Mai Maka
February 4, 2025 at 09:50 AM
https://whatsapp.com/channel/0029VaMClQs0QeaggXT0Ov40 Vasina kuwana book from 1 pindai mulink yedu iyi tifambirane . Ndogona kujamba machapters nemistake munhu wese follow https://chat.whatsapp.com/BTKVWVYaeDhDn09z3i2g2l Our main group link iyi pindai rinouya nenguva zvakare book ikoko DEEPEST CUT By Mai Maka aka Masimboti 0786923205(calls and sms'only) Chapter 5 Narration Ndiyo yakazove routine yaRaymond naRita .Daily vakange vorara kumba kwaana Rita .Rita akange ave shasha panyaya dzebonde idzodzi.Asi aihwandisira besty wake Kisha kt Richard akange ogara kumba kwavo .Gogo Kadzima vakatanga kucherechedza ma movements aRita vakazvibata kt mwana akange apanduka sekuseka .Richard aizomukira kumhanya kuenda kumba kwavo vozosangana kuchikoro. Vakange vatove baba na mai uku vachienda kuchikoro.Perfomance ya Rita yakatanga kudeteriorater zvisingaite. Richie was a player . Chero kwaaidzidza hwakange hutori hunhu hwake .Aidanana nevana vevanhu opedza orara navo achisiya .Mari aiita yekubira mama vake kana kutodya ma school fees.Seipapa akauya akabhadhara half down imwe yacho ndoyaaibuditsa swag kuma bbe .Chero vasikana vahombe kwaari aidanana navo.Hakuna munhu aikwanisa kumurambira kana iye ada zvake . Hunhu hwake hwakange husina kutsarukana chokwadi. Third term yeform 3 akange ototanga kushutira Rita mafirimu.Waizoziva here kt ndivo vaye vakange vopisa paper.Akatanga kumhanya nevanhu vaviri muform 4 neumwe musikana futi aive mulower 6th .Kumba kwaRita akange asisauye everyday .Akange ochichanisa barika rake revasikana vatatu.Pose paainzwa kt mwana uyu anolodgerwa achigara oga ndipo paaida ipapo and mujenya wake waitobata cz he had good looks as well as kuflasher tumagoodies kuma bbe.Munongozivavo mwanasikana akasazvibata anokasika kutorwa moyo nezvinhu zvidiki diki. Richard akangotanga kuita ka sudden change towards Rita ipapo vakange vatove maform 4 musecond term.Rita akange apihwa mari yeregistration ye 10subjects .Macomputers ndiwo avakatanga kunyora cz aiitwa neHexico not Zimsec panguva iyoyo . Mari iyoyo akanoitambira pakombi aina Richard . Akasvika kuiisa mumba mumonarch maigara hembe dzake .Akange akamirira kt payaizodaidzirwa aizotora ipapo .Akazorohwa nebuka one day achiona mari iya yakashota nemari ye2 subjects. Hapana munhu mumwe aipinda mumba make kunze kwaRichard .Akada kumubvunza mangwana acho kuxul akazodemba chainge abvunzira akapopota Richie achiti "Unondiudzeiko iwe paka 20us kuti uzive kupfekawo tracksuit yechikoro ndini unoziva kt tracksuit inoita marii iwe.Ndozotora ka 20us ikako iwe ndakakupa marii kubva pandatanga kukunama" Akabvapo Rita misodzi iri mokoto mokoto akasangana naWisy mucorridor achibva anzi na Wisy "Gore rino muchazvirega zvemujolo nemabig shark aya .Takakutii idai isu we level renyu asi makatidadira tichaonerera zvedu isu nhaka ." Kakaseka zvako Wisy cz kainge kanzwa zvose zvekutukana kwaRichard naRita. Zvinhu zvinoshanduka veduweee ufunge kt vana ava waive wozivikanwa nechikoro chose kt vanodanana . Even kumatoilets hapana paisanyorwa kuti R squared yanetsa . Akasvika muclass Rita ndokutsikitsira pasi achichema.Akange odemba guys kt akambopinzirei munhu mumba nhas otukwa futi neurombo hwake .June akange adarika and Rita akaona kt akange askiper period yake.Semunhu aiziva kt aivata nemukomana pasina protection akabva atonyora kanote kaaizonopa Richard pa break .Zvakange zvotyisazve kungomukira kutaura naRichard kt ndazodai ,kubva paye pe exam fee akange asisadi kuramba achinetsa Richard and iye Rita ndiye akange onyengerera muface.Zvose zvekuti ane vamwe vasikana akange achitozviziva asi kuti abvunze akange omutya Richard wake . Akabva anyora kanote kake akabva aenda kuclass kwaana Richie akasvika achibva amupfumbamirisa mumaoko .Akakavhura Richie katsamba kacho achibva averenga haana kana kumbovhunduka instead akabva apindura kanote kaye achiti ngatisangane kumba titaure in 30minutes time . Akabva abuda nguva idzodzo Rita achienda kunosangana naRichard wake . Day iri Richard akaenda naRita kumba kwavo .Aigara nelittle brother yake iyo yaive grade 4 saka Paive pakarisha pamba pacho ndosaka aiita zvaanoda Ray.Vakasvika vakagara mumba.Vasati vataura Richard akatombokotamisa Rita pasofa ipapo .Akange aisuva Rita and akaita chikapa chemukadzi mukuru chaiye .Pavasikana vake vese ,Ray aiona Rita ariiye the best panhau dzebonde idzi.Akaomesa gotsi kuti papata Richard achi offloarder mukati memwanasikana . Vakazopukutana vapedza kwakunorara zvavo pamubhedha vachirezvana.Ray ndiye akazotanga kutaura "Tsamba yako ndaiona bbe asi ndanga ndichifunga kt todii nemimba iyoyo coz am not ready to be a father and same applies kt iwewe uri kuda kunyora form 4 mwana unomuitisei.?" "Uchirevei ipapo ?" "You're a grown up gal uchada kuudzirwa here nhai iwe " "Richard taura zvakanaka handidi kuita zvekufungira ini " "Kufunga ,? Hapadi kufunga ,let's abort it " "Heeeee ?" I said ndikabva ndanzi "Ndati bvisa mimba iyoyo .Ndoziva munhu anobvisa hazvinetsi " "Never handiite zvakadaro wanzwaka " "Saka ndeyako wega uni handipo ,am not ready kuita baba " "Ok bhoo " Ndakadaro ndave kutonzwa kubitirirwa chaiko . Rita Yaaa regai vakuru vazoti nhambe tambe inoregwa ichanaka guys .Ndiye here Richard akange abva kundirova two strong rounds akange ondiudza zvekubvisa mimba .Ini hangu ndakatsidza mumoyo kt handaizobvisa mimba iyoyo kana kwaive kt azoda kundiramba taizorambana zvedu .Vazhinji vanhu vandainzwa kt vakabvisa mimba vakabva afa during the process so l was not ready kuti ndife at 16.Ndakamunyararira zvangu achitaura nyobvo dzake idzodzo. Kunze kwakasvika pakudoka ndiripo pamba pavo and ndakabva ndatoti ndaizobvapo ndadya sadza remanheru .Iyewo pada nekunyengerera kt tiite abortion akabva atoti "rega ndikubikire sadza bbe unoda kudyei muriwo " Mimba iyoyo yaida sausage shaame pamwedzi ipapo ndaingoti ndikakorokoza Ray kamari ndotenga ye50cents .Tave kudya kuma6pm takabva tanzwa voice rakati "Gogogoi" Guess who ,It was Kisha ko aidei nhymi this hour. "Vhura door zvako Richie ndoziva kuti ari imomo Rita kumba kwavo ndabva hakuna munhu dzimba dzaanoziva muno ndepano nekwedu .Buda Rita ndine good news dzako .Wakasara uchitsvagwa ku office" Nekudawo good news ndakabuda ini ndikavhurira Kisha door riye.Akapinda akaramba kugara pasi hanzi ndozotsvagwa kumba . "I am happy for you bbe gal .Wapinda pa selection yevanhu vari kuenda kuNamibia kunomhanya hanzi ikoko anenge ahwina ari kudzoka nescholarship yekunodzidza kwaada munyika boarding school uchibhadharirwa.So grab this chance besty totaura mangwana ukasike kuzoenda kumba pamba pemukomana hapagarwi zvawakaita muno izvi ndaenda" Akabuda Kiki achitomhanya asi haana kana kuvanza kt akange abhoekana nekundiona kuma 6 pamba pemukomanana.Aive nemusikanzwa Kiki but zvekubatwa nemukomana aibva atomuramba izvo zvaizobva zvaita kt vanhu vati anowanza aisave nerelationship yailaster .Iniwo ndakasara ndikaramba ndakatarisa panzvimbo one .Kamunin'ina ka Richard ndiko kandakanzwira tsitsi kapihwa mbama isiri yezera rako.Kakange kati" ndaguta mukoma "Imi akatukwa mwana sekunonzi pane yaanga aparamura."Wadii kutaura ndagara ndisina kubika sadza racho nerako ndangokupa muriwo chete heee usandiitire dzungu mupfanha ndokudzokorora izvezvi soo imbwa" Ndakabva ndatoti rega ndimutsiure Richard ipapo ndichiti "Mwana uyu Richie ndozvinoita vana une sure kuti ungabva wapa mwana mbama yakadhindika kudai ,hona ave kubuda mututu ." Ndakadaro ndatoona sure wo mututu wave kudonhera muplate imomo. "Iwe iwe Rita iwe usauye kunditonga pano pamba pedu uyu mwana wababa wangu uyu .Usade kuonererwaka kana uchiziva kuti une mimba yangu you are not going kuNamibia ikoko kana kuriko kwave kukupa maguts ekundiudzira zvekuita.Change of plans we are no longer aborting the child zvara and ndikaona usisina mimba iyoyo ndiri kukusungisa." Ayizve akange atochinja futi ne two mins idzodzo su . Ko aisatoda ndiende Namibia kwacho . Yes ndiyo yakange yave love life yangu na Richard uya .Two minutes bhoo two minutes kutukwa.Ndakaona kt mwana akange abatanidzirwa mucrossfire yangu yekuenda Namibia pada kurwadziwa nescholarship handichaziviwoba. Ndakatora bamnini wangu ruoko ndikabuda navo panze kuenda kutap ndakasvika ndichivagezesa musoro nepamhino ipapo.Kakashinyira pandakada kupukuta rimwe side redama ndikati "sorry bamnini pari kurwadza here" kakatangidzazve kuyeredza musodzi kachitaura "Pari kurwadza side rese nezuro vakandirova futi padama irori zino rangu riri kutenheka apa wave kundidzokorora futi dama rimwechete iroro.Ndikaudza mama pavanouya ndosara ndichizvamburwa worse vachibatsirana namukoma Raymond." ndakanzwa kutya ndichifunga kt ichokwadi here ichi ndakamubvunzazve kuti Ray aivewo nehutsinye sehwa Richard here .Akabva apindura achiti "Vese vane hutsinye ndanzwa muchinzi mune nhumbu yake ,kana zvichiita musauye zvenyu ndakambogara futi nemumwe akauya pano aita mimba yake Richard akazobva ega mimba yasvotoka nekurohwa Saka kana muchida mwana wenyu musauye zvenyu pano or bvisai nhumbu muende kuNamibia musiyane naye munhu uyu." Ndakatura mafemo guys ndichifunga kt vana ava vainge vakafanana pameso zvose nepazviito here.Izvi zvakandiomera mufunge ndakaitei ini kuzvipinza mumukanwa meshumba makadai. "Mune makore mangani bamnini "ndakabvunza Ivo ndokupindura kuti "ndine 10 vanondisiya ndega mukoma mazuva mazhinji .Ndinosiiwa ndakakiirwa door nekunze vasingavati pano .Rimwe day vakasvika ndaitira tsvina mubucket ndainge ndabatwa nemudumbu ndakarohwa kusvika ndakurutsa kuseni kwacho pavakauya . Kuchikoro ndivo vanopihwa fees yangu na mama asi vanoendesa half imwe vodya " Saka moti mwana and 10yrs ainyepa here.Ndaka feeler bad panhau yeschool fees cz l was one of those pple vaipihwa mari iyoyo.Ndakange ndatofunga zvakawanda ipapo .I was going to share naKisha nyaya yangu kwanhas l had to play along zvaaida zvachona . Takazovhundutswa nezivoice raRichard rakadaidzira richiti "Muchiri kuita zvekugezana mututu here ikoko don't taste my temper mandinzwaka ." Speed yatakarova kubva kutap kupinda mumba maiseka imi.Saka Richie chaasina kuda kt ndiende Namibia handitika . Mimba aisaida asiwo kt ndiende aisada zvakare. Husiku ihwohwo ndakaitwa sex yandisina kunzwisisa kt ndiyo iya here yataimboita mazuva ese Zvekuisa pant paside achindikwira ndaizvida asi day iri ndakanzwa kurwadziwa nekubhoekana nesex .Iye kuzodzokorodza kani hayas aitopenga chete Richie Kwakayedza tikaenda kuxul uniform ndakadzokorora ndisina kuiwacha .Ndaizoikumbira here sipo iye munhu anga atsamwa kudaro guys .Tichisvika paxul ndakazvuva Kiki ruoko kudzika kumatoilets ndichimuudza nyaya yangu.Akanditsamwira Kiki achiti ndaive careless why kana ndaida murume ndaizodirei kurara pasina protection.Akazondinzwisisa zvake akati "for now ita zvekuenda kuNamibia zvenhumbu iyi tozofunga cz abortion haisi solution asi dai usina kumuudza kt une mimba waingotiza woenda kuresa naye .For now ita zvaari kuda zvacho tichitsvaga way out." "Don't try anything stupid nemimba yangu you two whores ." voice rake rakaita kt tuweti tuti tsvoti mupant umu .Kiki aisatombotya zvake akatopindura achibhidhaira kufamba kudzoka kuclass .Akati "Ndiwe wakaitakura here Richard siyana nesu " Ndichisvika muclass ndakaona patable pangu paine kanote kaivepo kainge kakanyorwa mukati kuti "hushamwari naKisha ngahupere kana mimba iri yangu " Apa handwriting yaisave yake ummm panenge pane basa hombe pamunhu uyu .Kiki wacho ndakamuudza akati those were only threaths siyana naye and l didn't reply.Ndakazodanwazve kuoffice ndichiudzwa nhau dze Namibia.Handina kunyatsofara cz ndaityaka nyaya dzangu naRichard Mangwana taifanira kuenda kunotora mapassports kuharare . Richard ndakamunyorera kanote ndichimuudza zvekunotora passport akapindura ka1 kuti "choose btwn me and a passport." Stay tuned
❤️ 👍 😂 🙏 😮 😢 35

Comments