not your private investigator ka ini" Takaseka zvedu tikazoona Lucy adzoka ne2 madrinks ne two portions of chips . Takatarisana soo ini nekunyara kudya that type of food ndakazviisa mubag ndichinyepera kuguta.Kikie akadya kana kunyara akasimuka achinorasa kaylite mubin achirova kamlando dance. Siren ya 4yakarira and we were on duty kuma toilets .Takanosuka matoilets aye tikazoita malast kubuda gate.Tichingoti pedzei fence takaona Richard akagara ipapo paka grid kaivepo .Akasimuka akauya achitanga kufamba nesu mbichana mbichana.Kisha akabva atobva pataive achimhanyira rimwe team raive pamberi pedu.Takasara tikambofamba takanyararidzana ini hana ichirova.Akazotanga ndiye kutaura achiti "Tsamba yangu waiona here bbe l love you shaaa ukandiramba moyo wangu unobva watsemuka tsemuka .Ndidewo mwana akanaka ndikuratidze rudo " Guys ndakambonyengwa zvangu before asi izvi zvainge zvanyanya izvi akataura mashoko anotapira kani takazosvika mugrowth point medu akandibvunza zvandaida kutengerwa ini ndakaramba remember machips aivemo nedrink mubag ka.Takadarikira akati iye aigara muphase 1 meaning ndiye aitanga kusvika kumba.Ini l thot kt achasaraka muphase asi akadarikira achinditsvitsa kuphase 2 kwedu.Tasvika pajunction ndakabva ndamira ndikamuti adzoke zvake .Ndaisada kt mambuya emumaraini andioneka ndiine munhu uyu.Ipapo akajamuka achiti aizodzoka kana ndichinge ndamuda . Veduweee ndainge ndamuda zvangu nekuda kumbozamawo asiwo zvekuti ndimuudze nefirst day zvaisazobudazve.Iye akazo reasoner kt adzokere asi asati aenda akakumbira hug .Ummmm ipapo ndaisazoita zvangu zvehug akafamba slowly achiuya pandaive .Ini sa Center weku netball ndakamunzvenga ndikabva ndarova speed ndakananga kumba.Handina kana kucheuka ndainge ndatotsamwa kt first day ndisati ndamuda ndototanga nekumupa hug nxaaaa .Ndosaka Kiki ati they were notorious. Ndakasvika kumba ndakaneta nekumhanya ndikagara pasi zvangu . Nzara yakandisimudza ndikananga pamapoto ndakazoona kt maive nemakoko chete mupoto. Ndakazosuka maplates angu ndikazofunga kt mubag maive nemachips .Ndakazvidya ndakatambarara makumbo ndikatora time yangu cz l don't know kt ndainge ndakapedzisira kuadya riini. Ndichipedza kudya ndakanochera mvura kuchibhorani ndokubva ndatoita homework yangu kusati kwadoka.Light raigona kuzobhaiza ,parrafin yaive mugaro chaimo me light . Ndaisave nephone Saka nguva ndainobvunza panext door pevamwe gogo vaigarawo nevazukuru vana vemimvana yavo.Vainzi gogo Kadzima.Vaindida huye vaindibata semuzukuru wavo chaivo .Paive ne 3 Sabhina na Sinodia kozoita Frank aive mukomana.Ini ndaishare form level naSinodia , Sabhina aive muhombe ne two years asi naSino taive same age .Ndakatandara zvishoma Semunhu ainge akaguta zvake ndakaramba chikafu.Ndakadzoka kumba ndave kutsvanzvadzira chaiko.Ndakasvika nekuvhara door rangu nemukati ndikakiya . Ndakavata kudaro ndakarota mama vangu vakamira rimwe side pakati pedu paive nemukaha wakakura asi ndaida kuyambukira mhiri ikoko.Ndakabva ndaona Richard achisvika pandaive achimhanya achindirambidza kuyambuka asi mama vangu vakaramba vachiyeredza misodzi dzamara ndimuke zvangu . Ndakamuka kuseni ndikaenda kuchikoro as usual.Ndakasvika mdakamirirwa nabestie padoor achitambisa one gumbo akati "Tipei tinzwe " aida update yanezuro ndakangomuudza imwe iya iya.Kuporridge handina kuwanikwa day iri .Ndaingozvibvunza kt why mama ndavarota vachichema huye why Richard abudikira achiita sevari kupikisana na mama vangu. Anyways ndakazonge ndave mugood mood towards lunch ndaiita combination yemaArts saka pa time table pedu paive neliterature ndaiifarira. Patakangopedza lesson iyoyo ndakanzwa mood yatochinja.Worse kuzoenda kusession kwatakaita kwakabatsira kurelaxer mind yangu yanga yastreneka.Takange tiri kuenda ku athletics kwaGoto saka taifanira kuve geared for the sports day. Ku ground ikoko ndakazoona kt Richard aiita zvejavelin and ndiye aikanda kudarika vanhu vese .Age wise ndaisaziva kt aiqualifier here since aive murepeater. That day ndakatozviudza kt l was going to tell him to stay away from me cz kumuona kwandakaita kwakatanga kudzosa dream riya range rambopera . Plus aingobata bata vasikana kuground ikoko . Taka dismiswa tikafamba tichienda kumba .Akandimhanyira achisvika ndakabva ndatomuudza kt " handidi zvekuteverwa newe handidi kufamba nemhombwe ini " .Guys ndakazviparira akatemha zimuti remu habhurosi raive muside meroad ini ndikabva ndatotanga kumhanya neroad yese iye achingotevera vana vechikoro vachikuza .Munongozivawo skiri reku high skul.Takamhanyazve kusvika mugrowth point akandibata ndave kunyara vanhu vainge vawanda .Achingondibata ndakatya kurohwa mugrowth point ndikabva ndamuti "kutamba zvangu Richard ndaida kuona kt unodii " Asi deep down ndainzwa kt l had made a mistake ,a very huge mistake . Iye akabva atoseka asi aioneka kt maziso ake ainge aita red nehasha , Handina kuziva kuti dzaive hasha dzei ipopo Takazopinda nemumusika tave kutowirirana ndikatengerwa mafruits ayo ndisina kuramba zvangu. Aive mufast munhu wacho .Takafamba iye achingotaura nyaya dzerudo ini ndakanyarara .Ndaingopindura zvaanenge andibvunza chete .Kubva munyaya dzake airatidza kuti zverudo aive ne expirience kudarika chero vari mudzimba machona Ndakaisa mafruits aye muchibag changu .Takafamba achingotaura tichitora direction yekumba kwedu.Ndiye akazotanga kutaurazve akati "Saka unogara naani kumba kwenyu" Ndakadavira kuti "ndega " Akaratidza kushamisika nazvo. "Ko mama vako varikupi uchigara wega hauna kana masiblings here?" "Mama vakashaya dad variko asi vakaroora mumwe mukadzi.Vanogara kuChipote vaane vana vatatu.Vana va amai vangu varimo munyika umu kutsvaga mabasa.Pakafa mama ndipo pandakauya kuzodzidza kunokutevera chikoro chiri nane " "Ko wakadii kungodzidza kwenyu ikoko ?" "Ndogona ini ndakaita 8 units pagrade 7 Saka mukoma wangu akati hazviite kudzidza pakakoro kekumusha kwedu " Ndakazofunga ndapedza kutaura kt aikaka zvabva nepi zvekuudza munhu zveupenyu hwangu . Akatura mafemo achibva ati "Ok sorry nekufirwa nevabereki vako .Zvangondishamisawo kt unogara kuma new stands wega kuchirine mazisango uko . Anyways ndogona kupota ndichiuya kuzotandara zvangu newe ndokunge wabvuma kuita musikana wangu" Kakadzoka kafeeling kaye kekumunyara futi ndikati "Aaa handisati ndakuziva ini ndoda time kt timbowirirane plus ini zvangu zvekupota uchida kupihwa ma hug ini handizvidi saka kuita musikana kwako kwacho kunotonetsa." Akabvaruka nekuseka akati "Saka ndizvo zvawange wandirambira here uchiti ndisakutevere paye ?" "Ahhh iwe unenge uchingobatana batana batana nevanhu kuchikoro kwacho " Akabva asebera pedo neni akati "Sorry handichabati mumwe munhu ndobata iwewe chete musikana wangu " He said that achitondibata bata kupuruzira kumabums kwangu muroad imomo ndikabva ndanzwa hasha dzisingaite asi nekutya kurohwa ndakabva ndaramba ndakasticker akazviona kuti handina kuzvifarira akati "Wakamboita mukomana futi here ?" Ndakadzungudza musoro maziso angu ave kutonanavira misodzi akati "I will teach you everything hantika usacheme ,you're going to enjoy everything bbe rangu you will no regret anything wanzwaka " Ndakadavira nemusoro ndikanzwa voice raGogo Kadzima vachiuya nekwataive and vakange vatove pedo chaipo ndikajambira mumakwati aivepo vakadarika vachitotaura vachiti "Rita asiri kumbooneka muroad umu adiiko nhasi vamwe vake vanguri vasvikaka apa " "Haasi masports here ndakanzwaka Sinodia achiti anomhanya " Vakadavira gogo Teko vanenge vaitoenda kugrowth point nekuti waive vakageza geza zvavo .Ndakasara ndikabuda mugwati muye Richard akaseka akati "Uno ekita wena ,ko wavatizirei nhai iwe?" "Hazviite kuti vandione nemukomana ahh " "Ko nei , vanhu vakamira vese zvinobva zvanzi madanana here ?" Akange ave kutondibhohwa mufunge ndikabva ndati "Ndave kuenda kumba " "This time here shaaa unogara wega iwewe imbomira unoda kumhanyirei zvako ?" Ndakanyengedzwa ndikazobvapo ndanzwazve mavoices aana gogo vaye achiuya zvakare .Ndakasvika nekugara pasi hana yangu ichinzwika kurova ndichiti ko ndaiiteiko veduwee ,ndaiipedza sei nyaya raRichard iyi .? Stay tuned Mukalaika mondipa nyemwe veduweee.
❤️ 🙏 👍 😂 😢 😮 74

Comments